Shona

Spanish: Reina Valera (1909)

Micah

1

1Shoko raJehovha, rakauya kuna Mika weMoresheti namazuva aJotamu naAhazi naHezekia, madzimambo aJudha, raakaona pamusoro peSamaria neJerusaremu.
1PALABRA de Jehová que fué á Miqueas de Morasti en días de Jotham, Achâz, y Ezechîas, reyes de Judá: lo que vió sobre Samaria y Jerusalem.
2Inzwai imwi marudzi avanhu, imwi mose; teerera iwe nyika, nezvose zvirimo; Ishe Jehovha ngaakupupurirei, iye Ishe ari mutemberi yake tsvene.
2Oid, pueblos todos: está atenta, tierra, y todo lo que en ella hay: y el Señor Jehová, el Señor desde su santo templo sea testigo contra vosotros.
3nekuti tarirai, Jehovha anobuda panzvimbo yake, achaburuka nokutsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika.
3Porque he aquí, Jehová sale de su lugar, y descenderá, y hollará sobre las alturas de la tierra.
4Makomo achanyauka pasi pake, mipata ichapamuka senamo yakaiswa pamoto, semvura inodururwa pamateru.
4Y debajo de él se derretirán los montes, y los valles se hendirán como la cera delante del fuego, como las aguas que corren por un precipicio.
5Zvose izvi zvinoitwa nokuda kokudarika kwaJakove, uye nokuda kwezvivi zveimba yaIsiraeri. Kudarika kwaJakove ndokweiko? Harizi Samaria here? Nzvimbo dzakakwirira dzaJudha ndedzipiko? Harizi Jerusaremu here?
5Todo esto por la rebelión de Jacob, y por los pecados de la casa de Israel. ¿Cuál es la rebelión de Jacob? ¿no es Samaria? ¿Y cuáles son los excelsos de Judá? ¿no es Jerusalem?
6Saka Samaria ndichariita somurwi wamabwe musango, senzvimbo dzingasimwa mizambiringa; ndichadurura mabwe aro mumupata, ndichifukunura nheyo dzaro.
6Pondré pues á Samaria en majanos de heredad, en tierra de viñas; y derramaré sus piedras por el valle, y descubriré sus fundamentos.
7Mifananidzo yaro yose yakavezwa ichaputswa-putswa, mibairo yaro yose ichapiswa nomoto, uye ndichaparadza zvifananidzo zvaro zvose; nekuti rakazviunganidza izvo uri mubayiro wechifeve, naizvozvi zvichadzokerazve kumubayiro wechifeve.
7Y todas sus estatuas serán despedazadas, y todos sus dones serán quemados en fuego, y asolaré todos sus ídolos; porque de dones de rameras los juntó, y á dones de rameras volverán.
8Nemhaka iyi ndichachema nokuungudza, ndichafamba ndisina nguvo ndakashama, ndichaungudza samakava nokurira semhou.
8Por tanto lamentaré y aullaré, y andaré despojado y desnudo; haré gemido como de chacales, y lamento como de avestruces.
9nekuti mavanga aro haadi kupora, nekuti zvasvika kuna Judhawo; zvasvikira pasuwo ravanhu vangu, ipo paJerusaremu.
9Porque su llaga es dolorosa, que llegó hasta Judá; llegó hasta la puerta de mi pueblo, hasta Jerusalem.
10Musazvireva paGati, regai kutongochema; paBheti-re-Afura muumburuke muguruva.
10No lo digáis en Gath, ni lloréis mucho: revuélcate en el polvo de Beth-le-aphrah.
11Chibva uende, iwe ugere Shafiri, wakashama uchinyara; agere Zaanani haana kubuda kuungudza paBheti-ezeri kuchakutorera pokumira.
11Pásate desnuda con vergüenza, oh moradora de Saphir: la moradora de Saanán no salió al llanto de Beth-esel: tomará de vosotros su tardanza.
12nekuti agere Maroti anomirira nemoyo zvikuru chinhu chakanaka, nekuti zvakaipa zvakaburuka zvichibva kuna Jehovha zvikasvikira kusuwo reJerusaremu.
12Porque la moradora de Maroth tuvo dolor por el bien; por cuanto el mal descendió de Jehová hasta la puerta de Jerusalem.
13Iwe ugere Rakishi, sunga mabhiza pangoro; ndiro rakatanga kuisa mukunda weZiyoni pazvivi, nekuti kudarika kwalsiraeri kwakawanikwa mauri.
13Unce al carro dromedarios, oh moradora de Lachîs, que fuiste principio de pecado á la hija de Sión; porque en ti se inventaron las rebeliones de Israel.
14Saka iwe uchapa Moresheti-gati chipo chokuonekana; dzimba dzeAkizibhi dzichava chinhu chinonyengera madzimambo aIsiraeri.
14Por tanto, tú darás dones á Moreseth-gath: las casas de Achzib serán en mentira á los reyes de Israel.
15Iwe ugere Maresha, ndichakuuyisira mumwe achakukunda; vakakudzwa valsiraeri vachasvika paAdhurami.
15Aun te traeré heredero, oh moradora de Maresah: la gloria de Israel vendrá hasta Adullam.
16Zviitire mhazha, vevura vhudzi rako pamusoro pavana vaunofarira; kurisa mhazha yako seyegondo, nekuti vakatapwa kure newe.
16Mésate y trasquílate por los hijos de tus delicias: ensancha tu calva como águila; porque fueron trasportados de ti.