1Nezuva iro imba yaDhavhidhi. navagere Jerusaremu vachadziurirwa tsime, rokusuka zvivi netsvina.
2Zvino nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, Ndichabvisa mazita ezvifananidzo panyika, arege kuzorangarirwa; ndichabudisawo vaporofita nemweya yetsvina panyika.
3Zvino kana ani naani achiporofita, baba vake namai vake, vakamubereka, vachati kwaari, Haungararami, nekuti unoreva nhema nezita raJesu baba vake namai vake, vakamubereka, vachabvovora kana achiporofita.
4Zvino nezuva iro vaporofita vachanyadziswa mumwe nomumwe nechaanoona, kana achiporofita, havangapfeki nguvo yemvere vachiti tinonyengera vanhu;
5asi achati, Handizi muporofita, ndiri murimi wevhu; nekuti ndakaitwa muranda kubva pauduku hwangu.
6Kana mumwe akati kwaari, Ko mavanga awa ari pakati pezvanza zvako ndeeiko? Ipapo achapindura, achiti, Ndipo pandakakuvadzwa mumba meshamwari dzangu.
7Muka, munondo, urwe nomufudzi wangu, uye munhu shamwari yangu, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, rova mufudzi, makwai agoparadzirwa; ini ndichatambanudzira ruoko rwangu kuvaduku.
8Zvino munyika yose ndizvo zvinotaura Jehovha migove miviri ichaparadzwa ndokufa; asi wechitatu acharegwamo.
9Mugove wechitatu ndichaupinza mumoto, ndichavanatsa sezvinonatswa sirivha, ndichavaidza sezvinoidzwa ndarama. Vachadana zita rangu, ini ndichavanzwa; ini ndichati, Ndivo vanhu vangu, ivo vachati, Jehovha ndiMwari wangu.