1Zvino kwakanga kuno murume waBhenjamini, wainzi Kishi, mwanakomana waAbhieri, mwanakomana waZerori, mwanakomana waBhekorati, mwanakomana waAfia, mwanakomana womuBhenjamini, munhu waiva nesimba noumhare.
1Y HABIA un varón de Benjamín, hombre valeroso, el cual se llamaba Cis, hijo de Abiel, hijo de Seor, hijo de Bechôra, hijo de Aphia, hijo de un hombre de Benjamín.
2Uyu munhu wakange ano mwanakomana wainzi Sauro, jaya rakanaka; kwakanga kusino mumwe munhu pakati pavana vaIsiraeri wakange akamukunda pakunaka; kubva pamafudzi ake kusvika kumusoro wake wakange akapfuura vanhu vose pakureba.
2Y tenía él un hijo que se llamaba Saúl, mancebo y hermoso, que entre los hijos de Israel no había otro más hermoso que él; del hombro arriba sobrepujaba á cualquiera del pueblo.
3Zvino mbongoro dzaKishi, baba vaSauro, dzakanga dzarashika. Ipapo Kishi akati kuna Sauro, mwanakomana wake, Enda nomumwe wavaranda, mundotsvaka mbongoro.
3Y habíanse perdido las asnas de Cis, padre de Saúl; por lo que dijo Cis á Saúl su hijo: Toma ahora contigo alguno de los criados, y levántate, y ve á buscar las asnas.
4Iye akapfuura nokunyika yamakomo yaEfuremu, akapfuurawo nokunyika yamakomo yeSharisha, asi havana kudziwana; zvino vakapfuurazve nokunyika yeSharimi, asi naipapo dzakanga dzisipo; ipapo akapfuura nokunyika yavaBhenjamini, asi havana kudziwana.
4Y él pasó al monte de Ephraim, y de allí á la tierra de Salisa, y no las hallaron. Pasaron luego por la tierra de Saalim, y tampoco. Después pasaron por la tierra de Benjamín, y no las encontraron.
5Zvino vakati vachisvika kunyika yeZufi, Sauro akati kumuranda wake, wakange anaye, Ngatidzoke hedu; baba vangu zvimwe vangarega kufunga mbongoro, vakafunganya pamusoro pedu.
5Y cuando vinieron á la tierra de Suph, Saúl dijo á su criado que tenía consigo: Ven, volvámonos; porque quizá mi padre, dejado el cuidado de las asnas, estará congojado por nosotros.
6Iye akati kwaari, Tarirai, muguta rino muno munhu waMwari, munhu unokudzwa kwazvo; zvose zvaanotaura zvinoitika; hendei zvino ikoko, zvimwe ungatiudza nzira yatingafamba nayo.
6Y él le respondió: He aquí ahora hay en esta ciudad un hombre de Dios, que es varón insigne: todas las cosas que él dijere, sin duda vendrán. Vamos pues allá: quizá nos enseñará nuestro camino por donde hayamos de ir.
7Zvino Sauro akati kumuranda wake, Asi tarira, kana tikaenda, tichandovigirei munhu uyo? nekuti zvingwa zvakanga zviri mumidziyo yedu zvapera; hapana chipo chatingavigira munhu waMwari; tineiko?
7Y Saúl respondió á su criado: Vamos ahora: ¿mas qué llevaremos al varón? Porque el pan de nuestras alforjas se ha acabado, y no tenemos qué presentar al varón de Dios: ¿qué tenemos?
8Ipapo muranda akapindurazve, akati kuna Sauro, Tarirai, ndine chechina cheshekeri resirivha muruoko rwangu; ndichachipa munhu waMwari, atiudze nzira yedu.
8Entonces tornó el criado á responder á Saúl, diciendo: He aquí se halla en mi mano la cuarta parte de un siclo de plata: esto daré al varón de Dios, porque nos declare nuestro camino.
9(Kare pakati pavaIsiraeri kana munhu ondobvunza Mwari, waiti, Handei kuMuvoni; nekuti unonzi Muporofita zvino wainzi Muvoni kare.)
9(Antiguamente en Israel cualquiera que iba á consultar á Dios, decía así: Venid y vamos hasta el vidente: porque el que ahora se llama profeta, antiguamente era llamado vidente).
10Ipapo Sauro akati kumuranda wake, Ishoko rakanaka, hendei. Naizvozvo vakaenda kuguta kwakanga kuno munhu waMwari.
10Dijo entonces Saúl á su criado: Bien dices; ea pues, vamos. Y fueron á la ciudad donde estaba el varón de Dios.
11Zvino vakati vachikwira kuguta, vakasongana navasikana vakanga vabuda kundoteka mvura, vakati kwavari, Muvoni ari pano here?
11Y cuando subían por la cuesta de la ciudad, hallaron unas mozas que salían por agua, á las cuales dijeron: ¿Está en este lugar el vidente?
12Vakapindura, vakati, Aripo, tarirai, hoyo pamberi penyu; kurumidzai henyu zvino, nekuti wasvika muguta nhasi; nekuti vanhu vanobayira nhasi padunhu rakakwirira.
12Y ellas respondiéndoles, dijeron: Sí; helo aquí delante de ti: date pues priesa, porque hoy ha venido á la ciudad en atención á que el pueblo tiene hoy sacrificio en el alto.
13Kana mangoti mapinda muguta, muchamuwana pakarepo achigere kukwira kudunhu rakakwirira kundodyapo; nekuti vanhu havangadyi, iye asati asvika, nekuti ndiye unoropafadza chibayiro; pashure ivo vakakokwa vachadya. Naizvozvo chikwirai zvino, nekuti muchamuwana nenguva ino.
13Y cuando entrareis en la ciudad, le encontraréis luego, antes que suba al alto á comer; pues el pueblo no comerá hasta que él haya venido, por cuanto él haya de bendecir el sacrificio, y después comerán los convidados. Subid pues ahora, porque ahora le ha
14Ipapo vakakwira kuguta. Vakati vosvika muguta, vakaona Samueri obuda, akasangana navo okwira kudunhu rakakwirira.
14Ellos entonces subieron á la ciudad; y cuando en medio de la ciudad estuvieron, he aquí Samuel que delante de ellos salía para subir al alto.
15Zvino Jehovha wakange azivisa Samueri zuva rakatangira kusvika kwaSauro, akati,
15Y un día antes que Saúl viniese, Jehová había revelado al oído de Samuel, diciendo:
16Mangwana nenguva ino ndichatuma kwauri munhu unobva kunyika yaBhenjamini; unofanira kumuzodza, kuti ave mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri aponese vanhu vangu mumaoko avaFirisitia; nekuti ndakatarira vanhu vangu, nekuti kuchema kwavo kwakasvika kwandiri.
16Mañana á esta misma hora yo enviaré á ti un varón de la tierra de Benjamín, al cual ungirás por príncipe sobre mi pueblo Israel, y salvará mi pueblo de mano de los Filisteos: pues yo he mirado á mi pueblo, porque su clamor ha llegado hasta mí.
17Zvino Samueri wakati achiona Sauro; Jehovha akati kwaari, Ndiye munhu wandakakuudza ndichiti, ndiye uchabata vanhu vangu.
17Y luego que Samuel vió á Saúl, Jehová le dijo: He aquí éste es el varón del cual te hablé; éste señoreará á mi pueblo.
18Ipapo Sauro akaswedera kuna Samueri pasuwo, akati, Ndiudzeiwo kuti imba yoMuvoni iripi?
18Y llegando Saúl á Samuel en medio de la puerta, díjole: Ruégote que me enseñes dónde está la casa del vidente.
19Samueri akapindura Sauro, akati, Ndini Muvoni; nditungamirirei mukwire kudunhu rakakwirira, nekuti munofanira kudya neni nhasi; mangwana ndichakutendera kuenda, ndigokuudzawo zvose zviri pamoyo wako.
19Y Samuel respondió á Saúl, y dijo: Yo soy el vidente: sube delante de mí al alto, y comed hoy conmigo, y por la mañana te despacharé, y te descubriré todo lo que está en tu corazón.
20Asi kana dziri mbongoro dzako dzakanga dzarashika mazuva matatu, usadzifunga hako, nekuti dzatowanikwa hadzo. Asi zvose zvinodikamwa naIsiraeri hazvizi kwauri here? Hazvizi kwauri nokuna vose veimba yababa vako here?
20Y de las asnas que se te perdieron hoy ha tres días, pierde cuidado de ellas, porque se han hallado. Mas ¿por quién es todo el deseo de Israel, sino por ti y por toda la casa de tu padre?
21Sauro akapindura, akati, Ko handizi muBhenjamini, worudzi ruduku kumarudzi ose aIsiraeri here? Uye mhuri yangu haizi duku kumhuri dzose dzorudzi rwaBhenjamini here? Munotaurireiko kudaro kwandiri?
21Y Saúl respondió, y dijo: ¿No soy yo hijo de Benjamín, de las más pequeñas tribus de Israel? y mi familia ¿no es la más pequeña de todas las familias de la tribu de Benjamín? ¿por qué pues me has dicho cosa semejante?
22Samueri akatora Sauro nomuranda wake, akapinda navo mumba mokudyira, akavagarisa pavakakudzwa kupfuura vamwe vakakokwa, vaiva vanhu vanenge makumi matatu.
22Y trabando Samuel de Saúl y de su criado, metiólos en la sala, y dióles lugar á la cabecera de los convidados, que eran como unos treinta hombres.
23Zvino Samueri akati kumubiki, Uya nomugove wandakakupa ndichiti, Chiuchengeta uri woga.
23Y dijo Samuel al cocinero: Trae acá la porción que te dí, la cual te dije que guardases aparte.
24Mubiki akatora chidzva nezvose zvakanga zviri pachiri, akazvigadza pamberi paSauro. Samueri akati, Tarira, ndicho chakanga chakachengetwa; uzvigadze pamberi pako, udye, nekuti zvakakuchengeterwa iwe kusvikira nguva yakafanira, nekuti ndakati, Ndakokera vanhu. Naizvozvo Sauro akadya naSamueri musi iwoyo.
24Entonces alzó el cocinero una espaldilla, con lo que estaba sobre ella, y púsola delante de Saúl. Y Samuel dijo: He aquí lo que estaba reservado: ponlo delante de ti, y come; porque de industria se guardó para ti, cuando dije: Yo he convidado al pueblo. Y
25Zvino vakati vaburuka padunhu rakakwirira, vakapinda muguta, akataurirana naSauro padenga reimba.
25Y cuando hubieron descendido de lo alto á la ciudad, él habló con Saúl en el terrado.
26Vakamuka mangwanani, mambakwedza, Samueri akadana Sauro padenga reimba, akati, Muka, ndikuendise. Ipapo Sauro akamuka, vakabuda iye naSamueri vari vaviri.
26Y al otro día madrugaron: y como al apuntar del alba, Samuel llamó á Saúl, que estaba en el terrado; y dijo: Levántate, para que te despache. Levantóse luego Saúl, y salieron fuera ambos, él y Samuel.
27Zvino vakati voburuka pamugumo weguta, Samueri akati kuna Sauro, Raira muranda atungamire mberi kwedu (iye akatungamira hake); asi iwe chimbomira hako, ndikuzivise shoko raMwari.
27Y descendiendo ellos al cabo de la ciudad, dijo Samuel á Saúl: Di al mozo que vaya delante, (y adelantóse el mozo); mas espera tú un poco para que te declare palabra de Dios.