1Tarira, akanaka sei, shamwari yangu; tarira, akanaka sei! Meso ako akafanana neenjiva pakutarira kwawo pakati pechifukidzo chako; Vhudzi rako rakafanana neboka rembudzi, Dzinoburukira mujinga megomo reGiriyadhi.
1HE aquí que tú eres hermosa, amiga mía, he aquí que tú eres hermosa; Tus ojos entre tus guedejas como de paloma; Tus cabellos como manada de cabras, Que se muestran desde el monte de Galaad.
2Meno ako akafanana neboka ramakwai achangoveurwa, Anobva pakushambwa; Rimwe nerimwe rawo rina vana vaviri, Hakuna rimwe risina mwana.
2Tus dientes, como manadas de trasquiladas ovejas, Que suben del lavadero, Todas con crías mellizas, Y ninguna entre ellas estéril.
3Miromo yako yakafanana norwonzi rwakatsvuka; Kutaura kwako kwakanaka; Zvavovo zvako zvakafanana nebhande redamba Pakutarira kwako pakati pechifukidzo chako.
3Tus labios, como un hilo de grana, Y tu habla hermosa; Tus sienes, como cachos de granada á la parte adentro de tus guedejas.
4Mutsipa wako wakafanana nenhare yaDhavhidhi. Yakavakirwa nhumbi dzokurwa, Makaturikwa nhovo dzine churu chezana, Dzose dziri nhovo dzemhare.
4Tu cuello, como la torre de David, edificada para muestra; Mil escudos están colgados de ella, Todos escudos de valientes.
5Mazamu ako maviri akafanana navana vemharapara, Vari vana vakaberekwa vari vaviri, Vanochera pakati pamaruva ebundo.
5Tus dos pechos, como dos cabritos mellizos de gama, Que son apacentados entre azucenas.
6Kana zuva rotonhorera, mimvuri yotiza, Ndichaenda kugomo remura, Nokuchikomba chezvinonhuhwira.
6Hasta que apunte el día y huyan las sombras, Iréme al monte de la mirra, Y al collado del incienso.
7Akaisvonaka, iwe shamwari yangu; Hakuna gwapa kwauri.
7Toda tú eres hermosa, amiga mía Y en ti no hay mancha.
8Hendei tose, iwe mwenga wangu, tibve paRebhanoni, Tibve paRebhanoni tose; Tarira uri pamusoro weAmana, Pamisoro yeSeniri neHerimoni, Panzvimbo dzeshumba,
8Conmigo del Líbano, oh esposa, Conmigo ven del Líbano: Mira desde la cumbre de Amana, Desde la cumbre de Senir y de Hermón, Desde las guaridas de los leones, Desde los montes de los tigres.
9Wanditorera moyo wangu, hanzvadzi yangu, mwenga wangu; Wanditorera moyo wangu nokunditarira kamwe nameso ako, Nechishongo chimwe chomutsipa wako.
9Prendiste mi corazón, hermana, esposa mía; Has preso mi corazón con uno de tus ojos, Con una gargantilla de tu cuello.
10Rudo rwako rwakanaka sei, hanzvadzi yangu, mwenga wangu! Rudo rwako runopfuura waini zvikuru sei! Nokunhuhwira kwezvizoro zvako miti yose inonhuhwira!
10Cuán hermosos son tus amores, hermana, esposa mía! Cuánto mejores que el vino tus amores, Y el olor de tus ungüentos que todas las especias aromáticas!
11Miromo yako, mwenga wangu, inodonha musvi wouchi; Uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako; Kunhuhwira kwenguvo dzako kwakafanana nokunhuhwira kweRebhanoni.
11Como panal de miel destilan tus labios, oh esposa; Miel y leche hay debajo de tu lengua; Y el olor de tus vestidos como el olor del Líbano.
12Hanzvadzi yangu, mwenga wangu, munda wakakomberedzwa, Chitubu chakapoteredzwa, tsime rakafunhirwa.
12Huerto cerrado eres, mi hermana, esposa mía; Fuente cerrada, fuente sellada.
13Matavi ako munda wamatamba, une zvibereko zvakaisvonaka; Maruva ehena nenaridho,
13Tus renuevos paraíso de granados, con frutos suaves, De cámphoras y nardos,
14Naridho nesafironi, Karamusi nekinamoni, nemiti yose inonhuhwira, Mura negavakava, nezvose zvinoisvonhuhwira.
14Nardo y azafrán, Caña aromática y canela, con todos los árboles de incienso; Mirra y áloes, con todas las principales especias.
15Uri tsime reminda, Chitubu chemvura mhenyu, Nenzizi dzinoyerera dzichibva Rebhanoni.
15Fuente de huertos, Pozo de aguas vivas, Que corren del Líbano.
16Muka, iwe mhepo yokumusoro; uya, iwe mhepo yezasi; Furidzira pamunda wangu, kuti zvinonhuhwira zvawo zvibudire kunze. Mudiwa wangu ngaapinde mumunda make, Ngaadye zvibereko zvake zvakaisvonaka.
16Levántate, Aquilón, y ven, Austro: Sopla mi huerto, despréndanse sus aromas. Venga mi amado á su huerto, Y coma de su dulce fruta.