Shona

Zarma

Proverbs

20

1Waini mudadi, doro mupopoti; Ani naani anobatwa nazvo, haana kuchenjera.
1 Duvan* ya hahaarayko no, Baji mo kosongukoy no. Boro kulu kaŋ bugu nd'ey sinda laakal.
2Kuvhundusa kwamambo kwakaita sokuomba kweshumba; Anomutsamwisa, anozvitadzira hupenyu hwake.
2 Bonkooni humburandiyaŋ wo, Danga muusu beeri daŋ futo dunduyaŋ no, Boro kaŋ n'a futa zukku na nga fundo daŋ kambe.
3Munhu anokudzwa kana achigara kure nokukakavara; Asi benzi rimwe nerimwe rinokakavara.
3 Beeray no boro se a ma mooru kuta gaa, Amma saamo kulu ga ba yanje.
4Simbe hairimi kana kune chando; Saka kana achitsvaka zvibereko pakukohwa, hazvipo.
4 Hawfuno wangu ka far kaydiya ra, Woodin se no a ga ŋwaaray heemar, a si du hay kulu mo.
5Mano mumoyo womunhu angaita semvura yakadzika; Asi munhu wenjere achaichera.
5 Boro bine ra saaware ga hima hari guuso, Amma boro kaŋ gonda fahamay g'a candi.
6Vanhu vazhinji vanowana munhu anovaitira chinhu chakanaka, Asi ndiani angawana munhu akatendeka?
6 Boro boobo ga ngey gomney fe, Amma cimi boro, may no ga hin ka du a?
7Munhu akarurama, anofamba muzvokwadi yake, Vana vake vanomutevera vacharopafadzwa.
7 Boro adilante kaŋ ga dira nga cimi tooyaŋo ra, A banda a izey mo ga ciya albarkanteyaŋ.
8Mambo, anogara pachigaro chokutonga, Anodzinga zvakaipa zvose nameso ake.
8 Bonkooni kaŋ goono ga goro ciiti karga boŋ ga laala kulu say nda nga moy.
9Ndiani angati, Ndachenesa moyo wangu Ndanatswa zvivi zvangu?
9 May no ka bara nda hina a ma ne: «Ay n'ay bina hanandi, Ay ya hanante no ay zunubey gaa?»
10Zviidzo zvakasiyana, nezviyero zvakasiyana, Izvozvo zvose zvinonyangadza Jehovha.
10 Neesiji waani-waani, da zaka waani-waani, I boro hinka kulu fanta hari yaŋ no Rabbi se.
11Kunyange nomwanakomana anozvizivisa nezvaanoita, Kana basa rake rakanaka, kana rakarurama.
11 Baa zanka, i g'a bay nga te-goyo do, Hal a goyo hanante no, wala haŋ kaŋ ga saba no.
12Nzeve, inonzwa, neziso, rinoona, Jehovha akazviita zvose.
12 Hanga kaŋ ga maa, da mo kaŋ ga di, Rabbi no k'i boro hinka kulu te.
13Usada hope, kuti urege kuzova murombo; Svinudza meso ako, kuti ugogutiswa nezvokudya.
13 Ma si ba jirbi, zama ni ma si talka. Ma ni moy hay, ni ga kungu nda ŋwaari mo.
14Chakaipa, chakaipa! Ndizvo zvinoreva mutengi; Asi kana woenda wozvirumbidza.
14 Dayko ga ne: «Manti hari hanno no, Manti hari hanno no,» Amma d'a koy, kala fooma kaŋ a ga te.
15Ndarama iriko, nekorari zhinji; Asi miromo yezivo ndicho chinhu chinokosha kwazvo.
15 Wura nda tondi hiir'ize caadante yaŋ go no, Amma meyo kaŋ ga waani, Danga jinay hanno cine no.
16Mutorerei nguvo yake, iye wakazviita rubatso kumutorwa; Ngaave rubatso rwavatorwa.
16 Boro kaŋ na yaw yadda sambu, m'a kwaayo ta, Boro kaŋ na yawey yaddandi mo, ma tolme ta a gaa.
17Munhu anoti zvokudya zvenhema zvakanaka, Asi pashure muromo wake uchazara nejecha.
17 Tangari ŋwaari ga kaan boro se, Amma kokor banda a meyo ga to da tond'izeyaŋ.
18Mano anobva pakurangana; Urwe pfumo wamborairirwa nohuchenjeri.
18 Bine sijiriyaŋ kulu, saaware boŋ no a ga tabbat. Ni ma wongu te da laakal saaware mo.
19Anofamba ana makuhwa, anobudisa zvakavanda; Saka usashamwaridzana nomunhu anoshamisa miromo yake.
19 Mimandakom ga gundey bangandi, Woodin se ma si hangasinay da me-boobo-koy.
20Anotuka baba vake kana mai vake, Mwenje wake uchadzimwa parima rakasviba.
20 Boro kaŋ na nga baaba wala nga nya laali, I g'a fitilla wi kubay bi tik ra.
21Nhaka, yakawanikwa nokukurumidza pakutanga, Haingaropafadzwi pakupedzisira.
21 A ga te boro ma du tubu nda cahãyaŋ sintina gaa, Amma a bananta, a si goro nda albarka.
22Usati, Ndachatsiva zvakaipa; Mirira Jehovha, iye achakuponesa.
22 Ma si ne: «Ay ga laala bana.» Ma hangan Rabbi se, nga mo ga ni faaba.
23Zviidzo, zvakasiyana, zvinonyangadza Jehovha; Nechiyero chinonyengedzera hachina kunaka.
23 Neesiji waani-waani ya fanta hari no Rabbi se, Gulinci kilo mo si boori.
24Kufamba komunhu kunobva kuna Jehovha; Zvino munhu anganzwisisa seiko nzira yake?
24 Boro ce daarey, Rabbi do no i go, Mate binde no boro ga te ka nga fonda fayanka?
25Musungo kumunhu kupika achiti, Chitsvene! Asina kumborangarira, Ndokuzofungisisa ambopika.
25 Hirrimi no boro se a ma salaŋ da cahãyaŋ ka ne: «Ay n'a fay waani.» Sarti sambuyaŋo banda, gaa a ma sanno neesi.
26Mambo akachenjera anozungura. vakaipa, Achivapura nomupuro.
26 Bonkooni kaŋ gonda laakal ga boro laaley teeni, A ma kande safayaŋ humburu i boŋ.
27Mweya womunhu mwenje waJehovha; Anonzvera zvose zviri mukati-kati.
27 Boro biya ya Rabbi fitilla no, A ga a ra haray lokotey kulu bangandi.
28Rudo nokutendeka zvinochengeta mambo; Chigaro chake choushe chinotsigirwa norudo.
28 Suuji nda naanay ga bonkoono hallasi, A karga mo ga sinji suuji boŋ.
29Majaya anokudzwa nokuda kwesimba rawo; Ukomba hwevatana ndiyo misoro yakachena.
29 Arwasey fooma hari wo, i gaabo no, Dottijey darza mo, i hamni kwaara no.
30Kurohwa kunokuvadza kunonatsa zvakaipa; Kurohwa kunopinda mukati-kati.
30 Barzu meyey ga laala hanse, Karyaŋ mo ga to hala gunde ra.