1Zvino vaFirisitia vakakoka hondo dzavo kuzorwa, vakaungana paSoko raiva raJudha, vakavaka misasa yavo pakati peSoko naAzeka paEfesidamimi.
1Savaşmak üzere ordularını bir araya getiren Filistliler, Yahudanın Soko Kentinde toplandılar. Soko ile Azeka Kenti arasındaki Efes-Dammimde ordugah kurdular.
2Sauro navarume vaIsiraeri vakaunganawo, vakavaka misasa yavo pamupata weEra, vakagadzira hondo kuzorwa navaFirisitia.
2Saul ile İsrailliler de toplandılar. Ela Vadisinde ordugah kurup Filistlilere karşı savaş düzeni aldılar.
3VaFirisitia vakanga vamire pagomo kuno rumwe rutivi, navaIsiraeri vakanga vamire pagomo kuno rumwe rutivi; mupata wakange uri pakati pavo.
3Filistliler tepenin bir yanında, İsrailliler de karşı tepede yerlerini aldı. Aralarında vadi vardı.
4Zvino kumisasa yavaFirisitia kwakabuda mhare, yainzi Goriati weGati; kureba kwake kwakanga kuna makubhiti matanhatu uye sapanosvika mimwe.
4Filist ordugahından Gatlı Golyat adında usta bir dövüşçü ortaya çıktı. Boyu altı arşın bir karıştı.
5wakange ane ngoani yendarira pamusoro wake, uye wakange akafuka nguvo dzokurwa dzamabape endarira, nguvo dzokurwa dzamabape endarira dzakasvika mashekeri ane zviuru zvishanu zvendarira pakurema kwadzo.
5Başına tunç miğfer takmış, pullu bir zırh kuşanmıştı. Tunç zırhın ağırlığı beş bin şekeldi.
6wakange ane zvidzitiro zvamakumbo zvendarira, nemharu yendarira pakati pamafudzi ake.
6Baldırları zırhlarla korunmuştu. Omuzları arasında tunç bir pala asılıydı.
7Rwiriko rwepfumo rake rwakanga rwakafanana nedanda romuruki; nechese yepfumo rake yakasvika mashekeri ana mazana matanhatu amatare pakurema kwayo; uye mubati wenhowo yake waifamba mberi kwake.
7Mızrağının sapı dokumacı tezgahının sırığı gibiydi. Mızrağın demir başının ağırlığı altı yüz şekeldi. Golyatın önüsıra kalkanını taşıyan bir adam yürüyordu.
8Akamira, akadanidzira kuhondo dzavaIsiraeri, akati kwavari, Mabudireiko muchigadzira hondo yenyu? Ini handizi muFirisitia, nemwi varanda vaSauro here? imwi muzvitsaurire murume, aburukire kuno kwandiri.
8Golyat durup İsrail ordusuna, ‹‹Neden savaş düzeni aldınız?›› diye haykırdı, ‹‹Ben Filistliyim, sizse Saulun kölelerisiniz. Aranızdan karşıma çıkacak birini seçin.
9Kana akagona kurwa neni, akandiuraya, isu tichava varanda venyu; asi kana ini ndikamukunda, ndikamuuraya, imwi muchava varanda vedu, muchatibatira.
9Dövüşte beni yenip öldürebilirse, biz sizin köleniz oluruz. Ama ben üstün gelip onu yok edebilirsem, siz bizim kölemiz olur, bize kulluk edersiniz.››
10MuFirisitia akati, Nhasi ndinoshoora hondo dzavaIsiraeri, ndipei munhu, tirwe.
10Filistli Golyat konuşmasını şöyle sürdürdü: ‹‹Bugün İsrail ordusuna meydan okuyorum! Benimle dövüşecek birini çıkarın karşıma!››
11Zvino Sauro navaIsiraeri vose vakati vachinzwa mashoko awa avaFirisitia, vakavhunduka, vakatya kwazvo.
11Filistlinin bu sözlerini duyunca, Saul da İsrailliler de çok korkup dehşet içinde kaldılar.
12Zvino Dhavhidhi wakange ari mwanakomana womuEfurata weBheterehemujudha, wainzi Jese; iye wakange ana vanakomana vasere, asi munhu uyu wakange ava mutana pamazuva aSauro, akwegura pakati pavarume.
12Davut Yahudanın Beytlehem Kentinden Efratlı İşay adında bir adamın oğluydu. İşayın sekiz oğlu vardı. Saulun krallığı döneminde İşayın yaşı oldukça ilerlemişti.
13Vanakomana vatatu vakuru vaJese vakanga vaenda naSauro kundorwa; zvino mazita avana vake vatatu, vakanga vaenda kundorwa, akanga ari, Eriabhu wedangwe, tevere Abhinadhabhu, wechitatu Shama.
13İşayın üç büyük oğlu Saulla birlikte savaşa katılmıştı. Savaşa giden en büyük oğlunun adı Eliav, ikincisinin adı Avinadav, üçüncüsünün adıysa Şammaydı.
14Dhavhidhi wakange ari muduku kuna vose; vaiva vatatu vakanga vaenda naSauro.
14Davut en küçükleriydi. Üç büyük oğul Saulun yanındaydı.
15Zvino Dhavhidhi waisienda kuna Sauro, achidzoka kuzofudza makwai ababa vake paBheterehemu.
15Davut ise babasının sürüsüne bakmak için Saulun yanından ayrılıp Beytleheme gider gelirdi.
16MuFirisitia waiswedera mangwana namadeko, akamirapo mazuva ana makumi mana.
16Filistli Golyat kırk gün boyunca sabah akşam ortaya çıkıp meydan okudu.
17Zvino Jese akati kuna Dhavhidhi mwanakomana wake, Chindopa vakuru vako efa imwe yezviyo izvi zvakakangwa, nezvingwa zvine gumi, ukurumidze kuzviisa kumisasa kuvakuru vako;
17Bir gün İşay, oğlu Davuta şöyle dedi: ‹‹Kardeşlerin için şu kavrulmuş bir efa buğdayla on somun ekmeği al, çabucak ordugaha, kardeşlerinin yanına git.
18asi mapundu awa omukaka wakafa ane gumi uise kumukuru wechuru chavo, ugotarira kuti vakuru vako vakadiniko, ndokutora kwavari chokuvonerapo.
18Şu on parça peyniri de birlik komutanına götür. Kardeşlerinin ne durumda olduğunu öğren ve iyi olduklarına ilişkin bir belirti getir.
19Zvino Sauro, naivo navarume vose vaIsiraeri vakanga vari pamupata weEra vachirwa navaFirisitia.
19Kardeşlerin Saul ve öbür İsraillilerle birlikte Ela Vadisinde Filistlilere karşı savaşıyorlar.››
20Dhavhidhi akamuka mangwanani, akasiya makwai ake kumufudzi, akatora nhumbi, akaenda kwaakanga arairwa naJese; akasvika pakanga pakarundwa ngoro, varwi vobuda vachiridza mhere kundorwa.
20Ertesi sabah Davut erkenden kalktı. Sürüyü bir çobana bıraktı. İşayın buyurduğu gibi erzağı alıp yola koyuldu. Ordugaha vardığı sırada askerler savaş naraları atarak savaş düzenine giriyorlardı.
21VaIsiraeri navaFirisitia vakazvigadzidzira kurwa, hondo dzakatarisana.
21İsraillilerle Filistliler karşı karşıya savaş düzeni almışlardı.
22Dhavhidhi akasiya nhumbi dzake pamaoko omutariri wenhumbi, akamhanyira kuhondo, akasvika akakwazisa vakuru vake.
22Davut getirdiklerini levazım görevlisine bırakıp cepheye koştu; kardeşlerinin yanına varıp onları selamladı.
23Zvino wakati achataura navo, iya mhare ikabuda kuhondo yavaFirisitia, iye muFirisitia weGati, wainzi Goriati, akataura mashoko aaisitaura, Dhavhidhi akaanzwa.
23Davut onlarla konuşurken, Gatlı Filistli, Golyat adındaki dövüşçü Filist cephesinden ileri çıkarak daha önce yaptığı gibi meydan okudu. Davut bunu duydu.
24Zvino varume vose vaIsiraeri vakati vachiona murume uyu, vakamutiza, vakatya kwazvo.
24İsrailliler Golyatı görünce büyük korkuyla önünden kaçıştılar.
25Varume vaIsiraeri vakati, Maona here murume uyo, wakwira? Zvirokwazvo wakwira kuzoshoora Isiraeri; munhu unomuuraya, mambo uchamufumisa nefuma zhinji, nokumupawo mwanasikana wake, nokusunungura imba yababa vake munaIsiraeri.
25Birbirlerine, ‹‹İsraile meydan okumak için ortaya çıkan şu adamı görüyorsunuz ya!›› diyorlardı, ‹‹Kral onu öldürene büyük bir armağanın yanısıra kızını da verecek. Babasının ailesini de İsraile vergi ödemekten muaf tutacak.››
26Zvino Dhavhidhi akataura navarume vakanga vamire naye, akati, Munhu, unouraya muFirisitia uyu, akabvisa kushoorwa kwavaIsiraeri uchapiweiko? nekuti muFirisitia uyu usinokudzingiswa ndianiko, unoshoora hondo dzaMwari mupenyu?
26Davut yanındakilere, ‹‹Bu Filistliyi öldürüp İsrailden bu utancı kaldıracak kişiye ne verilecek?›› diye sordu, ‹‹Bu sünnetsiz Filistli kim oluyor da yaşayan Tanrının ordusuna meydan okuyor?››
27Vanhu vakamupindura saizvozvo, vakati, Munhu, unomuuraya, uchapiwa chokuti nechokuti.
27Adamlar daha önce verilmiş olan söze göre Golyatı öldürecek kişiye neler verileceğini anlattılar.
28Zvino Eriabhu mukoma wake mukuru akanzwa achitaura navarume avo, Eriabhu akatsamwira Dhavhidhi, akati, Waburukireiko pano iwe? Makwai aya mashoma waasiya naniko murenje? Ndinoziva manyawi ako, nokuipa komoyo wako, nekuti waburuka kuzoona hondo.
28Ağabeyi Eliav Davutun adamlarla konuştuğunu duyunca öfkelendi. ‹‹Ne işin var burada?›› dedi, ‹‹Çöldeki üç beş koyunu kime bıraktın? Ne kadar kendini beğenmiş ve ne kadar kötü yürekli olduğunu biliyorum. Sadece savaşı görmeye geldin.››
29Dhavhidhi akati, Zvino ndadiniko hangu? Handina kungobvunza hangu here?
29Davut, ‹‹Ne yaptım ki?›› dedi, ‹‹Bir soru sordum, o kadar.››
30Akatendeukirazve kunomumwe, akataurazve saizvozvo; vanhu vakamupindurazve saizvozvo.
30Sonra başka birine dönüp aynı soruyu sordu. Adamlar öncekine benzer bir yanıt verdiler.
31Zvino vakati vanzwa mashoko akataurwa naDhavhidhi, vakaarondedzera kuna Sauro; akatuma munhu kuzomudana.
31Davutun söylediklerini duyanlar Saula ilettiler. Saul onu çağırttı.
32Dhavhidhi akati kuna Sauro, Ngakurege kuva nomunhu unopera moyo nokuda kwake; muranda wenyu uchaenda kundorwa nomuFirisitia uyo.
32Davut Saula, ‹‹Bu Filistli yüzünden kimse yılmasın! Ben kulun gidip onunla dövüşeceğim!›› dedi.
33Sauro akati kuna Dhavhidhi, Haungagoni kundorwa nomuFirisitia uyo, nekuti uchiri mukomana, asi iye murume murwi kubva pauduku hwake.
33Saul, ‹‹Sen bu Filistliyle dövüşemezsin›› dedi, ‹‹Çünkü daha gençsin, o ise gençliğinden beri savaşçıdır.››
34Dhavhidhi akati kuna Sauro, Muranda wenyu waifudza makwai ababa vake; zvino kana shumba ikasvika, kana bere, kuzotora gwayana paboka,
34Ama Davut, ‹‹Kulun babasının sürüsünü güder›› diye karşılık verdi, ‹‹Bir aslan ya da ayı gelip sürüden bir kuzu kaçırınca,
35ndaibuda, ndikaitevera, ndikaiuraya, ndikaiwira pamuromo wayo; kana ichinge ikandimukira, ndaibata ndebvu dzayo, ndokuibaya nokuiuraya.
35peşinden gidip ona saldırır, kuzuyu ağzından kurtarırım. Eğer aslan ya da ayı üzerime gelirse, boğazından tuttuğum gibi vurur öldürürüm.
36Muranda wenyu akazviuraya zvose, kunyangwe shumba kunyangwe bere; muFirisitia uyu usinokudzingiswa uchafanana nechimwe chazvo, nekuti wakashora hondo dzaMwari mupenyu.
36Kulun, aslan da ayı da öldürmüştür. Bu sünnetsiz Filistli de onlar gibi olacak. Çünkü yaşayan Tanrının ordusuna meydan okudu.
37Dhavhidhi akati, Jehovha wakandirwira pagumbo reshumba negumbo rebere, iye uchandirwirawo paruoko rwomuFirisitia uyu. Ipapo Sauro akati kuna Dhavhidhi, Enda hako, Jehovha uchava newe.
37Beni aslanın, ayının pençesinden kurtaran RAB, bu Filistlinin elinden de kurtaracaktır.›› Saul, ‹‹Öyleyse git, RAB seninle birlikte olsun›› dedi.
38Sauro akafukidza Dhavhidhi nguvo dzake, akadzika ngoani yendarira pamusoro wake, akamufukidza nguvo dzokurwa dzamabape endarira.
38Sonra kendi giysilerini Davuta verdi; başına tunç miğfer taktı, ona bir zırh giydirdi.
39Zvino Dhavhidhi akasungira munondo wake pamusoro penguvo dzake, akaidza kufamba; nekuti wakange asina kumboidza izvozvo. Dhavhidhi akati kuna Sauro, Handigoni kufamba nadzo, nekuti handina kumbodziidza. Dhavhidhi akadzibvisa.
39Davut giysilerinin üzerine kılıcını kuşanıp yürümeye çalıştı. Çünkü bu giysilere alışık değildi. Saula, ‹‹Bunlarla yürüyemiyorum›› dedi, ‹‹Çünkü alışık değilim.›› Sonra giysileri üzerinden çıkardı.
40Akabata tsvimbo muruoko rwake, akazvitsaurira hurungudo shanu parukova, akadziisa muhombodo yake yomufudzi, yaakanga anayo, imo munhava yake; chifuramabwe chake chakanga chiri muruoko rwake; akaswedera kumuFirisitia.
40Değneğini alıp dereden beş çakıl taşı seçti. Bunları çoban dağarcığının cebine koyduktan sonra sapanını alıp Filistli Golyata doğru ilerledi.
41MuFirisitia akauya, akaswedera kuna Dhavhidhi; munhu wakange akabata nhovo yake akamutungamirira.
41Filistli de, önünde kalkan taşıyıcısı, Davuta doğru ilerliyordu.
42Zvino muFirisitia wakati achitarira, akaona Dhavhidhi, akamuzvidza; nekuti wakange achiri mukomana hake, mutsvuku, ane chiso chakanaka.
42Davutu tepeden tırnağa süzdü. Kızıl saçlı, yakışıklı bir genç olduğu için onu küçümsedi.
43MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, Ndiri imbwa kanhi, zvaunouya kwandiri netsvimbo? MuFirisitia akatuka Dhavhidhi navamwari vake.
43‹‹Ben köpek miyim ki, üzerime değnekle geliyorsun?›› diyerek kendi ilahlarının adıyla Davutu lanetledi.
44MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, Uya kuno kwandiri, ndipe shiri dzokudenga nezvikara zvebundo nyama yako.
44‹‹Bana gelsene! Bedenini gökteki kuşlara ve kırdaki hayvanlara yem edeceğim!›› dedi.
45Ipapo Dhavhidhi akati kumuFirisitia, Iwe unouya kwandiri nomunondo, nepfumo, nemharu; asi ini ndinouya kwauri nezita raJehovha wehondo, Mwari wehondo dzavaIsiraeri, vaunoshoora.
45Davut, ‹‹Sen kılıçla, mızrakla, palayla üzerime geliyorsun›› diye karşılık verdi, ‹‹Bense meydan okuduğun İsrail ordusunun Tanrısı, Her Şeye Egemen RABbin adıyla senin üzerine geliyorum.
46Nhasi Jehovha uchakuisa muruoko rwangu; ndichakuuraya, ndichakugura musoro wako, ndichapa shiri dzokudenga nezvikara zvenyika zvitunha zvehondo dzavaFirisitia nhasi, kuti nyika yose izive kuti Mwari uripo pakati paIsiraeri.
46Bugün RAB seni elime teslim edecek. Seni vurup başını gövdenden ayıracağım. Bugün Filistli askerlerin leşlerini gökteki kuşlarla yerdeki hayvanlara yem edeceğim. Böylece bütün dünya İsrailde Tanrının var olduğunu anlayacak.
47Zvino kuti ungano iyo yose izive, kuti Jehovha haaponesi nomunondo kana nepfumo, nekuti kurwa ndokwaJehovha, iye uchakuisa mumaoko edu.
47Bütün bu topluluk RABbin kılıçla, mızrakla kurtarmadığını anlayacak. Çünkü savaş zaten RABbindir! O sizi elimize teslim edecek.››
48Zvino muFirisitia wakati achisimuka, achiuya kuzosangana naDhavhidhi, Dhavhidhi akakurumidza, akamhanyira kuhondo kuzosangana nomuFirisitia.
48Golyat saldırmak amacıyla Davuta doğru ilerledi. Davut da onunla dövüşmek üzere hemen Filist cephesine doğru koştu.
49Dhavhidhi akapinza ruoko rwake muhombodo yake, akabvisamo ibwe, akariposhera, akarova muFirisitia pahuma yake; ibwe rikanyura muhuma yake, iye akawira pasi nechiso.
49Elini dağarcığına sokup bir taş çıkardı, sapanla fırlattı. Taş Filistlinin alnına çarpıp saplandı. Filistli yüzükoyun yere düştü.
50Naizvozvo Dhavhidhi akakunda muFirisitia nechifuramabwe nebwe, akakunda muFirisitia, akamuuraya; asi kwakanga kusino munondo muruoko rwaDhavhidhi.
50Böylece Davut Filistli Golyatı sapan ve taşla yendi. Elinde kılıç olmaksızın onu yere serdi.
51Zvino Dhavhidhi akamhanya, akamira pamusoro pomuFirisitia, akatora munondo wake, akauvhomora pamuhara wawo, akamuuraya, akamugura musoro wake nawo. Zvino vaFirisitia vakati vachiona kuti mhare yavo yafa, vakatiza.
51Sonra koşup üzerine çıktı. Golyatın kılıcını tutup kınından çektiği gibi onu öldürdü ve başını kesti. Kahraman Golyatın öldüğünü gören Filistliler kaçtılar.
52Zvino varume vaIsiraeri navaJudha vakasimuka, vakadanidzira, vakatevera vaFirisitia kusvikira paGati napamusuwo weEkironi. Vakanga vakuvadzwa vavaFirisitia vakawira pasi panzira inoenda Shaaraimi, kusvikira paGati napaEkironi.
52İsraillilerle Yahudalılar kalkıp Gatınfı girişine ve Ekron kapılarına kadar nara atarak onları kovaladılar. Filistlilerin ölüleri Gata, Ekrona kadar Şaarayim yolunda yerlere serildi.
53Ipapo vana vaIsiraeri vakadzoka pakudzingirira vaFirisitia, vakapambara misasa yavo.
53Filistlileri kovaladıktan sonra geri dönen İsrailliler Filist ordugahını yağmaladılar.
54Dhavhidhi akatora musoro womuFirisitia, akauisa Jerusaremu, asi nguvo dzake dzokurwa nadzo wakadziisa mutende rake.
54Davut Filistli Golyatın başını alıp Yeruşalime götürdü, silahlarını da kendi çadırına koydu.
55Zvino Sauro wakati achiona Dhavhidhi achibuda kundorwa nomuFirisitia, akati kuna Abhineri, mukuru wehondo, Abhineri, mukomana uyo mwanakomana waaniko? Abhineri akati, Nomweya wenyu mupenyu, mambo handizivi.
55Saul, Davutun Golyatla dövüşmeye çıktığını görünce, ordu komutanı Avnere, ‹‹Ey Avner, kimin oğlu bu genç?›› diye sormuştu. Avner de, ‹‹Yaşamın hakkı için, ey kral, bilmiyorum›› diye yanıtlamıştı.
56Mambo akati, Bvunza zvakanaka kuti mukomana uyu mwanakomana waaniko.
56Kral Saul, ‹‹Bu gencin kimin oğlu olduğunu öğren›› diye buyurmuştu.
57Zvino pakudzoka kwaDhavhidhi pakuuraya muFirisitia Abhineri akamutora akamuisa pamberi paSauro, achakabata musoro womuFirisitia muruoko rwake.
57Davut Golyatı öldürüp ordugaha döner dönmez, Avner onu alıp Saula götürdü. Golyatın kesik başı Davutun elindeydi.
58Sauro akati kwaari, Ndiwe mwanakomana waaniko, iwe jaya? Dhavhidhi akapindura, akati, Ndiri mwanakomana womuranda wenyu Jese muBheterehemu.
58Saul, ‹‹Kimin oğlusun, delikanlı?›› diye sordu. Davut, ‹‹Kulun Beytlehemli İşay'ın oğluyum›› diye karşılık verdi.