1Zvino negore ramakumi maviri namatatu raJoashi mwanakomana waAhazia, mambo waJudha, Jehoahazi mwanakomana waJehu wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akaubata makore ane gumi namanomwe.
1 Yahuda bonkoono Yowasa, Ahaziya izo, a mayra jiiri waranka cindi hinzanta ra no Yehowahaz, Yehu izo te bonkooni Israyla boŋ Samariya ra. A may mo jiiri way cindi iyye.
2Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akatevera zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo; haana kutsauka kwazviri.
2 A na goy laalo te Rabbi diyaŋ gaa. A na Yerobowam Nebat ize zunubey gana, naŋ kaŋ a na Israyla daŋ a ma zunubi te; a mana fay d'ey mo.
3Zvino Jehovha akatsamwira Isiraeri, akavaisa murowoko rwaHazaeri mambo weSiria, nomuruoko rwaBhenihadhadhi mwanakomana waHazaeri mazuva ose.
3 Kala Rabbi bine koroŋ Israyla boŋ. A n'i daŋ Suriya bonkoono Hazayel, da Ben-Hadad, Hazayel izo kambe ra waati kulu.
4Ipapo Jehoahazi akanyengetera kuna Jehovha, Jehovha akamunzwa; nekuti wakaona kutambudzwa kwaIsiraeri kwavakatambudzwa nako namambo weSiria.
4 Yehowahaz na Rabbi ŋwaaray. Rabbi mo maa a se, zama a di kankami kaŋ go ga te Israyla se Suriya bonkoono kambe ra no.
5Asi Jehovha wakapa Isiraeri muponesi, vakasununguka pamaoko avaSiria; vana vaIsiraeri vakagara mumatende avo sakare.
5 Rabbi mo na Israyla no faabako hal i yana ka fun Suriyancey kambe ra. Israyla izey mo goro ngey windey ra sanda doŋ wano cine.
6Kunyange zvakadaro havana kutsauka pazvivi zveimba yaJerobhoamu, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, asi vakaramba vachifamba mazviri; uye matanda okunamata nawo akaramba aripo paSamaria.
6 Kulu nda yaadin, i mana fay da Yerobowam kwaara zunubey bo, naŋ kaŋ a na Israyla daŋ i ma zunubi te, amma i soobay ka dira i ra. Wayboro himandi bundu tooruyaŋ mo cindi Samariya ra.
7Nekuti haana kusiira Jehoahazi vanhu, asi vatasvi vamabhiza vana makumi mashanu, nengoro dzine gumi, navanhu vaifamba namakumbo vane zviuru zvine gumi; nekuti mambo weSiria wakavaparadza, akavaita seguruva rinotsikwa pasi.
7 Zama a na kaaruko waygu da wongu torko way, da ce-koy zambar way hinne naŋ Yehowahaz se. Zama Suriya bonkoono n'i halaci, a n'i ciya sanda du kaŋ boro ga taamu cine.
8Mamwe mabasa aJehoahazi, nezvose zvaakaita, nesimba rake, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
8 Yehowahaz goy cindey, da haŋ kaŋ a te kulu, d'a soojetaray manti i n'i hantum Israyla bonkooney baaru tira ra bo?
9Jehoahazi akavata namadzibaba ake, vakamuviga paSamaria; Joashi mwanakomana wake akamutevera paushe.
9 Yehowahaz binde kani nga kaayey banda; i n'a fiji Samariya ra. A izo Yehowasa te bonkooni a nango ra.
10Negore ramakumi matatu namanomwe raJoashi mambo waJudha, Jehoashi mwanakomana waJehoahazi wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akahubata makore ane gumi namatanhatu.
10 Yahuda bonkoono Yehowasa mayra jiiri waranza cindi iyyanta ra no Yehowasa, Yehowahaz izo te bonkooni Samariya ra Israyla boŋ. A may mo jiiri way cindi iddu.
11Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo; asi wakaramba achifamba mazviri.
11 A na teera laalo te Rabbi diyaŋ gaa. A mana fay da Yerobowam Nebat izo zunubey, naŋ kaŋ a na Israyla daŋ i ma zunubi te, amma i ra no a soobay ka dira.
12Mamwe mabasa aJoashi, nezvose zvaakaita, nesimba rake raakarwa naro naAmazia mambo waJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
12 Yehowasa goy cindey mo, da haŋ kaŋ a te kulu, da gaabi kaŋ a na wongu te d'a Yahuda bonkoono Amaziya gaa, manti i n'i hantum Israyla bonkooney baaru tira ra bo?
13Joashi akavata namadzibaba ake, Jerobhoamu akagara pachigaro chake choushe; Joashi akavigwa paSamaria kuna madzimambo aIsiraeri.
13 Yehowasa kani nga kaayey banda, Yerobowam mo goro a karga boŋ. I na Yehowasa fiji Samariya ra, naŋ kaŋ i ga Israyla bonkooney fiji.
14Zvino Erisha wakarwara nokurwara kwaakazofa nako, Joashi mambo welsiraeri akaenda kwaari, akachema pamusoro pake, akati, Baba vangu, baba vangu, ngoro yaIsiraeri navatasvi vamabhiza ayo!
14 A go no, kala dooro kaŋ ga Iliyasu wi din n'a di hal a kani. Israyla bonkoono Yehowasa mo kaa a do. A soobay ka hẽ a boŋ, ka ne: «Ay baaba! Ay baaba! Israyla torko nd'a kaarukoy no.»
15Erisha akati kwaari, Tora uta nemiseve; akatora uta nemiseve.
15 Iliyasu ne a se: «Ni ma hangaw da biraw sambu.» A na hangawo da birawo sambu mo.
16Akati kuna mambo waIsiraeri, Isa ruoko rwako pauta; iye akaisa ruoko rwake pauta. Erisha akaisa maoko ake pamusoro pamaoko ake.
16 A ne Israyla bonkoono se: «Ni kamba daŋ birawo gaa.» A na nga kamba daŋ mo. Iliyasu na nga kambey dake bonkoono kambey boŋ.
17Akati, Zarura hwindo rinotarira mabvazuva; iye akarizarura. Zvino Erisha akati, Fura! Iye akafura. Akati, Ndiwo museve waJehovha unokunda, ndiwo museve unokunda vaSiria; nekuti imwi muchakunda vaSiria paAfeki, kusvikira mavaparadza.
17 A ne: «Ma wayna funay haray finetaro fiti.» A n'a fiti. Iliyasu ne a se: «Hay!» A hay. A ne: «Rabbi hangawo Suriyancey boŋ, zaamayaŋ hangaw no. Zama ni ga Suriyancey kar Afek ra, hala ni m'i ŋwa.»
18Akati, Tora miseve; iye akatora. Akati kuna mambo waIsiraeri, Rova pasi! Iye akarova pasi katatu, akarega.
18 Iliyasu ne mo: «Ma sambu hangawey.» A sambu koyne. A ne: «Israyla bonkoono ma laabo kar.» A n'a kar hala sorro hinza ka naŋ.
19Ipapo munhu waMwari akamutsamwira, akati, Waifanira kurova kashanu kana katanhatu, ipapo waikunda vaSiria kusvikira wavaparadza chose; asi zvino uchakunda vaSiria katatu chete.
19 Irikoy bora mo futu a se ka ne: «A hima ni ma kar sorro gu wala iddu. Yaadin cine no ni ga Suriya kar ka ŋwa mo. Amma sohõ sorro hinza hinne no ni ga Suriya kar.»
20Erisha akafa, vakamuviga. Zvino hondo dzavaMoabhu dzikapinda munyika pakutanga kwegore.
20 Iliyasu bu, a n'a fiji mo. Jiiri tajo sintina Mowab soojey kande wongu laabo ra.
21Zvino mumwe musi vakati vachiviga munhu, vakaona hondo yavaMoabhu, vakakandira munhu muhwiro hwaErisha, zvino munhu uyo wakati achigunzva mafupa aErisha, akararamazve, akamira namakumbo ake.
21 A ciya mo, i go boro fo fijiyaŋ gaa, kal i na soojeyaŋ fonnay. I na bora jindaw Iliyasu saara ra. Kaŋ bora lamba Iliyasu biriyey gaa, kal a ye ka tun ka kay nga cey boŋ.
22Zvino Hazaeri mambo weSiria akatambudza vaIsiraeri mazuva ose aJehoahazi.
22 Suriya bonkoono Hazayel mo na Israyla kaynandi Yehowahaz jirbey kulu ra.
23Asi Jehovha wakavanzwira tsitsi, akava nenyasha navo, akavawo nehanya navo, nokuda kwesungano yake naAbhurahamu, nalsaka, naJakove, akasada kuvaparadza, kana kuvarashira kure naye panguva iyo.
23 Amma Rabbi na gomni te i se, a di i bakaraw, a fongu i gaa nga alkawlo kaŋ a sambu Ibrahim da Isaka nda Yakuba se din sabbay se. A mana yadda i m'i halaci mo, a si ba nga m'i ban jina.
24Zvino Hazaeri mambo weSiria akafa, Bhenihadhadhi mwanakomana wake akamutevera paushe.
24 Suriya bonkoono Hazayel bu. A izo Ben-Hadad mo te bonkooni a nango ra.
25Ipapo Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akatorerazve Bhenihadhadhi mwanakomana waHazaeri, maguta aakanga atorera baba vake Jehoahazi pakurwa. Joashi akamukunda katatu, akatorazve maguta aIsiraeri.
25 Yehowasa, Yehowahaz ize mo ye ka kwaarey ta Ben-Hadad, Hazayel izo kamba ra, wo kaŋ yaŋ Hazayel ta a baabo Yehowahaz kamba ra. Wongu do ce hinza no Yehowasa n'a kar, a ye ka Israyla kwaarey ta mo.