1Uye kumutumwa wekereke iri paSadhisi, nyora uti: Zvinhu izvi, ndizvo zvinotaura une mweya minomwe yaMwari, nenyeredzi nomwe: Ndinoziva mabasa ako, kuti une zita rinonzi unorarama, asi wakafa.
1Y ESCRIBE al ángel de la iglesia en SARDIS: El que tiene los siete Espíritus de Dios, y las siete estrellas, dice estas cosas: Yo conozco tus obras que tienes nombre que vives, y estás muerto.
2Rinda, usimbise zvinhu zvakasara, zvoda kufa; nekuti handina kuwana mabasa ako akaperedzerwa pamberi paMwari.
2Sé vigilante y confirma las otras cosas que están para morir; porque no he hallado tus obras perfectas delante de Dios.
3Naizvozvo rangarira kuti wakagamuchira nekunzwa sei; ubatisise, utendeuke. Naizvozvo kana usingarindi, ndichauya kwauri sembavha, uye haungazivi nguva yandichauya nayo pamusoro pako.
3Acuérdate pues de lo que has recibido y has oído, y guárda lo, y arrepiéntete. Y si no velares, vendré á ti como ladrón, y no sabrás en qué hora vendré á ti.
4Une mazita mashoma kunyange paSadhisi asina kusvibiswa nguvo dzawo; uye vachafamba neni vane nguvo chena, nekuti vakafanira.
4Mas tienes unas pocas personas en Sardis que no han ensuciado sus vestiduras: y andarán conmigo en vestiduras blancas; porque son dignos.
5Uyo unokunda ndiye uchapfekedzwa nguvo chena; uye handichadzimi zita rake pabhuku reupenyu, ndichareurura zita rake pamberi paBaba vangu, nepamberi pevatumwa vake.
5El que venciere, será vestido de vestiduras blancas; y no borraré su nombre del libro de la vida, y confesaré su nombre delante de mi Padre, y delante de sus ángeles.
6Uyo une nzeve ngaanzwe zvinoreva mweya kukereke.
6El que tiene oído, oiga lo que el Espíritu dice á las iglesias.
7Nekumutumwa wekereke paFiradhefia, nyora uti: Zvinhu izvi, ndizvo zvinoreva iye mutsvene, iye wechokwadi, iye une kiyi yaDhavhidhi, iye unozarura pasina unopfiga, nekupfiga pasina unozarura:
7Y escribe al ángel de la iglesia en FILADELFIA: Estas cosas dice el Santo, el Verdadero, el que tiene la llave de David, el que abre y ninguno cierra, y cierra y ninguno abre:
8Ndinoziva mabasa ako; tarira, ndakaisa pamberi pako mukova wakazaruka, uye hakuna munhu ungagona kuupfiga, nekuti iwe une simba shoma, uye wakachengeta shoko rangu, nekusaramba zita rangu.
8Yo conozco tus obras: he aquí, he dado una puerta abierta delante de ti, la cual ninguno puede cerrar; porque tienes un poco de potencia, y has guardado mi palabra, y no has negado mi nombre.
9Tarira ndichavaita vesinagoge raSatani, vanozviti vaJudha vasiri ivo, asi vanoreva nhema; tarira, ndichavauyisa kuti vanamate pamberi petsoka dzako, uye vazive kuti ndakakuda.
9He aquí, yo doy de la sinagoga de Satanás, los que se dicen ser Judíos, y no lo son, mas mienten; he aquí, yo los constreñiré á que vengan y adoren delante de tus pies, y sepan que yo te he amado.
10Nekuti wakachengeta shoko rekutsungirira kwangu, ndichakuchengetawo panguva yekuidzwa kuchauya pamusoro penyika yose, kuidza vanogara panyika.
10Porque has guardado la palabra de mi paciencia, yo también te guardaré de la hora de la tentación que ha de venir en todo el mundo, para probar á los que moran en la tierra.
11Tarira ndinouya nekukurumidza; batisisa icho chaunacho, kuti kusava neunogamuchira korona yako.
11He aquí, yo vengo presto; retén lo que tienes, para que ninguno tome tu corona.
12Uyo unokunda ndichamuita mbiru mutembere yaMwari wangu, uye haangazobudizve; uye ndichanyora pamusoro pake zita raMwari wangu, nezita reguta raMwari wangu, Jerusarema idzva rinoburuka richibva kudenga kuna Mwari wangu, nezita rangu idzva.
12Al que venciere, yo lo haré columna en el templo de mi Dios, y nunca más saldrá fuera; y escribiré sobre él el nombre de mi Dios, y el nombre de la ciudad de mi Dios, la nueva Jerusalem, la cual desciende del cielo de con mi Dios, y mi nombre nuevo.
13Une nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.
13El que tiene oído, oiga lo que el Espíritu dice á las iglesias.
14Nekumutumwa wekereke yevaRaodhikia, nyora uti: Zvinhu izvi, ndizvo zvinoreva Ameni, chapupu chakatendeka chechokwadi, kutanga kwezvisikwa zvaMwari:
14Y escribe al ángel de la iglesia en LAODICEA: He aquí dice el Amén, el testigo fiel y verdadero, el principio de la creación de Dios:
15Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori kana kupisa. Ndaida kuti dai uchitonhora kana kupisa.
15Yo conozco tus obras, que ni eres frío, ni caliente. Ojalá fueses frío, ó caliente!
16Zvino zvaunodziya, usingatonhori kana kupisa, ndichakusvisvina mumuromo mangu.
16Mas porque eres tibio, y no frío ni caliente, te vomitaré de mi boca.
17Nekuti unoti ndakafuma, ndakafumiswa uye handishaiwi chinhu, usingazivi kuti ndiwe unotambura neune nhamo, uri murombo nebofu newakashama.
17Porque tú dices: Yo soy rico, y estoy enriquecido, y no tengo necesidad de ninguna cosa; y no conoces que tú eres un cuitado y miserable y pobre y ciego y desnudo;
18Ndinokupa zano kuti utenge kwandiri ndarama yakaidzwa mumoto, kuti uve wakafuma, nenguvo chena, kuti ufuke, nyadzi dzekushama kwako dzirege kuratidzika; uzore meso ako nechizoro chameso, kuti uone.
18Yo te amonesto que de mí compres oro afinado en fuego, para que seas hecho rico, y seas vestido de vestiduras blancas, para que no se descubra la vergüenza de tu desnudez; y unge tus ojos con colirio, para que veas.
19Vose vandinoda ndinotsiura nekuranga; naizvozvo shingaira utendeuke.
19Yo reprendo y castigo á todos los que amo: sé pues celoso, y arrepiéntete.
20Tarira, ndimire pamukova ndichigogodza; kana munhu achinzwa inzwi rangu, akazarura mukova ndichapinda maari, uye ndicharayira naye, naiye neni.
20He aquí, yo estoy á la puerta y llamo: si alguno oyere mi voz y abriere la puerta, entraré á él, y cenaré con él, y él conmigo.
21Unokunda, ndichapa kwaari kugara neni pachigaro changu cheushe, seni ndakakunda ndikagara pamwe nababa vangu pachigaro chavo cheushe.
21Al que venciere, yo le daré que se siente conmigo en mi trono; así como yo he vencido, y me he sentado con mi Padre en su trono.
22Une nzeve ngaanzwe zinoreva Mweya kukereke.
22El que tiene oído, oiga lo que el Espíritu dice á las iglesias.