1Zvino Sarai mukadzi waAbhuramu, waiva asingamuberekeri vana; uye waiva nemurandakadzi, muEgipita, zita rake riri Hagari.
1Y SARAI, mujer de Abram no le paría: y ella tenía una sierva egipcia, que se llamaba Agar.
2Sarai ndokuti kuna Abhuramu: Tarira zvino, Jehovha wakandikonesa pakubereka, pinda hako kumurandakadzi wangu, zvimwe ndingawana vana naye. Abhuramu ndokuteerera shoko raSarai.
2Dijo, pues, Sarai á Abram: Ya ves que Jehová me ha hecho estéril: ruégote que entres á mi sierva; quizá tendré hijos de ella. Y atendió Abram al dicho de Sarai.
3Zvino Sarai mukadzi waAbhuramu wakatora Hagari muEgipita murandakadzi wake, pakupera kwemakore gumi Abhuramu agere panyika yeKanani, ndokumupa kuna Abhuramu murume wake kuti ave mukadzi wake.
3Y Sarai, mujer de Abram, tomó á Agar su sierva egipcia, al cabo de diez años que había habitado Abram en la tierra de Canaán, y dióla á Abram su marido por mujer.
4Zvino wakapinda kuna Hagari, iye ndokutora mimba. Zvino wakati aona kuti wava nemimba, vatenzikadzi vake vakashoreka pameso ake.
4Y él cohabitó con Agar, la cual concibió: y cuando vió que había concebido, miraba con desprecio á su señora.
5Zvino Sarai wakati kuna Abhuramu: Kukanganiswa kwangu kuri pamusoro pako. Ndini ndakapa murandakadzi wangu pachipfuva chako, zvino paakaona kuti wava nemimba, ndinoshoreka pameso ake. Jehovha ngaatonge pakati pangu newe.
5Entonces Sarai dijo á Abram: Mi afrenta sea sobre ti: yo puse mi sierva en tu seno, y viéndose embarazada, me mira con desprecio; juzgue Jehová entre mí y ti.
6Asi Abhuramu wakati kuna Sarai: Tarira, murandakadzi wako uri paruoko rwako. Muitire zvakanaka pameso ako. Zvino Sarai wakamuomesera, akatiza pachiso chake.
6Y respondió Abram á Sarai: He ahí tu sierva en tu mano, haz con ella lo que bien te pareciere. Y como Sarai la afligiese, huyóse de su presencia.
7Mutumwa waJehovha akamuwana pachitubu chemvura murenje, pachutubu chiri panzira inoenda kuShuri.
7Y hallóla el ángel de Jehová junto á una fuente de agua en el desierto, junto á la fuente que está en el camino del Sur.
8Zvino wakati: Hagari, murandakadzi waSarai, unobvepi, uye unoendepi? Iye ndokuti: Ndinotiza pachiso chaSarai vatenzikadzi vangu.
8Y le dijo: Agar, sierva de Sarai, ¿de dónde vienes tú, y á dónde vas? Y ella respondió: Huyo de delante de Sarai, mi señora.
9Mutumwa waJehovha ndokuti kwaari: Dzokera kuna vatenzikadzi vako, ugozvininipisa pasi pemaoko avo.
9Y díjole el ángel de Jehová: Vuélvete á tu señora, y ponte sumisa bajo de su mano.
10Mutumwa waJehovha ndokuti kwaari: Ndichawanza zvikuru mbeu yako kuti isaverengwa nekuwanda.
10Díjole también el ángel de Jehová: Multiplicaré tanto tu linaje, que no será contado á causa de la muchedumbre.
11Mutumwa waJehovha akatiwo kwaari: Tarira, une mimba, uye uchabereka mwanakomana, ugotumidza zita rake kuti Ishimaeri, nekuti Jehovha wanzwa kutambudzika kwako.
11Díjole aún el ángel de Jehová: He aquí que has concebido, y parirás un hijo, y llamarás su nombre Ismael, porque oído ha Jehová tu aflicción.
12Iye uchava mbizi yemunhu, ruoko rwake rwucharwisa munhu wose, neruoko rwemunhu wose rwuchamurwisa; uye uchagara pamberi pechiso chehama dzake dzose.
12Y él será hombre fiero; su mano contra todos, y las manos de todos contra él, y delante de todos sus hermanos habitará.
13Zvino akatumidza zita raJehovha wakataurirana naye kuti: Imwi Mwari wekuona. Nekuti wakati: Pano neni ndamutarisa here iye unondiona?
13Entonces llamó el nombre de Jehová que con ella hablaba: Tú eres el Dios de la vista; porque dijo: ¿No he visto también aquí al que me ve?
14Naizvozvo chitubu chakanzi Bheeriahiroi; tarira, chiri pakati peKadheshi neBheredhi.
14Por lo cual llamó al pozo, Pozo del Viviente que me ve. He aquí está entre Cades y Bered.
15Hagari ndokuberekera Abhuramu mwanakomana; Abhuramu ndokutumidza zita remwanakomana wake, Hagari waakabereka kuti: Ishimaeri.
15Y parió Agar á Abram un hijo y llamó Abram el nombre de su hijo que le parió Agar, Ismael.
16Abhuramu waiva nemakore makumi masere nematanhatu, Hagari paakaberekera Abhuramu Ishimaeri.
16Y era Abram de edad de ochenta y seis años, cuando parió Agar á Ismael.