1Akabva apinda mugwa, akayambuka ndokusvika muguta rake pachake.
1ܘܤܠܩ ܠܐܠܦܐ ܘܥܒܪ ܐܬܐ ܠܡܕܝܢܬܗ ܀
2Zvino tarira, vakauyisa kwaari wakange akafa mitezo, avete pauchanja; zvino Jesu achiona rutendo rwavo akati kune wakange akafa mitezo: Tsunga moyo, mwana, wakangamwirwa zvivi zvako.
2ܘܩܪܒܘ ܠܗ ܡܫܪܝܐ ܟܕ ܪܡܐ ܒܥܪܤܐ ܘܚܙܐ ܝܫܘܥ ܗܝܡܢܘܬܗܘܢ ܘܐܡܪ ܠܗܘ ܡܫܪܝܐ ܐܬܠܒܒ ܒܪܝ ܫܒܝܩܝܢ ܠܟ ܚܛܗܝܟ ܀
3Zvino tarira, vamwe vevanyori vakati mukati mavo: Uyu unonyomba.
3ܐܢܫܐ ܕܝܢ ܡܢ ܤܦܪܐ ܐܡܪܘ ܒܢܦܫܗܘܢ ܗܢܐ ܡܓܕܦ ܀
4Asi Jesu achiona mifungo yavo wakati: Munofungirei zvakaipa mumoyo yenyu?
4ܝܫܘܥ ܕܝܢ ܝܕܥ ܡܚܫܒܬܗܘܢ ܘܐܡܪ ܠܗܘܢ ܡܢܐ ܡܬܚܫܒܝܢ ܐܢܬܘܢ ܒܝܫܬܐ ܒܠܒܟܘܢ ܀
5Nekuti ndechipi chakareruka, kuti: Wakangamwirwa zvivi zvako; kana kuti: Simuka ufambe?
5ܡܢܐ ܓܝܪ ܦܫܝܩ ܠܡܐܡܪ ܕܫܒܝܩܝܢ ܠܟ ܚܛܗܝܟ ܐܘ ܠܡܐܡܪ ܩܘܡ ܗܠܟ ܀
6Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu une simba panyika rekukangamwira zvivi (wakabva ati kune wakange akafa mitezo): Simuka, tora uchanja hwako, uende kumba kwako.
6ܕܬܕܥܘܢ ܕܝܢ ܕܫܘܠܛܢܐ ܐܝܬ ܠܒܪܗ ܕܐܢܫܐ ܒܐܪܥܐ ܠܡܫܒܩ ܚܛܗܐ ܐܡܪ ܠܗܘ ܡܫܪܝܐ ܩܘܡ ܫܩܘܠ ܥܪܤܟ ܘܙܠ ܠܒܝܬܟ ܀
7Akasimuka, akaenda kumba kwake.
7ܘܩܡ ܐܙܠ ܠܒܝܬܗ ܀
8Zvaunga zvakati zvichizviona zvikashamisika, zvikarumbidza Mwari, wakapa simba rakadai kuvanhu.
8ܟܕ ܚܙܘ ܕܝܢ ܟܢܫܐ ܗܢܘܢ ܕܚܠܘ ܘܫܒܚܘ ܠܐܠܗܐ ܕܝܗܒ ܫܘܠܛܢܐ ܕܐܝܟ ܗܢܐ ܠܒܢܝܢܫܐ ܀
9Zvino Jesu wakati achipfuurapo akaona munhu unonzi Matewu agere pahofisi yemutero, akati kwaari: Nditevere! Ndokusimuka, akamutevera.
9ܘܟܕ ܥܒܪ ܝܫܘܥ ܡܢ ܬܡܢ ܚܙܐ ܓܒܪܐ ܕܝܬܒ ܒܝܬ ܡܟܤܐ ܕܫܡܗ ܡܬܝ ܘܐܡܪ ܠܗ ܬܐ ܒܬܪܝ ܘܩܡ ܐܙܠ ܒܬܪܗ ܀
10Zvino zvakaitika agere pakudya mumba, tarira, vateresi vazhinji nevatadzi vakauya vakagara pakudya naJesu nevadzidzi vake.
10ܘܟܕ ܤܡܝܟܝܢ ܒܒܝܬܐ ܐܬܘ ܡܟܤܐ ܘܚܛܝܐ ܤܓܝܐܐ ܐܤܬܡܟܘ ܥܡ ܝܫܘܥ ܘܥܡ ܬܠܡܝܕܘܗܝ ܀
11Zvino vaFarisi vakati vachizviona, vakati kuvadzidzi vake: Nemhaka yei mudzidzisi wenyu achidya nevateresi nevatadzi?
11ܘܟܕ ܚܙܘ ܦܪܝܫܐ ܐܡܪܝܢ ܠܬܠܡܝܕܘܗܝ ܠܡܢܐ ܥܡ ܡܟܤܐ ܘܚܛܝܐ ܠܥܤ ܪܒܟܘܢ ܀
12Asi Jesu wakati anzwa, akati kwavari: Vakagwinya havadi murapi asi vanorwara.
12ܝܫܘܥ ܕܝܢ ܟܕ ܫܡܥ ܐܡܪ ܠܗܘܢ ܠܐ ܤܢܝܩܝܢ ܚܠܝܡܐ ܥܠ ܐܤܝܐ ܐܠܐ ܐܝܠܝܢ ܕܒܝܫܐܝܬ ܥܒܝܕܝܢ ܀
13Asi endai mudzidze kuti zvinorevei kuti: Ndinoda tsitsi uye kwete chibayiro; nekuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi vauye mukutendeuka.
13ܙܠܘ ܝܠܦܘ ܡܢܘ ܚܢܢܐ ܒܥܐ ܐܢܐ ܘܠܐ ܕܒܚܬܐ ܠܐ ܓܝܪ ܐܬܝܬ ܕܐܩܪܐ ܠܙܕܝܩܐ ܐܠܐ ܠܚܛܝܐ ܀
14Ipapo kwakasvika kwaari vadzidzi vaJohwani, vachiti: Nemhaka yei isu nevaFarisi tichitsanya kazhinji, asi vadzidzi venyu vasingatsanyi?
14ܗܝܕܝܢ ܩܪܒܘ ܠܗ ܬܠܡܝܕܘܗܝ ܕܝܘܚܢܢ ܘܐܡܪܝܢ ܠܡܢܐ ܚܢܢ ܘܦܪܝܫܐ ܨܝܡܝܢ ܚܢܢ ܤܓܝ ܘܬܠܡܝܕܝܟ ܠܐ ܨܝܡܝܢ ܀
15Jesu ndokuti kwavari: Vana veimba yemuchato vangachema here apo muwani anavo? Asi mazuva achasvika achabviswa muwani kwavari, ipapo vachatsanya.
15ܐܡܪ ܠܗܘܢ ܝܫܘܥ ܕܠܡܐ ܡܫܟܚܝܢ ܒܢܘܗܝ ܕܓܢܘܢܐ ܠܡܨܡ ܟܡܐ ܕܚܬܢܐ ܥܡܗܘܢ ܐܬܝܢ ܕܝܢ ܝܘܡܬܐ ܟܕ ܢܫܬܩܠ ܡܢܗܘܢ ܚܬܢܐ ܘܗܝܕܝܢ ܢܨܘܡܘܢ ܀
16Hakuna unoisa chigamba chemucheka usakaunyana panguvo sharu, nekuti icho chinonamirwa pairi chinobvarura panguvo, buri rikanyanya.
16ܠܐ ܐܢܫ ܪܡܐ ܐܘܪܩܥܬܐ ܚܕܬܐ ܥܠ ܢܚܬܐ ܒܠܝܐ ܕܠܐ ܬܬܘܦ ܡܠܝܘܬܗ ܡܢ ܗܘ ܢܚܬܐ ܘܢܗܘܐ ܒܙܥܐ ܝܬܝܪܐ ܀
17Uye havadiri waini itsva muhombodo tsaru; zvikasadaro hombodo dzinoputika, waini ikateuka, nehombodo dzikaparara; asi vanodira waini itsva muhombodo itsva, zvichengeteke zviri zviviri.
17ܘܠܐ ܪܡܝܢ ܚܡܪܐ ܚܕܬܐ ܒܙܩܐ ܒܠܝܬܐ ܕܠܐ ܡܨܛܪܝܢ ܙܩܐ ܘܚܡܪܐ ܡܬܐܫܕ ܘܙܩܐ ܐܒܕܢ ܐܠܐ ܪܡܝܢ ܚܡܪܐ ܚܕܬܐ ܒܙܩܐ ܚܕܬܬܐ ܘܬܪܝܗܘܢ ܡܬܢܛܪܝܢ ܀
18Wakati achitaura zvinhu izvozvi kwavari, tarira, kwakasvika umwe mutungamiriri akamufugamira, akati: Mukunda wangu uchangofa; asi uyai muise ruoko rwenyu pamusoro pake, uye uchararama.
18ܟܕ ܕܝܢ ܗܠܝܢ ܡܡܠܠ ܗܘܐ ܥܡܗܘܢ ܐܬܐ ܐܪܟܘܢܐ ܚܕ ܩܪܒ ܤܓܕ ܠܗ ܘܐܡܪ ܒܪܬܝ ܗܫܐ ܡܝܬܬ ܐܠܐ ܬܐ ܤܝܡ ܐܝܕܟ ܥܠܝܗ ܘܬܚܐ ܀
19Jesu ndokusimuka akamutevera, nevadzidzi vake.
19ܘܩܡ ܝܫܘܥ ܘܬܠܡܝܕܘܗܝ ܘܐܙܠܘ ܒܬܪܗ ܀
20Zvino, tarira, mukadzi waiva nekubuda ropa makore gumi nemaviri, wakaswedera shure kwake, akabata mupendero wenguvo yake.
20ܘܗܐ ܐܢܬܬܐ ܕܪܕܐ ܗܘܐ ܕܡܗ ܫܢܝܢ ܬܪܬܥܤܪܐ ܐܬܬ ܡܢ ܒܤܬܪܗ ܘܩܪܒܬ ܠܩܪܢܐ ܕܠܒܘܫܗ ܀
21Nekuti wakati mukati make: Kana ndikangobata nguvo yake, ndichaporeswa.
21ܐܡܪܐ ܗܘܬ ܓܝܪ ܒܢܦܫܗ ܐܦܢ ܒܠܚܘܕ ܠܡܐܢܗ ܩܪܒܐ ܐܢܐ ܡܬܐܤܝܐ ܐܢܐ ܀
22Asi Jesu wakatendeuka akati amuona, akati: Mukunda, tsunga moyo; rutendo rwako rwakuponesa. Mukadzi ndokuponeswa kubva panguva iyo.
22ܝܫܘܥ ܕܝܢ ܐܬܦܢܝ ܚܙܗ ܘܐܡܪ ܠܗ ܐܬܠܒܒܝ ܒܪܬܝ ܗܝܡܢܘܬܟܝ ܐܚܝܬܟܝ ܘܐܬܐܤܝܬ ܐܢܬܬܐ ܗܝ ܡܢ ܗܝ ܫܥܬܐ ܀
23Jesu ndokusvika mumba memutungamiriri akaona varidzi venyere nechaunga chichiita nyonga-nyonga,
23ܘܐܬܐ ܝܫܘܥ ܠܒܝܬܗ ܕܐܪܟܘܢܐ ܘܚܙܐ ܙܡܪܐ ܘܟܢܫܐ ܕܡܫܬܓܫܝܢ ܀
24akati kwavari: Ibvai; nekuti musikana haana kufa, asi uvete. Ndokumuseka vachimusvabaidza.
24ܘܐܡܪ ܠܗܘܢ ܦܪܘܩܘ ܠܟܘܢ ܛܠܝܬܐ ܓܝܪ ܠܐ ܡܝܬܬ ܐܠܐ ܕܡܟܐ ܗܝ ܘܓܚܟܝܢ ܗܘܘ ܥܠܘܗܝ ܀
25Asi chaunga chakati chabudiswa, akapinda, ndokubata ruoko rwake, musikana ndokumuka.
25ܘܟܕ ܐܦܩ ܠܟܢܫܐ ܥܠ ܐܚܕܗ ܒܐܝܕܗ ܘܩܡܬ ܛܠܝܬܐ ܀
26Mukurumbira uyu ukabudira kunyika iyo yose.
26ܘܢܦܩ ܛܒܐ ܗܢܐ ܒܟܠܗ ܐܪܥܐ ܗܝ ܀
27Zvino Jesu wakati opfuurapo, mapofu maviri akamutevera, achidanidzira achiti: Tinzwirei tsitsi, Mwanakomana waDhavhidhi!
27ܘܟܕ ܥܒܪ ܝܫܘܥ ܡܢ ܬܡܢ ܕܒܩܘܗܝ ܤܡܝܐ ܬܪܝܢ ܕܩܥܝܢ ܘܐܡܪܝܢ ܐܬܪܚܡ ܥܠܝܢ ܒܪܗ ܕܕܘܝܕ ܀
28Zvino wakati apinda mumba, mapofu akauya kwaari; Jesu akati kwaari: Munotenda kuti ndinogona kuita izvozvi here? Akati kwaari: Hongu, Ishe.
28ܘܟܕ ܐܬܐ ܠܒܝܬܐ ܩܪܒܘ ܠܗ ܗܢܘܢ ܤܡܝܐ ܐܡܪ ܠܗܘܢ ܝܫܘܥ ܡܗܝܡܢܝܢ ܐܢܬܘܢ ܕܡܫܟܚ ܐܢܐ ܗܕܐ ܠܡܥܒܕ ܐܡܪܝܢ ܠܗ ܐܝܢ ܡܪܢ ܀
29Ipapo wakabata meso avo achiti: Ngazviitike kwamuri maererano nerutendo rwenyu.
29ܗܝܕܝܢ ܩܪܒ ܠܥܝܢܝܗܘܢ ܘܐܡܪ ܐܝܟܢܐ ܕܗܝܡܢܬܘܢ ܢܗܘܐ ܠܟܘܢ ܀
30Zvino meso avo akasvinudzwa; Jesu akavarairisa achiti: Onai kuti hakuna unozviziva.
30ܘܡܚܕܐ ܐܬܦܬܚ ܥܝܢܝܗܘܢ ܘܟܐܐ ܒܗܘܢ ܝܫܘܥ ܘܐܡܪ ܚܙܘ ܠܐ ܐܢܫ ܢܕܥ ܀
31Asi vakati vabuda, vakaparidzira mukurumbira wake munyika iyo yose.
31ܗܢܘܢ ܕܝܢ ܢܦܩܘ ܐܛܒܘܗܝ ܒܟܠܗ ܐܪܥܐ ܗܝ ܀
32Zvino vakati vachibuda, tarira, vakauyisa kwaari munhu chimumumu waiva nedhimoni.
32ܘܟܕ ܢܦܩ ܝܫܘܥ ܩܪܒܘ ܠܗ ܚܪܫܐ ܕܐܝܬ ܥܠܘܗܝ ܕܝܘܐ ܀
33Zvino dhimoni rakati rabudiswa, chimumumu chikataura; zvaunga zvikashamisika zvikati: Hakuna kumboonekwa zvakadai muna Israeri.
33ܘܡܢ ܕܢܦܩ ܕܝܘܐ ܡܠܠ ܗܘ ܚܪܫܐ ܘܐܬܕܡܪܘ ܟܢܫܐ ܘܐܡܪܝܢ ܠܐ ܡܬܘܡ ܐܬܚܙܝ ܗܟܢܐ ܒܐܝܤܪܐܝܠ ܀
34Asi vaFarisi vakati: Unobudisa madhimoni nemukuru wemadhimoni.
34ܦܪܝܫܐ ܕܝܢ ܐܡܪܝܢ ܗܘܘ ܒܪܫܐ ܕܕܝܘܐ ܡܦܩ ܕܝܘܐ ܀
35Zvino Jesu wakapota nemaguta ose nemisha, achidzidzisa mumasinagoge avo, nekuparidza evhangeri yeushe, nekuporesa matenda ose neurwere hwoga hwoga pakati pevanhu.
35ܘܡܬܟܪܟ ܗܘܐ ܝܫܘܥ ܒܡܕܝܢܬܐ ܟܠܗܝܢ ܘܒܩܘܪܝܐ ܘܡܠܦ ܗܘܐ ܒܟܢܘܫܬܗܘܢ ܘܡܟܪܙ ܤܒܪܬܐ ܕܡܠܟܘܬܐ ܘܡܐܤܐ ܟܠ ܟܘܪܗܢܝܢ ܘܟܠ ܟܐܒܝܢ ܀
36Asi wakati achiona zvaunga, akavanzwira tsitsi, nekuti vakange vaneta, vakapararira semakwai asina mufudzi.
36ܟܕ ܚܙܐ ܕܝܢ ܝܫܘܥ ܠܟܢܫܐ ܐܬܪܚܡ ܥܠܝܗܘܢ ܕܠܐܝܢ ܗܘܘ ܘܫܪܝܢ ܐܝܟ ܥܪܒܐ ܕܠܝܬ ܠܗܘܢ ܪܥܝܐ ܀
37Ipapo akati kuvadzidzi vake: Zvirokwazvo mukoho mukuru, asi vashandi vashoma;
37ܘܐܡܪ ܠܬܠܡܝܕܘܗܝ ܚܨܕܐ ܤܓܝ ܘܦܥܠܐ ܙܥܘܪܝܢ ܀ 38 ܒܥܘ ܗܟܝܠ ܡܢ ܡܪܐ ܚܨܕܐ ܕܢܦܩ ܦܥܠܐ ܠܚܨܕܗ ܀
38naizvozvo kumbirisai kuna Ishe wemukoho, kuti atumire vabati pamukoho wake.
38