1Zvino tinokukumbirisai, hama, maererano nekuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, nekuvunganira kwedu pamwe kwaari,
1EMPERO os rogamos, hermanos, cuanto á la venida de nuestro Señor Jesucristo, y nuestro recogimiento á él,
2kuti murege kukurumidza kuzununguswa mufungwa, kana kuvhunduswa kana nemweya kana neshoko, kana netsamba ino seinobva kwatiri, sezvinonzi zuva raKristu ratosvika.
2Que no os mováis fácilmente de vuestro sentimiento, ni os conturbéis ni por espíritu, ni por palabra, ni por carta como nuestra, como que el día del Señor esté cerca.
3Ngakurege kuva nemunhu unokunyengerai nemutowo upi neupi; nekuti harisviki kana kuwa kusati kwatanga kusvika, uye kuti munhu wechivi aratidzwe, mwanakomana wekuparadzwa,
3No os engañe nadie en ninguna manera; porque no vendrá sin que venga antes la apostasía, y se manifieste el hombre de pecado, el hijo de perdición,
4unopikisa nekuzvikudza pamusoro pezvose zvinonzi Mwari, kana zvinoshumirwa; zvekuti iye saMwari unogara mutembere yaMwari, achizviratidza kuti ndiMwari.
4Oponiéndose, y levantándose contra todo lo que se llama Dios, ó que se adora; tanto que se asiente en el templo de Dios como Dios, haciéndose parecer Dios.
5Hamurangariri here kuti ndichiri nemwi ndakakuudzai zvinhu izvi?
5¿No os acordáis que cuando estaba todavía con vosotros, os decía esto?
6Asi zvino munoziva chinodzivisa kuti aratidzwe munguva yake.
6Y ahora vosotros sabéis lo que impide, para que á su tiempo se manifieste.
7Nekuti chakavanzika chekusava nemurairo chotoshanda, chete uyo unodzivisa ikozvino uchadaro kusvikira achibviswa panzira.
7Porque ya está obrando el misterio de iniquidad: solamente espera hasta que sea quitado de en medio el que ahora impide;
8Ipapo iye usina murairo ucharatidzwa, iye ishe waachauraya nemweya wemuromo wake, uye waachaparadza nekuonekwa kwekuuya kwake;
8Y entonces será manifestado aquel inicuo, al cual el Señor matará con el espíritu de su boca, y destruirá con el resplandor de su venida;
9iye kuuya kwake kwakaita sekuita kwaSatani nesimba rose nezviratidzo nezvinoshamisa zvenhema,
9A aquel inicuo, cuyo advenimiento es según operación de Satanás, con grande potencia, y señales, y milagros mentirosos,
10nekunyengera kose kwekusarurama muna avo vanoparara; nekuti havana kugamuchira rudo rwechokwadi kuti vaponeswe.
10Y con todo engaño de iniquidad en los que perecen; por cuanto no recibieron el amor de la verdad para ser salvos.
11Uye nekuda kwaizvozvi Mwari uchavatumira simba rekukanganisa, kuti vatende nhema;
11Por tanto, pues, les envía Dios operación de error, para que crean á la mentira;
12kuti vose varashwe vasina kutenda chokwadi, asi vakafara mukusarurama.
12Para que sean condenados todos los que no creyeron á la verdad, antes consintieron á la iniquidad.
13Asi isu tinosungirwa kupa kuvonga kuna Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama vadikamwa vaIshe, nekuti Mwari kubva pakutanga wakakusarudzirai ruponeso kubudikidza nekuitwa vatsvene kweMweya nerutendo rwechokwadi.
13Mas nosotros debemos dar siempre gracias á Dios por vosotros, hermanos amados del Señor, de que Dios os haya escogido desde el principio para salud, por la santificación del Espíritu y fe de la verdad:
14Izvo zvaakakudanirai neEvhangei yedu, pakuwana kubwinya kwaIshe wedu Jesu Kristu.
14A lo cual os llamó por nuestro evangelio, para alcanzar la gloria de nuestro Señor Jesucristo.
15Naizvozvo, hama, mirai makasimba, mubatirire dzidziso yamakadzidziswa, kana neshoko kana netsamba yedu.
15Así que, hermanos, estad firmes, y retened la doctrina que habéis aprendido, sea por palabra, ó por carta nuestra.
16Zvino Ishe wedu Jesu Kristu omene, naMwari, kunyange Baba vedu vakatida, vakapa kuvaraidzwa kusingaperi netariro yakanaka kubudikidza nenyasha,
16Y el mismo Señor nuestro Jesucristo, y Dios y Padre nuestro, el cual nos amó, y nos dió consolación eterna, y buena esperanza por gracia,
17anyaradze moyo yenyu, nekukusimbisai pashoko roga roga rakanaka nepabasa.
17Consuele vuestros corazones, y os confirme en toda buena palabra y obra.