1Naizvozvo unofanira kuda Jehovha Mwari wako, nokuchengeta nguva dzose murayiro wake, nezvaakatema, nezvaakatonga, nezvaakaraira.
2Zivai nhasi nekuti handitauri navana venyu vasina kuziva, vasina kuona kuranga kwaJehovha Mwari wenyu ukuru hwake, neruoko rwake rune simba, noruoko rwake rwakatambanudzwa,
3nezviratidzo zvake, namabasa ake, aakaitira Farao, mambo pakati peEgipita nenyika yake yose;
4nezvaakaitira hondo yeEgipita, namabhiza avo, nengoro dzavo; kuti wakavafukidza nemvura yeGungwa Dzvuku, nguva yavakakutevererai, Jehovha akavaparadza kusvikira nhasi;
5nezvaakakuitirai murenje, kudzimana makasvika panzvimbo ino;
6nezvaakaitira Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu, mwanakomana waRubheni; namashamisire akaita nyika muromo wayo, ikavamedza, ivo navedzimba dzavo, namatende avo, nezvipenyu zvavo zvose zvakanga zvichivatevera, pakati pavalsiraeri vose.
7Asi meso enyu akaona mabasa ose makuru aJehovha aakaita.
8Naizvozvo munofanira kuchengeta murayiro wose wandinokuraira nhasi, kuti musimbe, mupinde, mutore nyika iyo kwamunoyambuka kundoiita yenyu;
9kuti mazuva enyu awedzerwe panyika, yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha, kuti uchaipa ivo navana vavo, nyika inoyerera mukaka nouchi.
10Nekuti nyika kwaunoenda kundoiita yako, haina kufanana nenyika yeEgipita, kwamakabuda, kwawaidzvara mbeu dzako, uchidzidiridza namakumbo ako, somunda wemiriwo,
11asi nyika kwamunoyambuka, kundoiita yenyu, inyika yamakomo nemipata, inomwa mvura yokudenga;
12inyika inochengetwa naJehovha Mwari wako; meso aJehovha Mwari wako anoramba achiitarira, kubva pakutanga kwegore kusvikira pakupedzisira kwegore.
13Zvino kana mukateerera zvakanaka mirairo yangu, yandinokurairai nhasi, mukada Jehovha Mwari wenyu nokumushumira nomoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose,
14ndichapa nyika yenyu mvura panguva yayo, mvura yokutanga nemvura yokuteverera, kuti ugone kukohwa zviyo zvako, newaini yako, namafuta ako.
15Ndichameresa uswa bwemombe dzako pamafuro ako, udye, ugute.
16Chenjerai kuti moyo yenyu irege kunyengerwa, murege kutsauka, mukashumira vamwe vamwari, nokunamata kwavari;
17kuti Jehovha arege kukutsamwirai, akapfiga kudenga, kuti mvura irege kunaya nenyika irege kubereka zvibereko zvayo; imwi mukakurumidza kuparadzwa panyika yakanaka yamunopiwa naJehovha.
18Naizvozvo munofanira kuchengeta mashoko angu awa mumoyo yenyu nomumweya yenyu; munofanira kuasungira pamaoko enyu, chive chiratidzo, uye anofanira kuva rundanyara pakati pameso enyu.
19Uye munofanira kuadzidzisa vana venyu, muchitaurirana pamusoro pawo, kana iwe ugere paimba yako, kana uchifamba panzira, kana uchivata pasi, uye kana uchimuka;
20unofanira kuanyora pamagwatidziro emikova yeimba yako, napamasuwo ako;
21kuti mazuva enyu awedzerwe, namazuva avana venyu, panyika yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha kuti uchavapa iyo, aite samazuva okudenga pamusoro penyika.
22Nekuti kana mukachengeta zvakanaka murayiro uyu wose wandinokurairai, kuti muuite; mukada Jehovha Mwari wenyu, nokufamba nenzira dzake dzose, nokumunamatira;
23Jehovha uchadzinga ndudzi idzi dzose pamberi penyu, imwi muchabata ndudzi dzinokupfuurai noukuru nesimba, dzive dzenyu.
24Nzvimbo ipi neipi inotsikwa netsoka dzenyu ichava yenyu, nenyika yenyu ichabva parenje, neRebhanoni, kubva parwizi, rwizi Yufuratesi, kusvikira kugungwa rokumavirazuva.
25Hakuna munhu ungagona kumira pamberi penyu; Jehovha Mwari wenyu uchatyisa nokuvhundusa nyika yose pamusoro penyu, nyika iyo yamuchazotsika pamusoro payo, sezvaakataura kwamuri.
26Tarirai, nhasi ndinoisa pamberi penyu kuropafadzwa nokutukwa;
27kuropafadzwa, kana mukateerera mirairo yaJehovha Mwari wenyu, yandinokurairai nhasi;
28nokutukwa, kana musingateereri mirairo yaJehovha Mwari wenyu, asi muchitsauka panzira yandinokuraira nhasi, mukatevera vamwe vamwari vamusina kuziva.
29Zvino kana Jehovha Mwari wako akupinza panyika, kwamunoenda, kundoiita yako, unofanira kuisa kuropafadzwa pagomo reGerizimi, nokutukwa pagomo reEbhari.
30Ko makomo awo haazi mhiri kwaJoridhani, mberi kwenzira yokumavirira ezuva, munyika yavaKanani, vagere paMupata, pakatarisana neGirigari, pamiouki yeMore here?
31Nekuti munofanira kuyambuka Joridhani, mupinde kundotora nyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu; ichava yenyu, mugaremo.
32Chenjerai kuti muite zvakatemwa nezvakatongwa zvose, zvandinoisa pamberi penyu nhasi.