Shona

Swahili: New Testament

Judges

8

1Zvino varume vaEfuremu vakati kwaari, Watiitireiko, zvausina kutidana nguva yawakandorwa naMidhiani? Vakamupopotera kwazvo.
2Akati kwavari, Ini zvino ndaiteiko hangu, kana ndichizvifananidza nemi? Handiti zvakaunganidzwa naEfuremu zvinopfuura kukohwa kose kwaAbhiezeri here?
3Mwari wakaisa machinda maviri aMidhiani, Orebhi naZeebhi, mumaoko enyu; zvino ini ndaigona kuiteiwo, kana ndichizvifananidza nemi? Ipapo kutsamwa kwavo kwakanyarara kwaari, avaudza izvozvo.
4Gidheoni akasvika paJoridhani, akayambuka, iye navarume vana mazana matatu vaakanga anavo; vakanga vaneta, kunyange zvakadaro vakanga vachiteverera havo.
5Akati kuvarume veSukoti, Ipai henyu vanhu ava vanonditevera mapundu ezvingwa, nekuti vaneta; ndinoteverera Zebha naZarimuna, madzimambo aMidhiani.
6Machinda eSukoti akati, Ko Zebha naZarimuna vatokundwa newe here, zvowoti, tipe hondo yako chingwa?
7Gidheoni akati, Saka, kana Jehovha akaisa Zebha naZarimuna muruoko rwangu, ndichapura nyama yenyu nemhinzwa yomurenje norukato.
8Akabvapo, akakwira Penueri, akandotaura navo saizvozvo. Varume vePenueri vakamupindura sezvakapindura varume veSukoti.
9Akataurawo navarume vePenueri, akati, Kana ndikadzoka norugare, ndichaputsa rusvingo urwu.
10Zvino Zebha naZarimuna vakanga vari Karikori, vane hondo dzavo varume vane zviuru zvine gumi nezvishanu; ndivo vose vakanga vakasara pahondo yose yavana vamabvazuva; nekuti varume vane zviuru zvina makumi matatu, vaigona kurwa nomunondo, vakanga vaurawa.
11Gidheoni akakwira nenzira yavaigara pamatende, nokumabvazuva kweNobha neJogobheha, akakunda hondo, nekuti hondo yakanga yakafara.
12Ipapo Zebha naZarimuna vakatiza, iye akavateverera; akabata madzimambo maviri aMidhiani, Zebha naZarimuna, akavhundusa hondo yose.
13Gidheoni, mwanakomana waJoashi, akadzoka pakurwa pamukwidza weHeresi.
14Akabata jaya ravarume veSukoti, akamubvunzisisa; iye akamunyorera mazita amachinda eSukoti, navakuru varo, varume vana makumi manomwe navanomwe.
15Akasvika kuvarume veSukoti, akati, Tarirai, Zebha naZarimuna, vamakandiseka pamusoro pavo, muchiti, Ko Zebha naZarimuna vatokundwa newe here, zvowoti, tipe varume vako vaneta chingwa?
16Ipapo akatora vakuru veguta, nemhinzwa yomurenje norukato, akapura varume veSukoti nazvo.
17Akaputsa rusvingo rwePenueri, akauraya varume veguta.
18Ipapo akati kuna Zebha naZarimuna, Varume vamakauraya paTabhori vakanga vakadiniko? Vakapindura, vakati, Sezvamakaita imwi, ndizvo zvavakanga vakaita ivo; mumwe nomumwe wakange akafanana nomwana wamambo.
19Akati, Vakanga vari vanin'ina vangu, vanakomana vamai vangu; naJehovha mupenyu, dai makavarega vari vapenyu, ndingadai ndisina kukuurayai imwi.
20Zvino akati kuna Jeteri, dangwe rake, Simuka, uvauraye. Asi jaya harina kuvhomora munondo waro, nekuti rakatya, zvarakanga richiri mukomana.
21Ipapo Zebha naZarimuna vakati, Simukai imwi, mutiuraye, nekuti sezvakaita murume, ndizvo zvakaita simba rake. Ipapo Gidheoni akasimuka, akauraya Zebha naZarimuna, akatora zvishongo zvakanga zvakafanana nomwedzi, zvakanga zviri pamitsipa yamakamera avo.
22Zvino varume vaIsiraeri vakati kuna Gidheoni, Mutibate ushe imwi nomwanakomana wenyu, nomwanakomana womwanakomana wenyuwo, nekuti makatiponesa pamaoko avaMidhiani.
23Gidheoni akati kwavari, Ini handingakubatiyi ushe, kunyange mwanakomana wangu haangakubatiyi ushe; Jehovha ndiye uchakubatai.
24Gidheoni akati kwavari, Ndinoda kukumbira chinhu chimwe kwamuri: Mumwe nomumwe wenyu ngaandipe zvindori zvemhino zviri pakati pezvakapambwa zvake. (Nokuti vakanga vane zvindori zvemhino zvendarama, nekuti vakanga vari vaIshimaeri.)
25Vakapindura vakati, Tichakupai izvo nomoyo wose! Ipapo vakawarira nguvo, mumwe nomumwe akakandirapo zvindori zvemhino, zvakanga zviri pakati pezvakapambwa zvavo.
26Zvindori izvo zvemhino zvendarama, zvaakakumbira kwavari, pakurema kwazvo zvikasvika mashekeri ane chiuru chimwe namazana manomwe endarama; asi havana kuverenga zvishongo zvakanga zvakafanana nomwedzi, nezvindori zvaishongwa, nenguvo shava dzaifukwa namadzimambo aMidhiani; havana kuverengawo uketani hwakanga hwuri pamitsipa yamakamera avo.
27Gidheoni akaita efodhi nazvo, akaiisa muguta rake, ipo paOfura; vaIsiraeri vose vakapata vachiitevera ipapo; ukava musungo kuna Gidheoni nokuna veimba yake.
28Saizvozvo vaMidhiani vakakundwa pamberi pavana vaIsiraeri, havana kuzosimudzazve misoro yavo. Nyika ikazorora makore ana makumi mana pamazuva aGidheoni.
29Zvino Jerubhaari, mwanakomana waJoashi, akandogara mumba make.
30Gidheoni wakange ana vanakomana vana makumi manomwe vakanga vaberekwa naye, nekuti wakange ana vakadzi vazhinji;
31uye nomurongo wake, wakange ari paShemi, wakamuberekera mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Abhimereki.
32Gidheoni, mwanakomana waJoashi, akafa akwegura, akavigwa muguva raJoashi baba vake paOfura revaAbhiezeri.
33Zvino Gidheoni wakati achangofa, vana valsiraeri vakadzokera shure, vakapata vachitevera vaBhaari, vakaita Bhaari-bheriti mwari wavo.
34Vana vaIsiraeri vakasarangarira Jehovha Mwari wavo, iye wakange avarwira mumaoko avavengi vavo vose kunhivi dzose;
35uye havana kuitira veimba yaJerubhaari, iye Gidheoni, zvakanaka pamusoro pezvose zvakanaka zvaakanga aitira vaIsiraeri.