Shona

Turkish

1 Kings

13

1Zvino tarira, mumwe munhu waMwari wakange arairwa neshoko raJehovha, wakabva kwaJudha, akasvika Bheteri; Jerobhoamu wakange amire paaritari achipisa zvinonhuhwira.
1Yarovam buhur yakmak için sunağın yanında dururken, bir Tanrı adamı RABbin buyruğu üzerine Yahudadan Beytele geldi.
2Iye akadanidzira kuaritari, neshoko raJehovha, akati, Iwe aritari, aritari, zvanzi naJehovha, Tarirai, imba yaDhavhidhi ichaponerwa mwanakomana, uchanzi Josiya; iye uchabaya pamusoro pako vapristi vamatunhu akakwirira, vanopisira zvinonhuhwira pamusoro pako, uye vachapisa mafupa avanhu pamusoro pako.
2RABbin buyruğu uyarınca sunağa karşı şöyle seslendi: ‹‹Sunak, ey sunak! RAB diyor ki, ‹Davutun soyundan Yoşiya adında bir erkek çocuk doğacak. Buhur yakan, tapınma yerlerinde görevli kâhinleri senin üstünde kurban edecek. Üstünde insan kemikleri yakılacak.› ››
3Akavapa chiratidzo nezuva iro, akati, Ndicho chiratidzo chakataurwa naJehovha, Tarirai, aritari ichapamuka, namadota ari pamusoro payo acharashirwa pasi.
3Aynı gün Tanrı adamı bir belirti göstererek konuşmasını şöyle sürdürdü: ‹‹RABbin bana açıkladığı belirti şudur: Bu sunak parçalanacak, üstündeki küller çevreye savrulacak.››
4Zvino mambo wakati achinzwa shoko romunhu waMwari, raakadanidzira kuaritari paBheteri Jerobhoamu akasimudza ruoko rwake paaritari, akatendeka narwo, akati, Mubatei! Ipapo ruoko rwake rwaakanga amutendeka narwo rwakawoma, akasagona kurudzosazve.
4Kral Yarovam, Tanrı adamının Beytelde sunağa karşı söylediklerini duyunca, elini ona doğru uzatarak, ‹‹Yakalayın onu!›› diye buyruk verdi. Ancak Tanrı adamına uzattığı eli felç oldu ve düzelmedi.
5Aritariwo yakapamuka, namadota akarashirwa pasi paaritari, chiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari chikaitika, icho chakanga charairwa naJehovha.
5Tanrı adamının RABbin buyruğuyla gösterdiği belirti uyarınca, sunak parçalandı, üstündeki küller çevreye savruldu.
6Ipapo mambo akapindura, akati kumunhu waMwari, Kumbira hako kuna Jehovha Mwari wako andinzwire nyasha, undinyengeterere, kuti ndiporeserwezve ruoko rwangu. Munhu waMwari akanyengetera kuna Jehovha, mambo akaporeserwazve ruoko rwake, rukaita sakare.
6O zaman Kral Yarovam, Tanrı adamına, ‹‹Lütfen benim için dua et, Tanrın RABbe yalvar ki, elim eski halini alsın›› dedi. Tanrı adamı RABbe yalvarınca kralın eli iyileşip eski halini aldı.
7Ipapo mambo akati kumunhu waMwari, Enda neni kumba kwangu, uzvisimbisepo, ini ndikupewo mubayiro.
7Kral, Tanrı adamına, ‹‹Benimle eve kadar gel de bir şeyler ye›› dedi, ‹‹Sana bir armağan vereceğim.››
8Asi munhu waMwari wakati kuna mambo, Kunyange mukandiganhurira imba yenyu napakati, handingapindi kwamuri, kunyange kudya zvokudya, kana kumwa pano,
8Tanrı adamı, ‹‹Varlığının yarısını bile versen, seninle gelmem›› diye karşılık verdi, ‹‹Burada ne yer, ne de içerim.
9nekuti Jehovha wakandiraira neshoko rake, akati, Usadya zvokudya, kana kumwa mvura, kana kudzoka nenzira yawaenda nayo.
9Çünkü RAB bana, ‹Orada hiçbir şey yiyip içme ve gittiğin yoldan dönme› diye buyruk verdi.››
10Naizvozvo akadzoka neimwe nzira, haana kudzoka nenzira yaakanga aenda nayo Bheteri.
10Böylece Tanrı adamı, Beytele gelmiş olduğu yoldan değil, başka bir yoldan gitti.
11Zvino paBheteri pakanga pagere muporofita mutana; mwanakomana wake akandomuudza mabasa ose akaitwa no munhu waMwari paBheteri pazuva iro, namashoko aakataura kuna mambo, naiwo vakaudzawo baba vavo.
11O sıralarda Beytelde yaşayan yaşlı bir peygamber vardı. Çocukları gelip o gün Tanrı adamının Beytelde yaptıklarını ve krala söylediklerini babalarına anlattılar.
12Ipapo baba vavo vakati kwavari, Waenda nenzira ipiko? Zvino vana vake vakanga vaona nzira yaendwa nayo nomunhu waMwari wokwaJudha.
12Yaşlı baba, ‹‹Tanrı adamı hangi yoldan gitti?›› diye sordu. Çocuklar Yahudadan gelen Tanrı adamının hangi yoldan gittiğini ona gösterdiler.
13Akati kuvanakomana vake, Ndisungirei chigaro pambongoro; ivo vakamusungira chigaro pambongoro, akaitasva.
13Bunun üzerine yaşlı baba, ‹‹Eşeğimi hazırlayın›› dedi. Çocuklar eşeğe palan vurunca, binip
14Akatevera munhu waMwari, akamuwana agere pasi pomuti womuoki, ndokuti kwaari, Ndiwe munhu waMwari wakabva kwaJudha here? Akati, Ndini.
14Tanrı adamının ardına düştü. Onun bir yabanıl fıstık ağacının altında oturduğunu görünce, ‹‹Yahudadan gelen Tanrı adamı sen misin?›› diye sordu. Adam, ‹‹Evet, benim›› diye karşılık verdi.
15Ipapo akati kwaari, Hendei kumba kwangu, undodya zvokudya.
15Yaşlı peygamber, ‹‹Gel benimle eve gidelim, bir şeyler ye›› dedi.
16Iye akati, Handingagoni kudzoka nemwi kana kupinda kwamuri, handingadyi zvokudya, kana kumwa mvura nemwi pano,
16Tanrı adamı şöyle karşılık verdi: ‹‹Yolumdan dönüp seninle gelemem. Burada ne yer, ne de içerim.
17nekuti ndakarairwa neshoko raJehovha, akati, Usadya zvokudya, kana kumwa mvurapo kana kudzoka nenzira yawaenda nayo.
17Çünkü RAB bana, ‹Orada hiçbir şey yiyip içme ve gittiğin yoldan dönme› diye buyruk verdi.››
18Ipapo akati kwaari, Neniwo ndiri muporofita sewe; zvino mutumwa wakandiudza shoko raJehovha, akati, Dzoka naye kumba kwako, adye zvokudya nokumwa mvura. Akareva nhema kwaari.
18Bunun üzerine yaşlı peygamber, ‹‹Ben de senin gibi peygamberim›› dedi, ‹‹RABbin buyruğu üzerine bir melek bana, ‹Onu evine götür ve yiyip içmesini sağla› dedi.›› Ne var ki yalan söyleyerek Tanrı adamını kandırdı.
19Naizvozvo akadzoka naye, akandodya zvokudya mumba make nokumwa mvura.
19Böylece Tanrı adamı onunla birlikte geri döndü ve evinde yiyip içmeye başladı.
20Zvino vakati vagere patafura, shoko raJehovha rikasvika kumuporofita wakamudzosa,
20Sofrada otururlarken, RAB, Tanrı adamını yolundan döndüren peygambere seslendi.
21akadanidzira kumunhu waMwari, wakange abva kwaJudha, akati, Zvanzi naJehovha, Zvausina kuteerera muromo waJehovha, ukasachengeta murayiro wawakarairwa naJehovha Mwari wako,
21O da Yahudadan gelen Tanrı adamına şöyle dedi: ‹‹RAB diyor ki, ‹Madem RABbin sözünü dinlemedin, Tanrın RABbin sana verdiği buyruğa uymayıp
22ukadzoka, ukadya zvokudya, ukamwa mvura ipapo paakati kwauri, Usadya zvokudya nokumwa mvura, naizvozvo chitunha chako hachingasviki muhwiro hwamadzibaba ako.
22yolundan döndün; sana yiyip içme dediği yerde yiyip içtin, cesedin atalarının mezarlığına gömülmeyecek.› ››
23Zvino wakati adya zvokudya, nokumwa, akasungirira chigaro pambongoro, iye muporofita waakadzosa.
23Tanrı adamı yiyip içtikten sonra yaşlı peygamber onun için eşeği hazırladı.
24Zvino wakati aenda, shumba ikasangana naye munzira, ikamuuraya, chitunha chake chikakandirwa munzira, mbongoro ikamira nacho, uye shumbawo ikamira pachitunha.
24Tanrı adamı giderken yolda bir aslanla karşılaştı. Aslan onu oracıkta öldürdü. Eşekle aslan yere serilen cesedin yanında duruyordu.
25Zvino wonei, vanhu vakapfuura napo, vakaona chitunha chakakandirwa munzira, uye shumba imire pachitunha; vakaenda, vakandozviudza vanhu muguta, makanga mugere muporofita mutana.
25Yoldan geçenler yerde yatan cesetle yanında duran aslanı gördüler. Gidip yaşlı peygamberin yaşadığı kentte gördüklerini anlattılar.
26Zvino muporofita, wakamudzosa panzira, wakati achizvinzwa, akati, Ndiye munhu waMwari usina kuteerera muromo waJehovha; naizvozvo Jehovha wakamukwevera pashumba, ikamubvambura, ikamuuraya, sezvakarehwa neshoko raJehovha raakataura kwaari.
26Tanrı adamını yolundan döndüren yaşlı peygamber olanları duyunca, şöyle dedi: ‹‹RABbin sözünü dinlemeyen Tanrı adamı budur. Bu yüzden RAB, sözü uyarınca, onun üzerine bir aslan gönderdi. Aslan onu parçalayıp öldürdü.››
27Akati kuvanakomana vake, Ndisungirirei chigaro pambongoro, vakaisungira chigaro.
27Peygamber, çocuklarına, ‹‹Eşeği hazırlayın!›› dedi. Çocukların hazırladığı eşeğe binip gitti. Eşekle aslanı yerde yatan Tanrı adamının cesedi başında buldu. Ancak aslan cesedi yemediği gibi eşeğe de dokunmamıştı.
28Akaenda, akandowana chitunha chake chakakandirwa munzira, uye mbongoro neshumba zvimire pachitunha; shumba yakanga isina kudya chitunha kana kubvambura mbongoro.
29Yaşlı peygamber Tanrı adamının cesedini eşeğin sırtına attı ve ona ağıt yakıp gömmek için kendi kentine götürdü.
29Ipapo muporofita akasimudza chitunha chomunhu waMwari, akachiisa pamusoro pembongoro, akadzoka nacho; akasvika kuguta romuporofita mutana, akamuchema nokumuviga.
30Cesedi kendi mezarına gömdü. ‹‹Ah kardeşim!›› diyerek ardından ağıt yaktılar.
30Akaisa chitunha chake muhwiro hwake, vakamuchema, achiti, Haiwa, munin'ina wangu!
31Tanrı adamını gömdükten sonra, yaşlı peygamber çocuklarına şöyle dedi: ‹‹Ben ölünce beni bu Tanrı adamının yanına gömün, kemiklerimi de onun kemiklerinin yanına koyun.
31Zvino wakati amuviga, akataura navanakomana vake, akati, Kana ndafa, mundivige muhwiro makavigwa munhu waMwari; muise mafupa angu kurutivi rwamafupa ake;
32Çünkü onun Beyteldeki sunağa ve Samiriye kentlerindeki tapınma yerlerinde bulunan bütün tapınaklara karşı RABbin buyruğuyla yaptığı uyarılar kesinlikle yerine gelecektir.››
32nekuti izvo zvaakataura, paakadanidzira achirairwa naJehovha, kuaritari paBheteri, nokudzimba dzose dzamatunhu akakwirira, ari pamaguta eSamaria, zvichaitika zvirokwazvo.
33Bu olaya karşın Yarovam gittiği kötü yoldan ayrılmadı. Yine her türlü insanı tapınma yerlerine kâhin olarak atadı ve buralara kâhin olmak isteyen herkese görev verdi.
33Pashure pechinhu ichi Jerobhoamu haana kutendeuka panzira yake yakaipa, asi wakatsaurazve vamwe pakati pavanhu vose, akavaita vapristi pamatunhu akakwirira; Ani naani waaida, waimugadza, akavaita vapristi pamatunhu akakwirira.
34Yarovam'ın soyu günah işledi. Bu günahlar onların yeryüzünden silinip yok edilmesine neden oldu.
34Uye nechinhu ichi kwakava nechivi paimba yaJerobhoamu, kuti iparadzwe nokupedzwa panyika.