Shona

Zarma

Genesis

38

1Nenguva iyoyo Judha akabva kuvana vababa vake, akaburuka, akatsaukira kuno mumwe murume muAdhuramu, ainzi Hira.
1 Alwaato din ra Yahuda dira ka fun nga nya-izey do ka koy ka goro Adullam kwaara boro fo do, kaŋ maa Hira.
2Judha akaonapo mukunda womumwe munhu muKanani, ainzi Shua, akamutora, akapinda kwaari.
2 Noodin binde Yahuda di wandiyo fo kaŋ baabo maa Suwa, Kanaanance fo no. A n'a hiiji ka margu nd'a.
3Iye akava nemimba, akabereka mwana­komana, akamutumidza zita rinonzi Eri.
3 A te gunde ka hay ize alboro k'a maa daŋ Er.
4Akava nemimbazve, akabereka mwana­komana, akamutumidza zita rinonzi Onani.
4 A ye ka te gunde ka hay ize alboro k'a maa daŋ Onan.
5Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rino­nzi Shera; iye aiva paKezibhi mukadzi wake achimubereka.
5 A ye ka hay ize alboro koyne k'a maa daŋ Sela. A go Keziba saaya kaŋ a n'a hay.
6Zvino Judha akatorera dangwe rake Eri mukadzi ainzi Tamari.
6 Yahuda na wande sambu nga hay-jine Er se, kaŋ maa Tamar.
7Asi dangwe raJudha, aiva munhu akaipa pamberi paJehovha; Jehovha akamuuraya.
7 Amma Yahuda hay-jina Er wo, boro laalo no Rabbi jine, Rabbi n'a wi mo.
8Zvino Judha akati kuna Onani, Pinda kumukadzi womukoma wako, umuwane, umuitire zvakafanira munin'ina womurume, umutsire mukoma wako vana.
8 Yahuda mo ne Onan se: «Kala ni ma margu nda ni nya izo wando. Ni ma kurnye kayne wazibo toonandi a do, ka dumi jisi ni nya izo se.»
9Zvino Onani akaziva kuti vana avo havangavi vake; naizvozvo wakati kana opinda kumukadzi womu­koma wake, orasira mbeu pasi, kuti arege kupa mukoma wake vana.
9 Onan binde bay kaŋ dumo si ciya nga wane. A ciya binde waato kaŋ a margu nda nga nya izo wando, kal a na dumo mun ganda laabo ra, zama nga ma si dumi no nga nya izo se.
10Chi­nhu ichi chaakaita chakanga chakaipa pamberi paJehovha; akamuuraya nai­yewo.
10 Haŋ kaŋ a te din binde, goy laalo no Rabbi jine, a na nga mo wi.
11Ipapo Judha akati kuna Tamari, mukadzi womwana wake, Chigara hako uri chirikadzi paimba yababa vako, kusvikira Shera, mwanakomana wangu, akura; nekuti akati, Zvimwe angafa savakoma vake. Tamari aka­ndogara kumba kwababa vake.
11 Saaya din Yahuda ne nga anzura Tamar se: «Kala ni ma goborotaray goray te ni baaba windo ra, hal ay izo Sela ma beeri.» Zama a ne nga mo ma si koy ka bu danga a nya izey cine. Tamar binde koy ka goro nga baabo windo ra.
12Mazuva mazhinji akati apfuura, mukunda waShua, mukadzi waJudha, akafa; zvino Judha akati anyaradzwa, akakwira kuvaveuri vamakwai ake paTi­muna, iye naHira, shamwari yake muAdhuramu.
12 Jirbiyaŋ bisa, kala Suwa izo, Yahuda wando bu. Kaŋ Yahuda n'a seew, waato din gaa a koy nga feejey hamni hõsekoy do, Timnat haray, nga nda nga cora Hira, Adullam bora.
13Tamari akaudzwa, zvichinzi, Tarira baba vomurume wako vanokwira Timuna kundoveura makwai avo;
13 I ci Tamar se ka ne: «Guna, ni anzuray neeya ga koy Timnat ka nga feejey hõse.»
14ipapo iye akabvisa nguvo dzouchirikadzi hwake, akazvifukidza nechokufukidzira chake, akazviputira, akagara pasuwo reEnaimu, guta riri panzira inoenda Timuna; nekuti akanga aona kuti Shera akura, akasamupiwa iye kuti ave mukadzi wake.
14 Kal a na seew bankaarayey kaa ka jisi, ka bangum ka daabu _danga mate kaŋ kaaruwa ga te|_. A koy ka goro Enam kwaara meyo gaa, kaŋ go Timnat fonda boŋ. Zama a di kaŋ Sela beeri, amma i mana nga no a se, a m'a hiiji.
15Zvino Judha akati achimuona, akati chifeve, nekuti akanga afukidza chiso chake.
15 Saaya kaŋ Yahuda di a, a ga ho hala kaaruwa no, zama a na nga moyduma daabu.
16Akatsaukira kwaari panzira, akati, Douya, ndipinde kwauri; nekuti akanga asingazivi, kuti mukadzi womwa­nakomana wake. Iye akati, Unogondi­peiko, kuti upinde kwandiri?
16 Kala Yahuda kamba a do fonda boŋ ka ne: «Ay ga ni ŋwaaray, ma naŋ ay ma margu nda nin.» (zama a mana bay hala nga anzura no.) Waybora ne: «Ifo no ni g'ay no, zama ni ma margu nda ay?»
17Akati, Ndichakutumira mbu­dzana inobva kuzvipfuwo zvangu. Akati, Uchandipa rubatso kusvikira wai­tuma here?
17 Yahuda ne: «Ay ga hincin ize fo samba ni se, ay kurey ra.» Waybora ne: «M'ay no tolme hala ni g'a samba.»
18Akati, Ndichagokupa rubatso rweiko? Iye akati, Chimhete chako, norwonzi rwako, netsvimbo yako iri paruoko rwako. Akamupa izvozvo, aka­pinda kwaari, akava nemimba naye.
18 A ne: «Tolme fo dumi n'ay ga no ni se?» Waybora ne: «Ni kawaatimo da ni jinda gaa korfo wo, da ni goobo kaŋ go ni kambe ra.» Kal a n'i no a se. A margu nd'a mo. Nga mo na gunde sambu a do.
19Akasimuka, akaenda, akabvisa choku­fukidzira chake, akafuka nguvo dzouchiri­kadzi hwake.
19 Kala Tamar tun ka nga koyyaŋ te. A na nga bangumo kaa ka nga seew bankaarayey daŋ koyne.
20Zvino Judha akatuma mbudzana noruoko rweshamwari yake, muAdhuramu, kuti atore rubatso paruoko rwomukadzi, asi haana kumuwana.
20 Yahuda mo na hincin ize fo samba a se nga cora Adullam bora kambe ra, zama a ma tolma ta waybora gaa, amma a mana di a.
21Akabvunza vanhu vokwake, achiti, Chiripiko chifeve chiya, chakanga chiri paEnaimu panzira? Vakati, Kwakanga kusina chifeve pano.
21 Gaa no a na noodin borey hã naŋ kaŋ a go ka ne: «Mana kaaruwa din kaŋ go Enam fonda me gaa waato?» I ne: «Kaaruwa kulu si no kaŋ te nango wo ra.»
22Akadzokera kuna Judha, akati, Handina kumuwana; navanhu voko va­kati, Kwakanga kusina chifeve pano.
22 Kal a ye Yahuda do ka ne: «Ay mana di a. A binde, noodin borey ne kaaruwa kulu mana te noodin.»
23Ipapo Judha akati, Ngaazvitore hake, kuti tirege kunyadziswa; tarira ndatuma mbudzana iyi, iwe ukasamu­wana.
23 Yahuda binde ne: «Fay d'a, a m'a gaay hala iri ma si haaw. A go, ay na hincin izo wo samba, amma ni mana di a.»
24Zvino mwedzi inenge mitatu ya­kati yapfuura, Judha akaudzwa, zvichi­nzi, Tamari, mukadzi womwanakomana wako, akaita upombwe; wava nemimba noupombwe hwake. Judha akati, Uyai naye, apiswe.
24 A go no, i te danga handu hinza cine, kal i ci Yahuda se ka ne: «Ni anzura Tamar te kaaruwa. A go mo da gunde, kaaruwataray wane.» Yahuda ne: «I ma kond'a taray k'a ton.»
25Zvino vakati vachiuya naye, aka­tuma shoko kuna baba vomurume wake, achiti, Ndine mimba nomurume ane nhumbi idzi, akati, Docherekedzai kuti izvi ndezvani, zvinoti, chimhete norwo­nzi, netsvimbo.
25 Saaya kaŋ i fatta nd'a, waybora donton nga anzura gaa ka ne: «Bora kaŋ wane no harey wo, a do no ay na gunde sambu.» A ne mo: «Ay ga ni ŋwaaray, ma bay boro kaŋ wane yaŋ no, ngey: kawaatimo wo, da jinde korfo wo da goobo wo.»
26Judha akazviziva, akati, Iye wakarurama kukunda ini, nekuti handina kumupa Shera, mwanako­mana wangu. Haana kuzomuzivazve.
26 Yahuda binde yadda ka ne: «A bisa ay cimi, za kaŋ ay man'a no ay izo Sela.» Yahuda mana ye ka Tamar bay koyne.
27Zvino nenguva yokubereka kwake vana vaviri vakanga vari mudumbu rake.
27 A te ka ciya mo, a hay-zaŋa waate, kala tawayyaŋ go a gunda ra.
28Zvino akati achibereka, mumwe akabu­disa ruoko; ipapo mbuya vakatora rwodzi rutsvuku, vakarusungira paruoko rwake, vachiti, Uyu atanga kubuda.
28 Kaŋ a go hay-zaŋa gaa, kal afo na nga kambe salle. Fuuma dumbukwa na kamba di ka silli ciray haw kamba gaa ka ne: «Woone no ka fatta sintina.»
29Zvino uyu akati adzosera ruoko rwake, munu­nuna wake akabuda; ivo vakati, Wazvi­pasanurira seiko? Naizvozvo akamutu­midza zita rinonzi Perezi.
29 A go mo, a na nga kamba ye. Kala nya izo go ga fatta. Fuuma dumbukwa ne: «Man kottimo kaŋ ni te ni boŋ se din misa?» Woodin se no i n'a maa daŋ Farisa.
30Pashure mukoma wake akabuda, akanga aine rwodzi rutsvuku paruoko rwake; zita rake rikatumidzwa Zera.
30 Kokor banda a nya izo mo fatta, bora kaŋ silli cira go a kambe gaa. I n'a maa daŋ Zera.