Shona

Spanish: Reina Valera (1909)

Psalms

45

1moyo wangu unotutuma namashoko akanaka; Ndinotaura zvinhu zvandakaita zvinoreva mambo; Rurimi rwangu ipeni yomunyori anokurumidza kunyora.
1Al Músico principal: sobre Sosannim: para los hijos de Coré: Masquil: Canción de amores. REBOSA mi corazón palabra buena: Refiero yo al Rey mis obras: Mi lengua es pluma de escribiente muy ligero.
2imwi makanaka-naka kupfuura vana vavanhu; Nyasha yakadururirwa pamiromo yenyu; Saka Mwari wakakuropafadzai nokusingaperi.
2Haste hermoseado más que los hijos de los hombres; La gracia se derramó en tus labios: Por tanto Dios te ha bendecido para siempre.
3Sungai munondo wenyu pachiuno chenyu, imwi Wemasimba, Ukuru bwenyu nohumambo bwenyu.
3Cíñete tu espada sobre el muslo, oh valiente, Con tu gloria y con tu majestad.
4Fambai noumambo bwenyu muchikunda, Nokuda kwechokwadi nounyoro nokururama; Ruoko rwenyu rworudyi ngarukudzidzisei zvinotyisa.
4Y en tu gloria sé prosperado: Cabalga sobre palabra de verdad, y de humildad, y de justicia; Y tu diestra te enseñará cosas terribles.
5Miseve yenyu inopinza; Vanhu vanokundwa nemi; Inobaya pamoyo yavavengi vamambo.
5Tus saetas agudas Con que caerán pueblos debajo de ti, Penetrarán en el corazón de los enemigos del Rey.
6Chigaro chenyu choushe, imwi Mwari, chiripo nokusingaperi-peri; Tsvimbo youshe bwenyu itsvimbo yakarurama.
6Tu trono, oh Dios, eterno y para siempre: Vara de justicia la vara de tu reino.
7Makada kururama, mukavenga kusarurama; Naizvozvo Mwari, Mwari wenyu wakakuzodzai Namafuta okufara kupfuura shamwari dzenyu.
7Amaste la justicia y aborreciste la maldad: Por tanto te ungió Dios, el Dios tuyo, Con óleo de gozo sobre tus compañeros.
8nguvo dzenyu dzose dzakafafadzwa nemura nearosi neakasia; pamizinda yenyanga dzenzou madimbwa aakakufadzai nawo.
8Mirra, áloe, y casia exhalan todos tus vestidos: En estancias de marfil te han recreado.
9Vakunda vamadzimambo vari pakati pavanhukadzi venyu vanokudzwa; Paruoko rwenyu rworudyi vahosi vamire vakashonga ndarama yeOfiri.
9Hijas de reyes entre tus ilustres: Está la reina á tu diestra con oro de Ophir.
10Teerera mukunda, rangarira, urereke nzeve yako; Kangamwawo vanhu vako, neimba yababa vako;
10Oye, hija, y mira, é inclina tu oído; Y olvida tu pueblo, y la casa de tu padre;
11Ipapo mambo achada kunaka kwako; nekuti ndiye Ishe wako; unamate kwaari iwe.
11Y deseará el rey tu hermosura: E inclínate á él, porque él es tu Señor.
12Uye mukunda weTiro achavapo nechipo; Vafumi pakati pavanhu vachakumbira tsitsi dzako.
12Y las hijas de Tiro vendrán con presente; Implorarán tu favor los ricos del pueblo.
13Mukunda wamambo akanaka kwazvo-kwazvo mukati meimba yamambo; nguvo dzake dzakarukwa nendarama.
13Toda ilustre es de dentro la hija del rey: De brocado de oro es su vestido.
14Uchaperekwa kuna mambo nenguvo dzakarukwa dzinamavara; Mhandara, shamwari dzake dzinomutevera, Vachaiswa kwamuri.
14Con vestidos bordados será llevada al rey; Vírgenes en pos de ella: Sus compañeras serán traídas á ti.
15Vachaperekwa nomufaro nokufarisisa; Vachapinda mumba mamambo.
15Serán traídas con alegría y gozo: Entrarán en el palacio del rey.
16Panzvimbo yamadzibaba ako vana vako vachavapo, Vauchaita machinda panyika yose.
16En lugar de tus padres serán tus hijos, A quienes harás príncipes en toda la tierra.
17Ndichayeudzira zita renyu kusvikira kumarudzi ose; Naizvozvo ndudzi dzavanhu dzichakuvongai nokusingaperi-peri.
17Haré perpetua la memoria de tu nombre en todas las generaciones: Por lo cual te alabarán los pueblos eternamente y para siempre.