1Vane nhamo vanoburukira Egipita kundotsvaka kubatsirwa, vanotenda mabhiza, vanovimba nengoro dzokurwa nekuti izhinji, uye navatasvi vamabhiza nekuti vane simba kwazvo, asi havatariri kuno Mutsvene waIsiraeri, kana kutsvaka Jehovha.
1AY de los que descienden á Egipto por ayuda, y confían en caballos; y su esperanza ponen en carros, porque son muchos, y en caballeros, porque son valientes; y no miraron al Santo de Israel, ni buscaron á Jehová!
2Kunyange zvakadaro naiye akachenjera, achauyisa nhamo, haangadzosi mashoko ake, asi achamukira imba yavanoita zvakaipa, navanobatsirana navanoita zvakaipa.
2Mas él también es sabio, y traerá el mal, y no retirará sus palabras. Levantaráse pues contra la casa de los malignos, y contra el auxilio de los obradores de iniquidad.
3Zvino vaEgipita vanhu, havazi Mwari, namabhiza avo inyama, haazi mweya; zvino kana Jehovha achitambanudza ruoko rwake, anobatsira achagumburwa nowanobatsirwa achawira pasi, vose vachapera pamwechete.
3Y los Egipcios hombres son, y no Dios; y sus caballos carne, y no espíritu: de manera que en extendiendo Jehová su mano, caerá el ayudador, y caerá el ayudado, y todos ellos desfallecerán á una.
4nekuti zvanzi naJehovha kwandiri, Zvakaita seshumba nomwana weshumba zvinoombera chayabata; kunyange vafudzi vazhinji vakakokerwa kuzorwa nayo, haingavhunduswi namanzwi avo. haingavi nehanya nokupopota kwavo; saizvozvo Jehovha wehondo achaburukira pamusoro pegomo reZiyoni napamusoro pechikomo charo kuzorwa navo.
4Porque Jehová me dijo á mí de esta manera: Como el león y el cachorro del león brama sobre su presa, y si se llega contra él cuadrilla de pastores, no temerá por sus voces, ni se acobardará por el tropel de ellos: así Jehová de los ejércitos descenderá á
5Seshiri dzinodzengerera, saizvozvo Jehovha achatavirira Jerusaremu; acharitavirira nokurirwira, acharidarika nokurisunungura.
5Como las aves que vuelan, así amparará Jehová de los ejércitos á Jerusalem, amparando, librando, pasando, y salvando.
6Dzokerai kuna iye wamakamukira zvikuru, imwi vana vaIsiraeri.
6Convertíos á aquel contra quien los hijos de Israel profundamente se rebelaron.
7nekuti nezuva iro mumwe nomumwe ucharasha zvifananidzo zvake zvesirivha nezvifananidzo zvake zvendarama, zvamakazviitira namaoko enyu, zvikava zvivi kwamuri.
7Porque en aquel día arrojará el hombre sus ídolos de plata, y sus ídolos de oro, que para vosotros han hecho vuestras manos pecadoras.
8Ipapo muAsiria achawa nomunondo usati uri womunhu; munondo usati uri wavanhu uchamudya; achatiza pamberi pomunondo, namajaya ake achabatirwa chibharo.
8Entonces caerá el Assur por cuhillo, no de varón; y consumirálo espada, no de hombre; y huirá de la presencia de la espada, y sus mancebos serán tributarios.
9Dombo rake richatiza nokutya, machinda ake achavhunduswa nomureza, ndizvo zvinotaura Jehovha, anomoto wake paZiyoni, nechoto chake paJerusaremu.
9Y de miedo pasará su fortaleza y sus príncipes tendrán pavor de la bandera, dice Jehová, cuyo fuego está en Sión, y su horno en Jerusalem.