Shona

Zarma

Matthew

1

1Bhuku renhoroondo yedzinza raJesu Kristu, Mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahamu.
1 Yesu Almasihu kaajo tira neeya, Dawda izo, Ibrahim ize.
2Abhurahamu wakabereka Isaka; Isaka akabereka Jakobho; Jakobho akabereka Judha nevanakomana vamai vake;
2 Ibrahim na Isaka hay, Isaka mo na Yakuba hay, Yakuba na Yahuda nda nga nya-izey hay,
3Judha akabereka Faresi naZara kuna Tamari; Faresi akabereka Esiromi; Esiromi akabereka Arami;
3 Yahuda na Farisa nda Zera hay Tamar gaa, Farisa mo na Hezron hay, Hezron na Arama hay,
4Arami akabereka Aminadhabhi; Aminadhabhi akabereka Naasoni; Naasoni akabereka Sarimoni;
4 Arama na Aminadab hay, Aminadab na Nason hay, Nason na Salmon hay,
5Sarimoni akabereka Bhowazi kuna Rahabhi; Bhowazi akabereka Obhedhi kuna Rute; Obhedhi akabereka Jese;
5 Salmon na Buwaza hay Rahab gaa, Buwaza na Obida hay Ruta gaa, Obida na Yasse hay,
6Jese akabereka Dhavhidhi mambo; Dhavhidhi mambo akabereka Soromoni kumukadzi waiva waUria;
6 Yasse mo na Bonkoono Dawda hay. Dawda mo na Suleymanu hay Uriya wande zeena gaa,
7Soromoni akabereka Robhoami; Robhoami akabereka Abhiya; Abhiya akabereka Asa;
7 Suleymanu mo na Rehobowam hay, Rehobowam na Abiya hay, Abiya na Asa hay,
8Asa akabereka Josafati; Josafati akabereka Joramu; Joramu akabereka Oziasi;
8 Asa na Yehosafat hay, Yehosafat mo na Yoram hay, Yoram na Uzziya hay,
9Oziasi akabereka Jotamu; Jotamu akabereka Akazi; Akazi akabereka Hezekia;
9 Uzziya na Yotam hay, Yotam na Ahaz hay, Ahaz na Hezeciya hay,
10Hezekia akabereka Manase; Manase akabereka Amoni; Amoni akabereka Josiyasi;
10 Hezeciya na Manasse hay, Manasse na Amon hay, Amon na Yosiya hay,
11Josiyasi akabereka Jekoniasi nevanakomana vamai vake nenguva yekutapirwa kuBhabhironi.
11 Yosiya na Yekoniya nda nga nya-izey hay dira ka koy Babila* yaŋo alwaato ra.
12Zvino shure kwekutapirwa kuBhabhironi, Jekoniasi akabereka Saratieri; Saratieri akabereka Zerubhabheri;
12 Dira ka koy Babila banda, Yekoniya na Salitila hay, Salitila na Zerubabel hay,
13Zerubhabheri akabereka Abhiudhi; Abhiudhi akabereka Eriakimi; Eriakimi akabereka Azori;
13 Zerubabel na Abihud hay, Abihud na Eliyacim hay, Eliyacim na Azura hay,
14Azori akabereka Sadhoki; Sadhoki akabereka Akimi; Akimi akabereka Eriyudhi;
14 Azura na Zadok hay, Zadok na Ahima hay, Ahima na Aliyuda hay,
15Eriyudhi akabereka Eriazari; Eriazari akabereka Matani; Matani akabereka Jakobho;
15 Aliyuda na Eliyezar hay, Eliyezar na Mattana hay, Mattana na Yakuba hay,
16Jakobho akabereka Josefa murume waMaria, kwakazvarwa kwaari Jesu, anonzi Kristu.
16 Yakuba na Yusufu, Maryama kurnyo, hay, Maryama kaŋ gaa i na Yesu, kaŋ se i ga ne Almasihu, hay.
17Naizvozvo mazera ose kubva kuna Abhurahamu kusvikira kuna Dhavhidhi mazera gumi nemana; kubva kuna Dhavhidhi kusvikira pakutapirwa kuBhabhironi mazera gumi nemana; kubva pakutapirwa kuBhabhironi kusvikira kuna Jesu Kristu mazera gumi nemana.
17 Kaayey kulu za Ibrahim gaa ka koy Dawda gaa, iway cindi taaci no. Dawda gaa ka koy Babila koyyaŋ diraw, nga mo iway cindi taaci no. Babila koyyaŋ diraw banda mo ka kaa Almasihu gaa, kaay way cindi taaci no.
18Zvino kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kwakadai: Nekuti mai vake Maria vakati vapana nduma naJosefa, vasati vasangana vakaonekwa vava nemimba neMweya Mutsvene.
18 Mate kaŋ Yesu Almasihu hayyaŋo bara nd'a neeya: alwaato kaŋ i na hiijay alkawlo te a nyaŋo Maryama nda Yusufu game ra, za i mana care kubay jina, i na Maryama gar da gunde Biya* Hanna do.
19Zvino Josefa murume wavo zvaakange ari wakarurama, asingadi kuvafumura, waida kuvaramba muchivande.
19 A kurnyo Yusufu binde, zama nga wo boro adili no, a si ba nga m'a daŋ batama, a miila nga m'a taŋ tuguyaŋ ra.
20Asi zvino wakati acharangarira zvinhu izvozvi, tarira, mutumwa waIshe akaonekwa kwaari muchiroto achiti: Josefa, mwanakomana waDhavhidhi, usatya kuzvitorera Maria mukadzi wako; nekuti icho chakaumbwa maari ndecheMweya Mutsvene.
20 Amma za a goono ga woodin fongu nga bina ra, kal Rabbi* malayka bangay a se hindiri ra ka ne a se: «Yusufu, Dawda izo, ma si humburu Maryama hiija, naŋ a ma ciya ni wande, zama izo kaŋ go a gunda ra din, Biya Hanno do wane no.
21Uye uchabereka Mwanakomana, uye uchazotumidza zita rake Jesu, nekuti iye uchaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.
21 A ga ize aru hay, ni g'a maa daŋ Yesu mo, zama nga no ga nga borey faaba i zunubey gaa.»
22Zvino zvose izvozvi zvakaitwa kuti zvizadziswe zvakarehwa naIshe nemuporofita achiti:
22 Woodin kulu mo, a ciya no zama i ma Rabbi sanno kaŋ a ci annabi* do din toonandi kaŋ ne:
23Tarira, mhandara ichava nemimba, igozvara Mwanakomana, vachatumidza zita rake Emanueri, ndokuti kana zvichishandurwa, Mwari unesu.
23 «Guna, wandiyo ga te gunde, a ga ize aru hay mo, i g'a maa daŋ Immanuwel,» (danga, Irikoy go iri game ra nooya.)
24Zvino Josefa amuka pahope akaita sezvakamuraira mutumwa waIshe, akazvitorera mukadzi wake;
24 Yusufu tun nga jirbo gaa ka te sanda mate kaŋ cine Rabbi malayka na nga lordi* nd'a. A na nga wando sambu.
25uye haana kumuziva kusvikira azvara Mwanakomana wake wedangwe; akatumidza zita rake JESU.
25 Amma a man'a bay wayboro, kal a na izo hay. A n'a maa daŋ Yesu.