Shona

Swahili: New Testament

Zechariah

11

1Zarura mikova yako, iwe Rebhanoni, kuti moto upedze misidhari yako.
2Ungudza iwe musipiresi, nekuti musidhari wawira pasi, nekuti miti yakanaka kwazvo yaparadzwa; ungudzai, imwi miouki yeBhashani, nekuti dondo risingabviri kupindwa ratemwa.
3Inzwai izwi rokuungudza kwavafudzi ! nekuti kukudzwa kwavo kwaparadzwa; inzwai izwi rokuwomba kwavana veshumba! nekuti kuzvikudza kwaJoridhani kwaitwa dongo.
4Zvanzi naJehovha Mwari wangu, Fudza makwai anozourawa;
5iwo anourawa navana vawo, vasingatorwi sevane mhosva; vanowatengesa vanoti, Jehovha ngaavongwe, nekuti ndakafuma; vafudzi vawo havana tsitsi nawo.
6nekuti handichazovi netsitsi navagere munyika ndizvo zvinotaura Jehovha; asi tarirai, ndichaisa vanhu avo, mumwe nomumwe muruoko rwookwake, nomuruoko rwamambo wake; vachaparadza nyika, ini ndisingavarwiri paruoko rwavo.
7Saka ini ndakafudza makwai aizourawa, zvirokwazvo aiva makwai aizourawa, zvirokwazvo aiva makwai anonzwisa urombo. Ndikatora tsvimbo mbiri, imwe ndikaitumidza zita rinonzi, Kunaka, imwe ndikaitumidza zita rinonzi Zvisungo; ndikafudza makwai.
8Ndikaparadza vafudzi vatatu nomwedzi mumwe, nekuti mweya wangu wakange waneta navo, nemweya yavo yakandisemawo.
9Ipapo ndikati, Handichadi kukufudzai; chinoda kufa ngachife hacho, chinofanira kuparadzwa, ngachiparadzwe hacho; akasara ngaadye mumwe nomumwe nyama yomumwe.
10Ipapo ndakatora tsvimbo yangu yainzi, Kunaka, ndikaivhuna-vhuna, kuti ndiputse sungano yangu yandakanga ndaita nendudzi bose dzavanhu.
11ikavhuniwa nezuva iro; naizvozvo varombo pakati pamakwai, vakanditeerera, vakaziva kuti ishoko raJehovha.
12Ndikati kwavari, Kana muchiti zvakanaka, chindipai mubayiro wangu; kana zvisakanaka, regai. Ipapo vakandiyerera mubayiro wangu, masirivha ana makumi matatu.
13Jehovha akati kwandiri, Chizvikandira kumuumbi wehari; ndiwo mutengo wakanaka wandakatengwa nawo navo. Ini ndikatora masirivha ana makumi matatu, ndikaakandira kumuumbi wehari mumba maJehovha.
14Ipapo ndikavhuna-vhuna imwe tsvimbo yangu, yainzi, Zvisungo, kuti ndiputse ukama hwaiva pakati paJudha nalsiraeri.
15Ipapo Jehovha akati kwandiri, Chitorazve nhumbi dzomufudzi chete.
16nekuti tarirai, ndichamutsa panyika ino mufudzi asingavi nehanya naakarashika, kana kutsvaka akapararira, kana kurapa akavhunika, kana kufudza anovata; asi achadya nyama yaakakora, nokubvamburanya mahwanda awo.
17Ane nhamo mufudzi asina maturo, anosiya makwai! Munondo uchatema ruoko rwake neziso rake rorudyi; ruoko rwake ruchaoma chose, uye ziso rake rorudyi richasvibirwa chose.