1Nekuti tinoziva kuti kana imba yedu yenyika, yedumba ichiputswa, tine chivakwa chinobva kuna Mwari, imba isina kuvakwa nemaoko, yekusingaperi iri kumatenga.
1ܝܕܥܝܢܢ ܓܝܪ ܕܐܢ ܒܝܬܢ ܕܒܐܪܥܐ ܗܢܐ ܕܦܓܪܐ ܢܫܬܪܐ ܐܠܐ ܐܝܬ ܠܢ ܒܢܝܢܐ ܕܡܢ ܐܠܗܐ ܒܝܬܐ ܕܠܐ ܒܥܒܕ ܐܝܕܝܐ ܒܫܡܝܐ ܠܥܠܡ ܀
2Nekuti mune iyi tinogomera, tichishuva nemoyo wose kuti tifukidzwe neimba yedu inobva kudenga;
2ܐܦ ܥܠ ܗܕܐ ܓܝܪ ܡܬܬܢܚܝܢܢ ܘܤܘܝܢܢ ܕܢܠܒܫ ܒܝܬܢ ܕܡܢ ܫܡܝܐ ܀
3kana zvikadaro hatingawanikwi tisina chatakafuka.
3ܐܠܐ ܐܦ ܡܐ ܕܠܒܫܢ ܢܫܬܟܚ ܠܢ ܥܪܛܠ ܀
4Nekuti nesu tiri mutende tinogomera tichiremerwa; tisingadi kuti tikururwe, asi kufukidzwa, kuti chinofa chimedzwe neupenyu.
4ܟܕ ܐܝܬܝܢ ܓܝܪ ܗܫܐ ܒܗܢܐ ܒܝܬܐ ܡܬܬܢܚܝܢܢ ܡܢ ܝܘܩܪܗ ܘܠܐ ܨܒܝܢܢ ܠܡܫܠܚܗ ܐܠܐ ܕܢܠܒܫ ܠܥܠ ܡܢܗ ܕܬܬܒܠܥ ܡܝܬܘܬܗ ܒܚܝܐ ܀
5Zvino uyo wakatigadzirira chinhu ichochi ndiMwari, wakatipawo rubatso rwoMweya.
5ܘܕܡܥܬܕ ܠܢ ܠܗ ܠܗܕܐ ܐܠܗܐ ܗܘ ܗܘ ܕܝܗܒ ܠܢ ܪܗܒܘܢܐ ܕܪܘܚܗ ܀
6Naizvozvo tine ushingi nguva dzose, tichiziva kuti kana tiri kumusha mumuviri hatisi kuna Ishe;
6ܡܛܠ ܕܝܕܥܝܢܢ ܗܟܝܠ ܘܡܦܤܝܢܢ ܕܟܡܐ ܕܒܦܓܪܐ ܫܪܝܢܢ ܥܢܝܕܝܢܢ ܡܢ ܡܪܢ ܀
7Nekuti tinofamba nerutendo kwete nekuona;
7ܒܗܝܡܢܘܬܐ ܗܘ ܓܝܪ ܡܗܠܟܝܢܢ ܘܠܐ ܒܚܙܝܐ ܀
8naizvozvo tine ushingi, tichishuva kuti zviri nani kusava pamuviri, asi kuva kuna Ishe.
8ܡܛܠ ܗܢܐ ܬܟܝܠܝܢܢ ܘܡܤܘܚܝܢܢ ܕܢܥܢܕ ܡܢ ܦܓܪܐ ܘܢܗܘܐ ܠܘܬ ܡܪܢ ܀
9Naizvozvo tinoshingaira kuti kunyange tiri pamusha kana kure nemusha kwaari.
9ܘܡܬܚܦܛܝܢܢ ܕܐܢ ܥܢܘܕܐ ܚܢܢ ܘܐܢ ܥܡܘܪܐ ܠܗ ܗܘܝܢ ܫܦܪܝܢ ܀
10Nekuti tose tinofanira kuonekwa pamberi pechigaro chekutonga chaKristu; kuti umwe neumwe agamuchire zvinhu zvaakaita pamuviri, zvichienderana nezvaakaita, kana zvakanaka kana zvakaipa.
10ܟܠܢ ܓܝܪ ܥܬܝܕܝܢܢ ܠܡܩܡ ܩܕܡ ܒܝܡ ܕܡܫܝܚܐ ܕܢܬܦܪܥ ܐܢܫ ܐܢܫ ܒܦܓܪܗ ܡܕܡ ܕܥܒܝܕ ܠܗ ܐܢ ܕܛܒ ܘܐܢ ܕܒܝܫ ܀
11Naizvozvo zvatinoziva kutyisa kw aIshe, tinonyengetedza vanhu; asi tinoratidzwa kuna Mwari; uye ndine chivimbo kuti tiratidzwe pahana dzenyu.
11ܡܛܠ ܕܝܕܥܝܢܢ ܗܟܝܠ ܕܚܠܬܗ ܕܡܪܢ ܠܒܢܝܢܫܐ ܗܘ ܡܦܝܤܝܢܢ ܠܐܠܗܐ ܕܝܢ ܓܠܝܢܢ ܤܒܪ ܐܢܐ ܕܝܢ ܕܐܦ ܠܡܕܥܝܟܘܢ ܕܝܠܟܘܢ ܓܠܝܢܢ ܀
12Hatizvirumbidzizve kwamuri, asi tinokupai mukana wekurumbidza nekuda kwedu, kuti mugone kumirisana navo vanozvirumbidza pachiso kwete pamoyo.
12ܠܐ ܗܘܐ ܬܘܒ ܢܦܫܢ ܡܫܒܚܝܢܢ ܠܟܘܢ ܐܠܐ ܥܠܬܐ ܗܘ ܝܗܒܝܢܢ ܠܟܘܢ ܕܗܘܝܬܘܢ ܡܫܬܒܗܪܝܢ ܒܢ ܠܘܬ ܗܢܘܢ ܕܒܐܦܐ ܗܘ ܡܫܬܒܗܪܝܢ ܘܠܐ ܒܠܒܐ ܀
13Nekuti kana tichipenga, ndezve kuna Mwari; kana tiri vanhu kwavo, ndezve kwamuri.
13ܐܢ ܓܝܪ ܫܛܝܢܢ ܠܐܠܗܐ ܘܐܢ ܬܩܢܝܢܢ ܠܟܘܢ ܀
14Nekuti rudo rwaKristu runotimanikidza; nekuti tinoona saizvozvo kuti kana mumwe akafira vose, zvino vose vakafa;
14ܚܘܒܗ ܓܝܪ ܕܡܫܝܚܐ ܐܠܨ ܠܢ ܕܪܢܝܢܢ ܗܕܐ ܕܚܕ ܚܠܦ ܟܠܢܫ ܡܝܬ ܡܕܝܢ ܟܠܢܫ ܡܝܬ ܠܗ ܀
15zvino iye wakafira vose, kuti avo vanorarama vachirega kuzozviraramira ivo, asi iye wakavafira nekumukazve.
15ܘܚܠܦ ܟܠܢܫ ܗܘ ܡܝܬ ܕܐܝܠܝܢ ܕܚܝܝܢ ܠܐ ܠܢܦܫܗܘܢ ܢܚܘܢ ܐܠܐ ܠܗܘ ܐܝܢܐ ܕܥܠ ܐܦܝܗܘܢ ܡܝܬ ܘܩܡ ܀
16Naizvozvo kubvira zvino hatizivi munhu panyama; uye kunyange takaziva Kristu panyama, kubvira zvino hatichamuzivi saizvozvo.
16ܘܡܟܝܠ ܚܢܢ ܠܐܢܫ ܒܦܓܪ ܠܐ ܝܕܥܝܢܢ ܘܐܢ ܝܕܥܢ ܒܦܓܪ ܠܡܫܝܚܐ ܐܠܐ ܡܢ ܗܫܐ ܠܐ ܝܕܥܝܢܢ ܀
17Kuti kana munhu ari muna Kristu, wava chisikwa chitsva, zvinhu zvekare zvapfuura, tarirai zvose zvava zvitsva.
17ܟܠ ܡܢ ܕܒܡܫܝܚܐ ܗܘ ܗܟܝܠ ܒܪܝܬܐ ܗܘ ܚܕܬܐ ܥܬܝܩܬܐ ܥܒܪ ܠܗܝܢ ܀
18Uye zvinhu zvose zvakabva kuna Mwari, wakatiyananisa naye naJesu Kristu, uye wakatipa kushumira kweyananiso;
18ܘܟܠ ܡܕܡ ܗܘܐ ܚܕܬܐ ܡܢ ܐܠܗܐ ܗܘ ܕܪܥܝܢ ܠܗ ܒܡܫܝܚܐ ܘܝܗܒ ܠܢ ܬܫܡܫܬܐ ܕܬܪܥܘܬܐ ܀
19sezvinonzi Mwari wakange ari muna Kristu achiyananisa nyika kwaari, asingavaverengeri kudarika kwavo, akakumikidza kwatiri shoko rekuyananisa.
19ܐܠܗܐ ܗܘܐ ܓܝܪ ܒܡܫܝܚܐ ܗܘ ܕܪܥܝ ܠܥܠܡܐ ܥܡ ܪܒܘܬܗ ܘܠܐ ܚܫܒ ܠܗܘܢ ܚܛܗܝܗܘܢ ܘܤܡ ܒܢ ܕܝܠܢ ܡܠܬܐ ܕܬܪܥܘܬܐ ܀
20Naizvozvo tiri nhumwa nekuda kwaKristu, Mwari saanenge achikukumbirisai, nesu tinokukumbirisaiwo pachinzvimbo chaKristu tichiti: Yananiswai naMwari.
20ܐܝܙܓܕܐ ܚܢܢ ܗܟܝܠ ܚܠܦ ܡܫܝܚܐ ܘܐܝܟ ܗܘ ܕܐܠܗܐ ܒܥܐ ܡܢܟܘܢ ܒܐܝܕܢ ܚܠܦ ܡܫܝܚܐ ܗܟܝܠ ܒܥܝܢܢ ܐܬܪܥܘ ܠܐܠܗܐ ܀
21Nekuti uyo wakange asingazivi chivi, wakamuita chivi pachinzvimbo chedu; kuti isu tive kururama kwaMwari maari.
21ܗܘ ܓܝܪ ܕܠܐ ܝܕܥ ܗܘܐ ܚܛܝܬܐ ܡܛܠܬܟܘܢ ܚܛܝܬܐ ܥܒܕܗ ܕܚܢܢ ܢܗܘܐ ܒܗ ܙܕܝܩܘܬܐ ܕܐܠܗܐ ܀