Shona

Zarma

2 Samuel

2

1Zvino shure kwaizvozvo Dhavhidhi wakabvunza Jehovha akati, Ndokwira kune rimwe guta raJudha here? Jehovha akati, Kwira. Dhavhidhi akati, Ndokwira kuneripi? Iye akati, Hebhuroni.
1 Woodin banda Dawda na Rabbi hã ka ne: «Ya kaaru ka koy birni fo do Yahuda ra?» Rabbi mo ne a se: «Ma kaaru.» Dawda ne: «Woofo do no ay ga koy?» Rabbi ne: «Ma koy Hebron.»
2Naizvozvo Dhavhidhi akakwirako, navakadzi vake vaviriwo, vana Ahinowami muJezereeri, naAbhigairi, mukadzi waNabhari muKarimeri.
2 Dawda binde kaaru ka koy noodin, nga nda nga wande hinka, Ahinowam, Yezreyel waybora, da Abigayil, kaŋ goro ka te Nabal Karmel bora se wande waato.
3Dhavhidhi akakwirawo navanhu vake vaiva naye, mumwe nomumwe neimba yake, vakandogara pamaguta eHebhuroni.
3 A kaa mo, nga nda borey kaŋ yaŋ go a do, boro fo kulu nda nga almayaaley. I goro Hebron Kawyey ra.
4Varume vaJudha vakauya vakazodza Dhavhidhi, kuti ave mambo weimba yaJudha.
4 Yahuda borey mo kaa noodin ka ji soogu Dawda boŋ, zama a ma ciya bonkooni Yahuda kunda se. I kande Dawda se baaru ka ne: «Yabes-Jileyad borey no ka Sawulu fiji.»
5Dhavhidhi akatuma nhume kuvarume vaJabheshiGiriyadhi, akati kwavari, Muropafadzwe naJehovha, zvamakaitira ishe wenyu Sauro chinhu ichi chakanaka, mukamuviga.
5 Dawda binde na boroyaŋ donton i ma koy Yabes-Jileyad gorokoy do ka ne i se: «Rabbi no g'araŋ albarkandi, za kaŋ araŋ na gomni woodin cabe araŋ koyo se, danga Sawulu nooya, araŋ n'a fiji mo.
6Zvino Jehovha ngaakuitireiwo zvakanaka nechokwadi; neniwo ndichakuitirai zvakanaka, zvamakaita izvozvi.
6 Sohõ binde Rabbi ma gomni cabe araŋ se nda cimi. Ay mo ga gomni woodin bana araŋ se, za kaŋ araŋ na woodin te.
7Naizvozvo zvino, maoko enyu ngaave nesimba, muve noumhare; nekuti Sauro ishe wenyu wakafa, zvino veimba yaJudha vakandizodza, kuti ndive mambo wavo.
7 Sohõ binde araŋ kambey ma gaabu. Wa te alboro-teera, zama araŋ koyo Sawulu bu. Yahuda kunda mo na ji soogu ay boŋ ya ciya bonkooni ngey se.»
8Zvino Abhineri, mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yaSauro, wakange atora Ishibhosheti, mwanakomana waSauro, akamuisa Mahanaimu;
8 Amma Sawulu wonkoyo Abner, Ner izo, nga no ka Is-boset, Sawulu ize sambu ka daŋandi nd'a ka koy Mahanayim.
9akamuita mambo weGiriyadhi, nowavaAshuri, noweJezereeri, nowaEfuremu, nowaBhenjamini, nowavaIsiraeri vose.
9 A n'a daŋ bonkooni Jileyad da Aser izey, da Yezreyel, da Ifraymu, da Benyamin da Israyla kulu boŋ.
10(Ishibhosheti, mwanakomana waSauro, wakange ava namakore makumi mana nguva yokutanga kwake kubata ushe hwaIsiraeri, akabata ushe makore maviri). Asi veimba yaJudha vakatevera Dhavhidhi.
10 Is-boset, Sawulu ize, gonda jiiri waytaaci waato kaŋ a sintin ka may Israyla boŋ. A may mo jiiri hinka. Amma Yahuda kunda na Dawda gana.
11Nguva yakabata Dhavhidhi ushe bweimba yaJudha paHebhuroni aiva makore manomwe nemwedzi mitanhatu.
11 Jirbey kaŋ Dawda goro ka te bonkooni Yahuda boŋ Hebron ra, jiiri iyye nda handu iddu no.
12Zvino Abhineri, mwanakomana waNeri, navaranda valshibhosheti, mwanakomana waSauro, vakabva Mahanaimu, vakaenda Gibhioni.
12 Abner, Ner ize, da Is-boset, Sawulu ize banda borey, i fatta Mahanayim ka koy Jibeyon.
13NaJoabhu, mwanakomana waZeruya, navaranda vaDhavhidhi vakabudawo, vakasangana navo padziva reGibhiyoni; vakagara pasi, vamwe nechokuno kwedziva, vamwe nechemhiri kwedziva.
13 Yowab, Zeruwiya ize mo, da Dawda banda borey fatta ka kuband'ey Jibeyon bango me gaa. I goro, woone yaŋ go bango me woone gaa, yongo waney mo go bango ya-haray meyo gaa.
14Abhineri akati kuna Joabhu, Majaya ngaasimuke, atambe pamberi pedu. Joabhu akati, Ngavasimuke havo.
14 Abner ne Yowab se: «Ay ga ni ŋwaaray, arwasey ma tun ka fooru iri jine.» Yowab ne: «I ma tun me!»
15Ipapo vakasimuka, vakaenda namapoka; gumi navaviri kurutivi rwaBhenjamini naIshibhosheti, mwanakomana waSauro, uye gumi navaviri vavaranda vaDhavhidhi.
15 Waato din binde i tun ka daŋandi. I lasaabey boŋ, Benyamin da Is-boset, Sawulu ize se, i boro way cindi hinka. Dawda banda borey mo ra iway cindi hinka.
16Mumwe nomumwe akabata musoro wowakatarisana naye, vakabayana neminondo kunhivi dzavo, naizvozvo vakawira pasi pamwechete; naizvozvo nzvimbo iyo yakanzi Herikatiharuzimi, iri paGibhiyoni.
16 I afo kulu mo na nga hangasino di boŋo gaa, ka nga yanjekaaro gooru nda takuba caraw ra. Yaadin cine no i kulu kaŋ d'a me folloŋ. I binde na nango maa daŋ Helkat-Hazzurim. A go noodin Jibeyon ra.
17Kurwa kukanyanya kwazvo zuva iro; Abhineri navarume vaIsiraeri vakakundwa navaranda vaDhavhidhi.
17 Yanja binde koroŋ han din gumo. I na Abner da Israyla borey ŋwa Dawda banda borey jine.
18Vanakomana vatatu vaZeruya vakanga varipo, vana Joabhu, naAbhishai, naAshaheri; Ashaheri waigona kumhanya sechengu.
18 Zeruwiya ize hinza mo go noodin: Yowab da Abisay da Asahel. Asahel mo ce daguyaŋ ga waasu sanda jeeri cine.
19Ashaheri akateverera Abhineri; zvino pakumhanya kwake haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe pakuteverera Abhineri.
19 Asahel binde na Abner gana. A dirawo ra mo a mana kamba kambe ŋwaari wala kambe wow Abner ganayaŋo gaa.
20Abhineri akacheuka, akati, Ndiwe Ashaheri here? Akapindura, akati, Ndini.
20 Gaa no Abner zagu ka ne: «Nin no Asahel?» A tu ka ne: «Ay no.»
21Abhineri akati kwaari, Tsaukira hako kurudyi kana kuruboshe, ubate hako rimwe ramajaya, utore nhumbi dzake dzokurwa nadzo. Asi Ashaheri wakaramba kutsauka pakumuteverera.
21 Abner ne a se: «Ma bare kambe ŋwaari wala kambe wow haray, ka afo di arwasey din ra, k'a guuru kwaayo ta.» Amma Asahel wangu ka fay d'a ganayaŋ.
22Abhineri akatizve kuna Ashaheri, Tsauka hako pakunditeverera; ndichakuurayireiko? Ndingazondoonana sei naJoabhu mukuru wako?
22 Abner ye ka ne Asahel se: «Ma bare ka fay d'ay ganayaŋ. Ifo se no ay ga ni kar ka ni zeeri hala ganda? Yaadin gaa, mate no ay g'ay boŋo tunandi nd'a ni beero Yowab do?»
23Asi wakaramba kutsauka; naizvozvo Abhineri wakamubaya nomudumbu nechireya chepfumo, pfumo rikabuda neseri kwake; akawira pasi ipapo, akafirapo; zvino vanhu vose vakati vachisvika pakanga pawira Ashaheri pasi pakufa kwake, vakamira.
23 Kulu nda yaadin Asahel wangu ka yadda ka fay d'a ganayaŋ. Woodin se no Abner n'a kar d'a yaajo azulo. A na Asahel fun k'a korab hala yaajo fatta banda. A kaŋ ka bu noodin. A ciya binde borey me-a-me kaŋ yaŋ kaa ka to nango kaŋ Asahel kaŋ ka bu din, i ye ka kay tak!
24Asi Joabhu naAbhishai vakateverera Abhineri, zuva rikavira pakusvika kwavo pachikomo cheAma, vaiva pamberi peGiya panzira yerenje inoenda Gibhiyoni.
24 Amma Yowab da Abisay na Abner gana. Wayna mo kaŋ waato kaŋ i to Amma tudo gaa haray kaŋ go Jiya jine Jibeyon saajo fonda gaa.
25Zvino vana vaBhenjamini vakaungana kuzotevera Abhineri, vakaita boka rimwe, vakamira pamusoro pechikomo,
25 Benyamin izey mo margu Abner banda ka ciya jama folloŋ. I kay tudo boŋ.
26Abhineri akashevedzera kuna Joabhu akati, Ko munondo ucharamba uchingoparadza nokusingaperi here? Hauzivi kuti zvichavava pakupedzisira here? Uchanonoka kusvikira rinhiko kuraira vanhu kuti vadzoke pakuteverera hama dzavo?
26 Waato din gaa, Abner na Yowab ce ka ne: «Takuba ga ŋwa hal abada no? Ni mana bay kaŋ kokor banda a ga ciya bine forti no? Waati fo no ni ga ni borey lordi ka ne i ma bare ka fay da ngey nya-izey ganayaŋ?»
27Joabhu akati, NaMwari mupenyu, dai usina kutaura, zvirokwazvo vanhu vangadai varega mangwana kuteverera mumwe nomumwe hama yake.
27 Yowab ne: «Ay ze da Irikoy fundikoono, da manti kaŋ ni salaŋ, doŋ haciika borey kulu ga tun susubay za da hinay, ka soobay ka ngey nya-izey cey gana.»
28Naizvozvo Joabhu akaridza hwamanda, vanhu vose vakamira, vakarega kuzoteverera Isiraeri, vakasazorwazve.
28 Yowab binde na hilli kar, borey kulu kay mo. I mana ye ka Israyla gana, i mana ye ka yanje mo.
29Abhineri navanhu vake vakagura neArabha usiku uhwo hwose, vakayambuka Joridhani, vakagura neBhitironi yose, vakasvika Mahanaimu.
29 Abner da nga borey hanna ka dira, i goono ga Gooru Beero gana. I na Urdun daŋandi, ka Bitron kulu gana, ka kaa Mahanayim.
30Ipapo Joabhu akadzoka pakuteverera Abhineri; zvino wakati aunganidza vanhu vose, varume vane gumi navapfumbamwe naAshaheri vakashaikwa kuvaranda vaDhavhidhi.
30 Yowab ye mo, ka fay da Abner ganayaŋ. Waato kaŋ a na borey kulu margu, kal i jaŋ boro waranka afo si Dawda banda borey ra, ngey da Asahel.
31Asi varanda vaDhavhidhi vakanga vauraya varume vana mazana matatu namakumi matatu vavaBhenjamini navarume vaAbhineri.
31 Amma Dawda banda borey na Benyamin waney da Abner borey kar hala boro zangu hinza da waydu bu.
32Vakasimudza Ashaheri, vakandomuviga muhwiro hwababa vake, hwaiva paBheterehemu. Joabhu navanhu vake vakafamba usiku hwose, utonga hwukatsvuka pakusvika kwavo paHebhuroni.
32 I na Asahel sambu ka fiji nga baabo saara ra, kaŋ go Baytlahami ra. Yowab da nga borey hanna ka dira. Wayna fun i se Hebron.