1Zvino ndakaona Gwayana parakazarura chimwe chezvisimbiso, ndikanzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti nenzwi seremutinhiro: Uya uone.
1ܘܚܙܝܬ ܟܕ ܦܬܚ ܐܡܪܐ ܚܕ ܡܢ ܫܒܥܐ ܛܒܥܝܢ ܘܫܡܥܬ ܠܚܕܐ ܡܢ ܐܪܒܥ ܚܝܘܢ ܕܐܡܪܐ ܐܝܟ ܩܠܐ ܕܪܥܡܐ ܬܐ ܘܚܙܝ ܀
2Zvino ndikaona, tarira, bhiza jena, naiye wakaritasva, wakange ane uta; uye korona ikapiwa kwaari, akabuda achikunda, uye kuti akunde.
2ܘܫܡܥܬ ܘܚܙܝܬ ܘܗܐ ܤܘܤܝܐ ܚܘܪܐ ܘܕܝܬܒ ܥܠܘܗܝ ܐܝܬ ܠܗ ܩܫܬܐ ܘܐܬܝܗܒ ܠܗ ܟܠܝܠܐ ܘܢܦܩ ܙܟܝ ܘܙܟܐ ܘܕܢܙܟܐ ܀
3Zvino wakati azarura mucherechedzo wechipiri, ndikanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti: Uya uone.
3ܘܟܕ ܦܬܚ ܛܒܥܐ ܕܬܪܝܢ ܫܡܥܬ ܠܚܝܘܬܐ ܕܬܪܬܝܢ ܕܐܡܪܐ ܬܐ ܀
4Ipapo rimwe bhiza rakabuda riri dzvuku; wakaritasva akapiwa simba kuti abvise rugare panyika, kuti vaurayane; kukapiwa kwaari munondo mukuru.
4ܘܢܦܩ ܤܘܤܝܐ ܤܘܡܩܐ ܘܠܕܝܬܒ ܥܠܘܗܝ ܐܬܝܗܒ ܠܗ ܠܡܤܒ ܫܠܡܐ ܡܢ ܐܪܥܐ ܕܠܚܕܕܐ ܢܢܟܤܘܢ ܘܐܬܝܗܒܬ ܠܗ ܚܪܒܐ ܪܒܬܐ ܀
5Zvino wakati azarura mucherechedzo wechitatu, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti: Uya uone. Uye ndikaona, zvino tarira, bhiza dema; wakange akaritasva wakange ane chiyereso muruoko rwake.
5ܘܟܕ ܐܬܦܬܚ ܛܒܥܐ ܕܬܠܬܐ ܫܡܥܬ ܠܚܝܘܬܐ ܕܬܠܬ ܕܐܡܪܐ ܬܐ ܘܗܐ ܤܘܤܝܐ ܐܘܟܡܐ ܘܕܝܬܒ ܥܠܘܗܝ ܐܝܬ ܡܐܤܬܐ ܒܐܝܕܗ ܀
6Ndikanzwa inzwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina, richiti: Chiyero chezviyo chichatengwa nedhenari*, nezviyero zvitatu zvebhari* nedhenari; usatadzira mafuta newaini.
6ܘܫܡܥܬ ܩܠܐ ܡܢ ܒܝܬ ܚܝܘܬܐ ܕܐܡܪ ܩܒܐ ܕܚܛܐ ܒܕܝܢܪܐ ܘܬܠܬܐ ܩܒܝܢ ܕܤܥܪܐ ܒܕܝܢܪܐ ܘܠܚܡܪܐ ܘܠܡܫܚܐ ܠܐ ܬܗܪ ܀
7Wakati azarura mucherechedzo wechina, ndakanzwa inzwi rechisikwa chipenyu chechina richiti: Uya uone.
7ܘܟܕ ܦܬܚ ܛܒܥܐ ܕܐܪܒܥܐ ܫܡܥܬ ܩܠܐ ܕܚܝܘܬܐ ܕܐܡܪܐ ܬܐ ܀
8Uye ndikaona, zvino tarira, bhiza rakachenuruka; newakange akaritasva zita rake raiva Rufu; uye Hadhesi rakamutevera. Simba rikapiwa kwaari pamusoro pechechina chenyika, kuti aauraye nemunondo, nenzara, nerufu, nezvikara zvenyika.
8ܘܚܙܝܬ ܤܘܤܝܐ ܝܘܪܩܐ ܘܫܡܗ ܕܗܘ ܕܝܬܒ ܥܠܘܗܝ ܡܘܬܐ ܘܫܝܘܠ ܢܩܝܦܐ ܠܗ ܘܐܬܝܗܒ ܠܗ ܫܘܠܛܢܐ ܥܠ ܪܘܒܥܗ ܕܐܪܥܐ ܕܢܩܛܠ ܒܚܪܒܐ ܘܒܟܦܢܐ ܘܒܡܘܬܐ ܘܒܚܝܘܬܐ ܕܐܪܥܐ ܀
9Zvino wakati azarura chisimbiso chechishanu, endikaona pasi pearitari mweya yaivo vakang vashinjwa nekuda kweshoko raMwari, uye neuchapupu hwavaiva nahwo;
9ܘܟܕ ܦܬܚ ܠܛܒܥܐ ܕܚܡܫܐ ܚܙܝܬ ܠܬܚܬ ܡܢ ܡܕܒܚܐ ܠܢܦܫܬܐ ܕܐܬܩܛܠ ܡܛܠ ܡܠܬܐ ܕܐܠܗܐ ܘܡܛܠ ܤܗܕܘܬܐ ܕܝܫܘܥ ܗܝ ܕܐܝܬ ܗܘܐ ܠܗܘܢ ܀
10Zvino vakadana nenzwi guru vachiti: Kusvikira rinhi Tenzi mutsvene wechokwadi, muchirega kutonga nekutsiva ropa redu pane vanogara panyika?
10ܘܩܥܘ ܒܩܠܐ ܪܒܐ ܘܐܡܪܝܢ ܥܕܡܐ ܠܐܡܬܝ ܡܪܝܐ ܩܕܝܫܐ ܘܫܪܝܪܐ ܠܐ ܕܝܢܬ ܘܬܒܥܬ ܕܡܢ ܡܢ ܥܡܘܪܝܗ ܕܐܪܥܐ ܀
11Zvino umwe neumwe wavo wakapiwa nguvo chena; zvikanzi kwavari vambozorora chinguva chiduku, kusvikira vamwe varanda pamwe navo nehama dzavo, dzaifanira kuurawa saivo varinganiswa.
11ܘܐܬܝܗܒܬ ܠܟܠܚܕ ܚܕ ܡܢܗܘܢ ܐܤܛܠܐ ܚܘܪܬܐ ܘܐܬܐܡܪ ܕܢܬܬܢܝܚܘܢ ܥܕ ܥܕܢ ܙܒܢ ܙܥܘܪ ܥܕܡܐ ܕܡܫܬܡܠܝܢ ܐܦ ܟܢܘܬܗܘܢ ܘܐܚܝܗܘܢ ܐܝܠܝܢ ܕܥܬܝܕܝܢ ܠܡܬܩܛܠܘ ܐܝܟ ܕܐܦ ܗܢܘܢ ܀
12Zvino ndakaona paakange azarura mucherechedzo wechitanhatu, zvino tarira, kwakava nekudengenyeka kwenyika kukuru, zuva rikasviba sesaga remvere, mwedzi ukaita seropa;
12ܘܚܙܝܬ ܟܕ ܦܬܚ ܛܒܥܐ ܕܫܬܐ ܘܢܘܕܐ ܪܒܐ ܗܘܐ ܘܫܡܫܐ ܐܝܟ ܤܩܐ ܕܤܥܪܐ ܐܘܟܡ ܗܘܐ ܘܤܗܪܐ ܟܠܗ ܗܘܐ ܠܗ ܐܝܟ ܕܡܐ ܀
13nenyeredzi dzedenga dzakawira pasi, kunyange semuonde unozuza masvosva awo, kana uchizuzwa nemututu mukuru.
13ܘܟܘܟܒܐ ܕܫܡܝܐ ܢܦܠܘ ܥܠ ܐܪܥܐ ܐܝܟ ܬܬܐ ܕܫܕܝܐ ܦܩܘܥܝܗ ܡܢ ܪܘܚܐ ܥܫܝܢܬܐ ܡܐ ܕܡܬܬܙܝܥܐ ܀
14Denga rikabva serugwaro rwakapetwa, kana rwuchipeterwa pamwe; negomo roga roga nechiwi zvakabviswa panzvimbo dzazvo.
14ܘܫܡܝܐ ܐܬܦܪܫ ܘܐܝܟ ܟܬܒܐ ܐܬܟܪܟܘ ܘܟܠ ܛܘܪ ܘܟܠ ܓܙܪܬܐ ܡܢ ܕܘܟܬܗܘܢ ܐܬܬܙܝܥܘ ܀
15Nemadzimambo enyika, nevanhu vakuru, navafumi, nevatungamiriri vehondo, navanhu vane simba, nenhapwa dzose, nevakasununguka vose vakandovanda mumapako nemumabwe emakomo;
15ܘܡܠܟܐ ܕܐܪܥܐ ܘܪܘܪܒܢܐ ܘܪܝܫܝ ܐܠܦܐ ܘܥܬܝܪܐ ܘܚܝܠܘܬܐ ܘܟܠ ܥܒܕܐ ܘܒܢܝ ܚܐܪܐ ܛܫܝܘ ܢܦܫܗܘܢ ܒܡܥܪܐ ܘܒܫܘܥܐ ܕܛܘܪܐ ܀
16vakati kumakomo nemabwe: Tiwirei, mutivige pachiso chaiye unogara pachigaro cheushe, nepakutsamwa kweGwayana;
16ܘܐܡܪܝܢ ܠܛܘܪܐ ܘܫܘܥܐ ܕܦܠܘ ܥܠܝܢ ܘܛܫܘ ܠܢ ܡܢ ܩܕܡ ܐܦܘܗܝ ܕܐܡܪܐ ܀
17Nekuti zuva guru rekutsamwa kwaro rasvika; zvino ndiani uchagona kumira?
17ܡܛܠ ܕܐܬܐ ܝܘܡܐ ܪܒܐ ܕܪܘܓܙܗܘܢ ܘܡܢܘ ܡܫܟܚ ܠܡܩܡ ܀