Shona

Syriac: NT

Leviticus

5

1Kana munhu akatadza, ari chapupu akapikirwa kupupura chinhu chaakaona, kana chaanoziva, akasadudza, achava nemhosva yake.
2Kunyange kana munhu akanga abata chinhu chisakanaka, kana chiri chitunha chemhuka isakanaka, kana chitunha chemombe isakanaka, kana chitunha chezvinokambaira zvisakanaka, zvikasazikamwa naye, akasvibiswa, achava nemhosva.
3Kana akanga abata zvisakanaka zvomunhu, kana zviri zvisakanaka zvipi nezvipi akasvibiswa nazvo, zvikasazikamwa naye; kana akazozviziva, achava nemhosva.
4Kana munhu akapika nomuromo wake, asingafungi kwazvo, kundoita zvakaipa kana kundoita zvakanaka, chinhu chipi nechipi chaakapika, asingafungi kwazvo, chikasazikamwa naye; kana akazochiziva, achava nemhosva kune chimwe chaizvozvo;
5zvino kana akava nemhosva kune chimwe chaizvozvo, anofanira kuzvireurura zvaakatadza.
6Zvino ngaauye nechipiriso chake chemhosva pamberi paJehovha pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza, ngaive hadzi yezvipfuwo zviduku, kana gwayana kana mbudzana, chive chipiriso chezvivi; mupristi ngaamuyananisire pamusoro pezvivi zvake.
7Kana asingagoni kuuya negwayana, ngaavigire Jehovha njiva mbiri, kana twana tuviri twenjiva, chive chipiriso chemhosva yake yaakatadza; imwe ive chipiriso chezvivi, imwe chipiriso chinopiswa.
8Zvino ngaauye nadzo kumupristi, iye atange kubaya imwe yechipiriso chezvivi, agure musoro wayo pamutsipa, asi arege kuiparadzanisa;
9zvino ngaasase ropa rechipiriso chezvivi kurutivi rwearitari, asi ropa rakasara risvinirwe mujinga mearitari; chipiriso chezvivi.
10Yechipiri ngaaite nayo chipiriso chinopiswa, sezvamakarairwa; mupristi amuyananisire pamusoro pezvivi zvaakatadza, akangamwirwe.
11Asi kana akasagona kuuya nenjiva mbiri, kana notwana tuviri twenjiva, ngaauye nechipiriso chake pamusoro pokutadza kwake, chive chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso chezvivi; ngaarege kudira mafuta pamusoro pahwo, kana kuisa zvinonhuhwira pamusoro pahwo, nekuti chipiriso chezvivi.
12Zvino ngaauye nahwo kumupristi, mupristi atsamure tsama imwe yahwo, chive chokurangaridza chacho; zvino ngaahwuise pamusoro pearitari, sezvinoitwa nezvimwe zvipiriso zvaJehovha zvinoitwa nomoto; chipiriso chezvivi.
13mupristi anofanira kumuyananisira pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza pachinhu chimwe chaizvozvo, akangamwirwe. Zvakasara ngazvive zvomupristi, sezvinoitwa nechipiriso choupfu.
14Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
15Kana munhu akadarika, akatadza nokusaziva pazvinhu zvitsvene zvaJehovha, ngaauye kuna Jehovha nechipiriso chemhosva yake, chegondobwe risina mhosva ramakwai ake, uchimutarira mashekeri esirivha uchienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene; chive chipiriso chemhosva.
16Ngaatsive chinhu chaakatadza pachinhu chitsvene, awedzere pachiri chimwe cheshanu chacho, achipe mupristi, mupristi agomuyananisira negondobwe rechipiriso chemhosva, akangamwirwe.
17Kana munhu akatadza, akaita chinhu chimwe chezvinhu zvakanga zvarairwa naJehovha kuti zvirege kuitwa; kunyange asina kuziva, une mhosva, mhaka unayo.
18Ngaauye kumupristi negondobwe ramakwai ake risina mhosva, sezvaunofunga iwe, chive chipiriso chemhosva, mupristi agomuyananisira pamusoro pechinhu chaakanga atadza nokusaziva, asingazivi, akangamwirwe.
19Chipiriso chemhosva; zvirokwazvo une mhosva pamberi paJehovha.