1Zvino Joshua wakange akwegura, ava namakore mazhinji; Jehovha akati kwaari, Wakwegura, wava namakore mazhinji, dzichiriko nyika zhinji dzinofanira kuva dzenyu.
2Nyika yasara ndiyo: Nyika dzose dzavaFirisitia, navaGeshuri vose;
3kubva paShihori kurutivi rweEgipita, kusvikira kumuganhu weEkironi kumusoro, wainzi ndowavaKanani; madzishe mashanu avaFirisitia, vaiti: WeGaza, noweAshidhodhi, noweAshikeroni, noweGiti, noweEkironi, navaAvhimi,
4kurutivi rweZasi, nyika yose yavaKanani, neMeara, waiva wavaZidhoni, kusvikira paAfeki, kusvikira kumuganhu wavaAmori;
5nenyika yavaGebhari, neRebhanoni rose kumabvazuva, kubva paBhaari-gadhi panjinga pegomo reHemoni, kusvikira pavanopinda paHamati;
6vanhu vose vagere panyika yamakomo, kubva paRebhanoni kusvikira paMisirefotimaimi, navaZidhoni vose, ivavo ndichavadzinga pamberi pavana vaIsiraeri; asi iwe unofanira kuipa vana vaIsiraeri, ive nhaka yavo, sezvandakakuraira.
7Zvino unofanira kugovera nyika iyi pakati pamarudzi mapfumbamwe nehafu yorudzi rwaManase, ive nhaka yavo.
8VaRubheni navaGadhi vakapiwa nhaka yavo pamwechete naye, iyo yavakanga vapiwa naMozisi mhiri kwaJoridhani kumabvazuva, sezvavakapiwa naMozisi, muranda waJehovha;
9kubva paAroeri, parutivi rwomupata weArinoni, neguta raiva pakati pomupata, nebani rose reMedhebha kusvikira paDhibhoni;
10namaguta ose aSihoni, mambo wavaAmori, wakange achibata ushe paHeshibhoni, kusvikira kumuganhu wavana vaAmoni;
11neGiriyadhi, nenyika yavaGeshuri navaMaakati, negomo rose reHemoni, neBhashani rose kusvikira paSareka,
12noushe hwose hwaOgi paBhashani, wakange achibata ushe paAshitaroti neEdhirei (ndiye wakange asara pavaRefaimu); nekuti ndivo vakanga vakundwa naMozisi vakadzingwa naye.
13Kunyange zvakadaro vana vaIsiraeri havana kudzinga vaGeshuri kana vaMaakati, asi vaGeshuri navaMaakati vagere pakati pavaIsiraeri kusvikira nhasi.
14Asi rudzi rwavaRevhichetehaana kurupa nhaka; zvipiriso zvaJehovha, Mwari waIsiraeri, zvaipiswa, ndizvo zvaiva nhaka yavo, sezvaakataura naye.
15Joshua akapa rudzi rwavana vaRubheni mugove wavo nedzimba dzavo.
16Nyika yavo yakabva paAroeri, parutivi rwomupata weArinoni, neguta raiva pakati pomupata, nebani rose paMedhebha;
17Heshibhoni namaguta aro ose ari pabani; Dhibhoni, neBhamoti-bhaari, neBheti-bhaari-meoni;
18neJahazi, neKedhemoti, neMefahati;
19neKiriataimi, neSibhima, neZereti-shahari mugomo romupata;
20neBheti-peori, nemitenusirwa yePisiga, neBheti-jeshimoti,
21namaguta ose ebani, noushe hwose hwaSihoni, mambo wavaAmori, wakange achibata ushe paHeshibhoni, wakange akundwa naMozisi pamwechete navakuru veMidhiani, neEvhi, neRekemi, neZuri, neHuri, neRebha, namachinda aSihoni, akanga agere munyika iyo.
22Bharamu, mwanakomana waBheori, muvuki, naiyewo wakaurawa nomunondo navana vaIsiraeri pakati pavamwe vakaurawa navo.
23Muganhu wavana vaRubheni rwakanga ruri Joridhani nenyika yarwo. Ndiyo yaiva nhaka yavana vaRubheni nemhuri dzavo, iwo maguta nemisha yawo.
24Mozisi akapa rudzi rwavaGadhi, ivo vana vaGadhi, mugove wavo nemhuri dzavo.
25Nyika yavo raiva Jazeri, namaguta ose eGiriyadhi, nehafu yenyika yavana vaAmoni, kusvikira paAroeri, pamberi peRabha;
26nokubva paHeshibhoni, kusvikira paRamati-mizipe, neBhetonimu; nokubva paMahanaimu, kusvikira pamuganhu weDhebhiri;
27nomumupata Bheti-harami, neBhetinemura, neSukoti, neZafoni, nohumwe ushe hwakanga hwasara hwaSihoni, mambo weHeshibhoni, neJoridhani nenyika yarwo, kusvikira pamagumisiro egungwa reKineroti, mhiri kwaJoridhani, kumabvazuva.
28Ndiyo nhaka yavana vaGadhi nemhuri dzavo iwo maguta nemisha yawo.
29Mozisi akapa hafu yorudzi rwaManase nhaka yavo; ndiyo yaiva nhaka yehafu yorudzi rwavana vaManase nemhuri dzavo.
30Nyika yavo yakabva paMahanaimu, neBhashani rose, noushe hwaOgi, mambo weBhashani, nemisha yose yeJairi, yaiva paBhashani, maguta makumi matanhatu;
31nehafu yeGiriyadhi, neAshitaroti, neEdhirei, maguta oushe hwaOgi paBhashani, ndiyo yaiva yavana vaMakiri, mwanakomana waManase, yehafu yavana vaMakiri nemhuri dzavo.
32Ndidzo nhaka dzakagoverwa naMozisi pamapani aMoabhu, mhiri kwaJoridhani paJeriko kumabvazuva.
33Asi rudzi rwavaRevhi haruna kupiwa nhaka naMozisi; Jehovha Mwari waIsiraeri, iye amene, ndiyo nhaka yavo, sezvavakaudzwa naye.