Shona

Spanish: Reina Valera (1909)

Isaiah

49

1Ndinzwei, imwi zviwi, teererai, imwi marudzi avanhu ari kure, Jehovha akandidana ndiri muchizvaro, akareva zita rangu ndichiri mudumbu ramai vangu;
1OIDME, islas, y escuchad, pueblos lejanos: Jehová me llamó desde el vientre; desde las entrañas de mi madre tuvo mi nombre en memoria.
2akaita muromo wangu somunondo unopinza; akandivanza mumumvuri wechanza chake, akandiita museve unopenya, akandichengeta mugoba rake;
2Y puso mi boca como espada aguda, cubrióme con la sombra de su mano; y púsome por saeta limpia, guardóme en su aljaba.
3akati kwandiri, Ndiwe muranda wangu; Isiraeri wandinozvirumbidza maari.
3Y díjome: Mi siervo eres, oh Israel, que en ti me gloriaré.
4Asi ndakati, Ndakatambura pasina, ndakapedza simba rangu pasina pazvinhu zvisina maturo; asi zvirokwazvo kururamisirwa kwangu kuri kuna Jehovha, nomubayiro wangu kuna Mwari wangu.
4Yo empero dije: Por demás he trabajado, en vano y sin provecho he consumido mi fortaleza; mas mi juicio está delante de Jehová, y mi recompensa con mi Dios.
5Zvino zvanzi naJehovha, akandiumba kubva pachizvaro, kuti ndive muranda wake, ndidzosere Jakovezve kwaari, uye kuti Isiraeri vaunganidzwezve kwaari (nokuti ndinokudzwa pamberi paJehovha, Mwari wangu ndiye wava simba rangu);
5Ahora pues, dice Jehová, el que me formó desde el vientre por su siervo, para que convierta á él á Jacob. Bien que Israel no se juntará, con todo, estimado seré en los ojos de Jehová, y el Dios mío será mi fortaleza.
6zvirokwazvo, iye akati, Chinhu chiduku kuti uve muranda wangu kuti umutse marudzi aJakove, nokudzosazve vakasara vaIsiraeri; ndichapawo uve chiedza chavahedheni, kuti kuponesa kwangu kusvikire kumugumo wenyika.
6Y dijo: Poco es que tú me seas siervo para levantar las tribus de Jacob, y para que restaures los asolamientos de Israel: también te dí por luz de las gentes, para que seas mi salud hasta lo postrero de la tierra.
7Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri waIsiraeri, noMutsvene wake, kumweya unozvidzwa , kuno anovengwa norudzi rwose, kumuranda wavabati, Madzimambo achaona ndokusimuka; machinda naiwo achanamata, nokuda kwaJehovha akatendeka, iye Mutsvene waIsiraeri, wakakusanangura.
7Así ha dicho Jehová, Redentor de Israel, el Santo suyo, al menospreciado de alma, al abominado de las gentes, al siervo de los tiranos. Verán reyes, y levantaránse príncipes, y adorarán por Jehová; porque fiel es el Santo de Israel, el cual te escogió.
8Zvanzi naJehovha, Ndakakupindura nenguva yakafanira, ndakakubatsira nezuva rokuponeswa; ndichakuchengeta, nokukuita sungano yavanhu, kuti umutse nyika, nokuvagarisa nhaka dzakanga dzaparadzwa;
8Así dijo Jehová: En hora de contentamiento te oí, y en el día de salud te ayudé: y guardarte he, y te daré por alianza del pueblo, para que levantes la tierra, para que heredes asoladas heredades;
9kuti uti kuna vakasungwa, Budai; nokuna vagere murima, Zviratidzei. Vachadya zvokudya panzira, namafuro avo achava pazvikomo zvisina zvibereko.
9Para que digas á los presos: Salid; y á los que están en tinieblas: Manifestaos. En los caminos serán apacentados, y en todas las cumbres serán sus pastos.
10Havangavi nenzara kana nyota, havangabayiwi nokupiswa kunyange nezuva, nekuti iye, anovanzwira nyasha, achavatungamirira, achavafambisa pamatsime emvura.
10No tendrán hambre ni sed, ni el calor ni el sol los afligirá; porque el que tiene de ellos misericordia los guiará, y los conducirá á manaderos de aguas.
11Ndichaita makomo angu ose nzira, migwagwa yangu ichakwiridzwa.
11Y tornaré camino todos mis montes, y mis calzadas serán levantadas.
12Tarirai, vamwe vachauya vachibva kure; tarirai, vamwe vachabva kurutivi rwokumusoro nokumavirazuva, navamwe kunyika yeSinimi.
12He aquí estos vendrán de lejos; y he aquí estotros del norte y del occidente, y estotros de la tierra de los Sineos.
13Imbai, imwi denga rose, newe nyika ufare; imwi makomo imbai kwazvo, nekuti Jehovha akanyaradza vanhu vake, achinzwira tsitsi vanotambudzika.
13Cantad alabanzas, oh cielos, y alégrate, tierra; y prorrumpid en alabanzas, oh montes: porque Jehová ha consolado su pueblo, y de sus pobres tendrá misericordia.
14Asi Ziyoni rakati Jehovha akandisiya, Ishe akandikangamwa.
14Mas Sión dijo: Dejóme Jehová, y el Señor se olvidó de mí.
15Ko mukadzi angakangamwe mwana wake waanomwisa, akasava netsitsi nomwanakomana wechizvaro chake here? Zvirokwazvo vangakangamwa zvavo, asi ini handingakukangamwi.
15¿Olvidaráse la mujer de lo que parió, para dejar de compadecerse del hijo de su vientre? Aunque se olviden ellas, yo no me olvidaré de ti.
16Tarira, ndakakunyora pazvanza zvangu; masvingo ako ari pamberi pangu nguva dzose.
16He aquí que en las palmas te tengo esculpida: delante de mí están siempre tus muros.
17Vana vako vanokurumidza; vaparadzi vako navanokuita dongo vachabuda mauri.
17Tus edificadores vendrán aprisa; tus destruidores y tus asoladores saldrán de ti.
18Ringira kose-kose nameso ako, uone; ava vose vanoungana pamwechete, vachiuya kwauri. Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, zvirokwazvo uchazvifukidza navo vose sechishongo, uchazvisunga chiuno navo somwenga.
18Alza tus ojos alrededor, y mira: todos estos se han reunido, han venido á ti. Vivo yo, dice Jehová, que de todos, como de vestidura de honra, serás vestida; y de ellos serás ceñida como novia.
19Nokuti, kana ari matongo ako nenzvimbo dzako dzakasiiwa, nenyika yako yakaparadzwa, zvirokwazvo zvino haingaringani vagere mairi, navanokuminya vachava kure.
19Porque tus asolamientos, y tus ruinas, y tu tierra desierta, ahora será angosta por la multitud de los moradores; y tus destruidores serán apartados lejos.
20Vana, vawakanga watorerwa, vacharamba vachiti munzeve dzako, Pano hapandiringani, ndidzivurirei nzvimbo pandingagara.
20Aun los hijos de tu orfandad dirán á tus oídos: Angosto es para mí este lugar; apártate por amor de mí, para que yo more.
21Ipapo uchati mumoyo mako, Ndianiko akandiberekera ava, zvandakatorerwa vana vangu, ndiri ndoga, ndadzingwa, ndichidzungaira kose-kose? Ndianiko akarera ava? Tarirai, ndakanga ndasiiwa ndoga; ko ava vakanga varipi?
21Y dirás en tu corazón: ¿Quién me engendró estos? porque yo deshijada estaba y sola, peregrina y desterrada: ¿quién pues crió éstos? He aquí yo estaba dejada sola: éstos ¿dónde estaban?
22Zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndichasimudzira marudzi ruoko rwangu, nokumisira vanhu mureza wangu; vachauya navanakomana vako vanavo pachipfuva chavo, navakunda vako vachatakurwa pamafudzi avo.
22Así dijo el Señor Jehová: He aquí, yo alzaré mi mano á las gentes, y á los pueblos levantaré mi bandera; y traerán en brazos tus hijos, y tus hijas serán traídas en hombros.
23Madzimambo achava varerai; vahosi vavo madzimai enyu anokurerai vachakotama pamberi penyu zviso zvavo zvakatarira pasi, vachinanzva guruva riri patsoka dzenyu; ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha; vanondimirira havanganyadziswi.
23Y reyes serán tus ayos, y sus reinas tus amas de leche; el rostro inclinado á tierra te adorarán, y lamerán el polvo de tus pies: y conocerás que yo soy Jehová, que no se avergonzarán los que me esperan.
24Ko ane simba angatorerwe zvaakapamba here, kana vatapwa vowakarurama vangarwirwa here?
24¿Será quitada la presa al valiente? ó ¿libertaráse la cautividad legítima?
25Asi zvanzi naJehovha, Kunyange navatapwa veanesimba vachamutorerwa, nezvakapambwa zveanotyisa zvichadzikunurwa; nekuti ndicharwa neanorwa newe, nokuponesa vana vako.
25Así empero dice Jehová: Cierto, la cautividad será quitada al valiente, y la presa del robusto será librada; y tu pleito yo lo pleitearé, y yo salvaré á tus hijos.
26Uye ndichadyisa vamanikidzi vako nyama yavo yomene,uye vachabatwa neropa ravo, seinenge iri waini inonaka; uye nyama yose ichaziva kuti ini Jehovha, ndini Muponesi wako, noMudzikunuri wako, Anesimba waJakove.
26Y á los que te despojaron haré comer sus carnes, y con su sangre serán embriagados como mosto; y conocerá toda carne que yo Jehová soy Salvador tuyo, y Redentor tuyo, el Fuerte de Jacob.