1Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni, akati,
1Y Jehová habló á Moisés y á Aarón, diciendo:
2Ndiwo murayiro wakarairwa naJehovha, achiti: Taura navana vaIsiraeri vauye kwauri netsiru dzvuku risina mhosva, risina kuremara, risina kumboiswa joko.
2Esta es la ordenanza de la ley que Jehová ha prescrito, diciendo: Di á los hijos de Israel que te traigan una vaca bermeja, perfecta, en la cual no haya falta, sobre la cual no se haya puesto yugo:
3Zvino munofanira kuripa Ereazari mupristi, iye aribudise kunze kwemisasa, rigourawa pamberi pake.
3Y la daréis á Eleazar el sacerdote, y él la sacará fuera del campo, y harála degollar en su presencia.
4Ipapo Ereazari mupristi anofanira kutora ropa raro nomumwe wake, nokusasa ropa raro kanomwe kurutivi rwemberi rwetende rokusangana;
4Y tomará Eleazar el sacerdote de su sangre con su dedo, y rociará hacia la delantera del tabernáculo del testimonio con la sangre de ella siete veces;
5zvino tsiru rinofanira kupiswa pamberi pake; debwe raro, nenyama yaro, neropa raro, pamwechete namazvizvi aro, zvinofanira kupiswa.
5Y hará quemar la vaca ante sus ojos: su cuero y su carne y su sangre, con su estiercol, hará quemar.
6Zvino mupristi anofanira kutora rutanda rwomusidhari nehisopi, nomucheka mutsvuku, ndokuzvikandira pakati pomoto unopisa tsiru.
6Luego tomará el sacerdote palo de cedro, é hisopo, y escarlata, y lo echará en medio del fuego en que arde la vaca.
7Ipapo mupristi anofanira kusuka nguvo dzake, nokushambidza muviri wake nemvura ndokuzopinda mumisasa mupristi agova asina kunaka kusvikira madeko.
7El sacerdote lavará luego sus vestidos, lavará también su carne con agua, y después entrará en el real; y será inmundo el sacerdote hasta la tarde.
8Nomunhu anoripisa anofanira kusuka nguvo dzake nemvura, nokushambidza muviri wake nemvura, agova asina kunaka kusvikira madeko.
8Asimismo el que la quemó, lavará sus vestidos en agua, también lavará en agua su carne, y será inmundo hasta la tarde.
9Zvino mumwe munhu akanaka anofanira kuunganidza madota etsiru, ndokuachengeta kunze kwemisasa panzvimbo yakanaka, kuti achengeterwe ungano yavana vaIsiraeri, kuzoita nawo mvura yokunatsa nayo; chipiriso chezvivi.
9Y un hombre limpio recogerá las cenizas de la vaca, y las pondrá fuera del campo en lugar limpio, y las guardará la congregación de los hijos de Israel para el agua de separación: es una expiación.
10Zvino iye akaunganidza madota etsiru, anofanira kusuka nguvo dzake, agova asina kunaka kusvikira madeko; unofanira kuva mutemo usingaperi kuvana vaIsiraeri nokuvatorwa vagere pakati pavo.
10Y el que recogió las cenizas de la vaca, lavará sus vestidos, y será inmundo hasta la tarde: y será á los hijos de Israel, y al extranjero que peregrina entre ellos, por estatuto perpetuo.
11Munhu anobata chitunha chomunhu upi noupi, anofanira kuva asina kunaka mazuva manomwe.
11El que tocare muerto de cualquiera persona humana, siete días será inmundo:
12Iye anofanira kuzvinatsa nayo nezuva retatu, agova akanaka nezuva rechinomwe; asi kana asingazvinatsi nezuva retatu, haangavi akanaka nezuva rechinomwe.
12Este se purificará al tercer día con aquesta agua, y al séptimo día será limpio; y si al tercer día no se purificare, no será limpio al séptimo día.
13Ani naani anobata akafa, chiri chitunha chomunhu upi noupi akafa, akasazvinatsa, anosvibisa tabhenakeri yaJehovha; munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavaIsiraeri; mvura inonatsa zvaisina kusaswa pamusoro pake, anofanira kuva asina kunaka; tsvina yake ichiri kwaari.
13Cualquiera que tocare en muerto, en persona de hombre que estuviere muerto, y no se purificare, el tabernáculo de Jehová contaminó; y aquella persona será cortada de Israel: por cuanto el agua de la separación no fué rociada sobre él, inmundo será; y su i
14Ndiwo murayiro kana munhu akafa mutende: Mumwe nomumwe anopinda mutende, nomumwe nomumwe ari mutende, achava asina kunaka mazuva manomwe.
14Esta es la ley para cuando alguno muriere en la tienda: cualquiera que entrare en la tienda y todo lo que estuviere en ella, será inmundo siete días.
15Nemidziyo yose yakashama, isina chifunhiro chakasungirwa, ichava isina kunaka.
15Y todo vaso abierto, sobre el cual no hubiere tapadera bien ajustada, sera inmundo.
16Ani naani anobata munhu akaurawa kusango nomunondo, kana chitunha, kana pfupa romunhu, kana hwiro, achava asina kunaka mazuva manomwe.
16Y cualquiera que tocare en muerto á cuchillo sobre la haz del campo, ó en muerto, ó en hueso humano, ó en sepulcro, siete días será inmundo.
17Zvino munhu asina kunaka anofanira kundotorerwa madota echipiriso chezvivi chakapiswa, mvura inoyerera igodirwa pamusoro pawo mumudziyo,
17Y para el inmundo tomarán de la ceniza de la quemada vaca de la expiación, y echarán sobre ella agua viva en un vaso:
18zvino munhu akanaka anofanira kutora hisopi, ndokuinyika mumvura, ndokuisasa patende, napanhumbi dzose, napavanhu vose vaivapo, napamunhu akabata pfupa, kana akanga aurawa, kana akafa, kana hwiro;
18Y un hombre limpio tomará hisopo. y mojarálo en el agua, y rociará sobre la tienda, y sobre todos los muebles, y sobre las personas que allí estuvieren, y sobre aquel que hubiere tocado el hueso, ó el matado, ó el muerto, ó el sepulcro:
19zvino munhu akanaka anofanira kusasa munhu usina kunaka nezuva retatu nerechinomwe; nezuva rechinomwe anofanira kumunatsa; zvino iye anofanira kusuka nguvo dzake, nokuzvishambidza nemvura, agova akanaka madeko.
19Y el limpio rociará sobre el inmundo al tercero y al séptimo día: y cuando lo habrá purificado al día séptimo, él lavará luego sus vestidos, y á sí mismo se lavará con agua, y será limpio á la tarde.
20Asi kana, munhu akasvibiswa akasazvinatsa, munhu uyo anofanira kubviswa pakati peungano, nekuti asvibisa imba tsvene yaJehovha; mvura inonatsa haina kusaswa pamusoro pake; haana kunaka.
20Y el que fuere inmundo, y no se purificare, la tal persona será cortada de entre la congregación, por cuanto contaminó el tabernáculo de Jehová: no fué rociada sobre él el agua de separación, es inmundo.
21Unofanira kuva mutemo usingaperi kwavari. Munhu anosasa mvura inonatsa, anofanira kusuka nguvo dzake; naiye anobata mvura inonatsa, achava asina kunaka kusvikira madeko.
21Y les será por estatuto perpetuo: también el que rociare el agua de la separación lavará sus vestidos; y el que tocare el agua de la separación, será inmundo hasta la tarde.
22Nezvose zvinobatwa nomunhu usina kunaka,zvichava zvisina kunaka nomunhu unozvibata uchava usina kunaka kusvika madeko.
22Y todo lo que el inmundo tocare, será inmundo: y la persona que lo tocare, será inmunda hasta la tarde.