Shona

Turkish

2 Chronicles

27

1Jotamu akatanga kubata ushe asvika makore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore ane gumi namatanhatu; zita ramai vake rakanga riri Jerusha mukunda waZadhoki.
1Yotam yirmi beş yaşında kral oldu ve Yeruşalimde on altı yıl krallık yaptı. Annesi Sadokun kızı Yeruşaydı.
2Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, akaita zvose zvakaitwa nababa vake Uziya; asi haana kupinda mutemberi yaJehovha. Vanhu vakaramba vachiita zvakashata.
2Babası Uzziya gibi, Yotam da RABbin gözünde doğru olanı yaptı. Ancak RABbin Tapınağına girmedi. Ne var ki, halk kötülük yapmayı sürdürmekteydi.
3Akavaka suwo rokumusoro reimba yaJehovha, akavakawo zvizhinji pamusoro porusvingo rweOferi.
3Yotam RABbin Tapınağının Yukarı Kapısını onardı. Ofel Tepesindeki surun üzerinde de birçok iş yaptı.
4Wakavakawo maguta panyika yamakomo yaJudha, uye akavaka nhare neshongwe mumatondo.
4Yahudanın dağlık bölgesinde kentler, ormanlık tepelerinde kaleler ve kuleler kurdu.
5Akarwawo namambo wavana vaAmoni, akavakunda. Negore iro vana vaAmoni vakamupa matarenda* esirivha ane zana, nezviyero zvezviyo zvine zviuru zvine gumi, nezviyero zvebhari zvine zviuru zvine gumi. Vana vaAmoni vakamupa zvizhinji zvakadai pagore rechipiri, negore rechitatuwo.
5Ammon Kralıyla savaşarak Ammonluları yendi. Ammonlular o yıl için kendisine yüz talant gümüş, on bin kor buğday, on bin kor arpa verdiler. İkinci ve üçüncü yıllar için de aynı miktarı ödediler.
6Naizvozvo Jotamu akasimba, nekuti akagadzira nzira dzake pamberi paJehovha Mwari wake.
6Tanrısı RABbin önünde kararlı bir şekilde yürüyen Yotam giderek güçlendi.
7Zvino mamwe mabasa aJotamu, nokurwa kwake kose netsika dzake, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamadzimambo aIsiraeri naaJudha.
7Yotamın yaptığı öbür işler, bütün savaşları ve uygulamaları, İsrail ve Yahuda krallarının tarihinde yazılıdır.
8Akatanga kubata ushe asvika makore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore gumi namatanhatu.
8Yotam yirmi beş yaşında kral oldu ve Yeruşalimde on altı yıl krallık yaptı.
9Jotamu akavata namadzibaba ake; vakamuviga muguta raDhavhidhi; Ahazi mwanakomana wake akamutevera paushe.
9Yotam ölüp atalarına kavuşunca, onu Davut Kenti'nde gömdüler. Yerine oğlu Ahaz kral oldu.