1Zvino Bhezareri akaita areka yamatanda omuakasia; kureba kwayo kwaiva makubhiti maviri nehafu, noupamhi hwayo kubhiti rimwe nehafu, nokukwirira kwayo kubhiti rimwe nehafu,
1HIZO también Bezaleel el arca de madera de Sittim: su longitud era de dos codos y medio, y de codo y medio su anchura, y su altura de otro codo y medio:
2akaifukidza nendarama yakaisvonaka nechomukati nechokunze, akaita pamusoro payo hata yendarama yakaipoteredza.
2Y cubrióla de oro puro por de dentro y por de fuera, é hízole una cornisa de oro en derredor.
3Akaiumbira zvindori zvina zvendarama, akazviisa pamakumbo ayo mana; zvindori zviviri zvaiva parutivi rumwe, nezvindori zviviri panorumwe rutivizve.
3Hízole además de fundición cuatro anillos de oro á sus cuatro esquinas; en el un lado dos anillos y en el otro lado dos anillos.
4Akaveza matanda omuakasia, akaafukidza nendarama,
4Hizo también las varas de madera de Sittim, y cubriólas de oro.
5akapinza matanda iwayo muzvindori zvaiva panhivi dzeareka, kuti areka itakurwe nawo.
5Y metió las varas por los anillos á los lados del arca, para llevar el arca.
6Akaitawo chifunhiro chokuyananisa nendarama yakaisvonaka; kureba kwacho kwaiva makubhiti maviri nehafu, noupamhi hwacho kubhiti rimwe nehafu;
6Hizo asimismo la cubierta de oro puro: su longitud de dos codos y medio, y su anchura de codo y medio.
7akaita makerubhi maviri endarama, akaaita nendarama yakapambadzirwa pamiromo miviri yechifunhiro chokuyananisa,
7Hizo también los dos querubines de oro, hízolos labrados á martillo, á los dos cabos de la cubierta:
8kerubhi rimwe pamuromo mumwe, nerimwe kerubhi panomumwe muromo; akaita makerubhi pamiromo yacho miviri, zvikava chinhu chimwe chete nechifunhiro chokuyananisa.
8El un querubín de esta parte al un cabo, y el otro querubín de la otra parte al otro cabo de la cubierta: hizo los querubines á sus dos cabos.
9Makerubhi akanga akatambanudzira mapapiro awo kumusoro, akafukidza chifunhiro chokuyananisa namapapiro awo, zviso zvawo zvakatarisana; zviso zvamakerubhi zvakanga zvakatarira chifunhiro chokuyananisa.
9Y los querubines extendían sus alas por encima, cubriendo con sus alas la cubierta: y sus rostros el uno enfrente del otro, hacia la cubierta los rostros de los querubines.
10Akaitawo tafura yamatanda omuakasia; kureba kwayo kwaiva makubhiti maviri, noupamhi hwayo kubhiti rimwe, nokukwirira kwayo kubhiti rimwe nehafu.
10Hizo también la mesa de madera de Sittim; su longitud de dos codos, y su anchura de un codo, y de codo y medio su altura;
11Akaifukidza nendarama yakaisvonaka, akaiitirawo hata yendarama yakanga ichiipoteredza;
11Y cubrióla de oro puro, é hízole una cornisa de oro en derredor.
12akaiitirawo ukomba hwakanga huchiipoteredza, upamhi hwahwo sechanza; akaiitirawo hata yendarama yaipoteredza ukomba hwayo.
12Hízole también una moldura alrededor, del ancho de una mano, á la cual moldura hizo la cornisa de oro en circunferencia.
13Akaiitira zvindori zvina zvendarama, akaisa zvindori pamakona mana aiva pamakumbo ayo mana.
13Hízole asimismo de fundición cuatro anillos de oro, y púsolos á las cuatro esquinas que correspondían á los cuatro pies de ella.
14Zvindori zvaiva pedo noukomba, paiva pokutakura tafura napo namatanda.
14Delante de la moldura estaban los anillos, por los cuales se metiesen las varas para llevar la mesa.
15Akaita matanda omuakasia, akaafukidza nendarama, kuti tafura itakurwe nawo.
15E hizo las varas de madera de Sittim para llevar la mesa, y cubriólas de oro.
16Akaitawo midziyo yaigara pamusoro petafura, ndiro dzayo, nembiya dzayo, nemikombe yayo, nezvirongo zvayo zvokudira nazvo, zvose zvendarama yakaisvonaka.
16También hizo los vasos que habían de estar sobre la mesa, sus platos, y sus cucharas, y sus cubiertos y sus tazones con que se había de libar, de oro fino.
17Akaitawo chigadziko chemwenje chendarama yakaisvonaka; akaita chigadziko nendarama yakapambadzirwa, chigadziko chacho, nehunde yacho, notumbiya twacho, namafundo acho, namaruva acho; zvose zvikava chinhu chimwe chete nacho;
17Hizo asimismo el candelero de oro puro, é hízolo labrado á martillo: su pie y su caña, sus copas, sus manzanas y sus flores eran de lo mismo.
18kumativi acho kukabuda matavi matanhatu, matavi matatu echigadziko kuno rumwe rutivi rwacho, namatavi matatu echigadziko kuno rumwe rutivi rwacho.
18De sus lados salían seis brazos; tres brazos del un lado del candelero, y otros tres brazos del otro lado del candelero:
19Tumbiya tutatu twakaumbwa samaruva omuamanda padavi rimwe, nefundo neruva, notumbiya tutatuzve twakaumbwa samaruva omuamanda pane rimwe davi, nefundo neruva; saizvozvo matavi matanhatu akabuda pachigadziko.
19En el un brazo, tres copas figura de almendras, una manzana y una flor; y en el otro brazo tres copas figura de almendras, una manzana y una flor: y así en los seis brazos que salían del candelero.
20Uye pachigadziko pakanga panotumbiya tuna twakanga twakaumbwa samaruva omuamanda, namafundo atwo, namaruva atwo;
20Y en el candelero había cuatro copas figura de almendras, sus manzanas y sus flores:
21nefundo panyasi pamatavi maviri akanga akaumbwa pamwechete nacho; nefundozve panyasi pamatavi maviri akaumbwa pamwechete nacho, akafanana namatavi matanhatu akabuda pachigadziko.
21Y una manzana debajo de los dos brazos de lo mismo, y otra manzana debajo de los otros dos brazos de lo mismo, y otra manzana debajo de los otros dos brazos de lo mismo, conforme á los seis brazos que salían de él.
22Mafundo azvo namatavi akanga akaumbwa pamwechete nazvo, zvose zvikava chinhu chimwe chakanga chakumbwa nendarama yakaisvonaka, yakapambadzirwa.
22Sus manzanas y sus brazos eran de lo mismo; todo era una pieza labrada á martillo, de oro puro.
23Akaita mwenje yacho minomwe, nembato dzacho, nendiro dzacho, zvose nendarama yakaisvonaka.
23Hizo asimismo sus siete candilejas, y sus despabiladeras, y sus platillos, de oro puro;
24Akachiumba netarenda rendarama yakaisvonaka, pamwechete nemidziyo yayo yose.
24De un talento de oro puro lo hizo, con todos sus vasos.
25Akaitawo aritari yezvinonhuhwira nomuakasia; kureba kwayo kwakanga kuri kubhiti rimwe, noupamhi hwayo kubhiti rimwezve; nhivi dzose ina dzakanga dzakaenzana; kukwirira kwayo kwaiva makubhiti maviri, nenyanga dzayo dzakanga dziri chinhu chimwe chete nayo.
25Hizo también el altar del perfume de madera de Sittim: un codo su longitud, y otro codo su anchura, era cuadrado; y su altura de dos codos; y sus cuernos de la misma pieza.
26Akaifukidza nendarama yakaisvonaka, kumusoro kwayo, nenhivi dzayo dzose, nenyanga dzayo; akaiitirawo hata yendarama yakanga yakaipoteredza.
26Y cubriólo de oro puro, su mesa y sus paredes alrededor, y sus cuernos: é hízole una corona de oro alrededor.
27Akaiitirawo zvindori zviviri zvendarama pasi pehata yayo, pakona dzayo mbiri panhivi dzayo mbiri, pakava pokuitakura napo namatanda.
27Hízole también dos anillos de oro debajo de la corona en las dos esquinas á los dos lados, para pasar por ellos las varas con que había de ser conducido.
28Akaitawo matanda omuakasia, akaafukidza nendarama.
28E hizo las varas de madera de Sittim, y cubriólas de oro.
29Akaitawo mafuta matsvene okuzodza nawo, nezvinonhuhwira zvakaisvonaka zvemiti inonaka, zvikava zvakavhenganiswa nouchenjeri hwomuvhenganisi wezvinonhuhwira.
29Hizo asimismo el aceite santo de la unción, y el fino perfume aromático, de obra de perfumador.