Shona

Zarma

Mark

1

1Kutanga kweevhangeri yaJesu Kristu, Mwanakomana waMwari;
1 Yesu Almasihu, Irikoy Izo baaru hanna sintina neeya.
2sezvazvakanyorwa muvaporofita zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, uchagadzira nzira yako pamberi pako.
2 Mate kaŋ i n'a hantum annabi* Isaya tira ra ka ne: «Guna, ay g'ay diya donton ni jine, kaŋ ga ni fonda soola.
3Inzwi reunodanidzira murenje, richiti: Gadzirai migwagwa yaIshe; ruramisai nzira yake.
3 Boro fo kaŋ goono ga kuuwa ganjo ra jinda go ga ne: ‹Wa Rabbi fonda soola, w'a fondayzey sasabandi.› »
4Johwani wakati achibhabhatidza murenje, achiparidza rubhabhatidzo rwekutendeukira kukangamwiro yezvivi.
4 Yohanna baptisma teekwa kaa ganjo ra. A goono ga tuubi baptisma waazu zunubi yaafayaŋ sabbay se.
5Zvino kwakabudira kwaari nyika yose yeJudhiya, naivo veJerusarema, ndokubhabhatidzwa vose naye murwizi rweJoridhani vachireurura zvivi zvavo.
5 Yahudiya* laabo borey da Urusalima* borey kulu fatta ka koy a do. I goono ga ngey zunubey ci. A te i se baptisma Urdun* isa ra mo.
6Uye Johwani wakange akapfeka makushe ekamera, nebhanhire rechikumba rakapoteredza chiuno chake, waidya mhashu neuchi hwedondo.
6 Yohanna bankaara, yo hamni no i n'a kay d'a. A goono ga guddu nda kuuru nga canta gaa. A ŋwaaro mo ga ti do-ize da ganjo ra yu.
7Akaparidza, achiti: Kunouya une simba kupfuura ini shure kwangu, wandisina kufanira kukotama kuti ndisunungure tambo yeshangu dzake.
7 A waazu ka ne: «Boro fo go kaa ay banda kaŋ ga bisa ay dabari, kaŋ ay mana to naŋ kaŋ ay ma ce daŋ a ce ra.
8Ini zvirokwazvo ndakubhabhatidzai nemvura; asi iye uchakubhabhatidzai neMweya Mutsvene.
8 Ay wo na baptisma te araŋ se da hari, amma nga wo ga baptisma te araŋ se da Biya* Hanno.»
9Zvino zvakaitika nemazuva iwayo kuti Jesu wakabva Nazareta yeGarirea, akabhabhatidzwa naJohwani muna Joridhani.
9 A go no, kala jirbey din ra Yesu kaa ka fun Nazara kwaara, Galili* laabo ra. Yohanna mo na baptisma te a se Urdun isa ra.
10Pakarepo achibuda mumvura, wakaona matenga akazarurwa, neMweya sezvinonzi injiva achiburukira pamusoro pake.
10 Sahãadin-sahãadin, kaŋ a go ga fatta haro ra, a di beena feeri. _Irikoy|_ Biya mo, sanda koloŋay cine, go ga zumbu a boŋ.
11Zvino kwakaitika inzwi richibva kumatenga richiti: Iwe uri Mwanakomana wangu unodikamwa, wandinofara naye kwazvo.
11 Jinde fo mo fun beena ra ka ne: «Nin no ga ti ay Izo kaŋ ay ga ba. Ay ga maa ni kaani gumo.»
12Zvino pakarepo Mweya wakamutinhira kurenje.
12 Sahãadin-sahãadin Biya n'a boy ka kond'a ganjo ra.
13Akavako murenje mazuva makumi mana achiidzwa naSatani, uye wakange ane mhuka dzesango, vatumwa vachimushandira.
13 A goono ga goro ganjo ra jirbi waytaaci. Saytan* goono g'a si. Yesu go no, nga nda ganji hamey, malaykey mo goono g'a saajaw.
14Zvino shure kwekukumikidzwa kwaJohwani, Jesu wakasvika muGarirea, achiparidza evhangeri yeushe hwaMwari,
14 I na Yohanna daŋ kasu. A banda Yesu kaa Galili. A goono ga Irikoy baaru hanna waazu
15achiti: Nguva yazadziswa, uye ushe hwaMwari hwaswedera; tendeukai, mutende evhangeri.
15 ka ne: «Alwaato kubay. Irikoy* koytara mo maan. Araŋ ma tuubi ka baaru hanna cimandi.»
16Wakati achifamba-famba pagungwa reGarirea, akaona Simoni naAndiriya munin'ina wake vachikandira mumbure mugungwa; nekuti vakange vari varedzi.
16 A goono ga gana Galili teeko me gaa, kal a di Siman da Andarawos, Siman kayne. I goono ga taaru catu teeko ra, zama sorkoyaŋ no.
17Jesu akati kwavari: Nditeverei, ndichakuitai muve varedzi vevanhu.
17 Yesu ne i se: «W'ay gana, ay mo g'araŋ ciya borey sorkoyaŋ.»
18Pakarepo vakasiya mimbure yavo, ndokumutevera.
18 Sahãadin-sahãadin i na taarey naŋ k'a gana.
19Wakati apfuura zvishoma ipapo, akaona Jakobho waZebhedhi naJohwani munin'ina wake vari muchikepe vachigadzira mimbure.
19 Waato kaŋ a to ka bisa noodin kayna, a di Yakuba Zabadi ize, da nga kayne Yohanna. Ngey mo go hi ra ka taarey hanse.
20Pakarepo akavadana; ndokusiya baba vavo Zebhedhi muchikepe nevarikichi, vakamutevera.
20 Sahãadin-sahãadin Yesu n'i ce. I na ngey baabo Zabadi nda goy-izey naŋ hiyo ra, ka Yesu gana.
21Zvino vakapinda muKapenaume; zvino pakarepo nesabata wakapinda musinagoge, akadzidzisa.
21 I furo Kafarnahum kwaara. Sahãadin-sahãadin Yesu furo Yahudance diina marga* fuwo ra asibti zaari fo hane ka dondonandi.
22Vakashamisika nedzidziso yake; nekuti wakavadzidzisa seune simba, kwete sevanyori.
22 Hala borey te dambara nd'a dondonandiyaŋo, zama a n'i dondonandi sanda hinkoy, manti sanda asariya* dondonandikoy cine bo.
23Zvino kwaiva musinagoge ravo nemunhu wakange ane mweya wetsvina, akadanidzira,
23 A go mo, i diina marga fuwo ra, boro fo go no kaŋ gonda follay* laalo. A na nga jinde sambu
24achiti: Regai, tinei nemwi, Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinokuzivai kuti ndimwi ani: Mutsvene waMwari.
24 ka ne: «Ifo k'iri zaa da nin, ya Yesu, Nazara bora? Ni kaa k'iri halaci nooya?» A ne mo: «Ay ga ni bay, ni ya boro kaŋ no. Ni ya Irikoy wane hanna no.»
25Jesu ndokumutsiura achiti: Nyarara, ubude maari!
25 Yesu deen'a gaa ka ne: «Ma dangay ka fun boro wo banda.»
26Zvino mweya wetsvina wakati amugwinhisa, ndokudanidzira nenzwi guru, akabuda kwaari.
26 Follay laala din na bora kuubi ka nga jinde sambu nda gaabi ka fun a banda.
27Vakashamisika vose, kusvikira vavhunzana, vachiti: Chii ichi? Idzidziso itsva yei iyi? Nekuti nesimba unoraira kunyange mweya yakasviba, uye inomuteerera.
27 I kulu dambara hal i na ngey nda care hã ka ne: «Ifo no woone wo? Dondonandiyaŋ taji kaŋ gonda hin no! A ga follayey lordi, ngey mo go ga maa a se.»
28Zvino pakarepo shoko rake rikabudira panyika yose yakapoteredza Garirea.
28 A baaro koy da waasi nangu kulu Galili laabo windanta.
29Zvino pakarepo vakati vachibuda musinagoge, vakapinda mumba maSimoni naAndiriya, vaina Jakobho naJohwani.
29 Sahãadin-sahãadin kaŋ i fatta diina marga fuwo ra, i furo Siman da Andarawos fuwo ra, ngey nda Yakuba nda Yohanna.
30Asi mbuyawasha vaSimoni vakange vavete vane fivhiri, pakarepo vakamuudza nezvavo;
30 Siman anzuray waybora goono ga kani kaŋ konni n'a zeeri. Sahãadin-sahãadin i na baaro ci Yesu se.
31akaswedera, akavabata ruoko, akavamutsa; fivhiri ikavarega pakarepo, vakavashandira.
31 Yesu kaa a do k'a kambe di k'a tunandi. Konno fun a gaa. Waybora n'i saajaw mo.
32Zvino ava madekwana, zuva rovira, vakaisa kwaari vose vakange vachirwara nevakange vane madhimoni.
32 Wiciri kambu wayna kaŋyaŋ banda, i soobay ka kande a se jantekomey kulu nda follaykoyey.
33Zvino guta rose rakange rakaungana pamukova.
33 Kwaara borey kulu margu fu meyo gaa.
34Akaporesa vazhinji vakange vachirwara nezvirwere zvakasiyana siyana, nekubudisa madhimoni mazhinji; asi haana kutendera madhimoni kutaura, nekuti aimuziva.
34 Yesu na jantekom boobo no baani ngey jante waani-waaney gaa, ka follay boobo gaaray. A mana ta follayey ma salaŋ, zama i g'a bay.
35Zvino mangwanani kuchine rima guru, wakasimuka, akabuda, akaenda kunzvimbo murenje, akanonyengeterapo.
35 Cino ra, za mo mana bo, a tun ka fatta ka koy naŋ kaŋ boro kulu si no. Noodin no a te adduwa.
36Simoni nevakange vanaye vakamutsvakisisa.
36 Siman da nga hangasiney na Yesu ce banda gana.
37Zvino vakati vamuwana vakati kwaari: Vose vanokutsvakai.
37 Kaŋ i di a, i ne a se: «Borey kulu goono ga ni ceeci.»
38Ndokubva ati kwavari: Ngatiende kumisha iri pedo, kuti ndinoparidzawo ikoko, nekuti ndizvo zvandakabudira.
38 Yesu ne i se: «Iri ma koy nangu fooyaŋ kwaarey ra zama ay ma waazu noodin yaŋ mo, zama woodin sabbay se no ay kaa.»
39Akabva aparidza mumasinagoge avo paGarirea rose, achibudisa madhimoni.
39 A furo i diina marga fuwey ra Galili laabo kulu ra. A goono ga waazu ka follayyaŋ gaaray ka kaa borey banda.
40Zvino kwakauya kwaari une maperembudzi, achimukumbirisa ndokumufugamira achiti kwaari: Kana muchida munogona kundinatsa.
40 Jiraykooni fo kaa a do k'a ŋwaaray ka sombu a jine ka ne a se: «Da ni yadda, ni ga hin k'ay hanandi.»
41Jesu akanzwa tsitsi, akatandavadza ruoko, akamubata akati kwaari: Ndinoda, natswa;
41 A bakarawo na Yesu di gumo hal a na nga kamba salle k'a ham, ka ne a se: «Ay yadda. Ni ma hanan.»
42achangotaura, maperembudzi akabva kwaari pakarepo, akanatswa.
42 Sahãadin-sahãadin jiraytara ban a gaa. A hanan mo.
43Zvino akamuraira zvikuru, akamurega achienda pakarepo,
43 Yesu n'a lordi nda gaabi, waato gaa a n'a sallama nda waasi
44akati kwaari: Ona kuti urege kuudza munhu chinhu; asi enda, uzviratidze kumupristi, ubayire pamusoro pekunatswa kwako zvinhu izvo Mozisi zvaakaraira, chive chapupu kwavari.
44 ka ne a se: «Ma haggoy ni ma si ci boro kulu se. Amma ni ma koy ka ni boŋ cabe alfaga* se. Ma sargay no ni hanandiyaŋo sabbay se mate kaŋ cine Musa ci, zama a ma te i se seeda.»
45Asi iye wakabuda akatanga kuparidza zvikuru nekuvavaza kunze shoko iro, zvekuti wakange asingachagoni kupinda muguta pachena, asi wakange ari kunze kunzvimbo dzerenje. Vakauya kwaari vachibva kumativi ose.
45 Amma bora din dira ka sintin ka Yesu baaro say-say nangu kulu. Hala Yesu si hin ka furo kwaara kulu ra taray kwaaray, day a go kwaarey banda saajo ra. Amma kuray kulu haray borey go ga fatta ka kaa a do.