Shona

Zarma

Joshua

12

1Ndiwo madzimambo enyika akakundwa navana vaIsiraeri, vavakatorera nyika yavo mhiri kwaJoridhani kumabvazuva, kubva pamupata weArinoni kusvikira pagomo reHerimoni, nerenje rose riri kumabvazuva:
1 Laabey bonkooney neeya, kaŋ yaŋ Israyla izey kar k'i laabey ŋwa Urdun daaranta wayna funay haray, za Arnon gooro gaa ka koy Hermon tondo gaa, da Gooru Beero kulu wayna funay haray:
2Sihoni, mambo wavaAmori, wakange agere Heshibhoni, waibata ushe kubva paAroeri, parutivi rwomupata weArinoni, neguta raiva pakati pomupata, nehafu yeGiriyadhi, kusvikira kurwizi Jabhoki, waiva muganhu wavana vaAmoni;
2 Sihon Amorancey bonkoono, kaŋ goro Hesbon ra. Nga no ga may za Arower kaŋ go Arnon isa jabo gaa, da birno kaŋ go gooro bindi ra, da Jileyad, kal a ma koy Yabok isa gaa haray; Amon izey hirro nooya.
3nerenje, kusvikira pagungwa reKineroti kumabvazuva, nokusvikira pagungwa rerenje, iro Gungwa roMunyu, kumabvazuva nenzira inoenda Bhetijeshimoti; nokurutivi rwezasi pajinga pePisiga;
3 A ga may mo Gooru Beero ra ka koy Cinnerot teeko gaa, wayna funa kambo, ka koy hala Gooru Beero gaa, danga Ciiri Teeko nooya, Bayt-Yesimot fonda boŋ wayna funay haray, da dandi kambe haray mo Pisga zumbanta.
4nenyika yaOgi, mambo weBhashani, wakange asara pavaRegaimu, vakanga vagere paAshitaroti neEdhirei,
4 Basan bonkoono Og mo, Refayim cindo do haray boro no, kaŋ yaŋ goono ga goro Astarot da Edrey ra.
5waibata ushe pagomo reHerimoni, napaSareka, napaBhashani rose, kusvikira kumuganhu wavaGeshuri, navaMaakati, nehafu yeGiriyadhi; ndiyo nyika yaSihoni, mambo weHeshibhoni.
5 A ga may mo Hermon tondo da Saleka ra, da Basan kulu, ka koy hala Gesur borey da Maaka borey hirro gaa, da Jileyad jara fa; Hesbon bonkoono Sihon hirro nooya.
6Mozisi muranda waJehovha, navana vaIsiraeri vakavakunda; Mozisi muranda waJehovha akaipa Rubheni, navaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase, kuti ive yavo.
6 Rabbi tamo Musa da Israyla izey na bonkooney din kar. Rabbi tamo Musa na laabo din nooyandi Ruben izey da Gad izey, da Manasse kunda jara se tubu hari.
7Ndiwo madzimambo enyika iyo akakundwa naJoshua navana vaIsiraeri mhiri kwaJoridhani kumavirazuva, kubva paBhaari-gadhi mumupata weRebhanoni, kusvikira pagomo reHaraki rinokwira richienda Seiri; Joshua akaipa marudzi avaIsiraeri sezvavakanga vakamurirwa, kuti ive yavo.
7 Yasuwa nda Israyla izey zaama koyey boŋ kaŋ go Urdun daaranta wayna kaŋay haray, za Baal-Gad Liban gooro ra kal a ma koy Halak tondo gaa, kaŋ ga ziji ka koy Seyir. (Yasuwa n'i nooyandi Israyla kundey se, kunda kulu nda nga baa.
8Panyika yamakomo, nomumapani, nomuArabha, napamitenusirwa, nomurenje, nezasi; ndiyo yaiva nyika yavaHeti, neyavaAmori, neyavaKanani, neyavaPerezi, neyavaHivhi, neyavaJebhusi,
8 Koyey din go tondey laabo ra, da Safela ra, da Gooru Beero ra, da zumbanta ra, da ganjo ra, da Negeb* laabo ra, kaŋ ga ti Hittancey, da Amorancey, da Kanaanancey, da Perizancey, da Hibancey, da Yebusancey laabey.)
9mambo weJeriko ndiye mumwe; namambo weAi, pedo neBheteri, mumwe;
9 Yeriko koyo, afo Ayi koyo, kaŋ go Betel jarga afo
10namambo weJerusaremu, mumwe; namambo weHebhuroni, mumwe;
10 Urusalima koyo afo Hebron koyo afo
11namambo weJarimuti, mumwe; namambo weRakishi, mumwe;
11 Yarmut koyo afo Lacis koyo afo
12namambo weEgironi, mumwe; namambo weGezeri mumwe;
12 Eglon koyo afo Gezer koyo afo
13namambo weDhebhiri, mumwe; namambo Gedheri, mumwe;
13 Debir koyo afo Gedar koyo afo
14namambo weHoma, mumwe; namambo weAradhi, mumwe;
14 Horma koyo afo Arad koyo afo
15namambo weRibhina, mumwe, namambo weAdhuramu, mumwe;
15 Libna koyo afo Adullam koyo afo
16namambo weMakedha, mumwe; namambo weBheteri, mumwe;
16 Makkeda koyo afo Betel koyo afo
17namambo weTapua, mumwe, namambo weHeferi, mumwe;
17 Tappuwa koyo afo Hefer koyo afo
18namambo weAfeki, mumwe; namambo weRasharoni, mumwe;
18 Afek koyo afo Lassaron koyo afo
19namambo weMadhoni, mumwe; namambo weHazori, mumwe;
19 Madon koyo afo Hazor bonkoono afo
20namambo weShimuroni-meroni, mumwe namambo weAkishafi, mumwe;
20 Simron-Meron koyo afo Aksaf koyo afo
21namambo weTaanaki, mumwe; namambo weMegidho, mumwe;
21 Taanak koyo afo Mejiddo koyo afo
22namambo weKedheshi, mumwe; namambo weJokineamu paKarimeri, mumwe;
22 Kedes koyo afo Yokneyam koyo kaŋ go Karmel ra afo
23namambo weDhori panyika yamakomo yaDhori, mumwe; namambo weGoimi paGirigari, mumwe;
23 Dor koyo kaŋ go Dor tudey ra afo dumi cindey koyo kaŋ go Jilgal ra afo
24namambo weTiriza, mumwe; madzimambo ose akanga ana makumi matatu nomumwe.
24 Tirza koyo afo Koyey kulu marganta, waranza cindi fo no.