Shona

Spanish: Reina Valera (1909)

Isaiah

28

1Korona, inozvikudza, yavakabatwa vokwaEfuremu, ine nhamo, uye ruva, rinooma, rokunaka kwake kukuru, riri pamusoro womupata wakaworera wavakakundwa newaini.
1AY de la corona de soberbia, de los ebrios de Ephraim, y de la flor caduca de la hermosura de su gloria, que está sobre la cabeza del valle fértil de los aturdidos del vino!
2Tarirai, Ishe anomumwe anesimba anokurira; achawisira pasi noruoko rwake sedutu guru rine chimvuramabwe, sedutu rinoparadza, sokunaya kwemvura zhinji inokukura kose.
2He aquí Jehová tiene un fuerte y poderoso: como turbión de granizo y como torbellino trastornador; como ímpetu de recias aguas que inundan, con fuerza derriba á tierra.
3Korona inozvikudza yavakabatwa vokwaEfuremu ichatsikwa pasi netsoka;
3Con los pies será hollada la corona de soberbia de los borrachos de Ephraim;
4ruva, rinooma, rokunaka kwake kukuru, riri pamusoro womupata wakaworera richava sewonde rinotanga kuibva zhizha richigere kusvika; rinoti richatarirwa nowariona, ndokuridya richiri muruoko rwake.
4Y será la flor caduca de la hermosura de su gloria que está sobre la cabeza del valle fértil, como la fruta temprana, la primera del verano, la cual, en viéndola el que la mira, se la traga tan luego como la tiene á mano.
5Nezuva iro Jehovha wehondo achava korona inobwinya noukomba hwakaisvonaka kuna vakasara vavanhu vake;
5En aquel día Jehová de los ejércitos será por corona de gloria y diadema de hermosura á las reliquias de su pueblo;
6nomweya wokururamisa kunowagere pakutonga, nesimba kuna vanodzosera vanorwa pasuwo.
6Y por espíritu de juicio al que se sentare en juicio, y por fortaleza á los que harán tornar la batalla hasta la puerta.
7Asi naivo vanodzungunyika newaini, vanodzedzereka nezvinobata; mupristi nomuporofita vanodzungunyika nezvinobata, vakamedzwa newaini, vanodzedzereka nezvinobata; vanokanganiswa pakuona, vanogumburwa pakutonga.
7Mas también éstos erraron con el vino; y con la sidra se entontecieron; el sacerdote y el profeta erraron con la sidra, fueron trastornados del vino, aturdiéronse con la sidra, erraron en la visión, tropezaron en el juicio.
8nekuti matafura avo azere namarutsi anosemesa, hapana pakanaka.
8Porque todas las mesas están llenas de vómito y suciedad, hasta no haber lugar limpio.
9Ndianiko waachadzidzisa ruzivo? Ndianiko waachadzidzisa kunzwisisa shoko? Ivo vakarumurwa pamukaka, vakabviswa pazamu here?
9¿A quién se enseñará ciencia, ó á quién se hará entender doctrina? ¿A los quitados de la leche? ¿á los arrancados de los pechos?
10nekuti zvinongoti chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, murayiro pamusoro pomurayiro, murayiro pamusoro pomurayiro, apa zvishoma, napapo zvishoma.
10Porque mandamiento tras mandamiento, mandato sobre mandato, renglón tras renglón, línea sobre línea, un poquito allí, otro poquito allá:
11Zvirokwazvo achataura norudzi urwu navanhu vane miromo yorumwe rudzi, norurimi rwokumwe;
11Porque en lengua de tartamudos, y en extraña lengua hablará á este pueblo,
12akati kwavari, Zororo riri pano, zorodzai vakaneta; pano ndipo panokutonhorera; asi vakaramba kuteerera.
12A los cuales él dijo: Este es el reposo: dad reposo al cansado; y éste es el refrigerio: mas no quisieron oir.
13Saka shoko raJehovha richava kwavari, chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, murayiro pamusoro pomurayiro, murayiro pamusoro pomurayiro, apa napapo zvishoma; kuti vaende, vawe nenhendashure, vavhunike, vabatwe nomusungo, vatapwe.
13La palabra pues de Jehová les será mandamiento tras mandamiento, mandato sobre mandato, renglón tras renglón, línea sobre línea, un poquito allí, otro poquito allá; que vayan y caigan de espaldas, y sean quebrantados, y enlazados, y presos.
14Naizvozvo inzwai shoko raJehovha, imwi vadadi, vanobata noushe vanhu ava vari paJerusaremu,
14Por tanto, varones burladores, que estáis enseñoreados sobre este pueblo que está en Jerusalem, oid la palabra de Jehová.
15imwi zvamakati, Takaita sungano norufu, takatenderana neSheori, kana shamhu, inokukura, ichipfuura, haingasviki kwatiri, nekuti nhema takadziita utiziro bwedu, takandovanda pasi pokunyengetera;
15Porque habéis dicho: Concierto tenemos hecho con la muerte, é hicimos acuerdo con la sepultura; cuando pasare el turbión del azote, no llegará á nosotros, pues que hemos puesto nuestra acogida en la mentira, y en la falsedad nos esconderemos:
16naizvozvo Ishe Jehovha anoti, Tarirai, ndinoisa paZiyoni ibwe rive nheyo, riri ibwe rakaedzwa, rinokosha rekona kuita nheyo yakasimba; anotenda haakurumidzi.
16Por tanto, el Señor Jehová dice así: He aquí que yo fundo en Sión una piedra, piedra de fortaleza, de esquina, de precio, de cimiento estable: el que creyere, no se apresure.
17Kururamisira ndichakuita rwonzi, nokururama ndichakuita chokururamisa nacho; chimvuramabwe chichakukura utiziro bwenhema, mvura ichafukidza nzvimbo yokuvanda.
17Y ajustaré el juicio á cordel, y á nivel la justicia; y granizo barrerá la acogida de la mentira, y aguas arrollarán el escondrijo.
18Sungano yenyu yamakaita norufu ichadzimwa, nokutenderana kwenyu neSheori hakungamiri; kana shamhu, inokukura, ichipfuura, muchatsikwa pasi nayo.
18Y será anulado vuestro concierto con la muerte, y vuestro acuerdo con el sepulcro no será firme: cuando pasare el turbión del azote, seréis de él hollados.
19Nguva imwe neimwe kana ichipfuura, ichakutorai; nekuti masikati nousiku, mangwanani namangwanani, ichapfuura, kuchangonotyisachetekunzwisisa mharidzo yakadaro.
19Luego que comenzare á pasar, él os arrebatará; porque de mañana de mañana pasará, de día y de noche; y será que el espanto solamente haga entender lo oído.
20nekuti mubhedha uchava mupfupi, munhu haangagoni kutandavara pamusoro pawo, nejira richava duku, munhu haangagoni kuzvifukidza naro.
20Porque la cama es tan angosta que no basta, y la cubierta estrecha para recoger.
21nekuti Jehovha achasimuka sezvaakaita pagomo rePerazimi, achatsamwa sezvaakaita pamupata weGibhiyoni; kuti abate basa rake, iro basa rake rinoshamisa, nokuita izvo zvaanoita, zvinoshamisa.
21Porque Jehová se levantará como en el monte Perasim, como en el valle de Gabaón se enojará; para hacer su obra, su extraña obra, y para hacer su operación, su extraña operación.
22Naizvozvo regai kuva vadadi, kuti zvisungo zvenyu zvirege kusimbiswa; nekuti ndakanzwa kuna Ishe Jehovha wehondo kuti nyika yose yakatemerwa kuparadzwa.
22Ahora pues, no os burléis, porque no se aprieten más vuestras ataduras: porque consumación y acabamiento sobre toda la tierra he oído del Señor Jehová de los ejércitos.
23Rerekai nzeve dzenyu, munzwe inzwi rangu; teererai, munzwe kutaura kwangu.
23Estad atentos, y oid mi voz; estad atentos, y oid mi dicho.
24Ko murimi, anoda kudzvara, unoswera achirima here? Anoswera achiparura munda nokuputsa mavhinga here?
24El que ara para sembrar, ¿arará todo el día; romperá y quebrará los terrones de la tierra?
25Kana achinge aenzanisa ivhu rawo, haakushi kumini nhema here, nokudzvara kumini, nokuisa gorosi mumisara, nebhari pandima dzakatarwa, nesipereti kunhivi dzawo here?
25Después que hubiere igualado su superficie, ¿no derramará la neguilla, sembrará el comino, pondrá el trigo por su orden, y la cebada en su señal, y la avena en su término?
26nekuti Mwari wake anomuzivisa zvakanaka nokumudzidzisa.
26Porque su Dios le instruye, y le enseña á juicio.
27nekuti kumini nhema haipurwi nomupuro unopinza, negumbo rengoro harikunguruswi pamusoro pekumini; asi kumini nhema inopurwa netsvimbo, nekumini neshamhu.
27Que la neguilla no se trillará con trillo, ni sobre el comino rodará rueda de carreta; sino que con un palo se sacude la neguilla, y el comino con una vara.
28Zviyo zvechingwa zvinokuyiwa, haangarambi achizvipura; kunyange gumbo rengoro yake namabhiza ake zvichizviparadzira, haangazvikuyi.
28El pan se trilla; mas no siempre lo trillará, ni lo comprimirá con la rueda de su carreta, ni lo quebrantará con los dientes de su trillo.
29Naizvozvi zvinobva kuna Jehovha wehondo, anoshamisa nezvaanofunga, mukuru kwazvo pakubata kwake.
29También esto salió de Jehová de los ejércitos, para hacer maravilloso el consejo y engrandecer la sabiduría.