Shona

Zarma

Exodus

35

1Zvino Mozisi wakaunganidza ungano yose yavana vaIsiraeri, akati kwavari, Ndiwo mashoko akarairwa naJehovha kuti muaite.
1 Musa na Israyla izey jama kulu margu ka ne i se: «Sanney kaŋ yaŋ Rabbi ci ka ne araŋ ma te neeya:
2Mabasa ose ngaabatwe namazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe rinofanira kuva kwamuri zuva dzvene, sabata rokuzorora kwazvo pamberi paJehovha; ani naani anobata basa ripi neripi naro, ngaaurawe.
2 Jirbi iddu no i ga goy te, amma zaari iyyanta ya zaari hanno no. A ga goro araŋ se fulanzamay asibti gaakurante Rabbi se. Boro kulu kaŋ na goy kulu dumi te a ra, i g'a wi.
3Regai kuvesa moto padzimba dzenyu dzose nezuva resabata.
3 Araŋ ma si danji funsu araŋ nangorayey kulu ra fulanzamay hane.»
4Mozisi akataura neungano yose yavana vaIsiraeri, akati, Ndicho chinhu chakarairwa naJehovha, achiti,
4 Musa salaŋ Israyla jama kulu se ka ne: «Yaa no Rabbi ci:
5Ripirai Jehovha chipo pazvinhu zvenyu; ani naani ane moyo unoda, ngaauye nacho, chive chipo chaJehovha, zvinoti: Ndarama, nesirivha, nendarira,
5 ‹Wa nooyaŋ ta araŋ game ra ka kande Rabbi se. Boro kulu kaŋ bina ga miila ma kande nooyaŋ Rabbi se, wura da nzarfu, da guuru-say,
6nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, nemvere dzembudzi,
6 da silli suudi nda suniya nda iciray, da lin* baano taafeyaŋ, da hincin hamni taafeyaŋ,
7namatebwe amakondobwe akazodzwa zvitsvuku, namatebwe amatenhe, namatanda omuakasia,
7 da feeji kuuru kaŋ i cirandi, da hari-ra-hansi kuuruyaŋ, da jitti bundu,
8namafuta omwenje, nezvinonhuhwira zvamafuta okuzodza, noupfu hunonhuhwira,
8 da ji fitilla kaariyaŋ se, da yaazey tuusuyaŋ jiyo se, da dugu mo haw kaano se.
9nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa paefodhi napahombodo yechipfuva.
9 Wa kande oniks* tondiyaŋ da tondi waani-waani efod* kwaayo se da gande daabiro mo se.
10Varume vose pakati penyu vane moyo yakachenjera ngavauye, vaite zvose zvakarairwa naJehovha;
10 Araŋ boro kulu kaŋ gonda laakal nga bina ra mo ma kaa, a ma goy ka te hay kulu kaŋ Rabbi lordi*.
11zvinoti: Tabhenakeri netende rayo, nechifukidzo chayo, nezvikorekedzo zvayo, namapuranga ayo, nembariro dzayo, nembiru dzayo, nezvigadziko zvayo;
11 Ngey neeya: Irikoy nangora, d'a hukumo, d'a daabirjey, d'a kanjar'izey, d'a kataakey, d'a bundu-gaarey, d'a bonjarey, d'a dabey.
12neareka, namatanda ayo, nechifunhiro chokuyananisa, nechidzitiro chinodzitira,
12 Sundurko da nga goobey, da sasabandiyaŋo do, d'a kosaray taafa,
13netafura, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, nechingwa chokuratidza,
13 da taablo da nga goobey, d'a jinayey kulu, da jisiyaŋ buuro,
14nechigadziko chemwenje yokuvheneka nayo, nenhumbi dzacho, nemwenje yacho, namafuta okuvhenekesa nawo,
14 da fitilla suntulo mo kaari se, da nga jinayey kulu, da nga fitilley, da fitilla ji kaari se,
15nearitari yezvinonhuhwira, namatanda ayo, namafuta okuzodza nawo, noupfu hunonhuhwira, nechidzitiro chomukova pamukova wetabhenakeri,
15 da dugu tonyaŋ feema da nga goobey, da tuusuyaŋ jiyo da dugu mo haw-kaano-koy, da daabule kaŋ ga sarku meyo gaa, Irikoy nangora ra furoyaŋo do haray,
16nearitari yezvipiriso zvinopiswa, nechakarukwa chayo chendarira, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira, nechigadziko chawo,
16 da sargay kaŋ i ga ton feema mo, da nga tandarayaŋ haro kaŋ i te da guuru-say, d'a goobey d'a jinayey kulu, da nyumayyaŋ taasa nda nga wane daba,
17nezvidzitiro zvoruvanze, nembiru dzazvo, nezvigadziko zvadzo, nechidzitiro chesuwo roruvanze,
17 batama kosaray taafey mo d'a windi bundey, d'a dabey, da daabula mo windi meyo se,
18nembambo dzetabhenakeri, nembambo dzoruvanze, netambo dzadzo,
18 da Irikoy nangora loley, da batama waney, d'i korfey,
19nenguvo dzakarukwa zvakanaka dzokushumira nadzo panzvimbo tsvene, nenguvo tsvene dzaAroni mupristi, nenguvo dzavanakomana vake dzokushumira nadzo pabasa roupristi.
19 da kaymi hanno bankaaray goyo wo teeyaŋ se, nangu hananta ra, da bankaaray hannoyaŋ Alfa Haruna se d'a izey bankaarayey, zama i ma goy alfagataray goyey ra.› »
20Zvino ungano yose yavana vaIsiraeri yakabva kuna Mozisi,
20 Israyla izey jama kulu tun Musa jine.
21vakauya, mumwe nomumwe wakamutswa nomoyo wake, nomumwe nomumwe wakatendiswa nomweya wake, vakauya nechipo chaJehovha, chokubata basa retende rokusangana namabasa aro ose, nenguvo tsvene.
21 Boro kulu mo kaŋ bina n'a zuku, da boro kulu kaŋ biya naŋ a ma yadda, i kande Rabbi nooyaŋey kubayyaŋ hukumo goyo se, d'a saajawo kulu, da bankaaray hanney se mo.
22Vakauya varume navakadzi, vose vaiva nemoyo yakanga ichida, vakauya nezvikorekedzo, nezvindori zvenzeve, nezvindori zvokusimbisa, nezvishongo zvamaoko, nezvishongo zvose zvendarama; mumwe nomumwe wakavigira Jehovha chipo chendarama.
22 I kaa, alborey da wayborey kaŋ yaŋ biney yadda me. I kande kanjar'ize nda hanga korbay da kambe korbay da kambe guuruyaŋ, wura wane yaŋ, danga boro kulu kaŋ na wura nooyaŋ salle Rabbi se no.
23Murume mumwe nomumwe waiva nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, nemvere dzembudzi, namatebwe amakondobwe akazodzwa zvitsvuku, namatebwe amatenhe, wakauya nazvo.
23 Boro kulu mo kaŋ i na silli suudi gar a do, wala suniya wala iciray, wala lin baano taafe, wala hincin hamni taafeyaŋ, wala feeji kuuru kaŋ i cirandi, wala hari-ra-hansi kuuru, i kand'ey.
24Mumwe nomumwe waigona kuripa chipo chesirivha nechendarira wakauya nechipo chaJehovha; mumwe nomumwe waiva namatanda omuakasia, avaigona kubata nawo, wakauya nawo.
24 Boro kulu kaŋ ga nzarfu nda guuru-say nooyaŋ salle mo kand'ey ka no Rabbi se. Boro kulu mo kaŋ gonda jitti bundu nga do goy kulu se, saajawo wo wane, i kand'a.
25Vakadzi vose vaiva nemoyo yakangwara vakaruka namaoko avo, vakauya nezvavakaruka, zvaiti: Zvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka.
25 Wayborey kulu mo kaŋ yaŋ gonda laakal ngey biney ra, i bi da ngey kambey ka kande haya kaŋ i bi din: silli suudi yaŋ da suniya nda iciray, da lin baano taafe yaŋ.
26Vakadzi vose vakanga vamutswa nemoyo yavo kuva vakachenjera vakaruka mvere dzembudzi.
26 Wayborey kulu mo kaŋ biney n'i zuku laakal ra na hincin hamni bi.
27Navakuru vakauya nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa paefodhi, napahombodo yechipfuva,
27 Jine borey mo kande oniks tondiyaŋ efod kwaayo jase boŋey se, da tondi waani-waani koyne gande daabiro se,
28nemiti inonhuhwira, namafuta okuvhenekesa nawo, nezvokuzodza nazvo, noupfu hunonhuhwira.
28 da yaaziyaŋ, da ji fitilla kaariyaŋ se, da tuusuyaŋ se, da dugu haw kaano mo se.
29Vana vaIsiraeri vakauya nemoyo yavo nezvipo zvokupa Jehovha; murume mumwe nomumwe nomukadzi mumwe nomumwe waitendiswa nomoyo wake kuti avigire zvokubata nazvo basa rose rakanga rarairwa naJehovha, kuti riitwe naMozisi.
29 Israyla izey kande nooyaŋ Rabbi do bine yadda boŋ, alboro nda wayboro kulu kaŋ biney salaŋ i se i ma kande jinay goyey kulu se, wo kaŋ Rabbi lordi Musa do i m'i te.
30Zvino Mozisi akati kuvana vaIsiraeri, Tarirai, Jehovha wakadana nezita rake Bhezareri, mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha,
30 Musa ne Israyla izey se koyne: «Guna Bezaleyel, Uri izo, Hur ize, Yahuda kunda boro neeya. Rabbi n'a suuban da nga maa.
31akamuzadza noMweya waMwari ave nokuchenjera, nokunzwisisa, nokuziva kose, nokugona marudzi ose amabasa,
31 A n'a toonandi mo nda Irikoy Biya, laakal da fahamay da bayray ra goy kulu se,
32kuti afunge mano oumhizha, nokubata nendarama, nesirivha, nendarira,
32 zama a ma gonitaray doodo kaa taray, a ma goy da wura da nzarfu nda guuru-say.
33nokuveza mabwe anoiswa mukati, nokuveza matanda, nokugona kubata mabasa ose oumhizha.
33 A ma tondi jabuyaŋ goy te mo k'i daŋ ngey gaayyaŋ harey ra, a ma tuuri jabuyaŋ te, doodo kulu dumi wane.
34Akaisa mumoyo make uchenjeri hwokudzidzisa vamwe, iye naOhoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani.
34 A daŋ mo a bina ra mate kaŋ a ga hin ka dondonandi, nga nda Oholiyab, Ahisamak izo, Dan kunda bora.
35Akavazadza nokuchenjera komoyo, kuti vagone kubata mabasa ose omuvezi wamabwe, neemhizha, naavasoni vezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, naavaruki vanobata mabasa ose, naavose vanofunga mano amabasa oumhizha.
35 Borey din no, Irikoy n'i toonandi nda laakal zama i ma goy dumi kulu te, tondi hantumyaŋ wane, da boriyandiyaŋ goy wane, da silli taalam goy, suudi nda suniya nda iciray, da lin baano taafe, da cakay wane, danga gonitaray dumi kulu goy teeko, da doodo teeyaŋ goy.