Shona

Syriac: NT

Numbers

9

1Zvino Jehovha wakataura naMozisi murenje reSinai pamwedzi wokutanga wegore rechipiri rokubuda kwavo panyika yeEgipita akati,
2Vana vaIsiraeri vanofanira kutamba Pasika panguva yayo yakatarwa.
3Nezuva regumi namana romwedzi uno, madekwana, munofanira kuitamba panguva yayo yakatarwa; munofanira kuitamba muchiteerera mitemo yayo yose nemirairo yayo yose.
4Ipapo Mozisi akataura navana vaIsiraeri, kuti vatambe Pasika.
5Ivo vakatamba Pasika nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namana romwedzi, madekwana, murenje reSinai zvese sezvakarairwa Mozisi naJehovha, ndizvo zvakaita vana vaIsiraeri.
6Zvino kwakanga kuna vamwe varume vakanga vasina kunaka nokuda kwechitunha chomunhu, naizvozvo vakanga vasingagoni kudya Pasika nomusi iwoyo; naizvozvo vakauya kuna Mozisi naAroni nomusi iwoyo;
7varume ava vakati kwaari, Hatina kunaka nokuda kwechitunha chomunhu; tingadziviswa seiko kupa chipo chaJehovha nenguva yacho yakatarwa pakati pavana vaIsiraeri?
8Mozisi akati kwavari, Mirai, ndinzwe zvinorairwa naJehovha pamusoro penyu.
9Jehovha akataura naMozisi akati,
10Taura navana vaIsiraeri, uti, Kana mumwe wenyu, kana wavana venyu, achinge ava usina kunaka nokuda kwechitunha, kana zvimwe ari kurwendo ruri kure, kunyange zvakadaro anofanira kutamba Pasika yaJehovha.
11Ivo vanofanira kuidya nomwedzi wechipiri, nezuva regumi namana, madekwana; vanofanira kuidya nechingwa chisina kuviriswa nemiriwo inovava.
12Havafaniri kusiya zvimwe kusvikira mangwana, kana kuvhuna pfupa rimwe rayo, asi vanofanira kuitamba vachiteerera mitemo yose yePasika.
13Asi kana munhu akanaka hake, asati ari parwendo, akasadya Pasika, munhu iyeye unofanira kubviswa pakati porudzi rwake; zvaasina kupa chipo chaJehovha panguva yakatarwa, munhu uyo uchava nezvivi zvake.
14Kana ari mutorwa ugere nemi, akada kudya Pasika yaJehovha, anofanira kuidya achiteerera mutemo wePasika, nomurayiro wayo; munofanira kuva nomutemo mumwe, womutorwa nomunhu wakaberekerwa munyika.
15Nomusi wokumiswa kwetabhenakeri, gore rakafukidza tabhenakeri, iro tende rechipupuriro; madekwana rakanga riri pamusoro petabhenakeri rakaita somoto kusvikira mangwana.
16Zvakanga zvakadaro nguva dzose; gore rakaifukidza, asi usiku rakanga rakaita somoto.
17Zvino nguva dzose kana gore richisimudzwa pamusoro petende, shure kwaizvozvo vana valsiraeri vaifamba; paindomira gore, ipapo vana vaIsiraeri vaidzika matende avo;
18sezvavairairwa naJehovha, vana vaIsiraeri vaifamba, sezvavairairwa naJehovha vaidzika matende avo; nguva yose kana gore rimire pamusoro petabhenakeri, ivo vairambira mumatende avo.
19Kana gore richirambira pamusoro petabhenakeri mazuva mazhinji,vana vaIsiraeri vaichengeta zvavakanga varairwa naJehovha, vakasafamba.
20Dzimwe nguva gore raigara pamusoro petabhenakeri mazuva mashomanene; zvino sezvairaira Jehovha vairamba vagere pamatende avo, uye sezvairaira Jehovha vaifamba.
21Dzimwe nguva gore raivapo kubva madeko kusvikira mangwana; zvino kana gore richisimudzwa mangwana, vaifamba; kana masikati kana usiku, kana gore richisimudzwa, vaifamba.
22Kana gore rikaramba riri pamusoro payo, vana vaIsiraeri vairamba vagere mumatende avo, vasingafambi; asi kana rasimudzwa, vaifamba.
23Sezvavairairwa naJehovha, vaidzika matende avo; sezvavairairwa naJehovha, vaifamba; vaichengeta zvavakanga varairwa naJehovha, sezvakarairwa Jehovha nomuromo waMozisi.