1Zvino wakandiratidza rwizi rwakakwana rwemvura yeupenyu, yakapenya sekristaro*, ichibuda pachigaro cheushe chaMwari necheGwayana,
1ܘܚܘܝܢܝ ܢܗܪܐ ܕܡܝܐ ܚܝܐ ܕܟܝܐ ܐܦ ܢܗܝܪܐ ܐܝܟ ܓܠܝܕܐ ܘܢܦܩ ܡܢ ܟܘܪܤܝܗ ܕܐܠܗܐ ܘܕܐܡܪܐ ܀
2pakati penzira yaro uye kumativi ose erwizi kune muti weupenyu, unobereka zvibereko zvamarudzi gumi nemaviri, uchiita zvibereko zvawo mwedzi umwe neumwe; nemashizha emuti aiva ekuporesa ndudzi.
2ܘܡܨܥܬ ܫܘܩܝܗ ܡܟܐ ܘܡܟܐ ܥܠ ܢܗܪܐ ܩܝܤܐ ܕܚܝܐ ܕܥܒܕ ܦܐܪܐ ܬܪܥܤܪ ܘܒܟܠ ܝܪܚ ܝܗܒ ܦܐܪܘܗܝ ܘܛܪܦܘܗܝ ܠܐܤܝܘܬܐ ܕܥܡܡܐ ܀
3Zvino hakuchavizve nekutuka; asi chigaro cheushe chaMwari necheGwayana zvichava mukati maro; uye varanda vake vachamushumira,
3ܘܟܠ ܚܪܡܐ ܠܐ ܢܗܘܐ ܬܡܢ ܘܟܘܪܤܝܗ ܕܐܠܗܐ ܘܕܐܡܪܐ ܒܗ ܢܗܘܐ ܘܥܒܕܘܗܝ ܢܫܡܫܘܢܝܗܝ ܀
4zvino vachaona chiso chake nezita rake richava pahuma dzavo.
4ܘܢܚܙܘܢ ܐܦܘܗܝ ܘܫܡܗ ܥܠ ܒܝܬ ܥܝܢܝܗܘܢ ܀
5Zvino usiku hahwuchazovipo; uye havatsvaki mwenje kana chiedza chezuva; nekuti Ishe Mwari unovapa chiedza; vachatonga kusvikira rinhi narinhi.
5ܘܠܠܝܐ ܠܐ ܢܗܘܐ ܬܡܢ ܘܠܐ ܢܬܒܥܐ ܠܗܘܢ ܢܘܗܪܐ ܘܫܪܓܐ ܘܢܘܗܪܗ ܕܫܡܫܐ ܡܛܠ ܕܡܪܝܐ ܐܠܗܐ ܡܢܗܪ ܠܗܘܢ ܘܡܠܟܗܘܢ ܠܥܠܡ ܥܠܡܝܢ ܀
6Zvino akati kwandiri: Mashoko awa akatendeka, ndeechokwadi; uye Ishe, Mwari wevaporofita vatsvene, wakatuma mutumwa wake kuti aratidze kuvaranda vake zvinhu zvoda kuitika.
6ܘܐܡܪ ܠܝ ܗܠܝܢ ܡܠܐ ܡܗܝܡܢܢ ܘܫܪܝܪܢ ܘܡܪܝܐ ܐܠܗܐ ܕܪܘܚܬܐ ܕܢܒܝܐ ܩܕܝܫܐ ܫܕܪ ܠܡܠܐܟܗ ܠܡܚܘܝܘ ܠܥܒܕܘܗܝ ܡܐ ܕܝܗܝܒ ܠܡܗܘܐ ܒܥܓܠ ܀
7Tarira, ndinokurumidza kuuya; wakaropafadzwa unochengeta mashoko echiporofita chebhuku iri.
7ܘܗܐ ܐܬܐ ܐܢܐ ܒܥܓܠ ܛܘܒܘܗܝ ܠܡܢ ܕܢܛܪ ܡܠܐ ܕܢܒܝܘܬܐ ܕܟܬܒܐ ܗܢܐ ܀
8Zvino ini Johwani, ndini ndakaona zvinhu izvi ndikanzwa. Zvino ndakati ndanzwa nekuona, ndikawira pasi kuti ndishumire pamberi petsoka dzemutumwa wakandiratidza zvinhu izvi.
8ܐܢܐ ܝܘܚܢܢ ܕܚܙܐ ܘܫܡܥ ܗܠܝܢ ܘܟܕ ܚܙܝܬ ܘܫܡܥܬ ܢܦܠܬ ܠܡܤܓܕ ܩܕܡ ܪܓܠܘܗܝ ܕܡܠܐܟܐ ܕܡܚܘܐ ܠܝ ܗܠܝܢ ܀
9Zvino akati kwandiri: Rega kudaro; nekuti ndiri muranda pamwe newe, nehama dzako, vaporofita, nevanochengeta mashoko ebhuku iri; namata Mwari.
9ܘܐܡܪ ܠܝ ܚܙܝ ܠܐ ܟܢܬܟ ܐܝܬܝ ܘܕܐܚܝܟ ܢܒܝܐ ܘܕܐܝܠܝܢ ܕܢܛܪܝܢ ܗܠܝܢ ܡܠܐ ܕܟܬܒܐ ܗܢܐ ܠܐܠܗܐ ܤܓܘܕ ܀
10Zvino akati kwandiri: Usavharira mashoko echiporofita chebhuku iri, nekuti nguva yava pedo.
10ܘܐܡܪ ܠܝ ܠܐ ܬܚܬܘܡ ܡܠܐ ܕܢܒܝܘܬܐ ܕܟܬܒܐ ܗܢܐ ܙܒܢܐ ܓܝܪ ܩܪܒ ܀
11Unoita zvisakarurama ngaagare achiita zvisakarurama; neune tsvina, ngaagare ane tsvina; newakarurama ngaagare achiita zvakarurama; mutsvene ngaagare ari mutsvene.
11ܘܕܡܥܘܠ ܬܘܒ ܢܥܘܠ ܘܕܨܥ ܬܘܒ ܢܨܛܥܨܥ ܘܙܕܝܩܐ ܬܘܒ ܢܥܒܕ ܙܕܝܩܘܬܐ ܘܩܕܝܫܐ ܬܘܒ ܢܬܩܕܫ ܀
12Zvino tarira, ndinokurumidza kuuya; uye mubairo wangu uneni, kuti ndipe umwe neumwe zvinoenderana nemabasa ake.
12ܗܐ ܐܬܐ ܐܢܐ ܡܚܕܐ ܘܐܓܪܝ ܥܡܝ ܘܐܬܠ ܠܟܠܢܫ ܐܝܟ ܥܒܕܗ ܀
13Ndini Arifa naOmega, kuvamba nekuguma, kutanga nekupedzisira.
13ܐܢܐ ܐܠܦ ܘܐܢܐ ܬܘ ܩܕܡܝܐ ܘܐܚܪܝܐ ܘܫܘܪܝܐ ܘܫܘܠܡܐ ܀
14Vakaropafadzwa vanoita mirairo yake, kuti vave nekodzero yemuti weupenyu, vagopinda nepamasuwo muguta.
14ܛܘܒܝܗܘܢ ܠܕܥܒܕܝܢ ܦܘܩܕܢܘܗܝ ܢܗܘܐ ܫܘܠܛܢܗܘܢ ܥܠ ܩܝܤܐ ܕܚܝܐ ܘܒܬܪܥܐ ܢܥܠܘܢ ܠܡܕܝܢܬܐ ܀
15Nekuti kunze kune imbwa, nevaroyi, nemhombwe, nemhondi, nevanamati vezvifananidzo nevose vanoda nhema vachidziita.
15ܘܙܢܝܐ ܘܩܛܘܠܐ ܘܦܠܚܝ ܦܬܟܪܐ ܠܒܪ ܘܛܡܐܐ ܘܚܪܫܐ ܘܟܠ ܚܙܝܝ ܘܥܒܕܝ ܕܓܠܘܬܐ ܀
16Ini Jesu ndakatuma mutumwa wangu kuti akupupurirei zvinhu izvozvi pakereke. Ndini mudzi nechizvarwa chaDhavhidhi, hweva inopenya.
16ܐܢܐ ܝܫܘܥ ܫܕܪܬ ܠܡܠܐܟܝ ܕܢܤܗܕ ܒܟܘܢ ܗܠܝܢ ܩܕܡ ܥܕܬܐ ܐܢܐ ܐܢܐ ܥܩܪܐ ܘܫܪܒܬܗ ܕܕܘܝܕ ܘܥܡܗ ܘܟܘܟܒ ܨܦܪܐ ܢܗܝܪܐ ܀
17Zvino Mweya nemwenga vanoti: Uya! Naiye unonzwa ngaati: Uya! Uye une nyota ngaauye; neunoda ngaatore mvura yeupenyu pachena.
17ܘܪܘܚܐ ܘܟܠܬܐ ܐܡܪܝܢ ܬܐ ܘܕܫܡܥ ܢܐܡܪ ܬܐ ܘܕܨܗܐ ܢܐܬܐ ܘܢܤܒ ܡܝܐ ܚܝܐ ܡܓܢ ܀
18Nekuti ndinopupura kune umwe neumwe unonzwa mashoko echiporofita chebhuku iri, ndichiti: Kana munhu akawedzera pazvinhu izvi, Mwari uchawedzera kwaari matambudziko akanyorwa mubhuku iri;
18ܡܤܗܕ ܐܢܐ ܠܟܠ ܕܫܡܥ ܡܠܬܐ ܕܢܒܝܘܬܐ ܕܟܬܒܐ ܗܢܐ ܕܐܝܢܐ ܕܢܤܝܡ ܥܠܝܗܝܢ ܢܤܝܡ ܥܠܘܗܝ ܐܠܗܐ ܡܚܘܬܐ ܕܟܬܝܒܢ ܒܟܬܒܐ ܗܢܐ ܀
19uye kana munhu akabvisa pamashoko ebhuku rechiporofita ichi, Mwari uchabvisa mugove wake pabhuku reupenyu, nemuguta dzvene, nezvinhu zvakanyorwa mubhuku iri.
19ܘܐܝܢܐ ܕܡܒܨܪ ܡܢ ܡܠܐ ܕܟܬܒܐ ܕܢܒܝܘܬܐ ܗܕܐ ܢܒܨܪ ܐܠܗܐ ܡܢܬܗ ܡܢ ܩܝܤܐ ܕܚܝܐ ܘܡܢ ܡܕܝܢܬܐ ܩܕܝܫܬܐ ܐܝܠܝܢ ܕܟܬܝܒܢ ܒܟܬܒܐ ܗܢܐ ܀
20Unopupura zvinhu izvi unoti: Hongu, ndinouya nekukurumidza. Ameni. Hongu uyai, Ishe Jesu.
20ܐܡܪ ܟܕ ܡܤܗܕ ܗܠܝܢ ܐܝܢ ܐܬܐ ܐܢܐ ܒܥܓܠ ܬܐ ܡܪܝܐ ܝܫܘܥ ܀
21Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mose. Ameni.
21