1Ndiri ruva rebundo rokuSharoni, Ndiri ruva rokumapani.
1YO soy la rosa de Sarón, Y el lirio de los valles.
2Seruva pakati pemhinzwa, Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pavakunda.
2Como el lirio entre las espinas, Así es mi amiga entre las doncellas.
3Somuapuri pakati pemiti yokudondo, Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pavanakomana. Ndakagara mumumvuri wake nomufaro mukuru; Zvibereko zvake zvakanga zvichinaka pamukamwa wangu.
3Como el manzano entre los árboles silvestres, Así es mi amado entre los mancebos: Bajo la sombra del deseado me senté, Y su fruto fué dulce en mi paladar.
4Akandiisa kuimba yomutambo; Mureza wake pamusoro pangu rwakanga ruri rudo.
4Llevóme á la cámara del vino, Y su bandera sobre mí fué amor.
5Nditsigirei namazambiringa akaomeswa, ndisimbisei namaapuri; nekuti ndinorwara norudo.
5Sustentadme con frascos, corroboradme con manzanas; Porque estoy enferma de amor.
6Ruoko rwake rworuboshwe ruri pasi pomusoro wangu; Ruoko rwake rworudyi runondimbundikira.
6Su izquierda esté debajo de mi cabeza, Y su derecha me abrace.
7Ndinokupikirai, imwi vakunda veJerusaremu, Nemharapara kana nondo dzokubundo, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo kusvikira iye ada omene.
7Yo os conjuro, oh doncellas de Jerusalem, Por las gamas y por las ciervas del campo, Que no despertéis ni hagáis velar al amor Hasta que quiera.
8Inzwai inzwi romudiwa wangu! Tarirai, wouya, Achikwakuka pamakomo, Achichirika pazvikomo.
8La voz de mi amado! He aquí él viene Saltando sobre los montes, brincando sobre los collados.
9Mudiwa wangu akafanana nemharapara kana nomwana wenondo; Tarirai, womira seri korusvingo rwedu; Anotarira napamahwindo; Anodongorera napazvitanda zvamahwindo.
9Mi amado es semejante al gamo, ó al cabrito de los ciervos. Helo aquí, está tras nuestra pared, Mirando por las ventanas, Mostrándose por las rejas.
10Mudiwa wangu akataura, akati kwandiri, Simuka, shamwari yangu, akanaka wangu, huya!
10Mi amado habló, y me dijo: Levántate, oh amiga mía, hermosa mía, y vente.
11Nokuti, tarira, chando chaenda; Mvura yapera, yaenda;
11Porque he aquí ha pasado el invierno, Hase mudado, la lluvia se fué;
12Maruva aonekwa panyika; Nguva yokurira kweshiri yasvika, Nenzwi renjiva rinonzwikwa panyika yedu.
12Hanse mostrado las flores en la tierra, El tiempo de la canción es venido, Y en nuestro país se ha oído la voz de la tórtola;
13Muonde woibvisa maonde awo mambishi, Uye mizambiringa yotunga maruva; Yobudisa kunhuhwira kwayo; Simuka, shamwari yangu, wakanaka wangu huya!
13La higuera ha echado sus higos, Y las vides en cierne Dieron olor: Levántate, oh amiga mía, hermosa mía, y vente.
14Iwe njiva yangu, uri mumikaha yedombo, Pakadzitika pamawere; Ndione chiso chako, Ndinzwe inzwi rako; nekuti inzwi rako rakanaka, chiso chako chakanaka.
14Paloma mía, que estás en los agujeros de la peña, en lo escondido de escarpados parajes, Muéstrame tu rostro, hazme oir tu voz; Porque dulce es la voz tuya, y hermoso tu aspecto.
15Tibatirei makava, makava maduku, Anotadzira minda yemizambiringa; nekuti minda yedu yemizambiringa yotunga maruva.
15Cazadnos las zorra, las zorras pequeñas, que echan á perder las viñas; Pues que nuestras viñas están en cierne.
16Mudiwa wangu ndowangu, neni ndiri wake; Anofudza makwai ake pakati pamaruva ebundo.
16Mi amado es mío, y yo suya; El apacienta entre lirios.
17Kana zuva rotonhorera, nemimvuri yotiza, Tendeuka, mudiwa wangu, uve semharapara nomwana wenondo Pamusoro pamakomo eBheteri.
17Hasta que apunte el día, y huyan las sombras, Tórnate, amado mío; sé semejante al gamo, ó al cabrito de los ciervos, Sobre los montes de Bether.