Shona

Syriac: NT

Malachi

2

1Zvino imwi vapristi, chinzwai uyu murayiro unouya kwamuri.
2Kana imwi musingadi kunzwa, kana musingadi kuita nomwoyo wenyu zvandakaraira kuti mukudze zita rangu ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ipapo ndichatuma kutuka pamusoro penyu, ndichatuka ropafadzo dzenyu; zvirokwazvo ndatozvituka, nekuti hamuzviiti nomwoyo wenyu.
3Tarirai, ndichatuka vana venyu, ndichanamira ndove kuzviso zvenyu, iyo ndove yemitambo yenyu; muchabviswa pamwechete naro.
4Ipapo muchaziva kuti ndini ndakakutumirai murayiro uyu, kuti sungano yangu ive naRevhi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
5Sungano yangu navo yakanga iri youpenyu norugare; ndakavapa izvo kuti vanditye, vakanditya, vakadedera nokuda kwezita rangu.
6Murayiro wezvokwadi wakange uri mumuromo wavo, kusarurama hakuna kuwanikwa pamiromo yavo; vakafambidzana neni norugare nokururama, vakadzora vazhinji pazvakaipa.
7nekuti miromo yomupristi inofanira kuchengeta zivo, vanhu vanofanira kubvunza murayiro pamusoro wake; nekuti ndiye nhume yaJehovha wehondo.
8Asi imwi makatsauka panzira; makagumbusa vazhinji pamurayiro; makasvibisa sungano yaRevhi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
9Saka ndakakuitai vanhu vanozvidzwa navanorambwa navanhu vaose, zvamusina kuchengeta nzira dzangu, mukatsaura vanhu pakutonga murayiro.
10Ko isu tose hatina baba vamwe here? Haazi Mwari mumwe wakatisika here? Tinogonyengerana neiko mumwe nomumwe hama yake, tichimhura sungano yamadzibaba edu?
11Judha vakanyengera, chinhu chinonyangadza chaitwa pakati palsiraeri napaJerusaremu; nekuti Judha vakamhura nzvimbo tsvene yaJehovha, inodikamwa naye, vakawana mukunda wamwari wavatorwa.
12Munhu anoita zvakadai, Jehovha achamubvisira pamatende aJakove, anodana neanopindura, neanovigira Jehovha wehondo zvipiriso
13Munoitawo izvozvi munofukidza atari yaJehovha nemisodzi, nokuchema, nokugomera, naizvozvo haacharangariri chipiriso, kana kuchigamuchira nomufaro pamaoko enyu.
14Kunyange zvakadaro munoti, Nemhaka yeiko? nekuti Jehovha akanga ari chapupu pakati pako nomukadzi woujaya hwako, wawakanyengera, kunyange ari shamwari yako, nomukadzi wako wawakaita sungano yako naye.
15Ko haana kuita mumwe chete, kunyange akanga ane mumwe Mweya wakasara here? Zvino wakaitireiko mumwe chete? Wakatsvaka rudzi rwaMwari. Saka chenjererai mweya yenyu, kurege kuva nomumwe anonyengera mukadzi woujaya hwake.
16nekuti ndinovenga kurambana ndizvo zvinotaura Jehovha, Mwari waIsiraeri uye munhu anofukidza nguvo yake nokumanikidza ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; saka chenjererai mweya yenyu, kuti murege kunyengera.
17Makanetsa Jehovha namashoko enyu. Kunyange zvakadaro munoti, Takamunetsa neiko? Pakutaura kwenyu, muchiti, Mumwe nomumwe anoita zvakaipa, vakanaka pamberi paJehovha, ndivo vaanofarira, kana: Mwari wezvakarurama aripiko?