Shona

Swahili: New Testament

Judges

2

1Zvino mutumwa waJehovha wakabva Girigari, akaenda Bhokimi, akati, Ndakakubudisa muEgipita, ndikakusvitsai panyika yandakapikira madzibaba enyu, ndikati, Handingatongoputsi sungano yangu nemwi nokusingaperi;
2nemwi hamufaniri kuita sungano navanhu vagere panyika ino; munofanira kuputsa atari dzavo. Asi hamuna kuteerera inzwi rangu; makaitireiko izvozvo?
3Saka ini ndakatiwo, Handingavadzingi pamberi penyu; asi vachava semhinzwa kunhivi dzenyu, navamwari vavo vachava zvisungo kwamuri.
4Zvino mutumwa waJehovha wakati ataura namashoko iwayo kuvana vaIsiraeri vose, vanhu vose vakachema kwazvo.
5Ipapo vakatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Bhokimi, vakabayirapo Jehovha.
6Zvino Joshua wakati aendisa vanhu, vana vaIsiraeri vakaenda mumwe nomumwe kunhaka yake, kuti vagare panyika yavo.
7Vanhu vakashumira Jehovha mazuva ose aJoshua, namazuva ose avakuru vakanga vachiri vapenyu Joshua atofa, ivo vakanga vaona mabasa makuru akanga aitirwa vaIsiraeri naJehovha.
8Zvino Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha akafa, ava namakore ane zana negumi.
9Vakamuviga panyika yenhaka yake paTiminati-heresi, panyika yamakomo yaEfuremu, nechokumusoro kwegomo reGaashi.
10Zvino vorudzi urwo rwose vakasanganiswa namadzibaba avo, rumwe rudzi rukamuka shure kwavo rwakanga rusingazivi Jehovha, kana basa raakaitira vaIsiraeri.
11Vana vaIsiraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, vakashumira Bhaari;
12vakarasha Jehovha Mwari wamadzibaba avo, wakange avabudisa munyika vakatevera vamwe vamwari vavanhu vakanga vakavapoteredza, vakavapfugamira, vakatsamwisa Jehovha.
13Vakarasha Jehovha, vakashumira Bhaari neAshitaroti.
14Kutsamwa kwaJehovha kukamukira vaIsiraeri, akavaisa mumaoko avaparadzi vakavaparadza, akavatengesa mumaoko avavengi vavo vakanga vakavapoteredza; naizvozvo vakanga vasingagoni kumira pamberi pavavengi vavo.
15Pose-pose pavaienda, ruoko rwaJehovha rwairwa navo nokuvaitira zvakaipa, sezvakanga zvataurwa naJehovha, uye sezvavakanga vapikirwa naJehovha; vakatambudzika kwazvo.
16Zvino Jehovha akamutsa vatongi, vaivarwira mumaoko avaivaparadza.
17Kunyange zvakadaro havana kuteerera vatongi vavo, nekuti vakapata vachitevera vamwe vamwari, vakavapfugamira; vakakurumidza kutsauka panzira yaifamba madzibaba avo, vaiteerera mirairo yaJehovha; asi ivo havana kuita saizvozvo.
18Zvino Jehovha waiti kana achinge achivamutsira mutongi, Jehovha waiva nomutongi uyo, ndokuvarwira pamaoko avavengi vavo mazuva ose omutongi uyo; nekuti Jehovha wakazvidemba pamusoro pokugomba kwavo nokuda kwavaivamanikidza nokuvanetsa.
19Asi kana mutongi afa, vakadzokazve, vakaita zvakaipa kupfuura madzibaba avo, pakutevera vamwe vamwari, nokuvashumira, nokuvapfugamira; havana kurega mabasa avo kana mufambiro wemoyo yavo mikukutu.
20Ipapo kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vaIsiraeri, akati, Rudzi urwu zvarwakadarika sungano yangu, yandakaita namadzibaba avo, vakasateerera inzwi rangu,
21neniwo handichazodzingi pamberi pavo rudzi rumwe rwendudzi dzakasiiwa naJoshua pakufa kwake;
22kuti ndiidze vaIsiraeri nadzo, kana vachida kuchengeta nzira yaJehovha, kana vachida kufambamo, sezvayaichengetwa namadzibaba avo, kana vasingadi.
23Naizvozvo Jehovha akasiya ndudzi idzo, akasakurumidza kudzidzinga; uye haana kudziisa muruoko rwaJoshua.