1Zvino kwakaunganira kwaari vaFarisi nevamwe vevanyori vaibva kuJerusarema;
1Baadhi ya Mafarisayo na walimu wa Sheria waliokuwa wametoka Yerusalemu walikusanyika mbele ya Yesu.
2vakati vaona vamwe vevadzidzi vake vachidya zvingwa nemaoko ane tsvina, ndiko kuti asina kushambwa, vakasvora.
2Waliona kwamba baadhi ya wanafunzi wake walikula mikate kwa mikono najisi, yaani bila kunawa.
3Nekuti vaFarisi, nevaJudha vose, havadyi kunze kwekuti vashamba maoko kwazvo, vachibatirira tsika dzevakuru.
3Maana Mafarisayo na Wayahudi wengine wote huzingatia mapokeo ya wazee wao: hawali kitu kabla ya kunawa mikono ipasavyo.
4Kana vachibva pamusika, kunze kwekuti vashamba, havadyi; nezvimwe zvinhu zvizhinji zviripo zvavakange vagamuchira kuti vazvichengete, zvinoti: Kusuka mikombe, nehari, nemidziyo yendarira, nenhovo.
4Tena hawali kitu chochote kutoka sokoni mpaka wamekiosha kwanza. Kuna pia desturi nyingine walizopokea kama vile namna ya kuosha vikombe, sufuria na vyombo vya shaba.
5Ipapo vaFarisi nevanyori vakamubvunza, vachiti: Nemhaka yei vadzidzi venyu vasingafambi netsika yevakuru, asi vanodya chingwa nemaoko asina kushambwa?
5Basi, Mafarisayo na walimu wa Sheria wakamwuliza Yesu, "Mbona wanafunzi wako hawayajali mapokeo tuliyopokea kwa wazee wetu, bali hula chakula kwa mikono najisi?"
6Asi wakapindura akati kwavari: Isaya wakaporofita zvakanaka pamusoro penyu imwi vanyepedzeri, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Zera iri rinondikudza nemiromo, asi moyo wavo uri kure neni.
6Yesu akawajibu, "Wanafiki ninyi! Nabii Isaya alitabiri ukweli juu yenu alipoandika: Watu hawa, asema Mungu, huniheshimu kwa maneno matupu, lakini mioyoni mwao wako mbali nami.
7Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso, dziri mirairo yevanhu.
7Kuniabudu kwao hakufai, maana mambo wanayofundisha ni maagizo ya kibinadamu tu.
8Nekuti munosiya mirairo yaMwari, muchibatirira tsika yevanhu, sekusuka hari nemikombe, nezvimwe zvizhinji zvakadaro munozviita.
8Ninyi mnaiacha amri ya Mungu na kushikilia maagizo ya watu."
9Zvino akati kwavari: Munoramba nemazvo murairo waMwari, kuti muchengete tsika yenyu.
9Yesu akaendelea kusema, "Ninyi mnajua kuepa kwa ujanja sheria ya Mungu kwa ajili ya kufuata mapokeo yenu.
10Nekuti Mozisi wakati: Kudza baba vako namai vako; uye: Unotuka baba kana mai, unofanira kufa rufu.
10Maana Mose aliamuru: Waheshimu baba yako na mama yako, na, Anayemlaani baba au mama, lazima afe.
11Asi imwi munoti: Kana munhu achiti kuna baba kana mai: Chinhu chipi nechipi chamunobatsirwa nacho neni "iKorbani*", ndokuti chipo kuna Mwari,
11Lakini ninyi mwafundisha, Kama mtu anacho kitu ambacho angeweza kuwasaidia nacho baba au mama yake, lakini akasema kwamba kitu hicho ni Korbani (yaani ni zawadi kwa Mungu),
12hamuchamutenderi kuitira baba vake kana mai vake chinhu,
12basi, halazimiki tena kuwasaidia wazazi wake.
13muchishayisa shoko raMwari maturo netsika dzenyu dzamunogamuchidzana; nezvinhu zvizhinji zvakadaro munozviita.
13Hivyo ndivyo mnavyodharau neno la Mungu kwa ajili ya mafundisho mnayopokezana. Tena mnafanya mambo mengi ya namna hiyo."
14Zvino wakati adanira kwaari chaunga chose akati kwavari: Nditeererei mose, munzwisise.
14Yesu aliuita tena ule umati wa watu, akawaambia, "Nisikilizeni nyote, mkaelewe.
15Hapana chinhu chinobva kunze kwemunhu chinopinda maari chingamusvibisa; asi zvinhu zvinobuda maari, ndizvo zvinosvibisa munhu.
15Hakuna kitu kinachoingia ndani ya mtu toka nje ambacho chaweza kumtia mtu najisi. Lakini kinachotoka ndani ya mtu ndicho kinachomtia mtu najisi."
16Kana aripo ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
16Mwenye masikio na asikie!
17Zvino wakati apinda mumba achibva kuchaunga, vadzidzi vake vakamubvunza pamusoro pemufananidzo.
17Alipouacha umati wa watu na kuingia nyumbani, wanafunzi wake walimwuliza maana ya huo mfano.
18Akati kwavari: Saizvozvo nemwi hamunzwisisi here? Hamunzwisisi here kuti chose chinobva kunze chichipinda mumunhu hachigoni kumusvibisa?
18Naye akawaambia, "Je, hata ninyi hamwelewi? Je, hamwelewi kwamba kitu kinachomwingia mtu toka nje hakiwezi kumtia unajisi,
19Nekuti hachipindi mumoyo make, asi mudumbu; chichibuda kunze, achinatsa zvikafu zvose.
19kwa maana hakimwingii moyoni, ila tumboni, na baadaye hutolewa nje chooni?" (Kwa kusema hivyo, Yesu alivihalalisha vyakula vyote.)
20Ndokubva ati: Icho chinobuda mumunhu, ndicho chinosvibisa munhu.
20Akaendelea kusema, "Kinachotoka ndani ya mtu ndicho kinachomtia najisi.
21Nekuti kubva mukati mumoyo wevanhu munobuda mifungo yakaipa, upombwe, ufeve, umhondi,
21Kwa maana kutoka ndani, katika moyo wa mtu, hutoka mawazo mabaya, uasherati, wizi, uuaji,
22umbavha, ruchiva, kuipa, kunyengera, meso-meso, ziso rakaipa, kunyomba, kuzvikudza, upenzi;
22uzinzi, uchoyo, uovu, udanganyifu, ufisadi, wivu, kashfa, kiburi na upumbavu.
23zvose zvinhu izvi zvakaipa zvinobva mukati, zvichisvibisa munhu.
23Maovu hayo yote yatoka ndani ya mtu, nayo humtia mtu najisi."
24Zvino kubva ipapo wakasimuka akaenda kumiganhu yeTire neSidoni; akapinda mumba, asingadi kuti pave neunozviziva, asi akakoniwa kuvanzika.
24Yesu aliondoka hapo, akaenda hadi wilaya ya Tiro. Huko aliingia katika nyumba moja na hakutaka mtu ajue; lakini hakuweza kujificha.
25Nekuti mukadzi, waiva nemukunda muduku wakange ane mweya wetsvina, wakanzwa nezvake, akauya akawira patsoka dzake.
25Mwanamke mmoja ambaye binti yake alikuwa na pepo, alisikia habari za Yesu. Basi, akaja akajitupa chini mbele ya miguu yake.
26Uye mukadzi waiva muGiriki, muSirofenike pachizvarwa; akamukumbirisa kuti abudise dhimoni pamukunda wake.
26Mama huyo alikuwa Mgiriki, mwenyeji wa Sirofoinike. Basi, akamwomba Yesu amtoe binti yake pepo mchafu.
27Asi Jesu akati kwaari: Regai vana vatange kuguta, nekuti hazvina kunaka kutora chingwa chevana, ndokukandira kuimbwanana.
27Yesu akamwambia, "Kwanza watoto washibe; kwa maana si vizuri kuchukua chakula cha watoto na kuwatupia mbwa."
28Akapindura akati kwaari: Hongu, Ishe; kunyange nembwanana dziri pasi petafura dzinodya zvezvimedu zvevana.
28Lakini huyo mama akasema, "Sawa, Bwana, lakini hata mbwa walio chini ya meza hula makombo ya watoto."
29Akati kwaari: Nekuda kweshoko iri, enda; dhimoni rabva pamukunda wako.
29Yesu akamwambia, "Kwa sababu ya neno hilo, nenda. Pepo amemtoka binti yako!"
30Akabva akaenda kumba kwake, akawana dhimoni rabuda, mukunda avete panhovo.
30Basi, akaenda nyumbani kwake, akamkuta mtoto amelala kitandani, na pepo amekwisha mtoka.
31Zvino wakatizve achibva kumiganhu yeTire neSidhoni, akauya kugungwa reGarirea, nepakati pemiganhu yeDhekapori.
31Kisha Yesu aliondoka wilayani Tiro, akapitia Sidoni, akafika ziwa Galilaya kwa kupitia nchi ya Dekapoli.
32Vakauisa kwaari umwe waiva matsi waikakamira, vakamukumbirisa kuti aise ruoko pamusoro pake.
32Basi, wakamletea bubu-kiziwi, wakamwomba amwekee mikono.
33Akamutora ari oga kubva pachaunga, akapinza mimwe yake munzeve dzake, akapfira, ndokubata rurimi rwake.
33Yesu akamtenga na umati wa watu, akamtia vidole masikioni, akatema mate na kumgusa ulimi.
34Atarira kumusoro kudenga, akagomera, akati kwaari: "Efata"; ndiko kuti: Zarurwa!
34Kisha akatazama juu mbinguni, akapiga kite, akamwambia, "Efatha," maana yake, "Funguka."
35Pakarepo nzeve dzake dzakazarurwa, chisungo cherurimi rwake chikasunungurwa, akataura zvakarurama.
35Mara masikio yake yakafunguka na ulimi wake ukafunguliwa, akaanza kusema sawasawa.
36Ndokuvaraira, kuti varege kuudza munhu; asi pakunyanya kuvaraira, vakanyanya zvikuru kuparidza izvozvo.
36Yesu akawaamuru wasimwambie mtu juu ya jambo hilo. Lakini kadiri alivyowakataza, ndivyo walivyozidi kutangaza habari hiyo.
37Vakashamisika zvikuru kwazvo, vachiti: Wakaita zviri zviviri zvakanaka; wakaita matsi kuti dzinzwe, nezvimumumu kuti zvitaure.
37Watu walishangaa sana, wakasema, "Amefanya yote vyema: amewajalia viziwi kusikia, na bubu kusema!"