Shona

Syriac: NT

Leviticus

2

1Kana munhu achiuya kuna Jehovha nechipo choupfu, chipo chake ngachive choupfu hwakatsetseka; zvino ngaadire mafuta pamusoro pacho, agoisawo zvinonhuhwira pamusoro pacho.
2Ipapo ngaachiise kuvanakomana vaAroni, vapristi; iye atsamure tsama yake imwe youpfu hwakatsetseka namafuta nezvinonhuhwira zviripo, mupristi agozvipisa paaritari, chive chokurangaridza chipo icho, chipiriso chakaitwa nomoto, chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha.
3Zvakasara pachipiriso choupfu zvichava zvaAroni navanakomana vake; icho chinhu chitsvene-tsvene pakati pezvipiriso zvaJehovha zvakaitwa nomoto.
4Kana achiuya nechipo choupfu chakabikwa muchoto, ngachive chezvingwa zvisina kuviriswa zvoupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa mafuta.
5Kana chipo chako chiri chipiriso choupfu chakabikwa mugango, ngachive choupfu hwakatsetseka, husina kuviriswa., hwakakanyiwa namafuta.
6Unofanira kuchimedura, nokudira mafuta pamusoro pacho; ndicho chipiriso choupfu.
7Kana chipo chako chiri chipiriso choupfu chakabikwa muhari, ngachiitwe noupfu hwakatsetseka namafuta.
8Unofanira kuuya kuna Jehovha nechipiriso choupfu chakaitwa nezvinhu izvi; ngachipiwe mupristi, iye agochiisa paaritari.
9Zvino mupristi ngaatsamure pachipiriso choupfu chokurangaridza chacho, achipisire pamusoro pearitari, icho chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha.
10Zvakasara pachipiriso choupfu ngazvive zvaAroni navanakomana vake; icho chinhu chitsvene-tsvene pakati pezvipiriso zvaJehovha zvinoitwa nomoto.
11Chipiriso chipi nechipi choupfu chamunouya nacho kuna Jehovha ngachirege kuitwa nembiriso, nekuti hamufaniri kupisira Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto chine mbiriso kana uchi.
12Mungazvivigira Jehovha zviri zvipiriso zvezvitsva zvenyu, asi ngazvirege kuiswa paaritari kuti zvive zvinonhuhwira zvakanaka.
13Zvipiriso zvako zvose zvoupfu unofanira kuzvirunga nomunyu; usarega kuisa munyu wesungano yaMwari wako pachipiriso chako choupfu, asi uise munyu pazvipiriso zvako zvose.
14Kana uchivigira Jehovha chipiriso choupfu chezvitsva, uuye nehura dzezviyo dzakakangiwa pamoto, zviyo zvakatswiwa zvehura itsva, chive chipiriso choupfu chezvitsva.
15Unofanira kuisa mafuta pamusoro pacho, nokuisawo mafuta pamusoro pacho, kuti chive chipiriso choupfu.
16Zvino mupristi ngaapise chokurangaridza chacho, zvimwe zvezviyo zvacho zvakatswiwa, nezvimwe zvamafuta acho, pamwechete nezvinonhuhwira zvacho; chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.