Shona

Syriac: NT

Revelation

16

1Zvino ndakanzwa inzwi guru richibva mutembere richiti kuvatumwa vanomwe: Endai munodurura ndiro nomwe dzehasha dzaMwari panyika.
1ܘܫܡܥܬ ܩܠܐ ܪܒܐ ܡܢ ܗܝܟܠܐ ܕܐܡܪ ܠܫܒܥܐ ܡܠܐܟܝܢ ܙܠܘ ܘܐܫܘܕܘ ܫܒܥ ܙܒܘܪܝܢ ܕܚܡܬܗ ܕܐܠܗܐ ܥܠ ܐܪܥܐ ܀
2Zvino wekutanga wakaenda, akadurura ndiro yake panyika; neronda rakaipa rinorwadza rikawira pavanhu vakange vane mucherechedzo wechikara nevakanamata mufananidzo wacho.
2ܘܐܙܠ ܩܕܡܝܐ ܘܐܫܕ ܙܒܘܪܗ ܥܠ ܐܪܥܐ ܘܗܘܐ ܫܘܚܢܐ ܒܝܫܐ ܘܟܐܒܢܐ ܥܠ ܐܢܫܐ ܕܐܝܬ ܠܗܘܢ ܪܘܫܡܐ ܕܚܝܘܬܐ ܘܐܝܠܝܢ ܕܤܓܕܝܢ ܠܨܠܡܗ ܀
3Zvino mutumwa wechipiri akadurura ndiro yake pamusoro pegungwa; rikava seropa rewakafa; mweya mupenyu woga woga ukafa mugungwa.
3ܘܡܠܐܟܐ ܕܬܪܝܢ ܐܫܕ ܙܒܘܪܗ ܒܝܡܐ ܘܗܘܐ ܝܡܐ ܐܝܟ ܡܝܬܐ ܘܟܠ ܢܦܫܐ ܚܝܬܐ ܡܝܬܬ ܒܝܡܐ ܀
4Zvino mutumwa wechitatu akadurura ndiro yake pamusoro penzizi nezvitubu zvemvura ndokuva ropa.
4ܘܡܠܐܟܐ ܕܬܠܬܐ ܐܫܕ ܙܒܘܪܗ ܒܢܗܪܘܬܐ ܘܒܥܝܢܬܐ ܕܡܝܐ ܘܗܘܘ ܕܡܐ ܀
5Zvino ndakanzwa mutumwa wemvura achiti: Makarurama imwi Ishe, uripo newakange aripo neuchazovapo nekuti makatonga saizvozvi.
5ܘܫܡܥܬ ܠܡܠܐܟܐ ܕܡܝܐ ܕܐܡܪ ܙܕܝܩ ܐܢܬ ܗܘ ܕܐܝܬܘܗܝ ܘܐܝܬܘܗܝ ܗܘܐ ܘܚܤܝܐ ܕܗܠܝܢ ܕܢܬ ܀
6Nekuti vakadurura ropa revatsvene nevaporofita, uye makavapa ropa kuti vamwe; nekuti vakafanira.
6ܡܛܠ ܕܕܡܐ ܕܢܒܝܐ ܘܕܩܕܝܫܐ ܐܫܕܘ ܘܕܡܐ ܝܗܒܬ ܠܗܘܢ ܠܡܫܬܐ ܫܘܝܢ ܐܢܘܢ ܀
7Zvino ndakanzwa umwe muaritari achiti: Hongu, Ishe Mwari Wamasimbaose, kutonga kwenyu ndekwechokwadi kwakarurama.
7ܘܫܡܥܬ ܠܡܕܒܚܐ ܕܐܡܪ ܐܝܢ ܡܪܝܐ ܐܠܗܐ ܐܚܝܕ ܟܠ ܫܪܝܪܝܢ ܘܙܕܝܩܝܢ ܕܝܢܝܟ ܀
8Zvino mutumwa wechina akadurura ndiro yake pamusoro pezuva, nesimba rakapiwa kwariri kupisa vanhu nemoto.
8ܘܡܠܐܟܐ ܕܐܪܒܥܐ ܐܫܕ ܙܒܘܪܗ ܥܠ ܫܡܫܐ ܘܐܬܝܗܒ ܠܗ ܕܢܚܡ ܠܒܢܝܢܫܐ ܒܢܘܪܐ ܀
9Zvino vanhu vakapiswa nekupisa kukuru, vakanyomba zita raMwari une simba pamusoro pematambudziko awa; vakasatendevuka kuti vamupe rukudzo.
9ܘܐܬܚܡܡܘ ܒܢܝܢܫܐ ܒܚܘܡܐ ܪܒܐ ܘܓܕܦܘ ܠܫܡܐ ܕܐܠܗܐ ܕܐܝܬ ܠܗ ܫܘܠܛܢܐ ܥܠ ܡܚܘܬܐ ܗܠܝܢ ܘܠܐ ܬܒܘ ܠܡܬܠ ܠܗ ܬܫܒܘܚܬܐ ܀
10Zvino mutumwa wechishanu wakadurura ndiro yake pamusoro pechigaro cheushe chechikara; ushe hwacho ndokuzadzwa nerima, vakatsenga marimi avo nekurwadzwa;
10ܘܡܠܐܟܐ ܕܚܡܫܐ ܐܫܕ ܙܒܘܪܗ ܥܠ ܟܘܪܤܝܗ ܕܚܝܘܬܐ ܘܗܘܬ ܡܠܟܘܬܗ ܚܫܘܟܬܐ ܘܡܠܥܤܝܢ ܗܘܘ ܠܫܢܝܗܘܢ ܡܢ ܟܐܒܐ ܀
11vakanyomba Mwari wekudenga nekuda kwemarwadzo avo nemaronda avo; asi havana kutendeuka pamabasa avo.
11ܘܓܕܦܘ ܠܫܡܐ ܕܐܠܗܐ ܕܫܡܝܐ ܡܢ ܟܐܒܝܗܘܢ ܘܡܢ ܫܘܚܢܝܗܘܢ ܘܠܐ ܬܒܘ ܡܢ ܥܒܕܝܗܘܢ ܀
12Zvino mutumwa wechitanhatu akadurura ndiro yake pamusoro perwizi rukuru, Yufratesi; mvura yarwo ndokupwa, kuti nzira yemadzimambo anobva kumabvazuva igadzirwe.
12ܘܡܠܐܟܐ ܕܫܬܐ ܐܫܕ ܙܒܘܪܗ ܥܠ ܢܗܪܐ ܪܒܐ ܦܪܬ ܘܝܒܫܘ ܡܘܗܝ ܕܬܬܛܝܒ ܐܘܪܚܐ ܕܡܠܟܐ ܡܢ ܡܕܢܚܝ ܫܡܫܐ ܀
13Ipapo ndakaona mweya yetsvina mitatu sematafi ichibva mumuromo wezibukanana nemumuromo wechikara, nemumuromo wemuporofita wenhema;
13ܘܚܙܝܬ ܡܢ ܦܘܡܗ ܕܬܢܝܢܐ ܘܡܢ ܦܘܡܗ ܕܚܝܘܬܐ ܘܡܢ ܦܘܡܗ ܕܢܒܝܐ ܕܓܠܐ ܪܘܚܐ ܬܠܬ ܠܐ ܕܟܝܬܐ ܐܝܟ ܐܘܪܕܥܐ ܀
14Nekuti ndiyo mweya yemadhimoni inoita zviratidzo inobudira kumadzimambo enyika nepanyika yose, kuvakokera kuhondo yezuva iro guru raMwari Wamasimbaose.
14ܐܝܬܝܗܝܢ ܓܝܪ ܪܘܚܐ ܕܫܐܕܐ ܐܝܠܝܢ ܕܥܒܕܢ ܐܬܘܬܐ ܕܐܙܠܢ ܥܠ ܡܠܟܐ ܕܬܐܒܝܠ ܠܡܟܢܫܘ ܐܢܘܢ ܠܩܪܒܐ ܕܝܘܡܐ ܗܘ ܪܒܐ ܕܐܠܗܐ ܐܚܝܕ ܟܠ ܀
15Tarira, ndinouya sembavha. Wakaropafadzwa uyo unorinda, achichengeta nguvo dzake kuti arege kufamba akashama, vaone nyadzi dzake.
15ܗܐ ܐܬܐ ܐܝܟ ܓܢܒܐ ܛܘܒܘܗܝ ܠܗܘ ܕܥܝܪ ܘܢܛܪ ܡܐܢܘܗܝ ܕܠܐ ܥܪܛܠ ܢܗܠܟ ܘܢܚܙܘܢ ܒܗܬܬܗ ܀
16Zvino wakavaunganidza panzvimbo inonzi nechiHebheru Hamagedhoni.
16ܘܢܟܢܫ ܐܢܘܢ ܠܐܬܪܐ ܕܡܬܩܪܐ ܥܒܪܐܝܬ ܡܓܕܘ ܀
17Zvino mutumwa wechinomwe akadurura ndiro yake mumhepo, kukabuda inzwi guru kubva mutembere yekudenga, pachigaro cheushe, richiti: Zvaitika!
17ܘܡܠܐܟܐ ܕܫܒܥܐ ܐܫܕ ܙܒܘܪܗ ܒܐܐܪ ܘܢܦܩ ܩܠܐ ܪܒܐ ܡܢ ܗܝܟܠܐ ܡܢ ܩܕܡ ܟܘܪܤܝܐ ܕܐܡܪ ܗܘܐ ܀
18Zvino kwakava nemanzwi nemitinhiro nemheni; uye kukava nokudengenyika kwenyika kukuru kusina kumbovapo kubva kuvapo kwakaita vanhu panyika, kudengenyeka kwenyika kune simba kwakakura kudai.
18ܘܗܘܘ ܒܪܩܐ ܘܪܥܡܐ ܘܢܘܕܐ ܗܘܐ ܪܒܐ ܕܐܟܘܬܗ ܠܐ ܗܘܐ ܡܢ ܕܗܘܘ ܒܢܝܢܫܐ ܥܠ ܐܪܥܐ ܕܐܝܟ ܗܢܐ ܙܘܥܐ ܗܟܢܐ ܪܒ ܗܘܐ ܀
19Zvino guta guru rikakamurwa kuita zvikamu zvitatu, maguta emarudzi akawa; uye Bhabhironi guru rikarangarirwa pamberi paMwari, kuti ripiwe mukombe wewaini yekutsamwa kwehasha dzake.
19ܘܗܘܬ ܡܕܝܢܬܐ ܪܒܬܐ ܠܬܠܬ ܡܢܘܢ ܘܡܕܝܢܬܐ ܕܥܡܡܐ ܢܦܠܝ ܘܒܒܝܠ ܪܒܬܐ ܐܬܕܟܪܬ ܩܕܡ ܐܠܗܐ ܠܡܬܠ ܠܗ ܟܤܐ ܕܚܡܪܐ ܕܚܡܬܗ ܘܕܪܘܓܙܗ ܀
20Zvino chiwi choga choga chikatiza, nemakomo akasawanikwa.
20ܘܟܠ ܓܙܪܬܐ ܥܪܩܬ ܘܛܘܪܐ ܠܐ ܐܫܬܟܚܘ ܀
21Chimvuramabwe chikuru chinorema setarenda*, chikawira pamusoro pevanhu chichibva kudenga; vanhu vakanyomba Mwari nekuda kwedamabudziko rechimvuramambwe, nekuti dambudziko racho raiva gurusa kwazvo.
21ܘܒܪܕܐ ܪܒܐ ܐܝܟ ܟܟܪܐ ܢܚܬ ܡܢ ܫܡܝܐ ܥܠ ܒܢܝܢܫܐ ܘܓܕܦܘ ܒܢܝܢܫܐ ܠܐܠܗܐ ܥܠ ܡܚܘܬܐ ܕܒܪܕܐ ܡܛܠ ܕܪܒܐ ܗܝ ܡܚܘܬܗ ܛܒ ܀