1Zvichakadaro makumi ezvuru zvevanhu akati aungana, zvekuti vaitsikana, akatanga kutaura kuvadzidzi vake pakutanga achiti: Imwi chenjerai mbiriso yevaFarisi, inova unyepedzeri.
1Wakati watu kwa maelfu walipokuwa wamekusanyika hata wakawa wanakanyagana, Yesu aliwaambia kwanza wanafunzi wake, "Jihadharini na chachu ya Mafarisayo, yaani unafiki.
2Uye hakuna chinhu chakafukidzwa, chisingazopenengurwi, kana chakavigwa, chisingazozikamwi.
2Kila kilichofunikwa kitafunuliwa, kila kilichofichika kitafichuliwa.
3Naizvozvo zvose zvamakataura murima zvichanzwikwa muchiedza; neizvo zvamakataura munzeve mudzimba dzemukati zvichaparidzwa pamusoro pematenga edzimba.
3Kwa hiyo, kila mliyosema gizani, watu watayasikia katika mwanga, na kila mliyonong'ona faraghani milango imefungwa, yatatangazwa juu ya nyumba.
4Uye ndinoti kwamuri shamwari dzangu: Musatya vanouraya muviri, asi shure kweizvozvo vasingazogoni kuita chimwe chinhu.
4"Nawaambieni ninyi rafiki zangu: msiwaogope wale wanaoua mwili, wasiweze kufanya kitu kingine zaidi.
5Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya: Ityai iye unoti shure kwekuuraya une simba rekukanda mugehena; hongu, ndinoti kwamuri: Ityai iye.
5Nitawaonyesheni yule ambaye ni lazima kumwogopa: mwogopeni yule ambaye baada ya kuua ana uwezo wa kumtupa mtu katika moto wa Jehanamu. Naam, ninawaambieni, mwogopeni huyo.
6Ko dhimba shanu hadzitengeswi nemakobiri maviri here? Hakuna imwe yadzo inokanganikwa pamberi paMwari.
6Inajulikana kwamba shomoro watano huuzwa kwa senti kumi, au sivyo? Lakini mbele ya Mungu hasahauliki hata mmoja.
7Asi kunyangwe nevhudzi remusoro wenyu rakaverengwa rose. Musatya naizvozvo, munopfuura dhimba zhinji.
7Lakini hata nywele za vichwa vyenu zimehesabiwa zote. Msiogope, basi, ninyi mna thamani zaidi kuliko shomoro wengi!
8Ndinotiwo kwamuri: Umwe neumwe unondibvuma pamberi pevanhu, Mwanakomana wemunhu uchamubvumawo pamberi pevatumwa vaMwari;
8"Nawaambieni kweli, kila mtu anayekiri hadharani kwamba yeye ni wangu, Mwana wa Mtu naye atakiri mbele ya malaika wa Mungu kwamba mtu huyo ni wake.
9asi unondiramba pamberi pevanhu, ucharambwa pamberi pevatumwa vaMwari.
9Lakini, mtu yeyote anayenikana mbele ya watu, naye atakanwa mbele ya malaika wa Mungu.
10Uye umwe neumwe unoreva shoko achipikisa Mwanakomana wemunhu, uchakangamwirwa; asi uyo unonyomba Mweya Mutsvene haazokangamwirwi.
10"Yeyote anayesema neno la kumpinga Mwana wa Mtu atasamehewa; lakini anayemkufuru Roho Mtakatifu hatasamehewa.
11Kana vachikuisai kumasinagoge nevatongi nevane simba, musafunganya kuti muchapindurei kana sei, kana muchataurei;
11"Watakapowapeleka ninyi mbele ya masunagogi na mbele ya wakuu na watawala msiwe na wasiwasi juu ya jinsi mtakavyojitetea au jinsi mtakavyosema.
12nekuti Mweya Mutsvene uchakudzidzisai neawa iro zvamunofanira kutaura.
12Kwa maana wakati huo Roho Mtakatifu atawafundisheni kile mnachopaswa kusema."
13Zvino umwe wechaunga wakati kwaari: Mudzidzisi, udzai mwanakomana wamai vangu agovane nhaka neni.
13Mtu mmoja katika ule umati wa watu akamwambia, "Mwalimu, mwambie ndugu yangu tugawane urithi aliotuachia baba."
14Asi wakati kwaari: Iwe munhu, ndiani wakandigadza kuva mutongi kana mugoveri pamusoro penyu?
14Yesu akamjibu, "Rafiki, ni nani aliyeniweka mimi mwamuzi au msuluhishi kati yenu?"
15Akati kwavari: Ngwarirai muchenjerere ruchiva, nekuti upenyu hwemunhu hahusi mukuwanda kwezvinhu zvaanazvo.
15Basi, akawaambia wote, "Jihadharini na kila aina ya tamaa; maana uzima wa mtu hautegemei wingi wa vitu alivyo navyo."
16Akataura mufananidzo kwavari, achiti: Munda weumwe munhu mufumi wakabereka kwazvo;
16Kisha akawaambia mfano: "Kulikuwa na tajiri mmoja ambaye shamba lake lilizaa mavuno mengi.
17akafunga mukati make, achiti: Ndichaitei? Nekuti handina nzvimbo pandingaunganidzira zvibereko zvangu.
17Tajiri huyo akafikiri moyoni mwake: Nitafanyaje nami sina mahali pa kuhifadhia mavuno yangu?
18Ndokuti: Ndichaita izvi: Ndichaputsa matura angu, ndivake makuru, ndiunganidzire zvirimwa zvangu zvose ipapo, nenhumbi dzangu,
18Nitafanya hivi: nitabomoa ghala zangu na kujenga kubwa zaidi, na humo nitahifadhi mavuno yangu yote na mali yangu.
19ndigoti kumweya wangu: Mweya, une zvinhu zvakawanda zvakanaka, zvakachengeterwa makore mazhinji; zorora, idya, imwa, fara.
19Hapo nitaweza kuiambia roho yangu: sasa unayo akiba ya matumizi kwa miaka na miaka. Ponda mali, ule, unywe na kufurahi.
20Asi Mwari akati kwaari: Dununu, usiku hwuno mweya wako uchadikamwa kubva kwauri; ko izvo zvawagadzirira, zvichava zvaani?
20Lakini Mungu akamwambia: Mpumbavu wewe; leo usiku roho yako itachukuliwa. Na vitu vile vyote ulivyojilundikia vitakuwa vya nani?"
21Zvakadaro kune unozviunganidzira fuma, asi asina kufuma kuna Mwari.
21Yesu akamaliza kwa kusema "Ndivyo ilivyo kwa mtu anayejilundikia mali kwa ajili yake mwenyewe, lakini si tajiri mbele ya Mungu."
22Zvino wakati kuvadzidzi vake: Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro peupenyu hwenyu, kuti muchadyei; kana muviri, kuti muchapfekei.
22Kisha Yesu akawaambia wanafunzi wake, "Kwa sababu hiyo nawaambieni, msiwe na wasiwasi juu ya chakula mnachohitaji ili kuishi, wala juu ya mavazi mnayohitaji kwa ajili ya miili yenu.
23Upenyu hwunopfuura chikafu, nemuviri zvipfeko.
23Kwa sababu uzima ni bora kuliko chakula, na mwili ni bora kuliko mavazi.
24Fungai makunguvo, kuti haadzvari, kana kukohwa, haana tsapi kana dura; asi Mwari unoafunda. Imwi munokunda zvikuru sei shiri?
24Chukueni kwa mfano, kunguru: hawapandi, hawavuni wala hawana ghala yoyote. Hata hivyo, Mungu huwalisha. Ninyi mna thamani zaidi kuliko ndege!
25Ndiani kwamuri nekufunganya ungagona kuwedzera mbimbi* imwe paurefu hwake?
25Ni nani kati yenu kwa kuwa na wasiwasi anaweza kuongeza urefu wa maisha yake?
26Naizvozvo kana musingagoni kuita chinhu chidukusa, munofunganyirei pamusoro pezvimwe?
26Basi, kama hamwezi kufanya jambo dogo kama hilo, kwa nini kuwa na wasiwasi juu ya yale mengine?
27Fungai midovatova, kuti inokura sei; haichami, hairuki; asi ndinoti kwamuri: NaSoromoni mukubwinya kwake kose, haana kupfekedzwa seumwe wawo.
27Angalieni maua jinsi yanavyomea. Hayafanyi kazi wala hayafumi. Hata hivyo, nawahakikishieni kwamba hata Solomoni mwenyewe na fahari zake zote hakupata kuvikwa vizuri kama ua mojawapo.
28Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo uswa hwuri panyika nhasi, mangwana hwokandirwa muchoto, uchakupfekedzai nekupfuurisa sei, imwi verutendo ruduku?
28Lakini, kama Mungu hulivika vizuri jani la shambani ambalo leo liko na kesho latupwa motoni, je, hatawafanyia ninyi zaidi? Enyi watu wenye imani haba!
29Zvino imwi musatsvaka zvamuchadya kana zvamuchamwa; uye musazvidya moyo.
29"Basi, msivurugike akili, mkihangaika daima juu ya mtakachokula au mtakachokunywa.
30Nekuti zvinhu izvi zvose marudzi enyika anozvitsvaka; asi Baba venyu vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi.
30Kwa maana hayo yote ndiyo yanayohangaikiwa na watu wasiomjua Mungu. Baba yenu anajua kwamba mnahitaji vitu hivyo.
31Asi tsvakai ushe hwaMwari, naizvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.
31Shughulikieni kwanza Ufalme wa Mungu, na hayo yote mtapewa kwa ziada.
32Musatya boka duku; nekuti mufaro waBaba venyu kukupai ushe.
32"Msiogope, enyi kundi dogo! Maana Baba yenu amependa kuwapeni Ufalme.
33Tengesai izvo zvamunazvo mupe varombo zvipo. Muzviitire zvikwama zvisingashakari, fuma kumatenga isingaperi, pasina mbavha ingasvika kana zvifusi zvingaodza.
33Uzeni mali yenu mkawape maskini misaada. Jifanyieni mifuko isiyochakaa, na jiwekeeni hazina mbinguni ambako haitapungua. Huko wezi hawakaribii, wala nondo hawaharibu.
34Nekuti pane fuma yenyu, ndipo pachava nemoyo wenyu.
34Pale ilipo hazina yako, ndipo pia utakapokuwa moyo wako.
35Zviuno zvenyu ngazvigare zvakasungwa, nemwenje ichipfuta.
35"Muwe tayari! Jifungeni mkanda kiunoni, na taa zenu ziwe zinawaka;
36Nemwi muve sevanhu vakarindira ishe wavo, pakudzoka kwake kumuchato, kuti kana achisvika akagogodza, vangamuzarurira pakarepo.
36muwe kama watumishi wanaomngojea bwana wao arudi kutoka arusini, ili wamfungulie mara atakapobisha hodi.
37Vakaropafadzwa varanda avo, vanoti kana ishe achisvika unovawana vakarindira; zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Uchazvisunga, akavagarisa pakudya, akaswedera akavashandira.
37Heri yao watumishi wale ambao bwana wao atakaporudi atawakuta wanakesha! Nawaambieni hakika, huyo bwana atajifunga mkanda kiunoni, atawaketisha mezani na kuwahudumia.
38Kana akasvika nenguva yekurindira yechipiri, kana kusvika nenguva yekurindira yechitatu, akawana vakadaro, vakaropafadzwa varanda ivavo.
38Heri yao watumishi hao ikiwa bwana wao atawakuta wanakesha hata ikiwa atarudi usiku wa manane au alfajiri.
39Asi muzive izvi, kuti dai mwene weimba aiziva nderipi awa mbavha rainouya, ungadai akarinda, akasatendera imba yake kuti ipazwe.
39Jueni kwamba, kama mwenye nyumba angejua saa ambayo mwizi atakuja, angekesha, wala hangeiacha nyumba yake ivunjwe.
40Naizvozvo imwiwo ivai makazvigadzirira; nekuti neawa ramusingafungiri Mwanakomana wemunhu unouya.
40Nanyi, kadhalika muwe tayari, maana Mwana wa Mtu atakuja saa msiyoitazamia."
41Petro ndokuti kwaari: Ishe, munoutaura mufananidzo uyu kwatiri, kana kune vosewo?
41Petro akamwambia, "Bwana, mfano huo ni kwa ajili yetu tu, au ni kwa ajili ya watu wote?"
42Ishe ndokuti: Ko ndiani zvino mutariri uyu wakatendeka uye wakachenjera, ishe waachagadza pamusoro pevaranda vake, kuti ape mugove wechikafu nenguva yakafanira?
42Bwana akajibu, "Ni nani basi, mtumishi aliye mwaminifu na mwenye busara, ambaye bwana wake atamweka juu ya watumishi wake ili awape chakula wakati ufaao?
43Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika, amuwane achiita saizvozvo.
43Heri yake mtumishi huyo ikiwa bwana wake atakaporudi atamkuta akifanya hivyo.
44Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Uchamugadza pamusoro pezvose zvaanazvo.
44Hakika atampa madaraka juu ya mali yake yote.
45Asi kana muranda uyo akati mumoyo make: Ishe wangu wanonoka kuuya; akatanga kurova varandarume nevarandakadzi, nekudya, nekumwa, nekudhakwa;
45Lakini, kama mtumishi huyo atafikiri moyoni mwake: na kusema: Bwana wangu amekawia sana kurudi halafu aanze kuwapiga watumishi wenzake, wa kiume au wa kike, na kula, kunywa na kulewa,
46ishe wemuranda uyo uchasvika nezuva raasingatarisiri, neawa raasingazivi, akamugura nepakati, akamugovera mugove wake pamwe nevasakatendeka.
46bwana wake atarudi siku asiyoitazamia na saa asiyoijua; atamkatilia mbali na kumweka fungu moja na wasioamini.
47Muranda uyo waiziva chido chaishe wake, akasagadzirira, kana kuita zvinoenderana nechido chake, ucharohwa neshamhu zhinji.
47Mtumishi ambaye anajua matakwa ya bwana wake lakini hajiweki tayari kufanya anavyotakiwa, atapigwa sana.
48Asi wakange asingazivi, akaita zvakafanira kurohwa, ucharohwa neshamhu shoma. Uye wose wakapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; neunobatiswa zvizhinji, vachareva zvinopfuurisa kwaari.
48Lakini yule afanyaye yanayostahili adhabu bila kujua, atapigwa kidogo. Aliyepewa vingi atatakiwa vingi; aliyekabidhiwa vingi zaidi atatakiwa kutoa vingi zaidi.
49Ndakauya kuzokanda moto panyika, zvino ndichadei kana watobatidzwa?
49"Nimekuja kuwasha moto duniani, laiti ungekuwa umewaka tayari!
50Asi ndine rubhabhatidzo rwandichabhabhatidzwa narwo, zvino ndinomanikidzwa sei kusvikira rwuchipedziswa.
50Ninao ubatizo ambao inanipasa niupokee; jinsi gani ninavyohangaika mpaka ukamilike!
51Munofunga kuti ndakauya kuzopa rugare panyika here? Kwete, ndinoti kwamuri, asi kutozopesanisa.
51Mnadhani nimekuja kuleta amani duniani? Hata kidogo; si amani bali utengano.
52Nekuti kubva zvino vashanu muimba imwe vachapesana, vatatu vachipikisana nevaviri, uye vaviri vachipikisana nevatatu,
52Na tangu sasa, jamaa ya watu watano itagawanyika; watatu dhidi ya wawili, na wawili dhidi ya watatu.
53vachapesana, baba vachipikisana nemwanakomana, nemwanakomana achipikisana nababa; mai vachipikisana nemukunda, nemukunda achipikisana namai; vamwene vachipikisana nemuroora wavo, nemuroora achipikisana navamwene vake.
53Baba atakuwa dhidi ya mwanawe, mwana dhidi ya baba yake; mama dhidi ya bintiye, binti dhidi ya mama yake; mama mkwe dhidi ya mke wa mwanawe na huyo dhidi ya mama mkwe wake."
54Akatiwo kuzvaunga: Kana muchiona gore richisimuka kubva kumavirira, pakarepo munoti: Mvura inouya; zvodaro.
54Yesu akayaambia tena makundi ya watu, "Mnapoona mawingu yakitokea upande wa magharibi, mara mwasema: Mvua itanyesha, na kweli hunyesha.
55Uye kana muchiona mhepo yekumaodzanyemba ichivhuvhuta munoti: Kuchapisa; zvoitika.
55Mnapoona upepo wa kusi unavuma, mwasema Kutakuwa na hali ya joto na ndivyo inavyokuwa.
56Vanyepedzeri! Munoziva kuongorora zvimiro zvekudenga nezvenyika, asi hamuongorori sei nguva ino?
56Enyi wanafiki! Mnajua kutabiri hali ya hewa kwa kuangalia dunia na anga; kwa nini basi, hamwezi kujua maana ya nyakati hizi?
57Ko munoregerei imwi kuzvitongera mumene zvakarurama?
57"Na kwa nini hamwezi kujiamulia wenyewe jambo jema la kufanya?
58Nekuti kana uchienda kumutungamiriri nemudzivisi wako, ita zvakanaka kuti usunungurwe naye muchiri munzira; kuti arege kukukwevera kumutongi, mutongi akukumikidze kumupurisa, mupurisa akukande mutirongo.
58Maana kama mshtaki wako anakupeleka mahakamani, ingekuwa afadhali kwako kupatana naye mkiwa bado njiani, ili asije akakupeleka mbele ya hakimu, naye hakimu akakutoa kwa polisi, nao wakakutia ndani.
59Ndinoti kwauri: Haungatongobudimo, kusvikira waripa kunyange kamari kekupedzisira.
59Hakika hutatoka huko nakwambia, mpaka utakapomaliza kulipa senti ya mwisho."