1Zvino Mozisi akataura navakuru vamarudzi avana vaIsiraeri, akati, Ndicho chinhu chakarairwa naJehovha:
1(H30-2) Y habló Moisés á los príncipes de las tribus de los hijos de Israel, diciendo: Esto es lo que Jehová ha mandado.
2Kana munhu achinge apikira Jehovha mhiko, kana kuzvisunga nokupika, haafaniri kushandura shoko rake; anofanira kuita zvose zvakabuda mumuromo make.
2(H30-3) Cuando alguno hiciere voto á Jehová, ó hiciere juramento ligando su alma con obligación, no violará su palabra: hará conforme á todo lo que salió de su boca.
3Nomukadziwo, kana achinge apikira Jehovha, kana kuzvisunga nokusunga kokupika, achiri mumba mababa vake, achiri musikana;
3(H30-4) Mas la mujer, cuando hiciere voto á Jehová, y se ligare con obligación en casa de su padre, en su mocedad;
4baba vake vakanzwa kupika kwake, nokuzvisunga kwaakazvisunga nako, baba vake vakamunyararira havo, ipapo kupika kwake kose kuchava nesimba, nokusunga kwake kose, kwaakazvisunga nako, kuchava nesimba.
4(H30-5) Si su padre oyere su voto, y la obligación con que ligó su alma, y su padre callare á ello, todos los votos de ella serán firmes, y toda obligación con que hubiere ligado su alma, firme será.
5Asi kana baba vake vakamudzivisa nomusi wavanozvinzwa nawo, kupika kwake kose, nokuzvisunga kwake kose, kwaakazvisunga nako, hakungavi nesimba; Jehovha achamukangamwira, nekuti baba vake vamudzivisa.
5(H30-6) Mas si su padre le vedare el día que oyere todos sus votos y sus obligaciones, con que ella hubiere ligado su alma, no serán firmes; y Jehová la perdonará, por cuanto su padre le vedó.
6Kana akawanikwa nomurume achakasungwa nokupika kwake, kana namashoko aakareva asina kurangarira zvakanaka, aakazvisunga nawo;
6(H30-7) Empero si fuére casada, é hiciere votos, o pronunciare de sus labios cosa con que obligue su alma;
7murume wake akazvinzwa, akamunyararira hake nomusi waanozvinzwa nawo, ipapo kupika kwake kuchava nesimba, nokuzvisunga kwake, kwaakazvisunga nako, kuchava nesimba.
7(H30-8) Si su marido lo oyere, y cuando lo oyere callare á ello, los votos de ella serán firmes, y la obligación con que ligó su alma, firme será.
8Asi kana murume wake akamudzivisa nomusi waanozvinzwa nawo, ipapo iye anokonesa kupika kwake, kwaakazvisunga nako, namashoko aakareva asina kurangarira zvakanaka, aakazvisunga nawo; Jehovha achamukangamwira.
8(H30-9) Pero si cuando su marido lo oyó, le vedó, entonces el voto que ella hizo, y lo que pronunció de sus labios con que ligó su alma, será nulo; y Jehová lo perdonará.
9Asi kupika kwechirikadzi, kana komukadzi akarambwa nomurume wake, chinhu chipi nechipi chaakazvisunga nacho, zvichava nesimba kwaari.
9(H30-10) Mas todo voto de viuda, ó repudiada, con que ligare su alma, será firme.
10Kana achinge apika ari mumba momurume wake, kana kuzvisunga nokupika,
10(H30-11) Y si hubiere hecho voto en casa de su marido, y hubiere ligado su alma con obligación de juramento,
11murume wake akazvinzwa, akamunyararira, asingamudzivisi, ipapo kupika kwake kuchava nesimba, nokuzvisunga kose, kwaakazvisunga nako, kuchava nesimba.
11(H30-12) Si su marido oyó, y calló á ello, y no le vedó; entonces todos sus votos serán firmes, y toda obligación con que hubiere ligado su alma, firme será.
12Asi kana murume wake akazvikonesa kwazvo nomusi waakazvinzwa nawo, ipapo zvose zvakabuda mumuromo make pakupika kwake, kana kuzvisunga kwake, hazvingavi nesimba; murume wake wazvikonesa; Jehovha achamukangamwira.
12(H30-13) Mas si su marido los anuló el día que los oyó; todo lo que salió de sus labios cuanto á sus votos, y cuanto á la obligación de su alma, será nulo; su marido los anuló, y Jehová la perdonará.
13Mhiko dzose, nokupika kose kwaanozvisunga nako kuchema pamweya wake, murume wake angazvikonesa.
13(H30-14) Todo voto, ó todo juramento obligándose á afligir el alma, su marido lo confirmará, ó su marido lo anulará.
14Asi kana murume wake akamunyararira chose zuva rimwe nerimwe, ipapo unosimbisa mhiko dzake dzose nokuzvisunga kwake kose, kwaakazvisunga nako; azvisimbisa, nekuti amunyararira nomusi waakazvinzwa nawo.
14(H30-15) Empero si su marido callare á ello de día en día, entonces confirmó todos sus votos, y todas las obligaciones que están sobre ella: confirmólas, por cuanto calló á ello el día que lo oyó.
15Asi kana akazozvikonesa kwazvo, azvinzwa hake, iye anofanira kuva nemhosva yake.
15(H30-16) Mas si las anulare después de haberlas oido, entonces él llevará el pecado de ella.
16Ndiyo mitemo yakarairwa Mozisi naJehovha, pakati pomurume nomukadzi wake, napakati pababa nomwanasikana wavo, achiri musikana paimba yababa vake.
16(H30-17) Estas son las ordenanzas que Jehová mandó á Moisés entre el varón y su mujer, entre el padre y su hija, durante su mocedad en casa de su padre.