Shona

Spanish: Reina Valera (1909)

Ephesians

6

1Vana, teererai vabereki venyu muna Ishe; nekuti izvi zvakarurama.
1HIJOS, obedeced en el Señor á vuestros padres; porque esto es justo.
2Kudza baba vako namai, unova murairo wekutanga une chivimbiso,
2Honra á tu padre y á tu madre, que es el primer mandamiento con promesa,
3kuti zvikunakire, uye urarame nguva refu panyika.
3Para que te vaya bien, y seas de larga vida sobre la tierra.
4nemwi madzibaba, musatsamwisa vana venyu; asi varerei pakuranga nekutsiura kwaIshe.
4Y vosotros, padres, no provoquéis á ira á vuestros hijos; sino fhhijos; sino fh amonestación del Señor.
5Varanda, teererai avo vari vatenzi panyama, nekutya nekudedera, nemoyo wakarurama sekuna Kristu;
5Siervos, obedeced á vuestros amos según la carne con temor y temblor, con sencillez de vuestro corazón, como á Cristo;
6kwete nekushandira maziso, sevafadzi vevanhu, asi sevaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari kubva pamoyo;
6No sirviendo al ojo, como los que agradan á los hombres; sino como siervos de Cristo, haciendo de ánimo la voluntad de Dios;
7muchibata nechido chakanaka sekuna Ishe uye kwete kuvanhu;
7Sirviendo con buena voluntad, como al Señor, y no á los hombres;
8muchiziva kuti chinhu chipi nechipi chakanaka chinoitwa nemunhu umwe neumwe, uchachipiwa zvakadaro naIshe, kana wakasungwa kana wakasununguka.
8Sabiendo que el bien que cada uno hiciere, esto recibirá del Señor, sea siervo ó sea libre.
9nemwi madzishe, itai zvinhu zvimwezvo kwavari, muchirega kuvhundudzira muchiziva kuti Ishe wenyuwo uri kumatenga; uye kwaari hakurangarirwi zvinoonekwa zvevanhu.
9Y vosotros, amos, haced á ellos lo mismo, dejando las amenazas: sabiendo que el Señor de ellos y vuestro está en los cielos, y que no hay acepción de personas con él.
10Pakupedzisira hama dzangu, simbai muna Ishe, nemusimba reukuru hwake.
10Por lo demás, hermanos míos, confortaos en el Señor, y en la potencia de su fortaleza.
11Shongai zvombo zvose zvaMwari, kuti mugone kumirisana nemano adhiabhorosi.
11Vestíos de toda la armadura de Dios, para que podáis estar firmes contra las asechanzas del diablo.
12Nekuti hatirwisani nenyama neropa, asi neutongi, nemasimba, nemadzishe erima enyika ino, nemweya yetsvina yematenga.
12Porque no tenemos lucha contra sangre y carne; sino contra principados, contra potestades, contra señores del mundo, gobernadores de estas tinieblas, contra malicias espirituales en los aires.
13Saka torai zvombo zvose zvaMwari kuti mugone kuramba mumire pazuva rakaipa, maita zvose, mumire.
13Por tanto, tomad toda la armadura de Dios, para que podáis resistir en el día malo, y estar firmes, habiendo acabado todo.
14Naizvozvo mirai zvivuno zvenyu zvakasungwa nechokwadi, makapfeka chidzitiro chechifuva chekururama,
14Estad pues firmes, ceñidos vuestros lomos de verdad, y vestidos de la cota de justicia.
15uye tsoka dzenyu dzakasungwa nekugadzirira kweevhangeri yerugare;
15Y calzados los pies con el apresto del evangelio de paz;
16pamusoro pezvose matora nhovo yerutendo, yamungagona kudzima nayo miseve yose inopfuta yewakaipa.
16Sobre todo, tomando el escudo de la fe, con que podáis apagar todos los dardos de fuego del maligno.
17Torai ngowani yeruponeso, nemunondo weMweya, unova Shoko raMwari;
17Y tomad el yelmo de salud, y la espada del Espíritu; que es la palabra de Dios;
18munyengetere nguva dzose nemunyengetero wose nemukumbiro muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nokutsungirira kose nekukumbirira vatsvene vose.
18Orando en todo tiempo con toda deprecación y súplica en el Espíritu, y velando en ello con toda instancia y suplicación por todos los santos,
19uye kana ndiri ini, kuti shoko ripiwe kwandiri pakushamisa muromo wangu neushingi ndidudzire zvakavanzika zveevhangeri,
19Y por mí, para que me sea dada palabra en el abrir de mi boca con confianza, para hacer notorio el misterio del evangelio,
20yandiri nhume yayo mumaketani; kuti mairi nditaure ndisingatyi, sezvandinofanira kutaura.
20Por el cual soy embajador en cadenas; que resueltamente hable de él, como debo hablar.
21Asi kuti imwi muzivewo zvakanangana neni, kuti ndinoitei, Tikiko hama inodikamwa, nemushumiri wakatendeka muna Ishe, uchakuzivisai zvinhu zvose;
21Mas para que también vosotros sepáis mis negocios, y cómo lo paso, todo os lo hará saber Tichîco, hermano amado y fiel ministro en el Señor:
22wandakamutuma kwamuri neshoko irori, kuti muzive zvakanangana nesu, uye anyaradze moyo yenyu.
22Al cual os he enviado para esto mismo, para que entendáis lo tocante á nosotros, y que consuele vuestros corazones.
23Rugare kuhama, nerudo pamwe nerutendo zvinobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu.
23Paz sea á los hermanos y amor con fe, de Dios Padre y del Señor Jesucristo.
24Nyasha ngadzive nevose vanoda Ishe wedu Jesu Kristu nekusingaperi. Ameni.
24Gracia sea con todos los que aman á nuestro Señor Jesucristo en sinceridad. Amén.