1Zvino shure kwaizvozvo Dhavhidhi akarwa navaFirisitia akavakunda; akatorera vaFirisitia Gati nemisha yaro.
1 A go mo, woodin banda Dawda na Filistancey kar ka zeeri k'i kaynandi. A na Gat kwaara nda nga kawyey ta Filistancey kambe ra.
2Akakunda Moabhiwo, vaMoabhi vakaitwa varanda vaDhavhidhi, vakamuvigira zvipo.
2 A na Mowab mo zeeri. Mowabancey ciya Dawda bannyayaŋ, ka kande _a se|_ jangal.
3Dhavhidhi akakundawo Hadharezeri mambo weZobha, kusvikira paHamati, pakuenda kwake kundosimbisa vumambo bwake parwizi Yufuratesi.
3 Dawda na Zoba bonkoono Hadad-Ezer mo zeeri ka to hala Hamat gaa. A mayra to mo hala Ufratis isa me gaa.
4Dhavhidhi akamutorera ngoro dzine chiuru chimwe navatasvi vamabhiza vane zviuru zvinomwe, navaifamba namakumbo vane zviuru zvina makumi maviri; Dhavhidhi akagura marunda amakumbo amabhiza ose aikweva ngoro, asi wakachengetera ngoro dzine zana mamwe awo.
4 Dawda na wongu torko zambar fo ta a gaa, da bari-kari zambar iyye, da ce-koy zambar waranka. Dawda na torko bariyey kulu tanje kaajey beeri ka pati, amma a fay da wo kaŋ yaŋ ga wasa torko zangu se.
5Zvino vaSiria veDhamasiko vakati vachiuya kuzobatsira Hadharezeri mambo weZobha, Dhavhidhi akauraya vaSiria vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri.
5 Waato kaŋ Damaskos Suriyancey kaa ka kande Zoba bonkoono Hadad-Ezer se gaakasinay, Dawda na boro zambar waranka cindi hinka wi Suriyancey do haray.
6Dhavhidhi akaisa mapoka avarwi muSiria paDhamasiko; vaSiria vakava varanda vaDhavhidhi vakamuchengeta. Jehovha akakundisa Dhavhidhi pose paakaenda.
6 Gaa no Dawda na wongu batandikoyaŋ daŋ Damaskos kwaara, Suriya laabo ra. Suriyancey mo ciya Dawda tamyaŋ, ka kande _a se|_ jangal. Rabbi na Dawda gaa nangu kulu kaŋ a ga koy.
7Dhavhidhi akatora nhovo dzendarama dzakanga dzakashongwa navaranda vaHadharezeri, akadziisa Jerusaremu.
7 Wura korayey mo kaŋ yaŋ Hadad-Ezer tamey ga jare doŋ, Dawda n'i ku ka kand'ey Urusalima.
8NapaTibhati napaKuni, maguta eHadharezeri, Dhavhidhi akatora ndarira zhinji kwazvo, Soromoni yaakazoita nayo dziva rendarira, nembiru, nemidziyo yendarira.
8 Hadad-Ezer kwaarey Tibnat da Kun ra mo, Dawda na guuru-say boobo sambu. Suleymanu goy d'a ka guuru-say bango, da muuley da guuru-say goy jinayey te d'a.
9Zvino Tou mambo weHamati akati achinzwa kuti Dhavhidhi akaparadza hondo yose yaHadharezeri mambo weZobha,
9 Waato kaŋ Hamat bonkoono Toy maa baaru kaŋ Dawda na Zoba bonkoono Hadad-Ezer wongu marga kulu kar,
10akatuma Hadhorami mwanakomana wake kuna mambo Dhavhidhi, kundomukwazisa, nokumukorokotedza pamusoro pokurwa kwake kwaHadharezeri nokumukunda; nekuti Hadharezeri wairwa naTou; akanga ane midziyo yamarudzi ose, yendarama, neyesirivha, nendarira.
10 kal a na nga ize Hadoram donton Bonkoono Dawda do. A kaa k'a baani hã, k'a saabu mo, zama a wongu nda Hadad-Ezer k'a kar mo. Zama Hadad-Ezer doona ka kande wongu Toy gaa. Hadoram mo kande wura nda nzarfu nda guuru-say jinay kulu dumi.
11Neyiyiwo mambo Dhavhidhi akaitsaurira Jehovha, pamwechete nesirivha nendarama yaakanga atora kundudzi dzose; kuna vaEdhomu, navaMoabhi, navana vaAmoni, navaFirisitia, navaAmareki.
11 Bonkoono Dawda na woodin yaŋ mo fay waani Rabbi se, ka margu nda nzarfu nda wura kaŋ a ku ka fun d'ey Edom, da Mowab, da Amon izey, da Filistancey, da Amalek laabey kulu ra.
12Uye Abhishai mwanakomana waZeruya, akauraya vaEdhomu paMupata woMunyu vaiva vane zviuru zvine gumi nezvisere.
12 Zeruwiya ize Abisay mo na Edomance zambar way cindi ahakku kar Ciiri Gooro ra.
13Akaisa mapoka avarwi paEdhomu; vaEdhomu vose vakava varanda vaDhavhidhi. Jehovha akakundisa Dhavhidhi pose paakaenda.
13 A na wongu batandikoyaŋ daŋ Edom laabo ra mo hala Edomancey kulu ciya Dawda se tamyaŋ. Rabbi na Dawda gaa mo nangu kulu kaŋ a ga koy.
14Dhavhidhi akabata vaIsiraeri vose; akatongera vanhu vake vose akavaitira zvakarurama.
14 Yaadin no Dawda na Israyla kulu may d'a. A go ga cimi ciiti nda adilitaray te nga jama kulu se.
15Joabhu mwanakomana waZeruya ndiye wairaira hondo, naJehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva gurukota,
15 Zeruwiya izo Yowab ga ti wongu marga jine bora. Yehosafat Ahilud izo ga ti laabo baaru hantumkwa.
16Zadhoki mwanakomana waAhitubhi, naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari, vaiva vapristi, naShavhisha waiva munyori;
16 Ahitub izo Zadok da Abiyatar izo Abimelek mo ga ti alfagey. Sabsa ga ti bonkoono se hantumkwa.
17uye Bhenaya mwanakomana waJehoyadha ndiye wairaira vaKereti navaPereti; uye vanakomana vaDhavhidhi vaiva vakuru kutevera mambo.
17 Yehoyda izo Benaya go bonkoono doogarey boŋ, kaŋ ga ti Keretey da Peletey. Dawda izey mo ga ti koy kayna yaŋ ka bonkoono gaakasinay.