1Chenjerai kuti basa renyu rerudo musariita pamberi pevanhu kuti muonekwe navo; kana zvisakadaro hamuna mubairo kuna Baba venyu vari kumatenga.
1"Jihadharini msije mkafanya matendo yenu mema mbele ya watu kusudi mwonekane nao. La sivyo, Baba yenu aliye mbinguni hatawapeni tuzo.
2Naizvozvo kana uchiita basa rerudo, rega kuridza hwamanda pamberi pako, sezvinoita vanyepedzeri mumasinagoge nemunzira dzemumaguta, kuti vakudzwe nevanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo.
2"Basi, unapomsaidia maskini, usijitangaze. Usifanye kama wanafiki wafanyavyo katika masunagogi na njiani ili watu wawasifu. Kweli nawaambieni, hao wamekwisha pata tuzo lao.
3Asi iwe kana uchiita basa rerudo, ruboshwe rwako ngarurege kuziva zvinoita rudyi rwako.
3Lakini wewe unapomsaidia maskini, fanya hivyo kwamba hata rafiki yako asijue ufanyalo.
4Kuti kuita kwako basa rerudo kuve pakavanda; uye Baba vako vanoona pakavanda vachakuripira pachena.
4Toa msaada wako kwa siri, na Baba yako aonaye yaliyofichika, atakutuza.
5Zvino kana muchinyengetera, musava sevanyepedzeri; nekuti vanoda kunyengetera vamire mumasinagoge nepamharadzano dzenzira dzemumaguta kuti vaonekwe nevanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo.
5"Mnaposali, msifanye kama wanafiki. Wao hupenda kusimama na kusali katika masunagogi na katika pembe za njia ili watu wawaone. Kweli nawaambieni, hao wamekwisha pata tuzo lao.
6Asi iwe kana uchinyengetera, pinda muimba yako yemukati; ugovhara mukova wako, unyengetere kuna Baba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda vachakuripira pachena.
6Lakini wewe unaposali, ingia chumbani mwako, funga mlango, kisha umwombe Baba yako asiyeonekana. Naye Baba yako aonaye yaliyofichika, atakutuza.
7Asi kana muchinyengetera, musapamhidzira-pamhidzira zvisina maturo sevahedheni; nekuti ivo vanofunga kuti vachanzwikwa nekutaura kwavo kuzhinji.
7"Mnaposali, msipayuke maneno kama watu wasiomjua Mungu. Wao hudhani kwamba Mungu atawasikiliza ati kwa sababu ya maneno mengi.
8Naizvozvo musafanana navo; nekuti Baba venyu vanoziva chamunoshaiwa, musati mavakumbira.
8Msiwe kama wao. Baba yenu anajua mnayoyahitaji hata kabla ya kumwomba.
9Naizvozvo imwi nyengeterai sezvizvi: Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngariitwe dzvene;
9Basi, hivi ndivyo mnavyopaswa kusali: Baba yetu uliye mbinguni: Jina lako litukuzwe.
10ushe hwenyu ngahuuye; chido chenyu ngachiitwe panyikawo sezvachinoitwa kudenga;
10Ufalme wako ufike. Utakalo lifanyike duniani kama mbinguni.
11mutipei nhasi chikafu chedu chemisi yose;
11Utupe leo chakula chetu tunachohitaji.
12uye mutikangamwire mhosva dzedu, sezvatinokangamwirawo vane mhosva nesu;
12Utusamehe makosa yetu, kama nasi tunavyowasamehe waliotukosea.
13uye musatipinza pakuidzwa, asi mutisunungure pakuipa. Nekuti ushe ndehwenyu, nesimba, nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
13Usitutie katika majaribu, lakini utuokoe na yule Mwovu. is Baadhi ya makala za zamani zina; Kwa kuwa ufalme ni wako, na nguvu, na utukufu, hata milele. Amina.
14Nekuti kana muchikangamwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakukangamwiraiwo.
14"Maana mkiwasamehe watu makosa yao, Baba yenu wa mbinguni atawasamehe ninyi pia.
15Asi kana musingakangamwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyuwo havangakangamwiri kudarika kwenyu.
15Lakini msipowasamehe watu makosa yao, naye Baba yenu hatawasamehe ninyi makosa yenu.
16Uyezve kana muchitsanya, musava nezviso zvinopunyaira sevanyepedzeri; nekuti vanounyanisa zviso zvavo, kuti vaonekwe nevanhu kuti vanotsanya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo.
16"Mnapofunga, msiwe na huzuni kama wanafiki. Wao hukunja nyuso zao wapate kuonekana na watu kuwa wanafunga. Nawaambieni hakika, hao wamekwisha pata tuzo lao.
17Asi iwe kana uchitsanya, zodza musoro wako, ugeze chiso chako,
17Wewe lakini unapofunga, paka kichwa chako mafuta, nawa uso wako,
18kuti urege kuonekwa kuvanhu kuti unotsanya, asi kuna Baba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda, vachakuripira.
18ili mtu yeyote asijue kwamba unafunga, ila ujulikane tu kwa Baba yako asiyeonekana. Naye Baba yako aonaye yaliyofichika atakutuza.
19Regai kuzviunganidzira fuma panyika, pane zvifusi nengura zvinoodza, nepane mbavha dzinopaza dzichiba;
19"Msijiwekee hazina hapa duniani ambako nondo na kutu huharibu, na wezi huingia na kuiba.
20asi muzviunganidzire fuma kudenga, kusina chifusi kana ngura zvinoodza, naapo mbavha padzisingapazi dzichiba.
20Jiwekeeni hazina mbinguni ambako nondo na kutu hawawezi kuiharibu, wala wezi hawaingii wakaiba.
21Nekuti pane fuma yenyu, ndipo pachavawo nemoyo yenyu.
21Maana pale ilipo hazina yako, ndipo pia utakapokuwa moyo wako.
22Mwenje wemuviri iziso; naizvozvo kana ziso rako riri benyu, muviri wako wose uchazara nechiedza.
22"Jicho ni taa ya mwili. Kama jicho lako ni zima, mwili wako wote utakuwa katika mwanga.
23Asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wose uchazara nerima. Naizvozvo kana chiedza chiri mauri chiri rima, rima iro iguru sei!
23Lakini ikiwa jicho lako ni bovu, mwili wako wote utakuwa katika giza. Basi, ikiwa mwanga ulioko ndani yako ni giza, basi, hilo ni giza la kutisha mno.
24Hapana ungashumira vatenzi vaviri; nekuti uchavenga umwe, akada umwe; kana uchanamatira umwe, akazvidza umwe. Hamungashumiri Mwari naMamona*.
24"Hakuna mtu awezaye kutumikia mabwana wawili. Maana atamchukia mmoja na kumpenda huyo wa pili; au ataambatana na mmoja na kumdharau huyo mwingine. Hamwezi kumtumikia Mungu na mali pamoja.
25Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro peupenyu hwenyu, zvamuchadya kana zvamuchanwa, kana pamusoro pemuviri wenyu, zvamuchafuka. Upenyu hahupfuuri chikafu here, nemuviri zvipfeko?
25"Ndiyo maana nawaambieni, msiwe na wasiwasi juu ya chakula na kinywaji mnavyohitaji ili kuishi, wala juu ya mavazi mnayohitaji kwa ajili ya miili yenu. Je, maisha ni chakula tu au zaidi? Na mwili, je, si zaidi ya mavazi?
26Tarirai shiri dzedenga, nekuti hadzidzvari, kana kukohwa, kana kuunganidza mumatura, asi Baba venyu vekudenga vanodzirurira. Imwi hamudzipfuuri zvikuru here?
26Waangalieni ndege wa mwituni: hawapandi, hawavuni, wala hawana ghala yoyoye. Hata hivyo, Baba yenu wa mbinguni huwalisha. Je, ninyi si wa thamani kuliko hao?
27Ndiani kwamuri nekufunganya ungawedzera mbimbi imwe paurefu hwake?
27Ni nani miongoni mwenu kwa kuwa na wasiwasi sana anaweza kuuongeza muda wa maisha yake?
28Nepamusoro pezvipfeko munofungirei? Nyatsorangarirai midovatova yenyika, inokura sei, haichami, hairuki;
28"Na kuhusu mavazi, ya nini kuwa na wasiwasi? Tazameni maua ya porini jinsi yanavyostawi. Hayafanyi kazi wala hayasokoti.
29asi ndinoti kwamuri: Kunyange Soromoni pakubwinya kwake kose haana kupfekedzwa seimwe yeiyi.
29Lakini nawaambieni, hata Solomoni mwenyewe na fahari zake zote hakupata kuvikwa vizuri kama ua mojawapo.
30Zvino kana Mwari achifukidza saizvozvo uswa hwenyika, hwuripo nhasi, hunokandirwa muchoto mangwana, haangakufukidziyi nekupfuurisa here imwi verutendo ruduku?
30Ikiwa basi Mungu hulivika hivyo jani la shambani ambalo leo liko na kesho latupwa motoni, je, hatafanya zaidi kwenu ninyi? Enyi watu wenye imani haba!
31Naizvozvo musafunganya, muchiti: Tichadyei? Kana: Tichanwei? Kana: Tichafukei?
31"Basi, msiwe na wasiwasi: Tutakula nini, tutakunywa nini, tutavaa nini!
32Nekuti izvozvi zvose vahedheni vanozvitsvaka, nekuti Baba venyu vekudenga vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi zvose.
32Maana hayo yote yanahangaikiwa na watu wasiomjua Mungu. Baba yenu wa mbinguni anajua kwamba mnahitaji vitu hivyo vyote.
33Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nekururama kwake, zvino izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.
33Bali, zingatieni kwanza Ufalme wa Mungu na matakwa yake, na hayo mengine yote mtapewa kwa ziada.
34Naizvozvo musafunganyira mangwana, nekuti mangwana achazvifunganyira zvinhu zvawo. Zuva rakakwanirwa nezvakaipa zvaro.
34Basi, msiwe na wasiwasi juu ya kesho; kesho inayo yake. Matatizo ya siku moja yanawatosheni kwa siku hiyo.