Shona

Swahili: New Testament

Matthew

27

1Kwakati kwaedza, vapristi vakuru vose nevakuru vevanhu vakarangana kupikisa Jesu kuti vamuuraye.
1Kulipopambazuka, makuhani wakuu wote na wazee wa watu walifanya mashauri juu ya Yesu wapate kumwua.
2Vakati vamusunga vakamutungamidza ndokunomukumikidza kuna Pondiyo Pirato mutungamiriri.
2Wakamfunga pingu, wakamchukua, wakamkabidhi kwa Pilato, mkuu wa mkoa.
3Zvino Judhasi wakange amutengesa aona kuti wapiwa mhosva, ndokuzvidya moyo akadzosera makobiri esirivheri makumi matatu kuvapristi vakuru nevakuru,
3Hapo, Yuda ambaye ndiye aliyemsaliti, alipoona kwamba wamekwisha mhukumu Yesu, akajuta, akawarudishia makuhani wakuu zile sarafu thelathini za fedha.
4achiti: Ndatadza, ndatengesa ropa risina mhosva. Vakati: Zvinei nesu? Zvionere iwe.
4Akawaambia, "Nimekosa kwa kumtoa mtu asiye na hatia auawe." Lakini wao wakasema, "Yatuhusu nini sisi? Hilo ni shauri lako."
5Akakanda makobiri esirivheri mutembere, akabva akaenda akanozvisungirira.
5Naye akazitupa zile fedha Hekaluni, akatoka nje, akaenda akajinyonga.
6Vapristi vakuru vakatora makobiri esirivheri vakati: Hazvitenderwi kuaisa muchivigiro chezvipo, nekuti mutengo weropa.
6Makuhani wakuu wakazichukua zile fedha, wakasema, "Haifai kuziweka katika hazina ya Hekalu kwa maana ni fedha za damu."
7Vakarangana, vakatenga nawo munda wemuumbi wehari, uve wekuviga vatorwa.
7Basi, wakashauriana, wakazitumia kununua shamba la mfinyanzi liwe mahali pa kuzika wageni.
8Naizvozvo munda uyo wakanzi munda weropa kusvikira nhasi.
8Ndiyo maana mpaka leo shamba hilo linaitwa Shamba la Damu.
9Zvino zvakazadziswa zvakarehwa naJeremiya muporofita achiti: Vakabva vatora makobiri esirivheri makumi matatu, mutengo waiye wakatarirwa mutengo, iye vana vaIsiraeri wavakatarira mutengo;
9Hivyo maneno ya nabii Yeremia yakatimia: "Walizichukua sarafu thelathini za fedha, thamani ya yule ambaye watu wa Israeli walipanga bei,
10vakaaripira munda wemuumbi wehari, saIshe zvaakandiraira.
10wakanunua nazo shamba la mfinyanzi, kama Bwana alivyoniagiza."
11Zvino Jesu wakamira pamberi pemutungamiriri. Mutungamiriri akamubvunza achiti: Iwe uri mambo wevaJudha here? Jesu akati kwaari: Wareva iwe.
11Yesu alisimamishwa mbele ya mkuu wa mkoa. Basi, mkuu wa mkoa akamwuliza, "Je, wewe ndiwe Mfalme wa Wayahudi?" Yesu akamwambia, "Wewe umesema."
12Asi wakati achipomerwa mhosva nevapristi vakuru nevakuru, haana kupindura chinhu.
12Lakini makuhani wakuu na wazee walipokuwa wanamshtaki, hakujibu neno.
13Pirato ndokuti kwaari: Haunzwi kuti zvinhu zvingani zvinopikisa zvavanopupura pamusoro pako here?
13Hivyo Pilato akamwuliza, "Je, husikii mashtaka hayo yote wanayotoa juu yako?"
14Asi haana kumupindura kunyange neshoko rimwe chete, zvekuti mutungamiriri wakashamisika zvikuru.
14Lakini Yesu hakumjibu hata neno moja; hata huyo mkuu wa mkoa akashangaa sana.
15Zvino pamutambo mutungamiriri aiva netsika yekusunungurira chaunga musungwa umwe wavanenge vada.
15Ilikuwa kawaida wakati wa Sikukuu ya Pasaka mkuu wa mkoa kuwafungulia Wayahudi mfungwa mmoja waliyemtaka.
16Uye nenguva iyo vaiva nemusungwa chazezesa wainzi Bharabhasi.
16Wakati huo kulikuwa na mfungwa mmoja, jina lake Baraba.
17Naizvozvo vakati vaungana, Pirato akati kwavari: Ndeupi wamunoda kuti ndikusunungurirei? Bharabhasi kana Jesu unonzi Kristu?
17Hivyo, watu walipokusanyika pamoja, Pilato akawauliza, "Mwataka nimfungue yupi kati ya wawili hawa, Baraba ama Yesu aitwae Kristo?"
18Nekuti wakange achiziva kuti vakange vamukumikidza negodo.
18Alisema hivyo maana alijua wazi kwamba walimleta kwake kwa sababu ya wivu.
19Zvino wakati agara pachigaro chekutonga, mukadzi wake akatumira kwaari, achiti: Usava nechokuita neuyo wakarurama, nekuti ndatambudzika zvinhu zvizhinji nhasi muchiroto pamusoro pake.
19Pilato alipokuwa amekaa katika kiti cha hukumu, mke wake akampelekea ujumbe: "Usijitie katika shauri la mtu huyu mwema, maana leo nimeteseka sana katika ndoto kwa sababu yake."
20Asi vapristi vakuru nevakuru vakakumbirisa zvaunga kuti vakumbire Bharabhasi, vaparadze Jesu.
20Lakini makuhani wakuu na wazee wakawashawishi watu waombe Baraba afunguliwe na Yesu auawe.
21Mutungamiriri akapindura akati kwavari: Ndeupi wevaviri wamunoda kuti ndikusunungurirei? Ivo vakati: Bharabhasi.
21Mkuu wa mkoa akawauliza, "Ni yupi kati ya hawa wawili mnayetaka nimfungue?" Wakamjibu, "Baraba!"
22Pirato akati kwavari: Ko ndichagoitei Jesu unonzi Kristu? vose vakati kwaari: Ngaarovererwe pamuchinjikwa.
22Pilato akawauliza, "Sasa, nifanye nini na Yesu aitwaye Kristo?" Wote wakasema, "Asulubiwe!"
23Zvino mutungamiriri akati: Nekuti wakaita chii chakaipa? Asi vakanyanya kudanidzira vachiti: Ngaarovererwe pamuchinjikwa!
23Pilato akauliza, "Kwa nini? Amefanya kosa gani?" Wao wakazidi kupaaza sauti: "Asulubiwe!"
24Zvino Pirato wakati achiona kuti hazvibatsiri chinhu asi kutoti poita bongozozo, wakatora mvura akageza maoko pamberi pechaunga achiti: Handina mhosva neropa reuyu wakarurama; zvionerei imwi.
24Basi, Pilato alipotambua kwamba hafanikiwi chochote na kwamba maasi yalikuwa yanaanza, alichukua maji, akanawa mikono mbele ya ule umati wa watu, akasema, "Mimi sina lawama juu ya kifo cha mtu huyu; shauri lenu wenyewe."
25Vanhu vose ndokupindura vakati: Ropa rake ngarive pamusoro pedu nepamusoro pevana vedu.
25Watu wote wakasema, "Damu yake na iwe juu yetu na juu ya watoto wetu!"
26Zvino akavasunungurira Bharabhasi, asi wakati arova Jesu netyava, akamukumikidza kuti arovererwe pamuchinjikwa.
26Hapo Pilato akawafungulia Baraba kutoka gerezani, lakini akamtoa Yesu asulubiwe.
27Zvino mauto emutungamiriri akaisa Jesu mumba memutungamiriri, hondo yose ikaunganira kwaari.
27Kisha askari wa mkuu wa mkoa wakamwingiza Yesu ndani ya ikulu, wakamkusanyikia kikosi kizima.
28Vakamukurura, vakamufukidza nguvo tsvuku,
28Wakamvua nguo zake, wakamvika joho la rangi nyekundu.
29vakati varuka korona yemhinzwa, ndokupfekedza musoro wake, nerutsanga muruoko rwake rwerudyi. Vakafugama pamberi pake vakamusweveredza vachiti: Hekanhi, Mambo wevaJudha!
29Kisha wakasokota taji ya miiba, wakamvika kichwani, wakamwekea pia mwanzi katika mkono wake wa kulia. Wakapiga magoti mbele yake, wakamdhihaki wakisema, "Shikamoo mfalme wa Wayahudi!"
30Vakamupfira, ndokutora rutsanga vakamurova musoro.
30Wakamtemea mate, wakauchukua ule mwanzi, wakampiga nao kichwani.
31Vakati vamusweveredza, vakamukurura nguvo, vakamupfekedza nguvo dzake vakamuendesa kunoroverera pamuchinjikwa.
31Baada ya kumdhihaki, wakamvua lile joho, wakamvika nguo zake, kisha wakampeleka kumsulubisha.
32Vakati vachibuda, vakawana munhu weKurini, wainzi Simoni. Iye vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa wake.
32Walipokuwa wakienda, wakamkuta mtu mmoja jina lake Simoni, mwenyeji wa Kurene, wakamlazimisha kuuchukua msalaba wake Yesu.
33Vakati vasvika panzvimbo inonzi Gorogota, ndiko kuti, Nzvimbo yedehenya,
33Walipofika mahali paitwapo Golgotha, maana yake, "Mahali pa Fuvu la kichwa,"
34vakamupa vhiniga yakavhenganiswa nenduru kuti amwe; asi wakati aravira akasada kumwa.
34wakampa mchanganyiko wa divai na nyongo. Lakini Yesu alipoonja akakataa kunywa.
35Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake vachikanda mujenya, kuti zvizadziswe zvakarehwa nemuporofita zvinoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakanda mujenya pamusoro pezvekufuka zvangu.
35Walimsulubisha, kisha wakagawana mavazi yake kwa kuyapigia kura.
36Uye vakagara pasi, vakamurindapo.
36Wakaketi, wakawa wanamchunga.
37Vakaisa pamusoro pemusoro wake rugwaro rwemhosva yake rwakanyorwa kuti: UYU NDIJESU MAMBO WEVAJUDHA.
37Juu ya kichwa chake wakaweka shtaka dhidi yake lilioandikwa, "Huyu ni Yesu, Mfalme wa Wayahudi."
38Ndokurovererwa pamuchinjikwa makororo maviri pamwe naye, umwe kuruoko rwerudyi, umwe kuruboshwe.
38Wanyang'anyi wawili walisulubishwa pia pamoja naye, mmoja upande wa kushoto na mwingine upande wa kulia.
39Vakange vachipfuura vakamunyomba, vachidzungudza misoro yavo,
39Watu waliokuwa wanapita mahali hapo walimtukana wakitikisa vichwa vyao na kusema,
40vachiti: Iwe unoputsa tembere nekuivaka nemazuva matatu, zviponese; kana uri Mwanakomana waMwari, buruka pamuchinjikwa.
40"Wewe! Si ulijidai kulivunja Hekalu na kulijenga kwa siku tatu? Sasa jiokoe mwenyewe. Kama wewe ni Mwana wa Mungu, basi shuka msalabani!"
41Saizvozvowo vapristi vakuru vachisweveredza nevanyori nevakuru vachiti:
41Hali kadhalika na makuhani wakuu pamoja na walimu wa Sheria na wazee walimdhihaki wakisema,
42Wakaponesa vamwe, iye haagoni kuzviponesa. Kana ari iye Mambo waIsraeri, ngaaburuke ikozvino pamuchinjikwa, tigomutenda.
42"Aliwaokoa wengine, lakini kujiokoa mwenyewe hawezi! Eti yeye ni mfalme wa Wayahudi! Basi, sasa na ashuke msalabani, nasi tutamwamini.
43Waivimba naMwari; ngaachimusunungura ikozvino kana achimuda. Nekuti wakati: Ndiri Mwanakomana waMwari.
43Alimtumainia Mungu na kusema eti yeye ni Mwana wa Mungu; basi, Mungu na amwokoe kama anamtaka."
44Makororowo akarovererwa pamuchinjikwa pamwe naye, akamusveveredza saizvozvo.
44Hali kadhalika na wale waliosulubiwa pamoja naye wakamtukana.
45Zvino kubva paawa rechitanhatu kwakava nerima panyika yose kusvikira paawa repfumbamwe.
45Tangu saa sita mchana mpaka saa tisa, nchi yote ikawa katika giza.
46Neawa rinenge repfumbamwe Jesu wakadanidzira nenzwi guru achiti: "Eri, Eri rama sabakitani?" Ndiko kuti: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiirei?
46Mnamo saa tisa Yesu akalia kwa sauti kubwa, "Eli, Eli, lema sabakthani?" Maana yake, "Mungu wangu, Mungu wangu, mbona umeniacha?"
47Vamwe vakange vamirepo pavakati vanzwa vakati: Uyo unodana Eria.
47Lakini wale waliosimama pale waliposikia hivyo wakasema, "Anamwita Eliya."
48Pakarepo umwe wavo akamhanya, akatora chipanje, akazadza nevhiniga ndokuisa parutsanga, ndokumupa kuti amwe.
48Mmoja wao akakimbia, akachukua sifongo, akaichovya katika siki, akaiweka juu ya mwanzi, akampa anywe.
49Asi vamwe vakati: Regai tione kana Eria achiuya kuzomuponesa.
49Wengine wakasema, "Acha tuone kama Eliya anakuja kumwokoa."
50Jesu ndokudanidzirazve nenzwi guru akapa mweya.
50Basi, Yesu akalia tena kwa sauti kubwa, akakata roho.
51Zvino tarira, vheiri retembere rakabvaruka kuita mapandi maviri, kubva kumusoro kusvikira pasi. Nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka.
51Hapo pazia la Hekalu likapasuka vipande viwili, toka juu mpaka chini; nchi ikatetemeka; miamba ikapasuka;
52Makuva akazarurwa; nemitumbi mizhinji yevatsvene vakange varere ikamutswa;
52makaburi yakafunguka na watu wengi wa Mungu waliokufa wakafufuliwa;
53vakati vabuda pamakuva shure kwekumuka kwake vakapinda muguta dzvene, vakaonekwa kuvazhinji.
53nao, baada ya kufufuka kwake, wakatoka makaburini, wakaingia katika Mji Mtakatifu, wakaonekana na watu wengi.
54Zvino mukuru wezana nevaiva naye vakarinda Jesu vakati vachiona kudengenyeka kwenyika nezvinhu zvakaitika, vakatya zvikuru vachiti: Zvirokwazvo uyu wakange ari Mwanakomana waMwari.
54Basi, jemadari na wale waliokuwa wakimlinda Yesu walipoona tetemeko la ardhi na yale mambo yaliyotukia, wakaogopa sana, wakasema, "Hakika mtu huyu alikuwa Mwana wa Mungu."
55Nevakadzi vazhinji vakange varipo, vakatarira vari kure, vakange vatevera Jesu vachibva Garirea vachimushandira.
55Mahali hapo walikuwapo wanawake wengi wakitazama kwa mbali. Hao ndio wale waliomfuata Yesu kutoka Galilaya wakimtumikia.
56Pakati pavo paiva naMaria Magidharini, naMaria mai vaJakobho naJose, namai vevanakomana vaZebhedhi.
56Miongoni mwao walikuwa Maria Magdalene, Maria mama yao Yakobo na Yosefu, pamoja na mama yao wana wa Zebedayo.
57Zvino ava manheru kukasvika umwe mufumi achibva Arimatiya wainzi Josefa. Iyewo pachake waiva mudzidzi waJesu.
57Ilipokuwa jioni, akaja mtu mmoja tajiri mwenyeji wa Armathaya, jina lake Yosefu. Yeye pia alikuwa mwanafunzi wa Yesu.
58Uyu wakaenda kuna Pirato akakumbira mutumbi waJesu. Ipapo Pirato akaraira kuti mutumbi aupiwe.
58Akamwendea Pilato, akaomba apewe mwili wa Yesu. Basi, Pilato akaamuru apewe.
59Josefa wakati atora mutumbi, akauputira nemucheka werineni wakachena.
59Yosefu akauchukua ule mwili akauzungushia sanda safi ya kitani,
60Akauradzika muguva rake idzva, raakange achera muruware; akakungurusira ibwe guru pamukova weguva, akabva.
60akauweka ndani ya kaburi lake jipya alilokuwa amelichonga katika mwamba. Kisha akavingirisha jiwe kubwa mbele ya mlango wa kaburi, akaenda zake.
61Uye ipapo paiva naMaria Magidharini neumwe Maria, vagere pakatarisana neguva.
61Maria Magdalene na yule Maria mwingine walikuwa wameketi kulielekea kaburi.
62Nezuva raitevera zuva raitevera rekugadzirira, vapristi vakuru nevaFarisi vakaungana kuna Pirato,
62Kesho yake, yaani siku iliyofuata ile ya Maandalio, makuhani wakuu na Mafarisayo walimwendea Pilato,
63vachiti: Ishe tinorangarira kuti munyepedzeri uyu wakati achiri mupenyu: Mushure memazuva matatu ndichamuka.
63Wakasema, "Mheshimiwa, tunakumbuka kwamba yule mdanganyifu alisema kabla ya kufa ati, Baada ya siku tatu nitafufuka.
64Naizvozvo rairai kuti guva richengetwe kusvikira zuva retatu; zvimwe vadzidzi vake vangauya usiku vakamuba, vagoti kuvanhu: Wakamuka kuvakafa; kurashika kwekupedzisira kukazonyanyisa pane kwekutanga.
64Kwa hiyo amuru kaburi lilindwe mpaka siku ya tatu ili wanafunzi wake wasije wakamwiba na kuwaambia watu kwamba amefufuka. Uongo huu wa mwisho utakuwa mbaya kuliko ule wa awali."
65Pirato akati kwavari: Mune varindi, endai murichengete sezvamunoziva.
65Pilato akawaambia, "Haya, mnao walinzi; nendeni mkalinde kadiri mjuavyo."
66Vakaenda, vakanochengeta guva, vakaisa mucherechedzo pabwe, vane varindi.
66Basi, wakaenda, wakalilinda kaburi, wakatia mhuri juu ya lile jiwe na kuacha hapo askari walinzi.