Shona

Syriac: NT

Leviticus

7

1Murayiro wechipiriso chemhosva ndiwo: Chitsvene kwazvo.
2Pavanourayirwa chipiriso chinopiswa, ndipo pavanofanira kuurayirwa chipiriso chemhosva; ropa racho unofanira kurisasa pamusoro pearitari kunhivi dzose.
3Zvino ngaapisire mafuta acho ose, mafuta ebemhe, namafuta anofukidza ura,
4netsvo mbiri, namafuta ari pamusoro padzo, ari pachiuno, namafuta ari pamusoro pechiropa, ngaazvibvise pamwechete netsvo.
5Zvino mupristi ngaazvipise paaritari, chive chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto; chipiriso chemhosva.
6Varume vose kuvapristi ngavachidye; chidyiwe panzvimbo tsvene; chitsvene kwazvo.
7Sezvinoitwa nechipiriso chezvivi, ndizvo zvinoitwawo nechipiriso chemhosva; murayiro wazvo ndomumwe; chichava chomupristi unoyananisira nacho.
8Uye mupristi, unopisira chipiriso chinopiswa chomunhu, uyo mupristi anofanira kupiwa debwe rechipiriso chinopiswa chaakauya nacho.
9Chipiriso chimwe nechimwe choupfu, chakabikwa muchoto, nezvose zvakagadzirwa mugango kana muhari, zvichava zvomupristi unouya nazvo.
10Chipiriso chimwe nechimwe choupfu, chakakanyiwa namafuta, kana chakaoma, chinofanira kupiwa vanakomana vaAroni, mumwe nomumwe, vachienzaniswa.
11Ndiwo murayiro wezvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, zvinofanira kupiwa Jehovha:
12Kana munhu akazvipa, kuti avonge nazvo, pamwechete nechibayiro chokuvonga nacho, anofanira kupa zvingwa zviduku zvisina kuviriswa zvakakanyiwa namafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa mafuta, nezvingwa zvakakanyiwa namafuta zvoupfu hwakatsetseka zvakakangwa.
13Anofanira kupawo chipo chake chezvingwa zvakaviriswa pamwechete nechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa zvokuvonga nazvo.
14Zvino pachipiriso chimwe nechimwe chive chipiriso chinosimudzirwa Jehovha; chichava chomupristi unosasa ropa rezvipiriso zvokuyananisa.
15Nyama yechibayiro chezvipiriso zvake zvokuyananisa zvokuvonga nazvo inofanira kudyiwa nomusi waanopa chipo chake; haafaniri kusiya chimwe chacho kusvikira mangwanani.
16Asi kana chibayiro chechipo chake chiri chinhu chaakapika, kana chipo chokuda kwake, chinofanira kudyiwa nomusi waanobayira chibayiro chake; zvakasara pazviri zvinofanira kudyiwa mangwanani;
17asi zvakasara zvenyama yechibayiro zvinofanira kupiswa nomoto nezuva retatu.
18Kana imwe nyama yechibayiro chezvipiriso zvake zvokuyananisa ikadyiwa nezuva retatu, hazvingagamuchirwi nomufaro kana kunzi zvakanaka kuna iye wakazvipa; chichava chinhu chinonyangadza, nomunhu unozvidya uchava nemhosva.
19Nyama yakabatana nechinhu chisakanaka, haifaniri kudyiwa, inofanira kupiswa nomoto.
20Asi munhu unodya nyama yechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa, zviri zvaJehovha, achiri netsvina yake, munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
21Kana ani naani akabata chinhu chisakanaka, kana zviri zvisakanaka zvomunhu kana zvemhuka isakanaka, kana chimwe chinhu chisakanaka chinonyangadza, akadya nyama yechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa zviri zvaJehovha, munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
22Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
23Taura navana vaIsiraeri, uti, Musadya mafuta, kana emombe, kana egwai, kana embudzi.
24Mafuta echinhu chakangofa choga, namafuta echinhu chakaurawa nezvikara, angabatwa nawo pamabasa ose, asi hamufaniri kutongoadya.
25nekuti ani naani unodya mafuta ezvipfuwo zvavanoitira Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto, munhu uNowadya anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
26Regai kudya ropa ripi neripi, kana riri reshiri, kana rezvipfuwo, padzimba dzenyu dzose.
27Ani naani unodya ropa ripi neripi, munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
28Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
29Taura navana vaIsiraeri uti, Munhu unobayira Jehovha chibayiro chake chezvipiriso zvokuyananisa, anofanira kuuya nechipo chake kuna Jehovha chinobva pachibayiro chezvipiriso zvake zvokuyananisa;
30maoko ake amene anofanira kuuya nezvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto; ngaauye namafuta pamwechete nechityu, kuti chityu chizunguzirwe, chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha.
31Zvino mupristi ngaapise mafuta paaritari, asi chityu ndechaAroni navanakomana vake.
32Munofanira kupa mupristi bandauko rorudyi, chive chipiriso chinosimudzwa pazvibayiro zvezvipiriso zvenyu zvokuyananisa.
33Uyo pakati pavanakomana vaAroni unopisira ropa rezvipiriso zvokuyananisa namafuta, ndiye uchapiwa bandauko rorudyi uve mugove wake.
34Nekuti chityu chinozunguzirwa nebandauko rinosimudzwa, ndizvo zvandakatora kuvana vaIsiraeri pakati pezvibayiro zvezvipiriso zvavo zvokuyananisa, ndikazvipa Aroni mupristi, navanakomana vake, chive chavo nokusingaperi, chinobva kuvana vaIsiraeri.
35Ndiwo mugove waAroni, nomugove wavanakomana vake pazvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto, nomusi waakavagadza nawo kuti vabatire Jehovha pabasa roupristi;
36wakarairwa naJehovha kuti vapiwe navana vaIsiraeri nomusi wokuzodzwa kwavo. Ndiwo mugove wavo nokusingaperi kusvikira kumarudzi avo ose.
37Ndiwo murayiro wechipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, nechipiriso chezvivi, nechipiriso chemhosva, nowokugadza, nowezvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa;
38wakarairwa Mozisi naJehovha pagomo reSinai, nomusi waakaraira vana vaIsiraeri, kuti vape Jehovha zvipo zvavo murenje reSinai.