Shona

Syriac: NT

Matthew

1

1Bhuku renhoroondo yedzinza raJesu Kristu, Mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahamu.
1ܟܬܒܐ ܕܝܠܝܕܘܬܗ ܕܝܫܘܥ ܡܫܝܚܐ ܒܪܗ ܕܕܘܝܕ ܒܪܗ ܕܐܒܪܗܡ ܀
2Abhurahamu wakabereka Isaka; Isaka akabereka Jakobho; Jakobho akabereka Judha nevanakomana vamai vake;
2ܐܒܪܗܡ ܐܘܠܕ ܠܐܝܤܚܩ ܐܝܤܚܩ ܐܘܠܕ ܠܝܥܩܘܒ ܝܥܩܘܒ ܐܘܠܕ ܠܝܗܘܕܐ ܘܠܐܚܘܗܝ ܀
3Judha akabereka Faresi naZara kuna Tamari; Faresi akabereka Esiromi; Esiromi akabereka Arami;
3ܝܗܘܕܐ ܐܘܠܕ ܠܦܪܨ ܘܠܙܪܚ ܡܢ ܬܡܪ ܦܪܨ ܐܘܠܕ ܠܚܨܪܘܢ ܚܨܪܘܢ ܐܘܠܕ ܠܐܪܡ ܀
4Arami akabereka Aminadhabhi; Aminadhabhi akabereka Naasoni; Naasoni akabereka Sarimoni;
4ܐܪܡ ܐܘܠܕ ܠܥܡܝܢܕܒ ܥܡܝܢܕܒ ܐܘܠܕ ܠܢܚܫܘܢ ܢܚܫܘܢ ܐܘܠܕ ܠܤܠܡܘܢ ܀
5Sarimoni akabereka Bhowazi kuna Rahabhi; Bhowazi akabereka Obhedhi kuna Rute; Obhedhi akabereka Jese;
5ܤܠܡܘܢ ܐܘܠܕ ܠܒܥܙ ܡܢ ܪܚܒ ܒܥܙ ܐܘܠܕ ܠܥܘܒܝܕ ܡܢ ܪܥܘܬ ܥܘܒܝܕ ܐܘܠܕ ܠܐܝܫܝ ܀
6Jese akabereka Dhavhidhi mambo; Dhavhidhi mambo akabereka Soromoni kumukadzi waiva waUria;
6ܐܝܫܝ ܐܘܠܕ ܠܕܘܝܕ ܡܠܟܐ ܕܘܝܕ ܐܘܠܕ ܠܫܠܝܡܘܢ ܡܢ ܐܢܬܬܗ ܕܐܘܪܝܐ ܀
7Soromoni akabereka Robhoami; Robhoami akabereka Abhiya; Abhiya akabereka Asa;
7ܫܠܝܡܘܢ ܐܘܠܕ ܠܪܚܒܥܡ ܪܚܒܥܡ ܐܘܠܕ ܠܐܒܝܐ ܐܒܝܐ ܐܘܠܕ ܠܐܤܐ ܀
8Asa akabereka Josafati; Josafati akabereka Joramu; Joramu akabereka Oziasi;
8ܐܤܐ ܐܘܠܕ ܠܝܗܘܫܦܛ ܝܗܘܫܦܛ ܐܘܠܕ ܠܝܘܪܡ ܝܘܪܡ ܐܘܠܕ ܠܥܘܙܝܐ ܀
9Oziasi akabereka Jotamu; Jotamu akabereka Akazi; Akazi akabereka Hezekia;
9ܥܘܙܝܐ ܐܘܠܕ ܠܝܘܬܡ ܝܘܬܡ ܐܘܠܕ ܠܐܚܙ ܐܚܙ ܐܘܠܕ ܠܚܙܩܝܐ ܀
10Hezekia akabereka Manase; Manase akabereka Amoni; Amoni akabereka Josiyasi;
10ܚܙܩܝܐ ܐܘܠܕ ܠܡܢܫܐ ܡܢܫܐ ܐܘܠܕ ܠܐܡܘܢ ܐܡܘܢ ܐܘܠܕ ܠܝܘܫܝܐ ܀
11Josiyasi akabereka Jekoniasi nevanakomana vamai vake nenguva yekutapirwa kuBhabhironi.
11ܝܘܫܝܐ ܐܘܠܕ ܠܝܘܟܢܝܐ ܘܠܐܚܘܗܝ ܒܓܠܘܬܐ ܕܒܒܠ ܀
12Zvino shure kwekutapirwa kuBhabhironi, Jekoniasi akabereka Saratieri; Saratieri akabereka Zerubhabheri;
12ܡܢ ܒܬܪ ܓܠܘܬܐ ܕܝܢ ܕܒܒܠ ܝܘܟܢܝܐ ܐܘܠܕ ܠܫܠܬܐܝܠ ܫܠܬܐܝܠ ܐܘܠܕ ܠܙܘܪܒܒܠ ܀
13Zerubhabheri akabereka Abhiudhi; Abhiudhi akabereka Eriakimi; Eriakimi akabereka Azori;
13ܙܘܪܒܒܠ ܐܘܠܕ ܠܐܒܝܘܕ ܐܒܝܘܕ ܐܘܠܕ ܠܐܠܝܩܝܡ ܐܠܝܩܝܡ ܐܘܠܕ ܠܥܙܘܪ ܀
14Azori akabereka Sadhoki; Sadhoki akabereka Akimi; Akimi akabereka Eriyudhi;
14ܥܙܘܪ ܐܘܠܕ ܠܙܕܘܩ ܙܕܘܩ ܐܘܠܕ ܠܐܟܝܢ ܐܟܝܢ ܐܘܠܕ ܠܐܠܝܘܕ ܀
15Eriyudhi akabereka Eriazari; Eriazari akabereka Matani; Matani akabereka Jakobho;
15ܐܠܝܘܕ ܐܘܠܕ ܠܐܠܝܥܙܪ ܐܠܝܥܙܪ ܐܘܠܕ ܠܡܬܢ ܡܬܢ ܐܘܠܕ ܠܝܥܩܘܒ ܀
16Jakobho akabereka Josefa murume waMaria, kwakazvarwa kwaari Jesu, anonzi Kristu.
16ܝܥܩܘܒ ܐܘܠܕ ܠܝܘܤܦ ܓܒܪܗ ܕܡܪܝܡ ܕܡܢܗ ܐܬܝܠܕ ܝܫܘܥ ܕܡܬܩܪܐ ܡܫܝܚܐ ܀
17Naizvozvo mazera ose kubva kuna Abhurahamu kusvikira kuna Dhavhidhi mazera gumi nemana; kubva kuna Dhavhidhi kusvikira pakutapirwa kuBhabhironi mazera gumi nemana; kubva pakutapirwa kuBhabhironi kusvikira kuna Jesu Kristu mazera gumi nemana.
17ܟܠܗܝܢ ܗܟܝܠ ܫܪܒܬܐ ܡܢ ܐܒܪܗܡ ܥܕܡܐ ܠܕܘܝܕ ܫܪܒܬܐ ܐܪܒܥܤܪܐ ܘܡܢ ܕܘܝܕ ܥܕܡܐ ܠܓܠܘܬܐ ܕܒܒܠ ܫܪܒܬܐ ܐܪܒܥܤܪܐ ܘܡܢ ܓܠܘܬܐ ܕܒܒܠ ܥܕܡܐ ܠܡܫܝܚܐ ܫܪܒܬܐ ܐܪܒܥܤܪܐ ܀
18Zvino kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kwakadai: Nekuti mai vake Maria vakati vapana nduma naJosefa, vasati vasangana vakaonekwa vava nemimba neMweya Mutsvene.
18ܝܠܕܗ ܕܝܢ ܕܝܫܘܥ ܡܫܝܚܐ ܗܟܢܐ ܗܘܐ ܟܕ ܡܟܝܪܐ ܗܘܬ ܡܪܝܡ ܐܡܗ ܠܝܘܤܦ ܥܕܠܐ ܢܫܬܘܬܦܘܢ ܐܫܬܟܚܬ ܒܛܢܐ ܡܢ ܪܘܚܐ ܕܩܘܕܫܐ ܀
19Zvino Josefa murume wavo zvaakange ari wakarurama, asingadi kuvafumura, waida kuvaramba muchivande.
19ܝܘܤܦ ܕܝܢ ܒܥܠܗ ܟܐܢܐ ܗܘܐ ܘܠܐ ܨܒܐ ܕܢܦܪܤܝܗ ܘܐܬܪܥܝ ܗܘܐ ܕܡܛܫܝܐܝܬ ܢܫܪܝܗ ܀
20Asi zvino wakati acharangarira zvinhu izvozvi, tarira, mutumwa waIshe akaonekwa kwaari muchiroto achiti: Josefa, mwanakomana waDhavhidhi, usatya kuzvitorera Maria mukadzi wako; nekuti icho chakaumbwa maari ndecheMweya Mutsvene.
20ܟܕ ܗܠܝܢ ܕܝܢ ܐܬܪܥܝ ܐܬܚܙܝ ܠܗ ܡܠܐܟܐ ܕܡܪܝܐ ܒܚܠܡܐ ܘܐܡܪ ܠܗ ܝܘܤܦ ܒܪܗ ܕܕܘܝܕ ܠܐ ܬܕܚܠ ܠܡܤܒ ܠܡܪܝܡ ܐܢܬܬܟ ܗܘ ܓܝܪ ܕܐܬܝܠܕ ܒܗ ܡܢ ܪܘܚܐ ܗܘ ܕܩܘܕܫܐ ܀
21Uye uchabereka Mwanakomana, uye uchazotumidza zita rake Jesu, nekuti iye uchaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.
21ܬܐܠܕ ܕܝܢ ܒܪܐ ܘܬܩܪܐ ܫܡܗ ܝܫܘܥ ܗܘ ܓܝܪ ܢܚܝܘܗܝ ܠܥܡܗ ܡܢ ܚܛܗܝܗܘܢ ܀
22Zvino zvose izvozvi zvakaitwa kuti zvizadziswe zvakarehwa naIshe nemuporofita achiti:
22ܗܕܐ ܕܝܢ ܟܠܗ ܕܗܘܬ ܕܢܬܡܠܐ ܡܕܡ ܕܐܬܐܡܪ ܡܢ ܡܪܝܐ ܒܝܕ ܢܒܝܐ ܀
23Tarira, mhandara ichava nemimba, igozvara Mwanakomana, vachatumidza zita rake Emanueri, ndokuti kana zvichishandurwa, Mwari unesu.
23ܕܗܐ ܒܬܘܠܬܐ ܬܒܛܢ ܘܬܐܠܕ ܒܪܐ ܘܢܩܪܘܢ ܫܡܗ ܥܡܢܘܐܝܠ ܕܡܬܬܪܓܡ ܥܡܢ ܐܠܗܢ ܀
24Zvino Josefa amuka pahope akaita sezvakamuraira mutumwa waIshe, akazvitorera mukadzi wake;
24ܟܕ ܩܡ ܕܝܢ ܝܘܤܦ ܡܢ ܫܢܬܗ ܥܒܕ ܐܝܟܢܐ ܕܦܩܕ ܠܗ ܡܠܐܟܗ ܕܡܪܝܐ ܘܕܒܪܗ ܠܐܢܬܬܗ ܀
25uye haana kumuziva kusvikira azvara Mwanakomana wake wedangwe; akatumidza zita rake JESU.
25ܘܠܐ ܚܟܡܗ ܥܕܡܐ ܕܝܠܕܬܗ ܠܒܪܗ ܒܘܟܪܐ ܘܩܪܬ ܫܡܗ ܝܫܘܥ ܀