Shona

Zarma

Exodus

39

1Vakaitawo nguvo dzakarukwa zvakanaka nezvitema, nezvishava, nezvitsvuku, dzokushumira nadzo panzvimbo tsvene; vakaita nguvo tsvene dzaAroni, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
1 I na bankaarayey te nda fatala suudi nda suniya nda iciray, kaymi goy hanno wane yaŋ, nangu hananta ra goyo se, da mo bankaaray hanante yaŋ Haruna se, danga mate kaŋ Rabbi na Musa lordi* nd'a.
2Akaita efodhi nendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa.
2 A na efod* kwaayo te da wura, da silli suudi nda suniya nda iciray, lin* baano taafe gaa.
3Vakapambadzira ndarama, vakaita mabape matete, vakaicheka, vakaita nhare dzokusonisa nadzo zvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka yakarukwa, riri basa romunhu anogona.
3 A na wura dan kal a te kobto cine k'a dumbu-dumbu ka te silli zama i ma goy d'a suudi nda suniya nda iciray ra, lin baano gaa, gonitaray goy.
4Vakaiitira mabandi pamafudzi akabatanidzwa; akanga akabatanidzwa pamiromo yayo miviri.
4 I na jasa boŋ yaŋ te efod marguyaŋo se. Yaadin no a me hinka margu care gaa d'a.
5Nebhanhire rakarukwa nomubati wakachenjera, rakanga riri pamusoro payo, rokuisunga naro; chakanga chiri chinhu chimwe chete nayo, rakaitwa saiyo; rendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka yakarukwa, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
5 Guddama kaŋ go efod kwaayo gaa mo, a kulu kaymi goy fo. I n'a te da wura, da silli suudi nda suniya nda iciray, lin baano taafe gaa, danga mate kaŋ Rabbi na Musa lordi nd'a.
6Vakagadzira mabwe eonikisi, akanyudzwa mukati mezviruva zvendarama, mazita avana vaIsiraeri akanyorwapo, sezvinonyorwa ibwe rokusimbisa.
6 I na oniks* tondiyaŋ goy k'i daŋ wura taalamante jisiyaŋ nango ra, hantumante nda kawaatimi hantumyaŋ Israyla izey maayey boŋ.
7Akaaisa pamabandi apamafudzi eefodhi, kuti ave mabwe okurangaridza vana vaIsiraeri, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
7 A n'i daŋ efod kwaayo jase boŋey boŋ, fonguyaŋ tondiyaŋ no Israyla izey se, danga mate kaŋ Rabbi na Musa lordi nd'a.
8Akaitawo hombodo yechipfuva, raiva basa romubati wakachenjera, sezvakaitwawo efodhi; akaiita nendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka yakarukwa.
8 A na gande daabiri mo te da gonitaray goy, danga efod kwaayo goyo cine. I n'a te da wura, da silli suudi nda suniya nda iciray, lin baano taafe gaa.
9Yakanga ine nhivi ina dzakaenzana; vakaita hombodo yechipfuva ine mheto mbiri; kureba kwayo kwakanga kwakaita sapanosvika mimwe, noupamhi hwayo sapanosvika mimwewo, ine mheto mbiri.
9 Kambey kulu ga saba. I n'a taabu care gaa, a salleyaŋo kambe gaaba fo no, a hayyaŋo mo kambe gaaba fo kaŋ taabante no.
10Vakaisa mukati mayo misara mina yamabwe, mumwe musara waiva nesadhio, netopasi, nekabhunakeri. Ndiwo musara wokutanga.
10 I na tondi sasare taaci daŋ a ra. Sasare sintina ra: sardiyus* fo, da topaz* fo, da karbonkal* fo;
11Napamusara wechipiri simaradhino, nesafiri, nedhaimani.
11 sasare hinkanta ra: krisolit* fo, da safir* fo, da daminti fo;
12Napamusara wechitatu haikindi, neagati, neametisi.
12 sasare hinzanta ra: opal fo, da kalsedoni* fo, da amotosto fo;
13Napamusara wechina bheriri, neonikisi, nejasipiri; akanga akanyudzwa muzviruva zvendarama.
13 sasare taacanta ra: beril* fo, da oniks fo, da yaspidi* fo. Tondey din, i n'i jisi ngey wura taalamante jisiyaŋ nangey ra.
14Mabwe akanga akaita samazita avana vaIsiraeri, ane gumi namaviri, samazita avo; akanga akanyorwa sezvinonyorwa ibwe rokusimbisa, rimwe nerimwe rine zita raro, mazita amarudzi ane gumi namaviri.
14 I to iway cindi hinka Israyla izey maayey boŋ, danga kawaatimi karyaŋ cine, tondi fo kulu nda nga maa, kunda way cindi hinka din se.
15Napahombodo akaita zviketani zvakafanana norwonzi rwendarama yakamoniwa yakaisvonaka.
15 Gande daabiro gaa mo i na sisiriyaŋ te, kaŋ i bi nda wura zalla.
16Vakaitawo zviruva zviviri zvendarama, nezvindori zviviri zvendarama, akaisa zvindori zviviri pamicheto miviri yehombodo yechipfuva.
16 I na sarkuyaŋ do hinka da korbay hinka mo te da wura. I na korbay hinka din daŋ gande daabiro kambu hinka gaa.
17Vakaisawo zviketani zviviri zvendarama yakamoniwa pazvindori zviviri zvaiva pamicheto yehombodo yechipfuva.
17 I na sisiri biyante hinka din daŋ korbay hinka din ra gande daabiro meyey do haray.
18Nemimwe miromo miviri yezviketani zviviri, vakaiisa pamabandi apachipfuva cheefodhi nechemberi kwayo.
18 Sisiri biyante me hinka waani, i n'i daŋ sarkuyaŋ hari hinka din gaa k'i haw efod kwaayo jase boŋey gaa a jine haray.
19Vakaitawo zvindori zviviri zvendarama, vakazviisa pamicheto miviri yehombodo yechipfuva pamupendero wayo, uri kurutivi rweefodhi nechomukati.
19 I na wura korbay hinka te k'i daŋ gande daabiro kambu hinka gaa, a meyey gaa, wo kaŋ go efod kwaayo gaa a ra haray.
20Vakaitawo zvindiro zviviri zvendarama vakazviisa pamabhande maviri apamafudzi eefodhi zasi nechemberi kwayo, pedo napayakabatanidzwa napo, pamusoro pebhanhire reefodhi rakarukwa nouchenjeri.
20 A na wura korbay hinka te koyne k'i daŋ efod kwaayo jase boŋ hinka cire, jine haray, a marguyaŋo do maanante, efod kwaayo guddama se beene.
21Vakasunganidza hombodo yechipfuva nezvindori zvayo pazvindori zveefodhi norwonzi rutema, kuti ruve pamusoro pebhanhire reefodhi rakarukwa nouchenjeri, kuti hombodo yechipfuva irege kusununguka paefodhi, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
21 I na gande daabiro haw a korbayey gaa k'i margu nda efod kwaayo korbayey da suudi korfo, zama gande daabiro ma goro efod kwaayo guddama se beene, zama gande daabiro ma si feeri ka fun efod kwaayo gaa, danga mate kaŋ Rabbi na Musa lordi nd'a.
22Akaitawo jasi reefodhi rakarukwa; rose rakanga riri romucheka mutema.
22 A na kwaay izo kaŋ boŋ i ga efod kwaayo dake mo te, kaymi goy. A n'a kulu te da fatala suudi.
23Akaita buri rejasi pakati paro, seburi renguvo yokurwa, rakanga rinomupendero wakapoteredza buri raro, kuti rirege kubvaruka.
23 Kwaay izo jinda kurkuto mo go a bindo ra, danga wongu kwaay cine. I n'a kay ka jinda windi zama a ma si kortu.
24Pamipendero yejasi vakaita matamba ezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakarukwa.
24 I na garenad* himandiyaŋ te a meyo gaa ganda, suudi nda suniya nda iciray wane, lin biyaŋ.
25Vakaitawo zvitare zvinorira zvendarama yakaisvonaka; vakaisa zvitare pakati pamatamba pamipendero yejasi, kunhivi dzose, pakati pamatamba;
25 I na wura zalla lond'izeyaŋ te koyne, ka lond'izey daŋ garenadey game ra, kwaay izo meyo gaa ganda a windanta,
26pakava nechitare chimwe nedamba rimwezve, pamipendero yejasi kunhivi dzose, rikava jasi rokushumira naro, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
26 lond'ize fo da garenad fo, lond'ize fo da garenad fo, kwaay izo me gaa windanta kaŋ i ga daŋ goy teeyaŋ se, danga mate kaŋ Rabbi na Musa lordi nd'a.
27Vakaitira Aroni navanakomana vake nguvo dzakarukwa nomucheka wakaisvonaka,
27 I na jabbayaŋ te mo, lin baano kaymi wane, Haruna nda nga izey se.
28nenguwani yomucheka wakaisvonaka, nedzimwe nguwani dzakanaka dzomucheka wakaisvonaka, namabhuruku omucheka wakarukwa wakaisvonaka,
28 Ngey nda lin baano boŋtobay, da lin baano fatala fuula hannoyaŋ, da lin mudunyaŋ,
29nebhanhire romucheka wakaisvonaka wakarukwa, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, rikava basa romusoni anogona, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
29 da lin baano guddamayaŋ kaŋ i taalam da suudi nda suniya nda iciray. I n'i te danga mate kaŋ Rabbi na Musa lordi nd'a.
30Vakaitawo bwendefa rekorona tsvene nendarama yakaisvonaka, vakanyora pamusoro paro sezvinonyorwa ibwe rokusimbisa, vachiti: MUTSVENE KUNA JEHOVHA.
30 I na wura zalla walhã kayna te, ihanno, ka hantumyaŋ fo hantum a gaa, danga kawaatimi hantumyaŋ ya-cine: «HANANTE NO RABBI SE.»
31Vakasungira pariri rwonzi rutema, kuti varibatanidze naro panguwani kumusoro, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
31 I na suudi korfo daŋ a gaa zama i m'a haw boŋtoba boŋ beene, danga mate kaŋ Rabbi na Musa lordi nd'a.
32Naizvozvo basa rose retabhenakeri yetende rokusangana rakapera; vana vaIsiraeri vakaita zvose zvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha, vakaita saizvozvo.
32 Yaadin no i na Irikoy nangora kaŋ go kubayyaŋ hukumo ra goyo kulu toonandi nd'a. Israyla izey te danga mate kaŋ Rabbi na Musa lordi nd'a kulu, yaadin mo no i te.
33Zvino vakauya netabhenakeri kuna Mozisi, zvaiti: tende nenhumbi dzaro dzose, nezvikorekedzo zvaro, namatanda aro, nembariro dzaro, nembiru dzaro, nezvigadziko zvaro;
33 I kande Irikoy nangora Musa do, hukumo da nga jinayey kulu: a kanjar'izey, d'a kataakey, d'a bundu-gaarey, d'a bonjarey, d'a dabey,
34nechifukidzo chamatebwe amakondobwe akazodzwa muti mutsvuku, nechifukidzo chamatebwe amatenhe, nechidzitiro chokudzitira nacho;
34 d'a feeji kuuru ciray daabiro, da hari-ra-hansi kuuru daabiro, da daabuyaŋ kosaray taafa,
35neareka yechipupuriro, namatanda okutakura nawo, nechifunhiro chokuyananisa;
35 da seeda daŋyaŋ sundurko da nga goobey, da sasabandiyaŋo do,
36netafura, nenhumbi dzayo dzose, nechingwa chokuratidza;
36 da taablo da nga jinayey kulu, da jisiyaŋ buurey,
37nechigadziko chakaisvonaka, nemwenje yacho, mwenje yokugadzirirapo, nenhumbi dzacho dzose, namafuta okuvhenekesa nawo;
37 da wura zalla fitilla suntulo, da nga fitilley soolanteyaŋ, d'a jinayey kulu, da kaari se jiyo,
38nearitari yendarama, namafuta okuzodza nawo, nezvinonhuhwira zvakanaka, nechidzitiro chomukova wetende;
38 da wura feema, da tuusuyaŋ jiyo, da tonyaŋ dugu haw kaano se, da daabule hukumo meyo se.
39nearitari yendarira, nechakarukwa chayo chendarira, namatanda, nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira, nechigadziko chawo;
39 I kande guuru-say sargay* feema da nga tandarayaŋ haro kaŋ i te da guuru-say, da nga goobey, d'a jinayey kulu, da nyumayyaŋ taasa, d'a daba.
40nezvirembedzwa zvaparuvanze, nembiru dzazvo, nezvigadziko zvadzo, nechidzitiro chesuwo roruvanze, norwonzi rwacho, nembambo dzacho, nenhumbi dzose dzokubata nadzo patabhenakeri, patende rokusangana;
40 I kande batama kosaray taafey, d'a windi bundey, d'a dabey, da daabula windi meyo se, d'a korfey, d'a loley, da Irikoy nangora goy jinayey kulu, kubayyaŋ hukumo se.
41nenguvo dzakarukwa zvakanaka nouchenjeri dzokushumira nadzo panzvimbo tsvene, nenguvo tsvene dzaAroni mupristi, nenguvo dzavanakomana vake, dzokushumira nadzo pabasa roupristi.
41 I kande bankaaray kaymi-hanno-koyey nangu hananta ra goyo teeyaŋ se, da bankaaray hanante yaŋ Alfa Haruna se d'a izey bankaarayey, zama i ma goy alfagataray goyey ra.
42Zvose sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha, saizvozvo vana vaIsiraeri vakaita mabasa ose.
42 Hay kulu kaŋ Irikoy na Musa lordi boŋ, yaadin no Israyla izey na goyo kulu te d'a.
43Mozisi akatarira mabasa ose, akaona kuti vakanga vaaita sezvakanga zvarairwa naJehovha, ndizvo zvavakaita; Mozisi akavaropafadza.
43 Musa na goy kulu kaŋ i te guna, a di kaŋ i n'a kubandi. Danga mate kaŋ Rabbi lordi, yaadin mo no i n'a te. Musa binde na albarka gaara i se.