1Chakazarurwa chaJesu Kristu, Mwari chaakapa kwaari, kuti aratidze kuvaranda vake zvinhu izvo zvinofanira kukurumidza kuitika, akazvituma nemutumwa wake, ndokuratidza muranda wake Johwani,
1ܓܠܝܢܐ ܕܝܫܘܥ ܡܫܝܚܐ ܕܝܗܒ ܠܗ ܐܠܗܐ ܠܡܚܘܝܘ ܠܥܒܕܘܗܝ ܡܐ ܕܝܗܝܒ ܠܡܗܘܐ ܒܥܓܠ ܘܫܘܕܥ ܟܕ ܫܠܚ ܒܝܕ ܡܠܐܟܗ ܠܥܒܕܗ ܝܘܚܢܢ ܀
2wakapupura shoko raMwari, neuchapupu hwaJesu Kristu, nezvinhu zvose zvaakaona.
2ܗܘ ܕܐܤܗܕ ܠܡܠܬܐ ܕܐܠܗܐ ܘܠܤܗܕܘܬܗ ܕܝܫܘܥ ܡܫܝܚܐ ܟܠ ܡܐ ܕܚܙܐ ܀
3Wakaropafadzwa uyo unoverenga, neavo vanonzwa mashoko echiporofita ichi vachichengeta zvinhu izvo zvakanyorwa mazviri, nekuti nguva yava pedo.
3ܛܘܒܘܗܝ ܠܡܢ ܕܩܪܐ ܘܠܐܝܠܝܢ ܕܫܡܥܝܢ ܡܠܐ ܕܢܒܝܘܬܐ ܗܕܐ ܘܢܛܪܝܢ ܐܝܠܝܢ ܕܟܬܝܒܢ ܒܗ ܙܒܢܐ ܓܝܪ ܩܪܒ ܀
4Johwani; kukereke nomwe dziri paAsia: Nyasha kwamuri, nerugare zvinobva kuna iye uripo, uye wakange aripo, neuchazouya; nekumweya minomwe iri pamberi pechigaro chake cheushe;
4ܝܘܚܢܢ ܠܫܒܥ ܥܕܬܐ ܕܒܐܤܝܐ ܛܝܒܘܬܐ ܠܟܘܢ ܘܫܠܡܐ ܡܢ ܗܘ ܕܐܝܬܘܗܝ ܘܐܝܬܘܗܝ ܗܘܐ ܘܐܬܐ ܘܡܢ ܫܒܥ ܪܘܚܐ ܐܝܠܝܢ ܕܩܕܡ ܟܘܪܤܝܗ ܀
5nekuna Jesu Kristu, chapupu chakatendeka, dangwe revakafa, mutungamiriri wemadzishe enyika. Kuna iye wakatida akatisuka kubva pazvivi zvedu muropa rake;
5ܘܡܢ ܝܫܘܥ ܡܫܝܚܐ ܤܗܕܐ ܡܗܝܡܢܐ ܒܘܟܪܐ ܕܡܝܬܐ ܘܪܫܐ ܕܡܠܟܐ ܕܐܪܥܐ ܗܘ ܕܡܚܒ ܠܢ ܘܫܪܐ ܠܢ ܡܢ ܚܛܗܝܢ ܒܕܡܗ ܀
6akatiita madzimambo nevapristi kuna Mwari naBaba vake, kwaari ngakuve kubwinya nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
6ܘܥܒܕ ܠܢ ܡܠܟܘܬܐ ܟܗܢܝܬܐ ܠܐܠܗܐ ܘܐܒܘܗܝ ܘܠܗ ܬܫܒܘܚܬܐ ܘܐܘܚܕܢܐ ܠܥܠܡ ܥܠܡܝܢ ܐܡܝܢ ܀
7Tarira, unouya pamwe nemakore, uye ziso rose richamuona, naivo vakamubaya; nemarudzi ose enyika achachema nekuda kwake. Hongu. Ameni.
7ܗܐ ܐܬܐ ܥܡ ܥܢܢܐ ܘܢܚܙܝܢܝܗܝ ܟܠ ܥܝܢܐ ܘܐܦ ܐܝܠܝܢ ܕܕܩܪܘܗܝ ܘܢܪܩܕܢ ܥܠܘܗܝ ܟܠ ܫܪܒܬܐ ܕܐܪܥܐ ܐܝܢ ܘܐܡܝܢ ܀
8Ini ndini Arifa naOmega, kutanga nekuguma, ndizvo zvinoreva Ishe, uripo, wakange aripo, neuchazouya, Wemasimbaose.
8ܐܢܐ ܐܠܦ ܘܬܘ ܐܡܪ ܡܪܝܐ ܐܠܗܐ ܗܘ ܕܐܝܬܘܗܝ ܘܐܝܬܘܗܝ ܗܘܐ ܘܐܬܐ ܗܘ ܕܐܚܝܕ ܟܠ ܀
9Ini Johwani ndiri hama yenyuwo, uye mufambidzani pakutambudzika, nemuushe, nekutsungirira kwaJesu Kristu, ndakange ndiri pachiwi chinonzi Patimosi nekuda kweshoko raMwari nekweuchapupu hwaJesu Kristu.
9ܐܢܐ ܝܘܚܢܢ ܗܘ ܐܚܘܟܘܢ ܘܒܪ ܫܘܬܦܟܘܢ ܒܐܘܠܨܢܐ ܘܒܡܤܝܒܪܢܘܬܐ ܕܒܝܫܘܥ ܗܘܝܬ ܒܓܙܪܬܐ ܕܡܬܩܪܝܐ ܦܛܡܘܤ ܡܛܠ ܡܠܬܐ ܕܐܠܗܐ ܘܡܛܠ ܤܗܕܘܬܐ ܕܝܫܘܥ ܡܫܝܚܐ ܀
10Ndakange ndiri muMweya nezuva raIshe, ndikanzwa shure kwangu inzwi guru, serinenge rehwamanda,
10ܘܗܘܝܬ ܒܪܘܚ ܒܝܘܡܐ ܕܚܕܒܫܒܐ ܘܫܡܥܬ ܡܢ ܒܤܬܪܝ ܩܠܐ ܪܒܐ ܐܝܟ ܫܝܦܘܪܐ ܀
11richiti: Ndini Arifa naOmega kutanga nekupedzisira; nekuti: Zvaunoona, nyora mubhuku utumire kukereke nomwe, dziri muAsia, paEfeso, nepaSimina, nepaPegamo, nepaTiatira, nepaSadhisi, nepaFiradhefia, nepaRaodhikia.
11ܕܐܡܪ ܐܝܠܝܢ ܕܚܙܝܬ ܟܬܘܒ ܒܟܬܒܐ ܘܫܕܪ ܠܫܒܥ ܥܕܬܐ ܠܐܦܤܘܤ ܘܠܙܡܘܪܢܐ ܘܠܦܪܓܡܘܤ ܘܠܬܐܘܛܝܪܐ ܘܠܤܪܕܝܤ ܘܠܦܝܠܕܠܦܝܐ ܘܠܠܕܝܩܝܐ ܀
12Ndikatendeuka kuona inzwi rakataura neni. Zvino ndatendeuka ndakaona zvigadziko zvemwenje zvendarama zvinomwe;
12ܘܗܦܟܬ ܠܡܕܥ ܩܠܐ ܐܝܢܐ ܕܡܠܠ ܥܡܝ ܘܟܕ ܥܛܦܬ ܚܙܝܬ ܫܒܥ ܡܢܪܢ ܕܕܗܒܐ ܀
13nepakati pezvigadziko zvemwenje, mumwe wakaita seMwanakomana wemunhu, akafuka nguvo yakasvikira kutsoka, akazvisunga kupoteredza chifuva nebhanhire rendarama.
13ܘܒܡܨܥܬܐ ܕܡܢܪܬܐ ܐܝܟ ܕܡܘܬܐ ܕܒܪܢܫܐ ܘܠܒܝܫ ܐܦܘܕܐ ܘܐܤܝܪ ܨܝܕ ܬܕܘܗܝ ܐܤܪܐ ܕܕܗܒܐ ܀
14Musoro wake nemavhudzi zvakanga zvakachena semakushe amakwai, semagada echando; uye meso ake semurazvo wemoto;
14ܪܫܗ ܕܝܢ ܘܤܥܪܗ ܚܘܪ ܐܝܟ ܥܡܪܐ ܘܐܝܟ ܬܠܓܐ ܘܥܝܢܘܗܝ ܐܝܟ ܫܠܗܒܝܬܐ ܕܢܘܪܐ ܀
15uye tsoka dzake dzakafanana nendarira inopenya, sedzinenge dzakapiswa muvira; neinzwi rake senzwi remvura zhinji.
15ܘܪܓܠܘܗܝ ܒܕܡܘܬܐ ܕܢܚܫܐ ܠܒܢܝܐ ܕܡܚܡ ܒܐܬܘܢܐ ܘܩܠܗ ܐܝܟ ܩܠܐ ܕܡܝܐ ܤܓܝܐܐ ܀
16Uye wakange ane muruoko rwake rwerudyi nyeredzi nomwe; zvino mumuromo make makabuda munondo unopinza unocheka mativi maviri; uye chiso chake chaiva sezuva rinopenya musimba raro.
16ܘܐܝܬ ܠܗ ܒܐܝܕܗ ܕܝܡܝܢܐ ܫܒܥܐ ܟܘܟܒܝܢ ܘܡܢ ܦܘܡܗ ܢܦܩܐ ܪܘܡܚܐ ܚܪܝܦܬܐ ܘܚܙܬܗ ܐܝܟ ܫܡܫܐ ܡܚܘܝܐ ܒܚܝܠܗ ܀
17Zvino ndakati ndichimuona, ndakawira patsoka dzake sewakafa; akaisa ruoko rwake rwerudyi pamusoro pangu achiti kwandiri: Usatya, ndini wekutanga newekupedzisira.
17ܘܟܕ ܚܙܝܬܗ ܢܦܠܬ ܥܠ ܪܓܠܘܗܝ ܐܝܟ ܡܝܬܐ ܘܤܡ ܥܠܝ ܐܝܕܗ ܕܝܡܝܢܐ ܠܡܐܡܪ ܠܐ ܬܕܚܠ ܕܐܢܐ ܐܝܬܝ ܩܕܡܝܐ ܘܐܚܪܝܐ ܀
18naiye mupenyu; uye ndakange ndakafa, zvino tarira, ndiri mupenyu kusvikira rinhi narinhi. Ameni. Uye ndine kiyi dzegehena nedzerufu.
18ܘܕܚܝ ܘܕܡܝܬܐ ܗܘܝܬ ܘܗܐ ܚܝܐ ܐܝܬܝ ܠܥܠܡ ܥܠܡܝܢ ܐܡܝܢ ܘܐܝܬ ܠܝ ܩܠܝܕܐ ܕܡܘܬܐ ܘܕܫܝܘܠ ܀
19Nyora zvinhu zvawaona, nezvinhu zviripo, nezvinhu zvichazovapo shure kwaizvozvi.
19ܟܬܘܒ ܗܟܝܠ ܡܐ ܕܚܙܝܬ ܘܐܝܠܝܢ ܕܐܝܬܝܗܝܢ ܘܥܬܝܕܢ ܠܡܗܘܐ ܒܬܪ ܗܠܝܢ ܀
20Chakavanzika chenyeredzi nomwe dzawaona muruoko rwangu rwerudyi, nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama. Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vekereke nomwe; nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvawaona ndidzo kereke nomwe.
20ܐܪܙܐ ܕܫܒܥܐ ܟܘܟܒܝܢ ܐܝܠܝܢ ܕܚܙܝܬ ܥܠ ܝܡܝܢܝ ܘܫܒܥ ܡܢܪܬܐ ܫܒܥܐ ܟܘܟܒܝܢ ܡܠܐܟܐ ܕܫܒܥ ܥܕܬܐ ܐܝܬܝܗܘܢ ܘܡܢܪܬܐ ܫܒܥ ܕܕܗܒܐ ܐܝܠܝܢ ܕܚܙܝܬ ܫܒܥ ܐܢܝܢ ܥܕܬܐ ܀